Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua

ZVAVAKADZIKA misasa paMapani eMoabhi muna 1473 B.C.E., vaIsraeri vanofanira kunge vari kufara kunzwa mashoko anoti: “Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Joridhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.” (Joshua 1:11) Rwendo rwavo rwemakore 40 murenje rwava kuda kupera.

Gare gare, anotipfuurei makore makumi maviri, mutungamiriri wavo Joshua anomira pakati chaipo penyika yeKanani ndokuzivisa kuvarume vakuru vechiIsraeri kuti: “Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridhani, pamwe chete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva. Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.”—Joshua 23:4, 5.

Zvarakanyorwa naJoshua muna 1450 B.C.E., bhuku raJoshua inhoroondo inonakidza yezvakaitika mumakore 22 iwayo. Sezvatakamira pedyo pedyo nenyika itsva, mamiriro edu ezvinhu akafanana neaya evanakomana vaIsraeri avo vakanga voda kutora Nyika Yakapikirwa. Saka, nechido chikuru ngatimboongorora bhuku raJoshua.—VaHebheru 4:12.

KUENDA KU“MAPANI EJERIKO”

(Joshua 1:1–5:15)

Joshua anopiwa basa rakakura zvikuru, Jehovha paanomuudza kuti: “Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Joridhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsraeri”! (Joshua 1:2) Joshua anofanira kutungamirira rudzi rwevanhu vanosvika mamiriyoni anoverengeka kupinda Munyika Yakapikirwa. Achigadzirira, anotuma tsori mbiri kuJeriko—guta rinofanira kutanga kukundwa. Muguta iroro munogara Rakabhi chifeve, uyo akanzwa nezvemabasa esimba ayo Jehovha akaitira vanhu vake. Anodzivirira uye anobatsira tsori dzacho, idzo dzomuvimbisa kuti achaponeswa.

Tsori dzacho dzadzoka, Joshua nevanhu vagadzirira kufamba uye kuyambuka Joridhani. Kunyange zvazvo rwakazara, rwizi rwacho harusi chipingamupinyi kwavari, nokuti Jehovha anoita kuti mvura yokumusoro kworwizi imire sorusvingo uye yezasi anoibvumira kuyerera ichinopinda muGungwa Rakafa. Vayambuka Joridhani, vaIsraeri vanodzika misasa paGirigari, pedyo neJeriko. Mazuva mana gare gare, manheru ezuva rechi14 raAbhibhi, vanochengeta Paseka mugwenga remapani eJeriko. (Joshua 5:10) Mangwana acho, vanotanga kudya zvimwe zvezvibereko zvenyika yacho, uye urongwa hwemana hunoguma. Panguva ino, Joshua anodzingisa varume vose vakaberekerwa murenje.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:4, 5—Nei Rakabhi achitaura mashoko asiri iwo kuvarume vamambo vari kutsvaka tsori? Rakabhi anodzivirira tsori achiisa upenyu hwake pangozi nokuti ava kutenda Jehovha. Saka haasungirwi kubudisa pachena kune tsori dzacho kuvarume vari kutsvaka kukuvadza vanhu vaMwari. (Mateu 7:6; 21:23-27; Johani 7:3-10) Kutaura zvazviri, Rakabhi aka“nziwo akarurama nemabasa,” kusanganisira zvaakaita paakaudza nhume dzamambo mashoko asiri iwo.—Jakobho 2:24-26.

5:14, 15—Ndiani “Mukuru wehondo yaJehovha”? Mukuru wehondo anouya kuzosimbisa Joshua panotanga kutorwa Nyika Yakapikirwa haasi mumwe kunze kwe“Shoko”—Jesu Kristu paakanga asati auya pasi pano somunhu. (Johani 1:1; Dhanieri 10:13) Zvinosimbisa zvikuru kuvimbiswa kuti Jesu Kristu ane mbiri ari pamwe chete nevanhu vaMwari nhasi sezvavanorwa hondo yokumudzimu!

