Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro

Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro

Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro

“Waini mudadi, doro mupopoti; ani naani unobatwa nazvo, haana kuchenjera.”—ZVIREVO 20:1.

1. Munyori wepisarema akaratidza sei kuonga kwaaiita zvimwe zvipo zvakanaka zvinobva kuna Jehovha?

“ZVIPO zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 1:17) Akurudzirwa nokuonga zvipo zvakanaka zvakawanda zvaMwari, munyori wepisarema akaimba kuti: “Unomeresa uswa hwezvipfuwo, nemiriwo, inobatsira vanhu; kuti abudise zvokudya pasi; newaini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anobwinyisa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:14, 15) Waini nezvimwe zvinwiwa zvinodhaka, kufanana nouswa, chingwa, uye mafuta, zvipo zvakanaka zvinobva kuna Mwari. Tinofanira kuzvishandisa sei?

2. Mibvunzo ipi yatichakurukura ine chokuita nokunwa doro?

2 Chipo chinofadza chakanaka bedzi kana chikashandiswa zvakanaka. Somuenzaniso, uchi “hwakanaka,” asi “hazvina kunaka kudya uchi huzhinji.” (Zvirevo 24:13; 25:27) Kunyange zvazvo kunwa “waini shoma” kungava kwakanaka, kunwa zvisina kufanira doro idambudziko rakakomba. (1 Timoti 5:23) “Waini mudadi,” rinonyevera kudaro Bhaibheri, “doro mupopoti; ani naani [“anotsauswa nazvo,” NW] haana kuchenjera.” (Zvirevo 20:1) Kunyange zvakadaro, zvinorevei kutsauswa nedoro? * Munhu anganzi anyanyisa kunwa kana zvaita sei? Ndeapi maonero akanaka panyaya iyi?

‘Kutsauswa’ Nedoro—Sei?

3, 4. (a) Chii chinoratidza kuti kunwa zvokusvika pakudhakwa kunoshorwa muBhaibheri? b) Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvokudhakwa?

3 MuIsraeri yekare, mwanakomana airuta uye aiva chidhakwa aifanira kutemwa nematombo kusvikira afa. (Dheuteronomio 21:18-21) Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana mutuki kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.” Zviri pachena kuti kunwa kusvika pakudhakwa kunoshorwa muMagwaro.—1 VaKorinde 5:11; 6:9, 10.

4 Richirondedzera zviratidzo zvokudhakwa, Bhaibheri rinoti: “Usatarira waini kana yakatsvuka, kana ichivaima mumukombe, kana ichitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, inobaya semvumbi. Meso ako achaona zvisingazikanwi, mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama.” (Zvirevo 23:31-33) Kunwisa kunoruma senyoka ine uturu, kuchikonzera chirwere, kuvhiringidzika pfungwa, kunyange kutadza kuziva. Chidhakwa chingaona “zvisingazivikanwi” mukuti chingaona zvinhu zvisipo kana zvokufungidzira. Chingatadzawo kuzvidzora kuti chirege kutaura pfungwa dzakashata nezvido zvachisinganyanyi kutaura.

5. Kunwa doro zvisina kufanira kunokuvadza munzirai?

5 Zvakadini kana mumwe munhu achinwa doro zvakanyanyisa asi achingwarira kusanwa zvokusvika pakudhakwa zvinooneka? Vamwe vanhu havanyanyi kuoneka kuti vadhakwa kunyange vanwa mabhodhoro anoverengeka edoro. Zvisinei, kufunga kuti muitiro wakadaro haukuvadzi kuzvinyengera. (Jeremia 17:9) Zvishoma nezvishoma, munhu akadaro angazotadza kurarama asingawani doro ova ‘muranda wewaini.’ (Tito 2:3) Nezvezvinoita kuti munhu asvike pakuva chiradza, mumwe munyori anonzi Caroline Knapp anoti: “Zvinoitika zvishoma nezvishoma, zvisingaoneki.” Kunwa doro zvakanyanyisa chokwadi musungo unouraya!

