Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinofanira Kuverengwa—Zano raSoromoni Rouchenjeri

Zvinofanira Kuverengwa—Zano raSoromoni Rouchenjeri

Zvinofanira Kuverengwa—Zano raSoromoni Rouchenjeri

“KUITA bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” (Muparidzi 12:12) Paainyora mashoko iwayo makore anenge 3 000 akapfuura, Mambo akachenjera waIsraeri, Soromoni, akanga asiri kuti vanhu vasaverenga. Asi, akanga achitaura nezvokudiwa kwokusarudza. Chiyeuchidzo ichocho chakakodzera nguva chaizvo nhasi, sezvo mabhiriyoni emabhuku okuverenga ari kudhindwa nemichini iri munyika gore negore!

Zviri pachena kuti “bhuku zhinji” dzakataurwa naSoromoni akanga ari mabhuku asingabatsiri kana kuti asingazorodzi. Saka akaona kuti kuzvipira kwaari, panzvimbo pokubatsira munhu zvakanaka uye zvinogara kwenguva refu, ‘anonetsa muviri.’

Zvisinei, Soromoni akanga achiti hapana mabhuku anotungamirira zvakanaka, akavimbika anogona kubatsira muverengi here? Kwete, nokuti akanyorawo kuti: “Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa nomufudzi mumwe chete.” (Muparidzi 12:11) Chokwadi, kune mashoko, ayo ku“fanana nezvibayiso,” anogona kukurudzira zvakanaka. Anogona kuita kuti munhu atevere nzira yakarurama. Uyezve, “sembambo dzakaroverwa,” anogona kubatsira kusimbisa zvinosarudzwa nomunhu pova nokutsiga.

Tinogona kuwana kupi mashoko akadaro ouchenjeri? Maererano naSoromoni, mashoko akaisvonaka kupfuura mamwe ose, ndeaya anopiwa noMufudzi mumwe chete, Jehovha. (Pisarema 23:1) Saka, bhuku rakanaka zvikuru ringashandiswa nomunhu kuti awane uchenjeri nderiya rakafuridzirwa naMwari—Bhaibheri. Kuverenga mashoko iwayo akafuridzirwa nguva dzose kunogona kubatsira munhu kuva “anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.