Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Kana zvakadaro, ona kana ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

MuKristu angaitei kana achinzwa kuneta mupfungwa uye mune zvokunamata?

Tinofanira kutsvaka chakonzera kupera simba kwedu. Zvingatibatsira kana tikamboongorora tsika dzedu nezvinhu zvedu tichibvisa zvinhu zvinorema zvisina basa. Tinogona kuzviitira zvinangwa zvinokwanisika maererano nemamiriro edu ezvinhu. Kutarisira utano hwedu mune zvokunamata kunokosha uye kunofanira kusanganisira kunyengetera uye kufungisisa nguva dzose.—8/15, mapeji 23-6.

Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichitora nhamba ye144 000 sezvairi chaizvo?

Muapostora Johani audzwa nezvevanhu 144-000, akaona “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga.” (Zvakazarurwa 7:4, 9) Kudai nhamba ye144 000 yakanga iri yokufananidzira, kusiyana kwacho kwaisazobuda. Jesu akataura nezvavaya vaizotonga naye kuti ivo i“boka duku.” (Ruka 12:32)—9/1, peji 30.

Neiko muIsraeri aikwanisa kutengesera munhu wokumwe mhuka yakafa isina kubudiswa ropa?

Munhu wokumwe kana mutorwa akanga asina kutendeuka akanga asiri pasi poMutemo. Saka muIsraeri aitenderwa kumupa kana kuti kumutengesera mhuka dzakadaro. (Dheuteronomio 14:21) Asi uya ainge atendeuka aiva pasi poMutemo aisazodya nyama yakadaro yemhuka isina kubudiswa ropa. (Revhitiko 17:10)—9/15, peji 26.

Chii chinonzi biomimetics, uye nei izvi zvingafarirwa nevaKristu?

Isayenzi yokuedza kugadzira zvinhu ichitevedzera zviya zvakasikwa. Somuenzaniso, vanakomana vokwaWright vakagadzira ndege pashure pokuongorora shiri hombe dzichibhururuka. Saka, biomimetics inogona kuita kuti muKristu akudze Musiki.—10/1, peji 9.

Ndiani akataurwa pana 2 VaKorinde 12:2-4 seakaendeswa kuparadhiso?

Ndima yacho inouya Pauro achangobva kudzivirira kuva kwake muapostora. Sezvo Bhaibheri risingambotauri nezvomumwe munhu akambova nechiitiko chakadaro, uye sezvo ari Pauro anotiudza nezvacho, zvingangodaro kuti ndiye akaratidzwa izvi.—10/15, peji 8.

Ndohupi humwe unhu hwaJesu hunoita kuti akwanise kuva Mutungamiriri akasarudzwa naMwari?

Jesu akaramba akavimbika, akatendeseka uye akarurama pamufambiro wake. Akanga akazvipira zvakakwana kuna Mwari. Jesu aiva nehanya chaizvo nevanhu uye aida kushanda.—11/1, mapeji 6-7.

Madhimoni achange aripi muMakore Ane Chiuru?

Zvine musoro kugumisa kuti muKutonga kwaKristu kweMakore Ane Chiuru, achakandirwa mugomba rakadzika-dzika pamwe naSatani. (Zvakazarurwa 20:1-3) Genesi 3:15 yakafanotaura kupwanyiwa kwomusoro wenyoka, uko kunosanganisira kukandirwa kwake mugomba rakadzika-dzika kweMakore Ane Chiuru. Mbeu yake inosanganisira ngirozi dzakaipa, kana kuti madhimoni. Kutya kwaanoita kukandirwa mugomba rakadzika-dzika kunoratidza kuti anoziva nezvokumbotadziswa kushanda kuri kuuya. (Ruka 8:31)—11/15, mapeji 30-1.

Nei munhu achifanira kuchenjerera pakunwa doro, kunyange asingaiti izvozvo kusvikira zvava kuonekwa kuti adhakwa?

Vamwe vanhu havamboratidzi kuti vadhakwa kunyange vanwa doro rakati wandei. Zvisinei, munhu angasvika pakuvimba nedoro zvishoma nezvishoma zvokuti anozoitwa mu“randa newaini yakawanda.” (Tito 2:3) Jesu akanyevera nezvoku“remerwa nokudyisa nokunwisa.” (Ruka 21:34, 35) Kunwa hakufaniri kuita kuti munhu asvike pakudhakwa kusati kwaita kuti angoti rembu-rembu uye ave nousimbe—chaihwoihwo uye mune zvokunamata.—12/1, mapeji 19-21.