Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzivirira Kwaungaita Vana Vako Nouchenjeri hwaMwari

Kudzivirira Kwaungaita Vana Vako Nouchenjeri hwaMwari

Kudzivirira Kwaungaita Vana Vako Nouchenjeri hwaMwari

ZUVA nezuva miviri yedu iri pahondo. Inofanira kurwisana noutachiona hwakawanda. Tinoonga kuti vakawanda vedu takaberekwa tiine simba rokuzvidzivirira naro pazvinorwisa izvi uye rinotibatsira kuti tisabatwa nehosha dzakasiyana-siyana dzinotapukira.

Saizvozvowo, vaKristu vanofanira kurwisana nemafungiro uye tsika zvisiri zvepaMagwaro nezvinetso zvingaparadza utano hwedu mune zvokunamata. (2 VaKorinde 11:3) Kuti tinzvenge kurwisa uku kunoitwa pfungwa dzedu nomwoyo zuva nezuva, tinofanira kuva nenzira dzokuzvidzivirira nadzo mune zvokunamata.

Nzira dzakadaro dzinonyanya kukosha kuvana vedu, sezvo vasingaberekwi vaine nzira dzokuzvidzivirira nadzo mune zvokunamata dzinogona kurwisa mudzimu wenyika. (VaEfeso 2:2) Sezvo vana vanokura, zvinokosha kuti vabereki vavabatsire kuti vave nenzira dzavo pachavo dzokuzvidzivirira nadzo. Nzira idzodzo dzinobva kupi? Bhaibheri rinotsanangura kuti: ‘Jehovha ndiye anopa uchenjeri; acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.’ (Zvirevo 2:6, 8) Uchenjeri hwaMwari hunogona kurinda nzira yevechiduku zvimwe vangada kupinda muushamwari hunokuvadza, vangada kufanana nevezera ravo, kana kuti vangada varaidzo isina kunaka. Vabereki vangatevera sei kutungamirira kwaJehovha vopinza uchenjeri hwaMwari zvishoma nezvishoma?

Kutsvaka Ushamwari Hunokurudzira

Zvinonzwisisika kuti vachiri kuyaruka vanoda kupedza nguva vaine vamwe vezera ravo, asi kungoshamwaridzana bedzi nevaya vasati vava noruzivo hakuvaiti kuti vave nouchenjeri hwaMwari. Chirevo chinonyevera kuti, “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana.” (Zvirevo 22:15) Saka, vamwe vabereki vakabatsira sei vana vavo kushandisa uchenjeri hwaMwari munyaya iyi youshamwari?

Vamwe baba vanonzi Don * vakati: “Vanakomana vedu vaipedza nguva yakawanda vaine shamwari dzezera ravo, asi yakawanda yenguva yacho vaiipedza vari mumusha medu, tiripo. Taigara takazarura musha wedu uye waigara wakazara nevechiduku, avo vataipa zvokudya uye vataiita kuti vanzwe vakasununguka. Taifara kushivirira ruzha nemheremhere zvaiva mumba medu tichiitira kuti pave nemamiriro ezvinhu aigona kuita kuti vana vedu vanakidzwe.”

Brian naMary vane vana vatatu vanoita zvakanaka kwazvo asi vanobvuma pachena kuti kuvadzidzisa kwakanga kusiri nyore nguva dzose. Vakarondedzera vachiti: “Muungano yedu, vechiduku vakanga vava kuda kusvika makore makumi maviri vaiva vashoma kuti vashamwaridzane nomwanasikana wedu Jane. Zvisinei, aiva neshamwari imwe chete yainzi Susan, wechiduku aiva noushamwari uye aifara. Asi vabereki vake vakanga vasinganyanyi kumuomesera sezvataiita. Susan aibvumirwa kunonoka kuuya kumba kudarika zvataibvumira Jane, uye aibvumirwa kupfeka masiketi akapfupika, kuteerera mimhanzi isina kutsarukana, uye kuona mabhaisikopu asina kukodzera. Kwenguva refu, zvakanga zvakaomera Jane kuti anzwisise maonero ataiita izvozvo. Kwaari, vabereki vaSusan vaiita sevanonzwisisa chaizvo, nepo isu taiita setinonyanya kuomesa zvinhu. Jane akatozoziva kuti kuomesa kwedu kwakanga kwamudzivirira, Susan paakapinda muchinetso. Tinofara chaizvo kuti hatina kuregeredza kutsigira zvataitenda kuti zvakanaka kumwanasikana wedu.”

