Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo

Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo

Nyaya Youpenyu

Kuvimba Nokutarisira kwaJehovha Kune Rudo

YAKATAURWA NAANNA DENZ TURPIN

“Unongogara uchibvunza kuti ‘NEI!” amai vangu vakadaro vachinyemwerera. Ndichiri kasikana, ndainaya vabereki vangu nemibvunzo. Asi Amai naBaba havana kumbondituka pamusaka pokuda kuziva kwangu kwouduku. Pane kudaro, vakandidzidzisa kufunga uye kuzvisarudzira ndichishandisa hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri. Chokwadi kurovedza ikoko kwakazobatsira zvikuru! Rimwe zuva pandakanga ndava nemakore 14, vaNazi vakanditorera vabereki vangu vandaida, uye handina kuzombovaonazve.

BABA vangu Oskar Denz, naamai vangu, Anna Maria, vaigara kuLörrach, rimwe guta rokuGermany riri pedyo nomuganhu weSwitzerland. Pavaiva vaduku, vaishingaira mune zvematongerwe enyika, uye vanhu vomunharaunda yedu vaivaziva uye vaivaremekedza. Asi muna 1922, nguva pfupi varoorana, vabereki vangu vakachinja maonero avaiita zvematongerwe enyika nezvavaivavarira muupenyu. Amai vakatanga kudzidza Bhaibheri neVadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, uye vakafara kuziva kuti Umambo hwaMwari hwaizounza rugare panyika. Nenguva isipi Baba vakabatanawo naAmai mukudzidza kwacho, uye vakatanga kupinda misangano neVadzidzi veBhaibheri. Baba vakatopa Amai bhuku rokudzidza Bhaibheri, rinonzi The Harp of God, sechipo cheKirisimasi gore iroro. Ini, mwana wavo mumwe chete, ndakaberekwa musi waMarch 25, 1923.

Ndinonzwa kufara pandinoyeuka upenyu hwemhuri yedu—kufamba kwataiita muchirimo munzvimbo yakanyarara inonzi Black Forest ine miti uye kudzidziswa kutarisira musha kwaiitwa naAmai! Ndichiri kuvaona vakamira mukicheni vachindidzidzisa kubika. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti vabereki vangu vakandidzidzisa kuda uye kuvimba naJehovha Mwari.

Ungano yedu yaiva nevaparidzi voUmambo vaishingaira vanenge 40. Vabereki vangu vaiva nounyanzvi hwokukwanisa kutanga kutaura nevamwe nezvoUmambo. Nemhaka yezvavaichimboita munzanga, vainzwa vakasununguka pane vamwe, uye vanhu vaivagamuchira zvakanaka. Pandakasvitsa makore manomwe, iniwo ndakanga ndava kuda kuparidza pasuo nesuo. Pamusi wangu wokutanga, wandaishanda naye akanditambidza mabhuku, ndokunongedza imwe imba, ndokubva ati, “Enda ipapo woona kana vachiada.” Muna 1931, takapinda kokorodzano yeVadzidzi veBhaibheri muBasel, Switzerland. Ndiko kwakabhabhatidzirwa vabereki vangu.

Kubva Mumhirizhonga Kuenda Mukudzvinyirirwa

Germany yakanga iine mhirizhonga chaizvo mumazuva iwayo, uye masangano akasiyana-siyana ezvematongerwe enyika airwisana nechisimba mumigwagwa. Umwe usiku, ndakamuka ndanzwa kuchema pane imwe imba yomuvakidzani wedu. Vakomana vaviri vainge vachiri kuyaruka vakauraya mukoma wavo neforogo yokuunganidzisa uswa nokuti vakanga vasingabvumirani nemaonero ake mune zvematongerwe enyika. VaJudha vakaramba vachiwedzera kuvengwa. Kuchikoro mumwe musikana aifanira kumira oga pakona pamusaka pokuti aingova muJudha. Ndaimunzwira tsitsi zvikuru, ndisingazivi kuti ndaizonzwawo kuti zvinomboita sei kana ukasarurwa.

Musi waJanuary 30, 1933, Adolf Hitler akava mutungamiriri weGermany. Zvinenge zvivako zviviri kubva pamba pedu, takatarisa vaNazi vachiturika mureza worukundo weswastika pamahofisi makuru ehurumende muguta racho. Kuchikoro mudzidzisi wedu aiva nechido akatidzidzisa kutaura kwaziso yokuti “Heil Hitler!” Masikati iwayo ndakaudza Baba nezvazvo. Zvakavanetsa. “Hazvina kunaka,” vakadaro. “‘Heil’ zvinoreva kupona. Kana tichifanira kuti ‘Heil Hitler,’ zvingareva kuti tiri kuti ndiye anotiponesa panzvimbo paJehovha. Handifungi kuti zvakanaka, asi zvisarudzire woga zvaunofanira kuita.”

