Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mumwe Muitiro Unongova Muvanhu

Mumwe Muitiro Unongova Muvanhu

Mumwe Muitiro Unongova Muvanhu

Jodie ane bhizimisi rokutengesa zvinhu zvevafi. Ari kubatsira mumwe mukadzi kurongedza uye kuti atengese midziyo yomukoma wake akafa. Achitsvaka zvimwe panoveserwa moto, anowana mabhokisi anochengeterwa zvinhu zvokuredzesa. Paanotarisa mukati merimwe rawo, anoshamiswa nezvaanoona. Anoona muine mirwi yemaUS$100 epepa (Z$567 500) akaputirwa nepepa reariminiyamu—mari yacho yose zvayo, iri US$82 000 (Z$465 350 000)! Jodie angori oga muimba iyi. Anofanira kuitei? Anofanira kutora bhokisi racho chinyararire here kana kuti anofanira kuudza mukadzi waari kuitira basa kuti awana mari yacho?

ZVINOFANIRA kusarudzwa naJodie zvinongoratidza mumwe muitiro watinawo unotisiyanisa nemhuka. The World Book Encyclopedia rinoti: “Mumwe wemiitiro ine vanhu inovasiyanisa nemhuka ndewokukwanisa kusarudza zvatinofanira kuita kana kuti zvatisingafaniri kuita.” Imbwa ine nzara ikawana nhindi yenyama patafura inongodya isingambofungi kuti inofanira kuidya here kana kwete. Zvisinei, Jodie, anogona kuona kuti zvaanenge asarudza zvakanakirei. Akachengeta mari yacho, ari kuba, asi zvimwe haazombobatwi. Mari yacho haisi yake; asi waari kuitira basa haatombozivi kuti mari yacho iripo. Zvakare, vanhu vakawanda vari munzanga yaJodie vangamuti akapusa kana akapa mukadzi uyu mari yacho.

Waizoitei kudai uriwe Jodie? Mapinduriro aunoita mubvunzo uyu achaenderana netsika dzawakasarudza kurarama uchitevedza.

Tsika Chii?

“Tsika” dzave dzichirondedzerwa so“kudzidza nyaya dzine chokuita nezvinonzi zvakanaka kana kuti zvakaipa.”—Collins Cobuild English Dictionary. Munyori anonzi Eric J. Easton anoti: “Mashoko okuti ‘tsika’ uye ‘unhu’ anoreva zvakafanana . . . uye ose anotaura nezvechiremera chemagariro evanhu uye mararamiro.”

Kwenguva refu, chitendero ndicho change chichiwanzosarudza tsika dzinofanira kushandiswa nevanhu pakurarama. Shoko raMwari, Bhaibheri, rave richidzora vanhu zvikuru munzanga dzakawanda. Zvisinei, nhamba yevanhu iri kuramba ichiwedzera munyika yose haichabvumi mitemo yemachechi akasiyana-siyana ichiti haishandi uye kuti bumbiro remitemo yetsika riri muBhaibheri harichafambirani nenguva. Chii chatsiva izvi? Bhuku rinonzi Ethics in Business Life rinotaura kuti “uchenjeri hwenyika . . . hwatora chiremera chaimbova chechitendero.” Pane kuti vaende kumachechi kunoudzwa tsika, vakawanda vanoda kutungamirirwa nenyanzvi dzenyika muzvidzidzo zvetsika. Mumwe purofesa wetsika nemitemo anonzi Paul McNeill anoti: “Ndinofunga kuti nyanzvi dzezvetsika vapristi venyika. . . . Iye zvino vanhu vava kutungamirirwa netsika panzvimbo pokutungamirirwa nechitendero sezvavaiita kare.”

Paunotarisana nezvisarudzo zvakaoma, unosiyanisa sei zvakanaka nezvakaipa? Ndiwe here unosarudza tsika dzaunoda kutevedza kana kuti ndiMwari?