Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungada Kurarama Nokusingaperi Here?

Ungada Kurarama Nokusingaperi Here?

Ungada Kurarama Nokusingaperi Here?

“HANDITYI kufa ini,” akadaro mumwe mukadzi akwegura wokuJapan. “Asi zvinondishungurudza kuti ndichafanira kusiya maruva aya.” Mushumiri wechiKristu ainge ashanyira musha wake akanzwisisa zvaaireva, nokuti mukadzi wacho aiva nebindu rakanaka chaizvo. Vazhinji vanoti havatyi kufa vanonakidzwa nezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa uye chaizvoizvo vangatonzwa vachida kurarama nokusingaperi.

Kurarama nokusingaperi? Vazhinji vangaramba pfungwa yakadaro. Vamwe vangatoti havana shungu nokurarama nokusingaperi. Nei munhu anganzwa nenzira iyoyo?

Kurarama Nokusingaperi—Kunofinha Here?

Vamwe vanofunga kuti zvaizofinha kuti munhu ararame nokusingaperi. Vangataura nezvoupenyu husinganakidzi hwevanhu vakawanda vakarega basa, vasina zvizhinji zvokuita, vanongoswera vakagara vachiona terevhizheni. Kana uchinzwa saizvozvo, chimbofunga zvakataurwa naRobert Jastrow, mazvikokota wenyeredzi, paakabvunzwa kana upenyu husingaperi hwaizova chikomborero kana kuti kutukwa. Jastrow akapindura kuti: “Hwaizova chikomborero kuna vaya vane ndangariro dzinoda kuzivurura uye vane havi isingaperi yokudzidza. Pfungwa yokuti vacharamba vachingosveta zivo yaizovafadza chaizvo. Asi kuna vaya vanofunga kuti vakatodzidza zvose zvinofanira kudzidzwa uye vane pfungwa dzakavharika, hwaizova kutukwa kunotyisa. Vaizoshaya chokuitisa nguva yavo.”

Kuti waizowana kurarama nokusingaperi kuchifinha kana kuti kwete zvaizoenderana nemafungiro ako. Kana uine ‘ndangariro inoda kuzivurura uye havi isingaperi yokudzidza,’ funga kuti ungadzidza chii mune zvounyanzvi hwokunyora mifananidzo, kuimba, kuvaka, kurima, kana kuti chero chaungafunga kuti ndicho chinokufadza. Kurarama nokusingaperi pasi pano kwaizokupa tarisiro inofadza yokuita zvose zvaunokwanisa pazvinhu zvaunofarira.

Kukwanisa kuda uye kudiwa nokusingaperi zvaizoita kuti upenyu husingaperi hugutse. Tinozvarwa tiine simba rokuratidza rudo, uye tinofara kana tichinzwa kuti tinodiwa. Kudanana chaikoiko kunoita kuti ugutsikane—kugutsikana kusingaperi nokufamba kwenguva. Kurarama nokusingaperi kwaizopa mukana usingaperi wokuti tisangowedzere kuda vamwe vanhu chete asiwo zvikurukuru Mwari. “Kana munhu achida Mwari,” akadaro muapostora Pauro, “iyeyu anozivikanwa naye.” (1 VaKorinde 8:3) Kutarisira izvozvo kunofadza chaizvo—kuziva uye kuzivikanwa naChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa! Uyezve, kudzidza nezvoMusiki wedu ane rudo hakugumi. Saka, upenyu husingaperi hungazova hunofinha nohusinganakidzi pakudini?

Upenyu—Hunokosha Uye Hupfupi

Vamwe vanofunga kuti kupfupika kwoupenyu ndiko kunoita kuti hukoshe. Vangafananidza upenyu negoridhe, rinongowanika riri shoma. Vanoti kudai goridhe raingowanika pose pose, ringadai risinganyanyi kukosha. Kunyange zvakadaro, goridhe raizongova rakanaka. Chokwadi izvozvo ndozvakaitawo upenyu.

Tingaenzanisa kuva noupenyu husingaperi nokuva nemhepo yakawanda. Vanofamba nengarava yepasi pemvura isiri kushanda zvakanaka vangaona mhepo sechinhu chinotokosha chaizvo. Pashure pokunge vanunurwa, unofunga kuti vanganyunyuta vachiratidza kusaonga vachiti mhepo yawandisa here? Kana!

Sevanhu vanofamba nengarava ivavo, tinogona kununurwa tobva tatotarisira kurarama nokusingaperi. “Mubayiro unoripa chivi rufu,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Achishandisa chibayiro chokutidzikinura chaJesu, Mwari achabvisa kusakwana kwevanhu norufu, opa vanhu vanoteerera chipo choupenyu husingaperi. Tinofanira kufara sei nourongwa hworudo hwakadaro!

Zvakadini Nevadiwa Vako?