Vandaidzidza navo kuchikoro vakatanga kundisarura nokuti ndakasarudza kusasaruta Hitler. Vamwe vakomana vaitondirova vadzidzisi pavakanga vasingazvioni. Vakazondisiya, asi neshamwari dzanguwo dzakandiudza kuti dzakanga dzarambidzwa navanababa vadzo kutamba neni. Ndakanga ndakaipa zvikuru.

Mwedzi miviri pashure pokunge vaNazi vava kutonga muGermany, havana kubvumira kuti muve neZvapupu zvaJehovha sezvo zvaiva ngozi kuHurumende. Vemauto eNazi vakavhara hofisi yaiva muMagdeburg uye havana kutibvumira kuita misangano yedu. Asi nokuti taigara pedyo nomuganhu, Baba vaitiwanira mapepa aititendera kuyambuka muganhu kuenda kuBasel kwatainopinda misangano yeSvondo. Vaiwanzotaura kuti kudai hama dzedu dzomuGermany dzaiwanawo zvokudya zvakadaro zvokumudzimu kuti zvivabatsire kutarisana neramangwana noushingi.

Nzendo Dzine Ngozi

Pashure pokunge hofisi yomuMagdeburg yavharwa, mumwe aimbova nhengo yepo, Julius Riffel, akauya kuLörrach, guta rokumusha kwake kuti azoronga basa rokuparidza pachivande. Baba vakakurumidza kubatsira. Vakatigarisa pasi ini naAmai ndokutsanangura kuti vakanga vabvuma kubatsira kupinza mabhuku eBhaibheri muGermany achibva kuSwitzerland. Vakataura kuti zvaizova nengozi zvikuru uye kuti vaigona kusungwa chero nguva. Vakanga vasingadi kuti tinzwe tichimanikidzwa kubatanidzwa nokuti zvaizova nengoziwo kwatiri. Pakarepo, Amai vakati, “Ndichakutsigirai.” Vose vakatarisa kwandiri, ndichibva ndati, “Ndichakutsigiraiwo!”

Amai vakandisonera kabhegi kakanga kakakura semagazini yeNharireyomurindi. Vaiisa mabhuku muhomwe yaiva padivi pekabhegi kacho vobva vavhara homwe yacho vachiita zvokusona. Vakagadzira homwe dzakanga dzisingaoneki pazvipfeko zvaBaba uye zvipfeko zviviri zvomukati zvataishandisa kutakurira noungwaru mabhuku maduku aibatsira kudzidza Bhaibheri. Pose pataikwanisa kupinza pachivande upfumi hwedu mumusha, taitura befu toonga Jehovha. Taiviga mabhuku edu mudenga reimba yedu.

Pakutanga, vaNazi havana chavakatinyumwira. Vakanga vasingambotibvunzi kana kutsvaka chinhu pamusha wedu. Kunyange zvakadaro, takasarudza kushandisa chimwe chiratidzo chokunyevera nacho hama dzedu dzatainamata nadzo kana pakanga pasisina kumira zvakanaka—4711, zita repefuyumu yainzi cologne yaiva yakakurumbira. Pazvainge zviine ngozi kusvika pamba pedu, taivanyevera—tichishandisa nhamba iyi. Baba vakavaudzawo kuti vatarise mahwindo ekamuri redu rokutandarira vasati vapinda muimba yacho. Kana hwindo rokuruboshwe rakanga rakavhurika, zvaireva kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka, uye vaisafanira kusvika.

Muna 1936 na1937, veGestapo vakasunga vanhu vakawanda ndokuisa zviuru zveZvapupu mumajeri uye mumisasa yevasungwa, kwavaibatwa noutsinye hwakaipisisa. Hofisi yebazi muBern, kuSwitzerland, yakatanga kuunganidza mashoko ezvaiitika, kusanganisira mamwe aibudiswa kaverevere mumisasa yevasungwa, ayo akazobuda mubhuku rinonzi Kreuzzug gegen das Christentum (Hondo Yokurwisana nechiKristu), raifumura mhosva dzevaNazi. Taiita basa raiva nengozi rokutakura mashoko acho epachivande tichiyambuka nawo muganhu kuenda kuBasel. Kudai vaNazi vakatibata nemagwaro iwayo aisabvumirwa nomutemo, tingadai takasungwa pakarepo. Ndaisvimha misodzi pandaiverenga nyaya dzokutambudzwa kwehama dzedu. Kunyange zvakadaro, handina kutya. Ndaivimba kuti Jehovha nevabereki vangu, shamwari dzangu dzepamwoyo, vaizonditarisira.