6. Nei munhu achifanira kudzivisa kunwa doro uye kudya zvakanyanyisa?

6 Fungawo nezvenyevero yaJesu yokuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva. Nokuti richauya pana avo vose vanogara pamusoro pepasi rose.” (Ruka 21:34, 35) Kunwa hakufaniri hako kusvika padanho rokuti munhu adhakwe kusati kwaita kuti munhu anete uye ave simbe—mumuviri uyewo pakunamata. Zvakadini kana zuva raJehovha rikamusvikira akadaro?

Zvingakonzerwa Nokunwa Doro Zvisina Kufanira

7. Nei kunwa doro zvisina kufanira kuchipesana nomurayiro unotaurwa pana 2 VaKorinde 7:1?

7 Kunwa doro zvisina mwero kunotungamirira munhu kunjodzi dzakawanda—mumuviri nepakunamata. Zvimwe zvirwere zvinokonzerwa nokunwa doro zvisina kufanira ndeizvi, chirwere chechitaka, hepatitis yedoro, uye zvirwere zvouropi zvakadai sokumborasika pfungwa uye kubvunda. Kunwa doro zvisina kufanira kwenguva refu kungakonzera kenza, chirwere cheshuga, uye zvimwe zvirwere zvomwoyo uye zvomudumbu. Zviri pachena kuti kunwa doro zvisina kufanira hakuwirirani nomurayiro weMagwaro unoti: “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.”—2 VaKorinde 7:1.

8. Maererano naZvirevo 23:20, 21, kunwa doro zvisina kufanira kunogona kukonzerei?

8 Kunwa doro zvisina kufanira kungapedzawo mari, kunyange kuita kuti munhu arasikirwe nebasa. Mambo weIsraeri yekare, Soromoni, akanyevera kuti: “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama.” Nei? Akatsanangura kuti: “Nokuti munwi nounamadyo vachava varombo; hope dzichapfekedza munhu mamvemve.”—Zvirevo 23:20, 21.

9. Nei kuri kuchenjera kuti munhu asanwa doro kana achizotyaira motokari?

9 Ichitaurazve nezveimwe ngozi iripo, The Encyclopedia of Alcoholism inoti: “Zvakaongororwa zvinoratidza kuti doro rinoita kuti unyanzvi hwokutyaira huderere, kusanganisira nguva yokuita chiito, kukanganisa kushandira pamwe kwenhengo dzomuviri, kufunga, kuona uye kusarudza.” Migumisiro yokutyaira wambonwa inoparadza. MuUnited States bedzi, makumi ezviuru anofa uye mazana ezviuru anokuvadzwa gore negore mutsaona dzinokonzerwa nokunwa doro. Vaduku ndivo vanonyanya kusangana nengozi iyi, avo vanenge vaine ruzivo rushoma rwokutyaira uyewo mukunwa. Munhu angakwanisa here kutyaira iye anwa mabhodhoro edoro akawanda uye panguva imwe chete achiti anoremekedza upenyu sechipo chinobva kuna Jehovha Mwari? (Pisarema 36:9) Tichifunga nezvokuti upenyu hutsvene, zvakanaka chaizvo kuti munhu asanwa doro zvachose paanenge achifanira kutyaira.

10. Doro rinogona kukanganisa pfungwa dzedu sei, uye nei izvozvo zvine ngozi?

10 Kunwa zvisina mwero kunokuvadza vanhu kwete mumuviri chete asiwo mune zvokunamata. “Waini newaini itsva zvinobvisa njere,” rinodaro Bhaibheri. (Hosea 4:11) Doro rinokanganisa pfungwa. “Kana mumwe munhu anwa doro,” rinotsanangura kudaro rimwe bhuku rakanyorwa neU.S. National Institute on Drug Abuse, “doro racho rinopinda mudumbu roenda mutsinga dzeropa robva rasvika kuuropi nenguva isipi. Rinotanga kunetesa zvikamu zvouropi zvinodzora kufunga nemanzwiro. Munhu wacho anonzwa asinganyanyi kukwanisa kuzvidzora, akasununguka chaizvo.” Takadaro, zvingangoita kuti ‘titsauke,’ tiite zvinhu zvisina kukodzera, uye tizviise mumiedzo yakawanda.—Zvirevo 20:1.

