Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vangararama Nguva Yakareba Sei?

Vanhu Vangararama Nguva Yakareba Sei?

Vanhu Vangararama Nguva Yakareba Sei?

MUSI waMarch 3, 1513, mumwe mutsvakurudzi wokuongorora nzvimbo dzakasiyana-siyana anonzi Juan Ponce de León akatanga rumwe rwendo runoshamisa. Akabva kuPuerto Rico nechikepe achitarisira kusvika kuchitsuwa cheBimini. Vanotaura vanoti aitsvaka chimwe chitubu chinoshamisa—Chitubu Choupwere. Asi akapedzisira asvika mune yava kunzi Florida kuU.S.A. Hapana mubvunzo kuti haana kumbowana chitubu ichi, chakagara chisipo.

Nhasi, vanhu havawanzorarami makore anopfuura 70 kana kuti 80. Kunyange zvazvo Bhaibheri richidonongodza vanhu vakararama makore akawanda chaizvo, 2002 Guinness Book of World Records rinoti munhu akararama kupfuura vamwe vanhu vose akaita makore 122 nemazuva 164. (Genesi 5:3-32) Zvisinei, John Harris, nyanzvi yetsika nemitemo yezvokurapa, akati: “Kutsvakurudza kutsva kuri kuitwa iye zvino kunopa tariro—tariro yenyika ingangozova isina kuchembera—kana kuti kufa.” Vatsvakurudzi vanoverengeka vomuzana remakore rechi21 vanotaura nezvo“kusatombofa,” “panozosvika 2099 vanhu vanenge vasingachafi,” “kukwanisa kuva nemasero akawanda asingafi,” nezvimwe zvakangoda kuita saizvozvowo.

Mark Benecke, mubhuku rake rinonzi The Dream of Eternal Life anoti: “Unenge muviri wose zvawo unoitwa mutsva kakawanda munhu paanenge ari mupenyu. . . . Pashure pemakore anenge manomwe, tinenge tatova vatsva, kuva munhu mutsva chaiye.” Asi izvi hazvirambi zvichiitika nokuti masero haazorambi achiwanda pashure pokukamukana kwakafanorongwa. Zvisinei, kudai zvisina kudaro, Benecke anoti, “muviri womunhu waigona kuramba uchizviita mutsva kwenguva yakareba chaizvo—kunyange nokusingaperi.”

Chimbofunga nezvesimba rinoshamisa rouropi hwomunhu, rinopfuura nokure chero kushandisa kupi kwatingahuita munguva youpenyu hwedu hupfupi. Maererano neEncyclopædia Britannica, uropi hwomunhu “hwakapiwa simba rakatowanda kupfuura rinoshandiswa muupenyu hwose hwomunhu.” (Vhoriyamu 12, ya1976, peji 998) Bhuku rakanyorwa naDavid A. Sousa rinonzi How the Brain Learns, rinoti: “Simba rouropi pakuchengeta mashoko chero pachinhu chipi zvacho harigumi.”—Peji 78, Second Edition, copyright 2001.

Neiko vatsvakurudzi vasiri kuwana chikonzero nei tichifa? Uye neiko uropi hwomunhu huine simba rakakura kudaro? Zvinobvira here kuti takasikirwa kuramba tichidzidza nokusingaperi? Neiko tichitombokwanisa kufunga nezvoupenyu husingaperi?

Bhaibheri rinoti: “[Mwari] wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:11) Mashoko aya anoratidza kuti Mwari akatipa pfungwa yokurarama nokusingaperi. Nechikonzero ichocho, taizongoramba tiine chimwe chinhu chokudzidza nezvaMwari uye nezvemabasa ake. Kudai taizorarama kwemabhiriyoni emakore asingaverengeki—chokwadi nokusingaperi—taizongoramba tichikwanisa kudzidza zvakawanda nezvemabasa aMwari okusika anoshamisa.

Mashoko aJesu Kristu anoratidzawo kuti zvinobvira kuti munhu ararame nokusingaperi. Akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Ko iwe? Unoda kurarama nokusingaperi here?

[Mifananidzo iri papeji 3]

Juan Ponce de León akatsvaka chitubu choupwere

[Kwazvakatorwa]

Ponce de León: Harper’s Encyclopædia of United States History