Ndakapedza kudzidza ndiine makore 14 uye ndaiita basa rokunyora-nyora mune chimwe chitoro chaitengesa midziyo yakasiyana-siyana nemichini. Kazhinji taiita nzendo dzedu dzokufambisa mashoko musi woMugovera masikati kana kuti weSvondo, Baba pavainge vasiri kubasa. Paavhareji taienda vhiki mbiri dzoga dzoga. Taingoonekawo sedzimwe mhuri dzainge dziri kufamba zvadzo pakupera kwevhiki, uye kwemakore anenge mana, mapurisa aiva pamuganhu wenyika haana kutimisa kana kuedza kutisecha—zvakaramba zvakadaro kutozosvikira rimwe zuva muna February 1938.

Takabatwa!

Handimbofi ndakakanganwa zvakaita chiso chababa vangu patakasvika panzvimbo yataitorera mabhuku pedyo neBasel ndokuona murwi wemabhuku wakanga wakatimirira. Nemhaka yokuti imwe mhuri yaitakurawo mabhuku yakanga yasungwa, taifanira kutakura mamwe mabhuku. Pamuganhu, mumwe anoshanda ipapo akatitarisa achinyumwa achibva ati tisechwe. Awana mabhuku, akati tifambe tichienda kumotokari dzemapurisa dzaivapo akatinongedza nepfuti. Mapurisa acho zvaakatyaira achienda nesu, Baba vakabata ruoko rwangu ndokuti nezevezeve: “Usava mutengesi. Usataura zita chero raani zvake!” “Handizodaro,” ndakavavimbisa kudaro. Patakasvika kuLörrach, vakanditorera baba vangu vandaida. Ndakavaona kokupedzisira vachipfigirwa mujeri.

Kwemaawa mana, varume vana veGestapo vakandibvunzurudza, vachirayira kuti ndivaudze mazita nekero dzezvimwe Zvapupu. Pandakaramba, mumwe mupurisa akatsamwa ndokundityisidzira achiti, “Tine dzimwe nzira dzokuita kuti utaure!” Handina chandakavaudza. Vakabva vadzokera neni naAmai kumba kwedu, kwavakasecha kokutanga. Vakasunga amai vangu, vachibva vandichengetesa kwaamaiguru vangu, vasingazivi kuti naivowo vaiva Chapupu. Kunyange zvazvo ndaibvumirwa kuenda kubasa, varume vana veGestapo vaigara mumotokari yakanga yakapakwa pamberi peimba yacho kuti vaone zvose zvandaiita uku mumwe mupurisa achifamba-famba nomugwagwa.

Mazuva mashomanana gare gare panguva yokudya kwemasikati, ndakabuda mumba ndokuona imwe hanzvadzi yechiduku ichiuya kwandiri iri pabhasikoro. Zvayakanga ichiswedera pedyo, ndakaona kuti yaizondikandira kapepa. Pandakangokabata, ndakacheuka kuti ndione kana veGestapo vakanga vaona zvandakanga ndaita. Zvakatondishamisa ndezvokuti panguva iyoyo chaiyo, vose vakanga vasingaoni vachifa zvavo nokuseka!

Katsamba kehanzvadzi yacho kakandirayiridza kuti ndiende kumba kwevabereki vayo masikati. Asi zvandairindwa neveGestapo, ndaigona sei kuita kuti vabereki vayo vave pangozi yokupiwa mhosva? Ndakatarisa vamiririri vana veGestapo vaiva mumotokari ndokutarisa mupurisa uya aifamba-famba nomugwagwa. Ndakashaya chokuita, ndichibva ndanyengetera nomwoyo wose kuti Jehovha andibatsire. Mupurisa wacho akangoerekana afamba achienda kumotokari yeGestapo ndokutaura nevarume vacho. Akabva apinda mumotokari, vakaenda!

Nguva iyoyo chaiyo, amaiguru vangu vakauya vachibuda nepakona. Masikati akanga atopfuura. Vakaverenga katsamba kaya, vakati taifanira kuenda kumba kuya sezvakanga zvarayirwa, vachifungidzira kuti hama dzakanga dzaronga kundiendesa kuSwitzerland. Patakasvika, mhuri yacho yakandisuma kune mumwe murume wandakanga ndisingazivi, ainzi Heinrich Reiff. Akandiudza kuti akanga afara kuti ndakanga ndapukunyuka uye kuti akanga auya kuzondibatsira kutiza kuti ndiende kuSwitzerland. Akandipa hafu yeawa kuti ndizosangana naye mune chimwe chisango.

