Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatanidzwa Nokuda Mwari

Kubatanidzwa Nokuda Mwari

Kubatanidzwa Nokuda Mwari

UNGANO yechiKristu payakatangwa muzana remakore rokutanga reNguva yedu Yavose, chimwe chaiva chakaisvonaka zvikuru nezvayo—pasinei nokusiyana-siyana kwevanhu vaiva mairi—kubatana kwayo. Vanamati vaMwari wechokwadi ivavo vaibva kunyika dzokuAsia, Europe, neAfrica. Vaibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana—vapristi, masoja, varanda, vapoteri, vatengesi, nyanzvi, uye vanhu vemabhizimisi. Vamwe vaiva vaJudha, uye vamwe vaiva Vemamwe Marudzi. Vakawanda vakanga vambova mhombwe, ngochani, zvidhakwa, mbavha, kana kuti makororo. Kunyange zvakadaro, pavakava vaKristu, vakasiya tsika dzavo dzakaipa vachibva vanyatsobatana mukutenda.

Chii chakaita kuti chiKristu chomuzana remakore rokutanga chigone kubatanidza vanhu vose ava? Nei vaiva norugare ivo pachavo uye nevanhu vose zvavo? Nei vakanga vasingabatani nevaimukira uye vairwisana? Nei chiKristu chekare chakanga chakasiyana kwazvo nezvitendero zvikuru zvemazuva ano?

Chii Chakaswededza Nhengo Dzeungano Pedyo Napedyo?

Kuda Mwari ndiko chinhu chikuru chakabatanidza hama dzedu dzomuzana remakore rokutanga. VaKristu ivavo vaiziva mutoro wavo wokutanga wokuda Mwari wechokwadi, Jehovha, nemwoyo wavo wose, mweya, uye pfungwa. Somuenzaniso, muapostora Petro, muJudha, akarayirwa kuti ashanyire imba yomumwe Wemamwe Marudzi, munhu waakanga asingazombovi noushamwari hwapedyo naye. Kuda Jehovha ndiko kwakanyanya kuita kuti ateerere. Petro nevamwe vaKristu vekare vaiva noukama hwapedyo naMwari hwakanga hwakavakirwa pazivo yakarurama younhu Hwake, zvaanoda, uye zvaasingadi. Nokufamba kwenguva, vanamati vose vakanzwisisa kuti Jehovha aida kuti va“nyatsobatanidzwe mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga.”—1 VaKorinde 1:10; Mateu 22:37; Mabasa 10:1-35.

Vatendi vakazoswededzwazve pamwe chete nokutenda kwavo muna Jesu Kristu. Vaida kunyatsotevera tsoka dzake. Akavarayira kuti: “Mudanane; sokuda kwandakakuitai . . . Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Aya aisazova manzwirowo zvawo anopfuura, asi rudo rwokuzvipira. Zvaizoguma nei? Jesu akanyengeterera vaya vanotenda maari achiti: “Ndinokumbirira . . . kuti vose vave vamwe, semi, Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu.”—Johani 17:20, 21; 1 Petro 2:21.

Jehovha akadurura mudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinobata basa, pavashumiri vake vechokwadi. Mudzimu uyu wakaita kuti vabatane. Wakaita kuti vanzwisise dzidziso dzeBhaibheri dzaigamuchirwa muungano dzose. Vanamati vaJehovha vakaparidzira shoko rimwe chete iroro—kutsveneswa kwezita raJehovha achishandisa Umambo hwaMwari hunotongwa naMesiya, hurumende yokudenga ichatonga vanhu vose. VaKristu vekare vainzwisisa mutoro wavo wokusava “rutivi rwenyika ino.” Saka, pose paimukirana vanhu vomunyika imwe chete kana kuti pairwisana mauto, vaKristu vairamba vasina kwavakarerekera. Vaitsvaka kuva norugare nevanhu vose.—Johani 14:26; 18:36; Mateu 6:9, 10; Mabasa 2:1-4; VaRoma 12:17-21.

Vatendi vose vaiita basa ravo rokusimudzira kubatana. Sei? Nokuva nechokwadi chokuti mufambiro wavo waienderana neBhaibheri. Saka, muapostora Pauro akanyorera vaKristu kuti: “Bvisa[i] unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wenyu,” uye “pfeka[i] unhu hutsva.”—VaEfeso 4:22-32.

Kubatana Kwakachengetedzwa

Chokwadi, vatendi vomuzana remakore rokutanga vakanga vasina kukwana, uye mamiriro ezvinhu akamuka ayo akaedza kubatana kwavo. Somuenzaniso, Mabasa 6:1-6 inorondedzera kuti nharo dzakamuka pakati pevaKristu vechiJudha vaitaura chiGiriki nevaya vaitaura chiHebheru. Vaya vaitaura chiGiriki vakafunga kuti vakanga vasingabatwi zvakanaka. Zvisinei, vaapostora vangoudzwa nezvenyaya yacho, yakagadziriswa nokukurumidza uye nokururamisira. Gare gare, nhau yedzidziso yakakonzera gakava maererano nemabasa evasiri vaJudha vaiva muungano yechiKristu. Zvakasarudzwa zvaiva zvakavakirwa pachokwadi cheBhaibheri chinokosha, uye vose vakazvigamuchira.—Mabasa 15:1-29.

