Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chenjerera Tsika Dzisingafadzi Mwari

Chenjerera Tsika Dzisingafadzi Mwari

Chenjerera Tsika Dzisingafadzi Mwari

PANE chimwe chivanze chiduku muAfrica, bhokisi rine chitunha rakavhurwa uye zuva riri kupisa zvikuru. Vachemi pavari kupfuura nepariri vachiratidza kurwadziwa kwavo, vamwe sekuru vanomira. Maziso avo achiratidza kurwadziwa, vanokotamira pedyo nechiso chomurume akafa voti: “Nei usina kundiudza kuti wava kuenda? Nei wandisiya seizvi? Zvino zvawadzokera, ucharamba uchindibatsira here?”

Mune imwe nyika yomuAfrica, maberekwa mwana. Hapana anobvumirwa kuona mwana wacho. Mwana wacho anozongoonekwa nevanhu vose panozoitwa mutambo wokumutumidza zita.

Kune vamwe vanhu, kutaura nomunhu akafa kana kuti kuvanza mwana achangoberekwa kuti asaonekwa nevamwe zvingaita sezvinoshamisa. Zvisinei, mune dzimwe tsika uye nzanga, zvinoitwa nevanhu uye maonero avanoita rufu nokuberekwa zvinokonzerwa nokudavira zvakasimba kuti vakafa havana kufa chaizvoizvo asi kuti vapenyu uye vanoziva.

Chitendero ichi chakasimba kwazvo zvokuti chinokosheswa mutsika dzine chokuita nezvinhu zvinenge zvose zvoupenyu. Somuenzaniso, mamiriyoni evanhu anodavira kuti nhano dzinokosha muupenyu hwomunhu—dzakadai sokuberekwa, kuyaruka, kuroora, kubereka vana, uye kufa—dzine chokuita nokuchinjira kunyika yemidzimu yemadzitateguru. Ikoko, zvinodavirwa kuti munhu akafa ane zvaanoramba achiita muupenyu hwevaya vaakasiya. Uye anogona kupfuurira achirarama kuburikidza nokuberekwazve.

Kuti vave nechokwadi chokuchinja kwakanaka pamatanho ose okuchinja uku, tsika dzakasiyana-siyana dzinoitwa. Tsika idzi dzinokurudzirwa nokudavira kuti chimwe chinhu chiri matiri chinoramba chiri chipenyu parufu. VaKristu vechokwadi vanodzivisa tsika dzose dzine chokuita nechitendero ichi. Nei?

Vakafa Vari Mumamiriro Ezvinhu Akadini?

Bhaibheri rakajeka parinorondedzera mamiriro ezvinhu evakafa. Rinongoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva . . . Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva revanhu vose] kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 6, 10) Vanamati vaMwari vechokwadi vakabatisisa chokwadi ichi cheBhaibheri chinokosha kubvira kare. Vakanzwisisa kuti mweya unofa uye unogona kuparadzwa, kwete kuti haufi. (Ezekieri 18:4) Vakazivawo kuti hakuna midzimu yevakafa. (Pisarema 146:4) Munguva dzekare, Jehovha akanyatsorayira vanhu vake kuti vazviparadzanise zvachose netsika dzose dzaiva nechokuita nokudavira kuti vakafa vanoziva uye kuti vane zvavanogona kuita pavapenyu.—Dheuteronomio 14:1; 18:9-13; Isaya 8:19, 20.

Saizvozvowo, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakadzivisa tsika dzose dzegamuchidzanwa dzaiva nechokuita nedzidziso dzechitendero chenhema. (2 VaKorinde 6:15-17) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha, pasinei norudzi, dzinza, kana kuti mamiriro ezvinhu, zvinoramba magamuchidzanwa kana kuti tsika dzine chokuita nedzidziso yenhema yokuti chimwe chinhu chiri mumunhu chinoramba chiri chipenyu parufu.