11, 12. Zvii zvinogona kuitika mune zvokunamata zvakonzerwa nokunwa doro zvisina mwero?

11 Uyezve, Bhaibheri rinorayira kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.” (1 VaKorinde 10:31) Kunwa doro rakawanda kunombofa kwakapa mbiri kuna Mwari here? Chokwadi muKristu angada kuti asave nomukurumbira wokunzi anonwisa. Mukurumbira wakadaro unozvidzisa, uye haupi mbiri zita raJehovha.

12 Zvakadini kana kutadza kuzvidzora pakunwa kwomumwe muKristu kwakagumbura mumwe munamati, zvichida mudzidzi mutsva? (VaRoma 14:21) “Munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda mandiri,” akanyevera kudaro Jesu, “zvakanaka zvikuru kuti guyo rakadai serinotenderedzwa nembongoro risungirirwe mumutsipa make uye anyudzwe mugungwa rakadzika, rakafara.” (Mateu 18:6) Kunwisa kunogonawo kuita kuti munhu arasikirwe neropafadzo muungano. (1 Timoti 3:1-3, 8) Chisingafaniri kurerutswa kukuvadzwa kunoitwa mhuri nokunwa doro zvisina kufanira.

Nzvenga Ngozi Dzacho—Sei?

13. Chii chinokosha kuti usanwa doro zvisina kufanira?

13 Chinhu chinokosha kuti munhu anzvenge ngozi yokunwa doro zvisina kufanira kuziva pokugumira, kwete kungoziva chinonzi kunwa zvakanyanyisa uye kudhakwa, asi kuziva chinonzi kunwa zvine mwero nokunyanyisa. Ndiani angakuudza pokugumira? Sezvo pachisanganisira zvakawanda, hapana mutemo chaiwo wokuti aya ndiwo mabhodhoro edoro akawandisa. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuziva paanofanira kugumira osapfuura ipapo. Chii chichakubatsira kuti uzive kuti idoro rakawanda zvakadini rakakuwandira? Pane nhungamiro inogona kukutungamirira here?

14. Inhungamiro ipi ichakubatsira kuziva chinonzi kuva nomwero uye kunwa zvakanyanyisa?

14 Bhaibheri rinoti: “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; noukomba pamutsipa wako.” (Zvirevo 3:21, 22) Saka nhungamiro yokutevera ndeiyi: Chero uwandu hupi nohupi hwedoro hunokanganisa kufunga kwako uye hunoderedza mano ako okufunga hunenge hwakakuwandira. Asi unofanira kuva akavimbika kwauri pachako kuti uzive paunofanira kugumira!

15. Ndirini apo kunyange bhodhoro rimwe chete chairo redoro ringava rakanyanyisa?

15 Pane dzimwe nguva, bhodhoro rimwe chete chairo ringava rakatonyanyisa kwauri. Achifunga nezvokukanganisa kwarinoita mwana anenge achiri mudumbu, mukadzi ane pamuviri angasarudza kusatombonwa doro. Uye haungavi mutsa here kusanwa pamberi pomunhu aimbova nedambudziko rokuraradza kana ane hana inoti kunwa kwakaipa? Jehovha akarayira vaya vaiita mabasa oupristi patebhenekeri kuti: “Usanwa waini kana chinhu chinobata . . . kana muchipinda mutende rokusongana, kuti murege kufa.” (Revhitiko 10:8, 9) Naizvozvo, usanwa doro wava kuda kupinda misangano yechiKristu, paunenge wava kupinda muushumiri, uye paunenge uchiita mamwe mabasa ane chokuita nokunamata. Uyezve, munyika dziya dzinorambidza kunwa doro kana kuti dzinobvumira vanenge vadarika rimwe zera, mitemo yomunyika imomo inofanira kuteererwa.—VaRoma 13:1.