Zvatinodzidza:

1:7-9. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kufungisisa nguva dzose zvarinotaura, uye kushandisa zvatinodzidza kunokosha kuti tibudirire pane zvatinoedza kuita pakunamata.

1:11. Joshua anokumbira vanhu kuti vagadzire zvokudya, kwete kungomirira kupiwa naJehovha vakangogara. Zano raJesu rokuti tisafunganya nezvezvinodiwa zvoupenyu, pamwe chete nevimbiso yokuti “izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri,” harirevi kuti hapana chatinofanira kuita kuti tizviriritire.—Mateu 6:25, 33.

2:4-13. Pashure pokunzwa nezvemabasa makuru aJehovha uye achiona kuti yakanga iri nguva inokosha, Rakabhi anosarudza kutsigira vanamati vaMwari. Kana wanga uchidzidza Bhaibheri kwenguva yakati uye wava kuziva kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira,” haufaniri here kusarudza kushumira Mwari?—2 Timoti 3:1.

3:15. Sezvo mashoko etsori dzakatumwa kuJeriko akanaka, Joshua anokurumidza kuita chimwe chinhu, asingamiriri kuti mvura yaJoridhani iserere. Kana ari mabasa anosanganisira kunamata kwechokwadi, tinofanira kuita noushingi panzvimbo pokunonoka tichimirira kuzodaro mamiriro ezvinhu paanenge ava kuratidza seanyatsokodzera.

4:4-8, 20-24. Matombo 12 akatorwa murwizi rwaJoridhani anofanira kushanda sechiyeuchidzo kuvaIsraeri. Kununura kunoita Jehovha vanhu vake mazuva ano pavavengi vavo kunoshandawo sechiyeuchidzo chokuti anavo.

KUKUNDA KWACHO KUNOENDERERA MBERI

(Joshua 6:1–12:24)

Guta reJeriko ‘rakapfigwa kwazvo zvokuti hakuna munhu anobuda kana kupinda.’ (Joshua 6:1) Guta racho ringatorwa sei? Jehovha anoudza Joshua zvokuita. Nenguva isipi masvingo awondomoka uye guta racho raparadzwa. Rakabhi neveimba yake chete ndivo vapona.

Guta roumambo reAi ndiro rinotevera kukundwa. Tsori dzakatumwa ikoko dzinotaura kuti guta racho rine vanhu vashoma, saka hapadiwi varume vakawanda vanoenda kunorirwisa. Zvisinei, masoja anenge 3 000 anotumwa kunorwisa guta racho anotiza varume veAi. Chikonzero chacho? Jehovha haasi pamwe chete nevaIsraeri. Akani wendudzi yaJudha akatadza paipambwa guta reJeriko. Nyaya yacho yagadziriswa, Joshua anoendazve kunorwisa Ai. Zvaakanga ambokunda vaIsraeri kamwe chete, mambo weAi anonzwa achida kwazvo kunorwisana navo. Asi Joshua anoshandisa kunyanyozvivimba kwevarume veAi, uye anokunda guta racho.

Gibhiyoni ‘iguta guru—kupfuura Ai, uye varume varo vose vakasimba.’ (Joshua 10:2) Zvisinei, vanzwa nezvokukunda kwaIsraeri Jeriko neAi, varume veGibhiyoni vanonyengedza Joshua kuti aite sungano yorugare navo. Marudzi akapoteredza anoona kupanduka uku sengozi kwaari. Madzimambo awo mashanu anobatana ndokurwisa Gibhiyoni. VaIsraeri vanonunura vaGibhiyoni vobva vanyatsokunda varwisi vacho. Mamwe maguta akakundwa nevaIsraeri vachitungamirirwa naJoshua anosanganisira okumaodzanyemba neokumadokero, uyewo kukundwa kwomubatanidzwa wemadzimambo okuchamhembe. Madzimambo ose akundwa okumadokero kwaJoridhani anosvika 31.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