Chii chingatitungamirira sevaKristu pakusarudza kana tingachengeta imwe tsika kana kuti kwete? Tinofanira kunyatsofunga nezvokubatana kwaingangova yakaita nedzidziso chero ipi zvayo isiri yepaMagwaro, yakadai sokudavira kuti midzimu yevakafa ine zvainoita muupenyu hwevari kurarama. Uyezve, tinoda kufunga kana kubatanidzwa kwedu mutsika dzakadaro kana kuti mitambo kungagumbura vamwe vanoziva zvinodavirwa uye zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha. Tichifunga izvozvo, ngationgororei zvinhu zviviri zvinonetsa—kuberekwa kwomwana uye rufu.

Mitambo Yokubereka Neyokutumidza Mwana Zita

Tsika dzakawanda dzine chokuita nokuberekwa kwomwana dzakakodzera. Zvisinei, kunzvimbo uko kuberekwa kwomwana kunoonekwa sokupfuudzwa kubva kunyika yemidzimu yemadzitateguru kuenda kunzanga yevanhu, vaKristu vechokwadi vanofanira kungwarira. Somuenzaniso, mune dzimwe nyika dzeAfrica, mwana achangoberekwa anogariswa mumba uye haatumidzwi zita kusvikira kwapera nguva yakati. Kunyange zvazvo nguva yokumirira ingasiyana nzvimbo nenzvimbo, inoguma nomutambo wokutumidza mwana zita, panozobudiswa mwana wacho mumba oratidzwa hama neshamwari. Panguva iyoyo, zita romwana rinoziviswa vaya vanenge varipo.

Richitsanangura zvinoreva tsika iyi, bhuku rinonzi Ghana—Understanding the People and Their Culture rinoti: “Mumazuva manomwe okutanga kwoupenyu hwake, mucheche wacho anonzi ari ‘kushanya’ uye ari kuchinja kubva kunyika yemidzimu achiuya kuupenyu hwepanyika. . . . Mucheche wacho anowanzochengetwa ari mumba uye vanhu vasiri vomumhuri yacho havabvumirwi kumuona.”

Nei vachimbomira kwenguva yakati kusvikira mwana aitirwa mutambo wokumutumidza zita? Bhuku rinonzi Ghana in Retrospect rinotsanangura kuti: “Kana zuva rechisere risati rasvika, mwana wacho anenge achinzi haasati ava munhu. Anenge achakabatana neimwe nyika yemidzimu kwaanenge abva.” Bhuku racho rinoenderera mberi richiti: “Sezvo zita riri iro rinoita kuti mwana wacho ave munhu, kana vaviri vakaroorana vachityira kuti mwana wavo achafa, kazhinji kacho vanononoka kumutumidza zita kusvikira vava nechokwadi chokuti achararama. . . . Nokudaro tsika iyi, dzimwe nguva inonzi kubudiswa kwomwana kuti aonekwe, inofungidzirwa kuti ine migumisiro mikuru kumwana wacho nevabereki vake. Mutambo uyu ndiwo unoita kuti mwana aunzwe kune vanhu kana kuti kunyika yevanhu.”

Nhengo huru yemhuri ndiyo inowanzotungamirira pamutambo iwoyo wokutumidza mwana zita. Zvinoitika ipapo zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo, asi mutambo wacho unowanzosanganisira kudururwa kwedoro, minyengetero yokuonga midzimu yemadzitateguru kuti mwana asvika zvakanaka, uye nedzimwewo tsika.

Mutambo wacho unonyanya kufadza panotumidzwa mwana wacho zita rake. Kunyange zvazvo vabereki vari ivo vanofanira kutumidza mwana wavo zita, kazhinji dzimwe hama dzine simba chaizvo pazita rinenge rasarudzwa. Mamwe mazita angava nezvaanoreva zvokufananidzira mumutauro womunzvimbo yacho, zvakadai sokuti “aenda uye adzoka,” “Amai vauya kechipiri,” kana kuti “Baba vauyazve.” Mamwe mazita ane zvaanoreva zvinoitirwa kuti madzitateguru asadzosa mwana achangoberekwa kunyika yevakafa.