16. Unofanira kusarudza sei zvokuita kana waisirwa doro pamberi pako?

16 Kana ukapiwa doro kana kuti rikaiswa pamberi pako, mubvunzo waunofanira kutanga kubvunza ndowokuti: ‘Ndinofanira kunwa here?’ Kana ukasarudza kunwa, ziva zvakajeka mupfungwa dzako paunofanira kugumira, uye usadarika ipapo. Usabvumira kukanganiswa nomugamuchiri ane rupo. Uye ngwarira panogoverwa doro rakawandisa pazviitiko zvakaita semitambo yemichato. Munzvimbo dzakawanda, vana vanobvumirwa nomutemo kuti vawane doro. Ibasa revabereki kurayiridza vana vavo maererano nokunwiwa kwedoro uye kugara vachitarisa zvavanoita panyaya iyi.—Zvirevo 22:6.

Unogona Kukunda Dambudziko Racho

17. Chii chingakubatsira kuti uzive kana uine dambudziko rokunwa doro zvisina kufanira?

17 Kunwa waini uye doro idambudziko rako here? Iva nechokwadi chokuti kana kunwa doro zvisina kufanira kuri kuva chivi chepachivande, kuchakukanganisa iye zvino kana kuti gare gare. Saka nyatsozviongorora nokuvimbika. Zvibvunze mibvunzo iyi yokuzviongorora: ‘Ndinonwa kakawanda kudarika zvandaimboita here? Doro rangu rava kunyanya kudhaka here kupfuura randainwa kare? Ndinonwa doro kuti nditize kufunganya, kushushikana, kana zvinetso here? Mumwe womumhuri kana kuti shamwari akaratidza kunetseka here nemanwiro angu? Kunwa kwangu kwakakonzera zvinetso here mumhuri yangu? Ndinowana zvakaoma here kusanwa doro kwevhiki imwe, mwedzi, kana kuti mwedzi inoverengeka? Ndinovanzira vamwe here uwandu hwewaini kana doro zvandinonwa?’ Zvakadini kana mhinduro yako kune mimwe yemibvunzo iyi iri hungu? Usafanana nomunhu ‘anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi uye pakarepo anokanganwa kuti iye munhu worudzii.’ (Jakobho 1:22-24) Tora matanho kuti ugadzirise dambudziko racho. Ungaitei?

18, 19. Ungarega sei kunwa doro zvisina mwero?

18 Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Musadhakwa newaini, umo mune zvakaipa, asi rambai muchizadzwa nomudzimu.” (VaEfeso 5:18) Ziva uwandu hwedoro husina kukukodzera uye iva nepaunogumira. Tsunga kusapfuura ipapo; zvidzore. (VaGaratiya 5:22, 23) Une shamwari dzinokumanikidza kunwisa here? Chenjera. “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo,” rinodaro Bhaibheri, “asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

19 Kana uchinwa doro kuti unzvenge rimwe dambudziko, gadzirisa dambudziko racho usina kudhakwa. Matambudziko anogona kugadziriswa nokushandisa zano rinobva muShoko raMwari. (Pisarema 119:105) Usazeza kutsvaka rubatsiro kumukuru wechiKristu anogona kuvimbwa naye. Shandisa zvakanaka urongwa hwaJehovha kuti uzvivake mune zvokunamata. Simbisa ukama hwako naMwari. Nyengetera kwaari nguva dzose—zvikurukuru nezvedambudziko rako. Teterera Mwari kuti ‘anatse itsvo dzako nemwoyo wako.’ (Pisarema 26:2) Sezvakakurukurwa munyaya yapfuura, ita nepaunogona napo kuti ufambe munzira yokuvimbika.