10:13—Chishamiso chakadaro chinokwanisika sei? “Kune chinhu chingakunda Jehovha here,” Musiki wematenga nenyika? (Genesi 18:14) Kana achida, Jehovha anogona kumisa kutenderera kwenyika zvokuti zuva nomwedzi zvinoita sezvisiri kufamba kana zvichionekwa nomunhu ari pasi pano. Kana kuti anogona kuita kuti kufamba kwenyika nomwedzi kusakanganiswe ukuwo achichinja mwaranzi yezuva nemwedzi nenzira inoita kuti chiedza chinobva kuzvinhu zviviri izvi zvinovheneka chirambe chichivheneka. Chero zvakaitika, “hakuna kumbova nezuva rakadaro” munhau yevanhu.—Joshua 10:14.

10:13—Bhuku raJashari chii? Bhuku racho rinotaurwazve pana 2 Samueri 1:18 maererano nenhetembo inonzi “Uta”—rwiyo rwokuchema Mambo waIsraeri, Sauro, naJonatani mwanakomana wake. Bhuku racho zvichida rakanga rizere nenziyo uye nhetembo dzenhoroondo nezviitiko uye ringangove raizivikanwa chaizvo nevaHebheru.

Zvatinodzidza:

6:26; 9:22, 23. Kutuka kwakaitwa naJoshua panguva yokuparadzwa kweJeriko kunozadzika makore anenge 500 gare gare. (1 Madzimambo 16:34) Kutuka kwakaita Noa muzukuru wake Kanani kunova kwechokwadi vaGibhiyoni pavanova vashandi. (Genesi 9:25, 26) Shoko raJehovha rinongozova rechokwadi.

7:20-25. Vamwe vangarerutsa kuba kwaAkani, zvichida vachifunga kuti hazvina kukuvadza vamwe. Vangaona kuba zvinhu zviduku uye mhosva duku dzinopesana nomutemo weBhaibheri saizvozvowo. Zvisinei, isu, tinofanira kufanana naJoshua pakutsunga kwedu kudzivisa kumanikidzwa kuita zvounzenza kana zvinhu zvisiri pamutemo.

9:15, 26, 27. Tinofanira kukoshesa zvibvumirano zvatinoita tochengeta shoko redu.

JOSHUA ANOITA BASA RAKE GURU ROKUPEDZISIRA

(Joshua 13:1–24:33)

Zvino zvaakura muzera—ava kusvika makore 90—Joshua anotanga kugovera nyika. Ibasa guru zvechokwadi! Madzinza aRubheni naGadhi nehafu yedzinza raManase akatopiwa nhaka yawo kumabvazuva kwaJoridhani. Madzinza asara anobva apiwa nhaka kumadokero pachiitwa zvokukandwa mijenya.

Tebhenekeri inomiswa kuShiro munzvimbo yaEfraimi. Karebhi anopiwa guta reHebroni, uye Joshua anowana Timnati-sera. VaRevhi vanopiwa maguta 48, kusanganisira maguta 6 outiziro. Vava kudzokera kunhaka yavo yokumabvazuva kwaJoridhani, varwi vaRubheni, Gadhi, uye vehafu yedzinza raManase vanogadzira atari “huru kana ichionekwa.” (Joshua 22:10) Madzinza ari kumadokero kwaJoridhani anoona izvi sokuramba kutenda, uye hondo yemadzinza inopotsa yaitika, asi kuteurwa kweropa kunodziviswa nokukurukurirana kwakanaka.