Upenyu Kune Imwe Nyika

Ndakasangana naHama Reiff misodzi ichingoyerera pachiso changu, ndichirwadziwa mwoyo kuti ndakanga ndava kusiya vabereki vangu. Zvose zvakanga zvaitika nokukurumidza. Pashure pokumbozvidya mwoyo, takangopindawo pakati perimwe boka revashanyi ndokuyambuka muganhu weSwitzerland takachengeteka.

Pandakasvika kuhofisi yebazi muBern, ndakaziva kuti hama dzeikoko ndidzo dzakanga dzaronga kuti nditize. Dzichindiratidza mutsa dzakandipa pokugara. Ndaishanda mukicheni, mandaifarira zvikuru. Asi zvakanga zvakaoma chaizvo kugara mune imwe nyika, ndisingazivi chaizoitika kuvabereki vangu, vose vakanga vatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri! Dzimwe nguva ndaimbokundwa neshungu uye kuzvidya mwoyo, uye ndaizvipfigira muimba yokugezera kuti ndicheme. Asi ndaikwanisa kunyorerana tsamba nevabereki vangu nguva dzose, uye vaindikurudzira kuramba ndakavimbika.

Ndakurudzirwa nomuenzaniso wokutenda wevabereki vangu, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa musi waJuly 25, 1938. Ndapedza gore paBheteri, ndakaenda kunoshanda kuChanélaz, rimwe purazi rakanga ratengwa nehofisi yebazi yeSwitzerland kuti mhuri yeBheteri iwane zvokudya ipapo uye kuti pagarwe nehama dzaitiza chitambudzo.

Mitongo yokugara mujeri yevabereki vangu payakapera muna 1940, vaNazi vakati vaizovasunungura kudai vaizoramba zvavaitenda. Havana kumbobvuma uye vakaendeswa kumisasa yevasungwa, Baba kuDachau uye Amai kuRavensbrück. Muchando cha1941, amai vangu nevamwe vakadzi vaiva Zvapupu mumusasa imomo vakaramba kushandira mauto. Senzira yokuvaranga nayo, vakanzi vamire panzvimbo yaitonhora kwemazuva matatu nousiku hutatu, pashure pacho vakabva vapfigirwa muzvitokisi zvaiva nerima, vasingapiwi zvokudya zvakakwana kwemazuva 40. Zvadaro vakazvamburwa. Amai vakafa musi waJanuary 31, 1942, vhiki nhatu pashure pokurohwa zvakaipisisa.

Baba vakatamiswa kuDachau vakaendeswa kuMauthausen muAustria. Mumusasa wevasungwa uyu vaNazi vaiva netsika yokuponda vasungwa nokuvanyima zvokudya uye kuvapa basa rakaoma zvikuru. Asi mwedzi mitanhatu Amai vafa, vaNazi vakauraya baba vangu neimwe nzira—kuedza kushanda kwemishonga yokurapisa. Vanachiremba vomumusasa wacho vaiisa utachiona hwechirwere chetibhii muvasungwa. Pashure pacho vasungwa vaibayiwa pamwoyo jekiseni rinouraya. Chinyorwa chehurumende chinoti Baba vakafa “pamusana pomwoyo usina simba.” Vakanga vava nemakore 43. Ndakaziva nezvokuponda kwoutsinye uku mwedzi miviri pava paya. Pandinoyeuka vabereki vangu vandinoda zvinongoita kuti misodzi ibude mumaziso angu. Asi kare ikako kufananawo nepari zvino, ndinonyaradzwa nokuziva kuti Amai naBaba, avo vaiva netariro youpenyu hwokudenga, vakachengeteka mumaoko aJehovha.

Hondo Yenyika II yapera, ndakava neropafadzo yokupinda kirasi yechi11 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muNew York. Zvaipa mufaro chaizvo kudzidza zvakadzama Magwaro kwemwedzi mishanu! Ndapedza kudzidza muna 1948, ndakatumirwa kuSwitzerland kunoshanda somumishinari. Isiri nguva refu pashure pacho, ndakasangana naJames L. Turpin, hama yakatendeka yakanga yapedza kudzidza mukirasi yechishanu yeGiriyedhi. Hofisi yebazi yokutanga payakavakwa muTurkey, ndiye aiva mutariri wayo. Takaroorana muna March 1951, uye nguva pfupi tadaro takaziva kuti taizova vabereki! Takatamira kuUnited States ndokubereka mwanasikana wedu, Marlene, muna December wegore iroro.