SaJane, vechiduku vakawanda vakaziva uchenjeri hwokutsvaka kutungamirirwa nevabereki vavo munyaya iyi youshamwari. Chirevo chinoti, “Nzeve, inoteerera kurayira, kunoisa kuupenyu, ichagara pakati pavakachenjera.” (Zvirevo 15:31) Uchenjeri hwaMwari hunoita kuti vechiduku vatsvake shamwari dzinokurudzira.

Kukurira Manzwiro Okuda Kufanana Nevamwe

Kuda kufanana nevamwe kuri pedyo zvikuru noushamwari. Zuva nezuva, manzwiro okuda kufanana nevamwe anorwisa nzira dzevana vedu dzokuzvidzivirira nadzo. Sezvo vechiduku vachiwanzotsvaka kufarirwa nevaya vezera ravo, kuda kufanana nevezera ravo kungavamanikidzira kuti vaite zvinonzi nenyika ndizvo zvinodiwa.—Zvirevo 29:25.

Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti “nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo.” (1 Johani 2:17) Saka, vabereki havafaniri kurega vana vavo vachinyanya kufurirwa nenyika. Vangabatsira sei vana vavo kuti vafunge nenzira yechiKristu?

Richard akati, “Mwanasikana wangu aigara achida kupfeka zvaipfekwa nevamwe vechiduku. Saka takakurukura naye nokushivirira zvakanakira uye zvakaipira zvose zvaaikumbira. Kunyange fashoni dziya dzataifunga kuti dzinogamuchirika, takatevera zano ratakanzwa makore akapfuura rokuti, ‘Munhu akachenjera haasi iye anotanga kupfeka fashoni itsva kana kuti anopedzisira kuisiya.’”

Vamwe amai vanonzi Pauline vakaderedza manzwiro okuda kufanana nevamwe neimwe nzira. Vanoyeuka kuti: “Ndaifarira zvaifarirwa nevana vangu uye nguva dzose ndaienda kukamuri ravo kuti nditaure navo. Kukurukurirana kwenguva yakareba uku kwakaita kuti ndigone kuumba pfungwa dzavo uye kuvabatsira kuti vafunge dzimwe nzira dzokuona nadzo zvinhu.”

Manzwiro okuda kufanana nevamwe haasi kuzopera, saka zvingangoita kuti vabereki vacharamba vachitamburira kuti ‘vaputse kufunga kwenyika’ vobatsira vana vavo kuti ‘vatape kufunga kwavo, mukuteerera Kristu.’ (2 VaKorinde 10:5) Asi ‘nokuramba vachinyengetera,’ vabereki nevana vachasimbiswa kuti vapedze basa iri rinokosha.—VaRoma 12:12; Pisarema 65:2.

Kukwezva Kune Simba Kwevaraidzo

Varaidzo ndiyo chinhu chechitatu chinofurira icho vabereki vangaona chakaoma kukurira. Zviri muropa kuti vana vaduku vade kutamba. Vana vakawanda vakura vanotsvakawo varaidzo nomwoyo wose. (2 Timoti 2:22) Asi chido ichi, kana chikagutswa nenzira isiri yokuchenjera, chinogona kukanganisa kuzvidzivirira kwavo mune zvokunamata. Ngozi yacho inowanzouya munzira mbiri.

Kutanga, varaidzo yakawanda inoratidza tsika dzakaipa dzenyika. (VaEfeso 4:17-19) Asi, inogara ichiratidzwa nenzira inonakidza neinokwezva. Izvi zvinokonzera ngozi chaiyo kune vechiduku, avo vangasaona misungo yacho.

Chechipiri, nguva inopedzerwa muvaraidzo ingakonzerawo zvinetso. Kune vamwe, kutamba kunova chinhu chikuru zvikuru muupenyu, kuchipedza nguva yakawandisa uye simba. Chirevo chinonyevera kuti “hazvina kunaka kudya uchi huzhinji.” (Zvirevo 25:27) Saizvozvowo, varaidzo yakawandisa ingaderedza havi yezvokudya zvomudzimu uye ingakonzera usimbe hwepfungwa. (Zvirevo 21:17; 24:30-34) Kushandisa nyika ino zvizere kungapinganidza vechiduku ‘pakubatisisa upenyu chaihwo’—upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. (1 Timoti 6:12, 19) Vabereki vari kukurira sei chinetso chacho?

Mari Carmen, amai vane vanasikana vatatu, akati: “Taida kuti vanasikana vedu vave nenhandaro yakanaka uye kuti vanakidzwe. Saka taigara tichivhakacha semhuri, uye vaipedzawo nguva vaine shamwari dzomuungano. Asi taiita kuti nhandaro ive munzvimbo yayo. Taiifananidza nezvatinodya pakupedzisira kuti tiseredzere—zvokudya zvinonaka asi zvisiri izvo zvokudya zvinogutisa. Vakadzidza kuva vashandi pamusha, kuchikoro, uye muungano.”