Vamwe vanhu vangafunga kuti: ‘Ko vadiwa vangu? Upenyu husingaperi pasi pano hahungandinakidzi kana vasipo.’ Zvimwe wakawana zivo yeBhaibheri uye wakadzidza nezvomukana wokurarama nokusingaperi pasi pano muparadhiso. (Ruka 23:43; Johani 3:16; 17:3) Sezvinongoita munhu wose, unoda kuti nhengo dzemhuri yako dzapedyo, nevamwe vaunodawo, uye shamwari dzaunoda kuti dzizovapowo, dzizonakidzwawo sezvauri kutarisira munyika itsva yakarurama yakapikirwa naMwari.—2 Petro 3:13.

Asi zvakadini kana shamwari dzako nevadiwa vako vari kuratidza kuti havafariri kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano? Izvozvo ngazvirege kukuodza mwoyo. Ramba uchiwana zivo yakarurama yeMagwaro, woita zvinoenderana nayo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?” (1 VaKorinde 7:16, Bhaibheri Mundimi yeUnion Shona) Vanhu vanogona kuchinja. Somuenzaniso, mumwe murume aimboshora chiKristu akachinja akazova murume mukuru muungano yechiKristu. Murume wacho anoti: “Ndinoonga chaizvo kuti mhuri yangu yakaramba ichitsigira chokwadi cheBhaibheri panguva yose yandaiishora.”

Mwari ane hanya chaizvo noupenyu hwako noupenyu hwavadiwa vako. Kutaura zvazviri, “Jehovha . . . hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Jehovha Mwari anoda kuti iwe nevadiwa vako murarame nokusingaperi. Rudo rwake runopfuura rwevanhu vasina kukwana. (Isaya 49:15) Saka wadii kutora matanho okuti uve noukama hwakanaka naMwari? Zvadaro ungakwanisa kubatsira vadiwa vako kuti vaitewo izvozvo. Kunyange zvazvo iye zvino vasina tariro yokurarama nokusingaperi, mafungiro avo angachinja pavanokuona uchiita zvinoenderana nezivo yakarurama yeBhaibheri.

Zvakadini nevadiwa vangave vakafa? Bhaibheri rinopa tariro inoshamisa yorumuko kumamiriyoni evakafa—yokumukira muParadhiso yepasi pano. Jesu Kristu akapikira kuti: ‘Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva ekurangaridza vachabuda.’ (Johani 5:28, 29) Kunyange vaya vakafa vasingazivi Mwari vachamutswa, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Chokwadi zvichafadza chaizvo kugamuchira vakadaro pavanenge vachimuka!

Upenyu Husingaperi—Tarisiro Inofadza

Kana uchigona kuwana mufaro nokugutsikana iye zvino pasinei zvapo nenhamo dzose dziri munyika ino, zvechokwadi uchakwanisa kunakidzwa noupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Zvisinei, mumwe weZvapupu zvaJehovha paakataura zvikomborero zvichaunzwa nokurarama nokusingaperi, mumwe mukadzi akati: “Handidi kurarama nokusingaperi. Upenyu huno hwemakore 70 kana kuti 80 hwakandikwanira.” Mumwe mukuru wechiKristu akanga aripowo akamubvunza kuti: “Wakambofunga here kuti vana vako vaizonzwa sei kudai waizofa?” Misodzi yakaerera pamatama ake paakafunga nezvokurwadziwa kwavaizoita pakurasikirwa naamai vavo. “Kokutanga, ndakaziva kuti ndakanga ndiri kuva noudyire sei,” anobvuma kudaro, “uye ndaigona kuona kuti upenyu husingaperi haisi tariro youdyire asi kuti inobatanidzawo kuraramira vamwe.”

Vamwe vangati hazvina basa kurarama kana kufa kwavo hakuna basa nevamwe. Asi Mupi Woupenyu ane basa nazvo, iye anoti: “Noupenyu hwangu, . . . handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake.” (Ezekieri 33:11) Saka kana Mwari aine hanya zvakadaro noupenyu kunyange hwomunhu akaipa, chokwadi ane hanya chaizvo nevaya vanomuda.

Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare aivimba nokutarisira kworudo kwaJehovha. Dhavhidhi akamboti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Dhavhidhi aiva nechokwadi chokuti vabereki vake vaimuda. Asi kunyange kana vabereki vake—hama dzapedyo zvikuru pavanhu vose—vaizomusiya, aiziva kuti Mwari aisazomusiya. Nokuti Jehovha anotida uye ane hanya nesu, anotipa upenyu husingaperi uye anoda kuti tive noushamwari husingagumi naye. (Jakobho 2:23) Hatifaniri here kugamuchira zvipo izvi zvinoshamisa tichionga?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuda Mwari nevavakidzani kuchaita kuti tiraramire zviripo nokusingaperi