Mumakore ose aya, ini naJim takawana mufaro mukuru mubasa redu roUmambo. Ndinonzwa kufara pandinoyeuka mumwe mudzidzi weBhaibheri, mudzimai wechiduku wokuChina ainzi Penny, aida kudzidza Bhaibheri zvikuru. Akabhabhatidzwa, akazoroorwa naGuy Pierce, uyo ari kushumira muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha pari zvino. Shamwari dzangu dzandinoda dzakadaro dzakandibatsira kutsiva kurasikirwa kwandakaitwa nevabereki vangu.

Kutanga-tanga kwa2004, hama dzokuLörrach, guta rokumusha kwevabereki vangu, dzakavaka Imba yoUmambo itsva mumugwagwa unonzi Stich Street. Ichiratidza kuonga zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha, kanzuru yeguta racho yakasarudza kupa mugwagwa wacho rimwe zita idzva rokuti Denzstraße (Denz Street) nechinagwa chokukudza vabereki vangu. Rimwe pepanhau reko rinonzi Badische Zeitung, pasi pomusoro mukuru unoti “Kuyeuka Vaviri VekwaDenz Vakapondwa: Zita Idzva Romugwagwa,” rakataura kuti vabereki vangu “vakapondwa mumusasa wevasungwa munguva yeThird Reich nemhaka yokutenda kwavo.” Kwandiri zvakaitwa nekanzuru yeguta kwaiva chinhu chandaisatarisira asi kuchinja kwezvinhu kukuru.

Baba vaiwanzotaura kuti tinofanira kuronga zvinhu sokunge kuti Amagedhoni yaisazouya munguva yedu asi tichirarama upenyu hwedu sokunge yaizouya mangwana—iroro rakanga riri zano rinokosha randakaedza kushandisa nguva dzose. Kuwiriranisa shiviriro netarisiro huru hazvisi nyore nguva dzose, zvikurukuru sezvo zvinetso zvinokonzerwa nokukwegura iye zvino zvichiita kuti ndigare ndiri pamba. Kunyange zvakadaro, handina kumborega kuva nechokwadi nechipikirwa chaJehovha kuvashumiri vake vose vakatendeka chinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose . . . Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]

MASHOKO ANOKOSHA AKANYORWA KARE

Mumwe mukadzi aibva mune mumwe musha waiva kure akashanya kuLörrach muma1980. Panguva iyoyo, vanhu vomuguta vaiunza zvinhu zvavo zvavakanga vasingadi munzvimbo inoungana vanhu uko vamwe vaitarisa zvinhu zvacho votora zvavaida. Mukadzi uyu akawana bhokisi raichengeterwa zvinhu zvokusonesa, akaenda naro kumba. Pava paya, nechepasi mubhokisi racho, akawana mifananidzo yomumwe musikana wechiduku netsamba dzainyorwa pamapepa omumusasa wevasungwa. Mukadzi wacho akabayiwa mwoyo netsamba dzacho achibva ada kuziva musikana muduku wacho aiva akarukwa bvudzi.

Rimwe zuva muna 2000, mukadzi wacho akaona rimwe pepanhau raiva nenyaya yezviratidzwa zvezvakaitika kare muLörrach. Nyaya yacho yakarondedzera nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha mumakore evaNazi, kusanganisira mhuri yedu. Yaiva nemifananidzo yangu ndichiri kuyaruka. Paakaona kufanana kwemifananidzo yacho, mukadzi wacho akakurukura nomunyori wenhau ndokumuudza nezvetsamba dzacho—dzose dzaiva 42! Vhiki shomanana gare gare, dzakanga dzatova mumaoko angu. Tsamba dzacho dzakanyorwa nemaoko evabereki vangu chaiwo dzairamba dzichibvunza amaiguru kuti ndaivepi. Havana kumborega kundida. Zvinoshamisa kuti tsamba idzi hadzina kuparara uye dzakazoonekwazve pashure pemakore anodarika 60!

[Mifananidzo iri papeji 25]

Mhuri yedu yaifara yakaparadzaniswa Hitler paakatanga kutonga

[Kwazvakatorwa]

Hitler: U.S. Army photo

[Mifananidzo iri papeji 26]

1. Hofisi iri muMagdeburg

2. VeGestapo vakasunga zviuru zveZvapupu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ini naJim takawana mufaro mukuru mubasa redu roUmambo