Chokwadi, hapana chakaipa nokufarira kuberekwa kwomwana. Kutumidza mwana zita romumwe munhu uye kupa zita rinoratidza mamiriro ezvinhu ane chokuita nokuberekwa kwake itsika inogamuchirika, uye munhu anozvisarudzira kuti ndirini paachapa mwana wake zita. Zvisinei, vaKristu vanoda kufadza Mwari vanongwarira kusaita tsika chero dzipi kana kuti mitambo inopa pfungwa yokuti vari kubvumirana nokuti mwana achangoberekwa “mueni” ari kubva kunyika yemidzimu yemadzitateguru achipinda munyika yevapenyu.

Uyezve, kunyange zvazvo vakawanda munzanga vachiona mutambo wokutumidza zita setsika inokosha, vaKristu vanofanira kufunga hana dzevamwe uye kuti izvi zvinopa pfungwa ipi kune vasingatendi. Somuenzaniso, vamwe vangagumisa kuti kudini kana mhuri yechiKristu ikachengeta mwana wayo achangoberekwa asingaonekwi nevamwe kusvikira mutambo wokutumidza zita waitwa? Zvingaratidzei kana vakatumidza mazita anopesana nezvavanotaura zvokuti ivo vadzidzisi vechokwadi cheBhaibheri?

Saka, pakusarudza kuti vachatumidza sei uye rini mazita evana vavo, vaKristu vanoedza ‘kuita zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri’ kuitira kuti vasagumbura vamwe. (1 VaKorinde 10:31-33) ‘Havarerutsi murayiro waMwari kuti vachengete tsika’ dzinonyanyoitirwa kukudza vakafa. Asi, vanokudza uye vanopa mbiri kuna Mwari mupenyu, Jehovha.—Mako 7:9, 13.

Upenyu Pashure Pokufa

Rufu, kufanana nokuberekwa, runoonekwa nevakawanda senzira yokuchinja nayo; munhu anofa anotama panyika inooneka oenda munyika isingaoneki yemidzimu yevakafa. Vakawanda vanodavira kuti kunze kwokuti dzimwe tsika dzemariro dzaitwa panofa munhu, midzimu yemadzitateguru, iyo inofungidzirwa kuti ine simba rokuranga kana kuti rokupa vapenyu mubayiro, ingatsamwa. Chitendero ichi chine zvachinoita chaizvo pamarongerwo nemaitirwo emariro.

Mariro anoitirwa kunyaradza vakafa anowanzosanganisira manzwiro ose—kubva pakuchema kwoupengo uye kuzhambatata pamberi pechitunha kusvika pamitambo inofadza pashure pokuviga mufi. Mabiko asingadzorwi, kudhakwa, kutamba mimhanzi ine ruzha ndizvo zvinowanzoitwa pamitambo yemariro akadaro. Mariro acho anokosheswa zvikuru zvokuti kunyange mhuri dzine urombo hwakanyanya kazhinji dzinoedza nepadzinogona napo kuunganidza mari inokwana “kuviga zvakakodzera,” kunyange zvazvo zvingakonzera nhamo uye zvikwereti.

Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvakafumura kwazvo tsika dzemariro dzisiri dzeMagwaro. * Tsika dzakadaro dzinosanganisira kupupudza, kudururwa kwedoro, kutaura kuvakafa uye kukumbira vakafa, mitambo yemariro yegore negore, nedzimwe tsika dzakavakirwa pachitendero chokuti chimwe chinhu chiri mumunhu chinoramba chiri chipenyu parufu. Tsika dzakadaro dzisingakudzi Mwari ‘dzine tsvina,’ “unyengeri husina maturo” hwakavakirwa pa“tsika dzevanhu” kwete paShoko raMwari rechokwadi.—Isaya 52:11; VaKorose 2:8.