Pashure pokunge Joshua agara kwenguva yakati muTimnati-sera, anodana varume vakuru, vatungamiriri, vatongi, uye vakuru vakuru vaIsraeri ovakurudzira kuti vashinge uye kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha. Gare gare, Joshua anounganidza madzinza ose aIsraeri paShekemi. Ipapo anodzokorora zvakaitwa naJehovha kubvira panguva yaAbrahamu zvichienda mberi, uye zvakare anovakurudzira ‘kutya Jehovha nokumushumira nomwoyo wose nechokwadi.’ Vanhu vanonzwa vachibvumirana nazvo vachiti: “Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake!” (Joshua 24:14, 15, 24) Pashure pezvinhu izvi Joshua anozofa ava nemakore 110.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

13:1—Zviri pano hazvipesani nezviri pana Joshua 11:23 here? Kwete, nokuti kukunda Nyika Yakapikirwa kwaisanganisira zvinhu zviviri: hondo yorudzi yakakunda madzimambo 31 enyika yeKanani iyo yakakunda vaKanani, ndokutora nyika yacho zvizere sedzinza uye somunhu mumwe nomumwe. (Joshua 17:14-18; 18:3) Kunyange zvazvo vanakomana vaIsraeri vakakundikana kudzinga zvachose vaKanani vaiva pakati pavo, vakapona vacho vakanga vasingatyisidziri kuchengeteka kwaIsraeri. (Joshua 16:10; 17:12) Joshua 21:44 inoti: “Jehovha akavazorodza kumativi ose.”

24:2—Baba vaAbrahamu, Tera, vakanga vari munamati wezvidhori here? Pakutanga, Tera akanga asiri munamati waJehovha Mwari. Angangodaro ainamata mwari wemwedzi ainzi Sini—mwari akanga akakurumbira muUri. Maererano netsika dzechiJudha, Tera angangodaro aitogadzira zvidhori. Zvisinei, Abrahamu paakabva kuUri arayirwa naMwari, Tera akaendawo naye kuHarani.—Genesi 11:31.

Zvatinodzidza:

14:10-13. Kunyange zvazvo ava nemakore 85, Karebhi anokumbira basa rakaoma rokudzinga vanhu vomudunhu reHebroni. Nzvimbo yacho inogara vaAnaki—varume vahombe zvisina kujairika. Nokubatsira kwaJehovha, murwi uyu agara nebasa anobudirira, uye Hebroni rinova guta routiziro. (Joshua 15:13-19; 21:11-13) Muenzaniso waKarebhi unotikurudzira kusaramba mabasa akaoma mune zvokunamata.

22:9-12, 21-33. Tinofanira kungwarira kuti tisaona vavariro dzevamwe zvisiri izvo.

‘Hapana Chinhu Chimwe Chakataurwa Chakakona’

Akwegura, Joshua anoudza varume vane mutoro vorudzi rwaIsraeri kuti: “Hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:14) Chokwadi nhoroondo yezvakaitika kare yaJoshua inoratidza zvakajeka izvi!

“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.” (VaRoma 15:4) Tinogona kuva nechokwadi chokuti tariro yedu muzvipikirwa zvaMwari ndeyechokwadi. Hapana chipikirwa chichakundikana; zvose zvichaitika.

[Mepu iri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nyika dzakakundwa Joshua ari mutungamiriri

BHASHANI

GIRIYEDHI

ARABHA

NEGEBHU

Rwizi rwaJoridhani

Gungwa Romunyu

Mupata waJabhoki

Mupata waAnoni

Hazori

Madhoni

Rasharoni

Shimroni

Jokneyamu

Dhori

Megidho

Kedheshi

Taanaki

Heferi

Tiza

Afeki

Tapua

Bheteri

Ai

Girigari

Jeriko

Gezeri

Jerusarema

Makedha

Jamuti

Adhuramu

Ribna

Rakishi

Egroni

Hebroni

Debhiri

Aradhi

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unoziva here kuti nei Rakabhi chifeve akanzi akarurama?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Joshua akakurudzira vaIsraeri kuti ‘vatye Jehovha uye vamushumire’

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kuba kwaAkani yakanga isiri mhosva duku—kwakaguma zvakaipa

[Mufananidzo uri papeji 12]

“Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi.”—VaHebheru 11:30