20. Zvii zvaungafanira kuita kuti ukunde dambudziko rokunwa doro zvisina kufanira?

20 Zvakadini kana dambudziko racho rokunwisa rikaramba richienderera mberi pasinei nezvaunenge waedza kuita? Unofanira kubva watevera zano raJesu rokuti: “Kana zvikaitika chete kuti ruoko rwako rukugumbure, rugure; zvakanaka kwazvo kuti upinde muupenyu wakaremara pane kuti upinde muGehena.” (Mako 9:43) Mhinduro ndeyokuti: Rega zvachose kunwa kwacho. Mumwe mukadzi watichati Irene ndizvo zvaakasarudza kuita. “Pashure pemakore anoda kusvika maviri nehafu ndisinganwi,” anodaro, “ndakatanga kufunga kuti bhodhoro rimwe chete ringava rakanaka, kuti ndingoona kuti ndinoita sei. Asi paminiti yandinongofunga izvozvo, ndinobva ndakurumidza kunyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho. Ndakatsunga kusambonwa doro kusvikira munyika itsva—ndokana ndichizonwa kunyange imomo.” Kurega zvachose hakungavi mubayiro mukuru ungadarika upenyu munyika itsva yaMwari yakarurama.—2 Petro 3:13.

“Mhanyai Nenzira Yokuti Muuwane”

21, 22. Chipingamupinyi chipi chinogona kutitadzisa kusvika pamugumo chaipo munhangemutange youpenyu, uye tinogona kuchinzvenga sei?

21 Achifananidza upenyu hwomuKristu nenhangemutange, kana kuti makwikwi, muapostora Pauro akati: “Hamuzivi here kuti vamhanyi munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe bedzi anogamuchira mubayiro? Mhanyai nenzira yokuti muuwane. Zvakare, munhu wose anotora rutivi mumakwikwi anoshandisa kuzvidzora muzvinhu zvose. Zvino ivo, zvechokwadi, vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu isingaori. Naizvozvo, mamhanyire andiri kuita haasi asina chokwadi; makandire andiri kuita zvibhakera ndookuti ndisarove mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda, kuti, kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi munzira yakati.”—1 VaKorinde 9:24-27.

22 Mubayiro wacho unogona kupiwa bedzi vaya vanobudirira kupedza nhangemutange yacho. Munhangemutange youpenyu, kunwa doro zvisina kufanira kunogona kutitadzisa kusvika pamugumo chaipo. Tinofanira kuzvidzora. Kuti timhanye nechivimbo zvinoda kuti tisa“nyanyisa pawaini.” (1 Petro 4:3) Kusiyana neizvi, tinoda kuzvidzora muzvinhu zvose. Kana zviri zvokunwa doro, kuchenjera “kuramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye kurarama nokunaka kwepfungwa nokururama nokuzvipira kuna Mwari.”—Tito 2:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Sokushandiswa kuri kuitwa shoko iri munyaya ino, “doro” rinosanganisira waini, nezvimwe zvinwiwa zvinodhaka.

Unoyeuka Here?

• Chii chinonzi kunwa doro zvisina kufanira?

• Migumisiro ipi inokuvadza yokunwa doro zvisina kufanira?

• Unganzvenga sei ngozi dzokunwa doro zvisina kufanira?

• Munhu angakunda sei dambudziko rokunwa doro zvisina kufanira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 19]

Waini “inofadza mwoyo womunhu”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Tinofanira kuziva patinofanira kugumira torega kupfuura ipapo

[Mufananidzo uri papeji 21]

Sarudza pachine nguva paunofanira kugumira

[Mufananidzo uri papeji 22]

Nyengetera kuna Jehovha nguva dzose nezvedambudziko rako

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vabereki vane basa rokurayiridza vana vavo maererano nokunwiwa kwedoro