Kunzwa Uchida Kutevedzera Vamwe

Kurega tsika dzegamuchidzanwa kwakaomera vamwe, zvikurukuru munyika dzinonyanya kukoshesa kukudza vakafa. Nemhaka yokuti hazviteveri tsika dzakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichifungirwa zvisizvo kana kuti kupomerwa kuti hazvina ushamwari uye hazviremekedzi vakafa. Kutsoropodzwa uye kumanikidzwa zvakasimba zvakaita kuti vamwe, pasinei nokunzwisisa kwavo chokwadi cheBhaibheri zvakarurama, vatye kuonekwa sevakasiyana nevamwe. (1 Petro 3:14) Vamwe vakafunga kuti tsika idzi igamuchidzanwa ravo uye hadzigoni kuregwa zvachose. Vamwewo vakataura kuti kuramba kutevera tsika kungaita kuti vanhu vaMwari vafungirwe zvisizvo munzanga.

Hatidi kugumbura vamwe pasina chikonzero. Zvisinei, Bhaibheri rinotinyevera kuti kutsigira chokwadi zvakasimba kuchaguma nokusatenderwa kwenyika yakazviparadzanisa naMwari. (Johani 15:18, 19; 2 Timoti 3:12; 1 Johani 5:19) Tinozvidira kuita izvozvo, tichiziva kuti tinofanira kuva vakasiyana nevaya vari murima mune zvokunamata. (Maraki 3:18; VaGaratiya 6:12) Sezvo Jesu akaramba muedzo waSatani wokuti aite chimwe chinhu chakanga chisingafadzi Mwari, saka tinoramba manzwiro okuda kuti tiite nenzira isingafadzi Mwari. (Mateu 4:3-7) Pane kutya munhu, vaKristu vechokwadi vane hanya zvikuru nokufadza Jehovha Mwari uye kumukudza saMwari wechokwadi. Vanoita izvozvo vasingapesani nezvinodiwa neBhaibheri zvokunamata kwakachena pasinei nokumanikidzwa nevamwe.—Zvirevo 29:25; Mabasa 5:29.

Kukudza Jehovha Nemaonero Atinoita Vakafa

Zviri muropa kurwadziwa zvikuru mupfungwa panofa mumwe munhu watinoda. (Johani 11:33, 35) Kufunga nezvomudiwa wedu uye kumuviga zvine ruremekedzo zviratidzo zvakanaka uye zvakakodzera zvorudo rwedu. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinotsungirira kusuruvara kukuru kwokufirwa zvisingaiti tsika dzipi nedzipi dzisingafadzi Mwari. Izvi hazvisi nyore kune vaya vakakurira kune vanhu vanonyanya kutya vakafa. Zvingaoma kuramba takadzikama patinenge tichirwadziwa mupfungwa norufu rwomumwe munhu wapedyo nesu. Kunyange zvakadaro, vaKristu vakatendeka vanosimbiswa naJehovha, “Mwari wokunyaradza kwose,” uye vanobatsirwa nokutsigira kune rudo kwevavanonamata navo. (2 VaKorinde 1:3, 4) Kutenda kwavo kwakasimba kwokuti vakafa, avo vasina chavanoziva uye vari kuyeukwa naMwari vachararamazve rimwe zuva, kunopa vaKristu vechokwadi zvikonzero zvose zvokuzviparadzanisa zvachose netsika dzemariro dzisiri dzechiKristu dzisingabvumirani nechokwadi chorumuko.

Hatifari here kuti Jehovha akatidana kuti ‘tibve murima tipinde muchiedza chake chinoshamisa’? (1 Petro 2:9) Zvatinofarira kuberekwa kwomwana uye kutsungirira kusuruvara patinofirwa, chido chedu chakasimba chokuita zvakarurama uye kuda kwatinoita Jehovha Mwari ngazvirambe zvichitikurudzira ‘kuramba tichifamba sevana vechiedza.’ Ngatisambobvuma kusvibiswa mune zvokunamata netsika dzisiri dzechiKristu dzisingafadzi Mwari.—VaEfeso 5:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Tapota ona mabhurocha anonzi Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? uye Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here? akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.