Mienzaniso iyi inoratidza kuti kusanzwisisana hakuna kuita kuti pave nemapoka emadzinza kana kuti kusabatana kwaikonzerwa nokunyanyoomerera kudzidziso dzomuungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga. Nei? Nokuti zvinhu zvinobatanidza—kuda Jehovha, kutenda muna Jesu Kristu, rudo rwokurega zvimwe zvinhu nokuda kwevamwe, kugamuchira kutungamirira kwomudzimu mutsvene, kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri kwakafanana, uye kuda kuchinja mufambiro—zvaiva nesimba zvikuru rokuita kuti ungano yekare irambe yakabatana uye iine rugare.

Kubatana Pakunamata Munguva Ino

Kubatana kungawanikwa nenzira iyoyo mazuva ano here? Zvinhu zvimwe chete izvi zvichiri kugona kubatanidza vanhu vane kutenda kumwe zvovaita kuti vave norugare nemarudzi ose munzvimbo dzose dzenyika here? Hungu, zvinogona! Zvapupu zvaJehovha zvakabatana muukama hwenyika yose muzvitsuwa, nharaunda uye nyika dzinodarika 230. Uye zvinobatanidzwa nezvinhu zvimwe chete izvozvo zvakabatanidza vaKristu muzana remakore rokutanga.

Kuzvipira kwazvo kuna Jehovha Mwari ndiko kunonyanya kubatsira kuti Zvapupu zvaJehovha zvibatane. Izvi zvinoreva kuti zvinoedza kuva zvakavimbika kwaari mumamiriro ose ezvinhu. Zvapupu zvaJehovha zvinotendawo muna Jesu Kristu uye mune zvaanodzidzisa. VaKristu ava vanoratidza rudo rwokuzvipira kune vavanonamata navo uye vanoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akafanana munyika dzose dzavanoparidza. Vanofara kutaurira vanhu vezvitendero zvose, madzinza, marudzi, uye mapoka enzanga nezvoUmambo uhwu. Zvapupu zvaJehovha zvinorambawo zvisina kwazvakarerekera munhau dzenyika, izvi zvinobatsira kuti zvitsungirire kudzvinyirira kwezvematongerwe enyika, tsika, nzanga, uye kwezvokutengeserana zviri kukamuranisa vanhu zvikuru. Zvapupu zvose zvinogamuchira basa razvo rokusimudzira kubatana nokufamba maererano nezvinodiwa neBhaibheri.

Kubatana Kunokwezva Vamwe

Kazhinji kubatana uku kwakaita kuti vanhu vakanga vasiri Zvapupu vafarire. Somuenzaniso, Ilse * aimbova munani weKaturike mumusha wemanani kuGermany. Chii chakaita kuti akwezvwe neZvapupu zvaJehovha? Ilse akati: “Ndivo vanhu vakanakisisa vandati ndambosangana navo. Havaendi kuhondo; hapana chavanoita kuti vakuvadze mumwe munhu. Vanoda kubatsira vanhu kuti vararame vachifara muparadhiso pasi pano muUmambo hwaMwari.”

Panozova naGünther, aimbova musoja wechiGermany akatumirwa kuFrance muhondo yenyika yechipiri. Rimwe zuva mupristi wePurotesitendi akaitira masoja aiva muboka raGünther munamato wechitendero. Mupristi wacho akanyengeterera zvikomborero, kudzivirirwa, uye kukunda. Munamato wapera, Günther akapiwa basa rokurindira. Achishandisa mabhainokura ake, akaona mauto evavengi aiva kune rimwe divi ariwo pamunamato wechitendero waiitiswa nomupristi. Gare gare Günther akati: “Zvimwe mupristi iyeye akanyengetererawo zvikomborero, kudzivirirwa, uye kukunda. Ndinoshamisika kuti sei zvaibvira kuti machechi echiKristu ave kumativi akasiyana ehondo imwe chete.” Izvi hazvina kumbodzimika mupfungwa dzaGünther. Paakazosangana neZvapupu zvaJehovha, izvo zvisingabatanidzwi muhondo, Günther akava mumwe wazvo.

Ashok naFeema vaimbova vechitendero chokuMabvazuva. Mumusha mavo, vaiva nenzvimbo yokunamatira mwari. Mhuri yavo payaitambura urwere hwakakomba, vaiongororazve chitendero chavo. Pavakakurukura neZvapupu zvaJehovha, Ashok naFeema vakafadzwa kwazvo nedzidziso dzeBhaibheri uye rudo ruri pakati peZvapupu. Iye zvino vava vaparidzi vanoshingaira vemashoko akanaka oUmambo hwaJehovha.

Ilse, Günther, Ashok, naFeema vakabatana nemamiriyoni eZvapupu zvaJehovha muukama hwepasi pose. Vanotenda chipikirwa cheBhaibheri chokuti zvinhu zvimwe chete izvozvo zvinovabatanidza pakunamata mazuva ano zvichakurumidza kubatanidza vanhu vose vanoteerera. Zvadaro, hapazovizve noutsinye, kusabatana, uye kupesana muzita rechitendero. Nyika yose ichabatana pakunamata Mwari wechokwadi, Jehovha.—Zvakazarurwa 21:4, 5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Mamwe mazita akashandiswa munyaya ino akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Pasinei nokuti vaibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vaKristu vekare vakanga vakabatana