Don naRuth havana kungoti vaizozvivaraidza pavanenge vawana nguva. “Takaiita tsika kutsaura musi woMugovera se‘zuva remhuri,’” vakatsanangura kudaro. Taiita ushumiri hwomumunda mangwanani, toenda kunoshambira masikati, uye todya zvokudya zvakanaka manheru.”

Mashoko evabereki ava anoratidza zvazvinokoshera kuva pakati nepakati pakugovera varaidzo yakanaka uye kuiisa munzvimbo yayo yakakodzera muupenyu hwomuKristu.—Muparidzi 3:4; VaFiripi 4:5.

Vimba naJehovha

Chokwadi, kuzvidzivirira pakunamata kunotora makore akawanda kuti kuvepo. Hapana mushonga unoshamisa unongoerekana wapa vana uchenjeri hwaMwari, wovaita kuti vavimbe naBaba vavo vokudenga. Asi, vabereki vanofanira ‘kuramba vachivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.’ (VaEfeso 6:4) Uku ‘kutungamirira ndangariro’ kunoramba kuchingoitwa kunoreva kubatsira vana kuti vaone zvinhu semaonero anoita Mwari. Vabereki vangazviita sei?

Kudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose ndiwo musimboti wokubudirira. Kudzidza kwacho ‘kunosvinudza meso evana, kuti vaone zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau waMwari.’ (Pisarema 119:18) Diego aikoshesa zvikuru kudzidzisa mhuri yake saka akabatsira vana vake kuti vaswedere pedyo naJehovha. Anoti, “Ndainyatsogadzirira kudzidza kwacho. Nokutsvakurudza mashoko mumabhuku anotsanangura Bhaibheri, ndakadzidza kuita kuti vanhu vanotaurwa muBhaibheri vave vanhu chaivoivo. Ndakakurudzira vana kuti vaenzanise zvinoitika muupenyu hwavo nezvevaya vakatendeka. Izvi zvakaita kuti vana vangu vayeuke zvakajeka zvinhu zvinofadza Jehovha.”

Vana vanodzidzawo panguva isina kurongwa. Mosesi akakurudzirawo vabereki kuti vataure nezvezviyeuchidzo zvaJehovha ‘pavainge vagere mumba mavo uye pavainge vachifamba munzira uye pavainge vakavata pasi uye pavaimuka.’ (Dheuteronomio 6:7) Vamwe baba vakatsanangura kuti: “Mwanakomana wangu anoda nguva yokuti azarure mwoyo wake otaura zviri kutsi kwomwoyo wake. Patinofamba kana kuti patinoita basa tose, anozoguma ataura akasununguka. Pazviitiko izvi, tinokurukura zvinhu zvakanaka zvinotibatsira tose.”

Minyengetero inotaurwa nevabereki inobatsirawo vana vavo zvikuru. Kunzwa vabereki vavo vachinyengetera kuna Mwari nokuzvininipisa vachikumbira kuti vabatsirwe uye vakanganwirwe kunoita kuti vana ‘vatende kuti ariko.’ (VaHebheru 11:6) Vabereki vakawanda vanobudirira vanosimbisa kukosha kweminyengetero yemhuri, uyewo minyengetero inosanganisira zvokuchikoro uye zvimwe zvinhu zviri kunetsa vana vavo. Vamwe baba vakati mudzimai wavo anogara achinyengetera nevana vasati vaenda kuchikoro.—Pisarema 62:8; 112:7.

“Tisarega Kuita Zvakanaka Kwazvo”

Vabereki vose vanokanganisa uye vangademba mabatiro avakaita mamwe mamiriro ezvinhu. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tirambe tichiedza, kwete ku“rega kuita zvakanaka kwazvo.”—VaGaratiya 6:9.

Zvisinei, vabereki vanganzwa vachida kurega, pane dzimwe nguva pavanombotadza kunzwisisa vana vavo. Zvingava nyore kugumisa kuti chizvarwa chevechiduku chakasiyana uye chakaoma kubata nacho. Asi, chaizvoizvo, mazuva ano vana vanongokanganisa sezvaiita chizvarwa chekare, uye vanotarisana nemiedzo yakafanana, kunyange zvazvo manzwiro okuda kutadza angave akawedzera. Saka, vamwe baba, pashure pokururamisa mwanakomana wavo, vakapfavisa mashoko avo nokutaurazve nomutsa vachiti: “Mwoyo wako unongoda kuita zvaida kuitwa nomwoyo wangu pandaiva pazera rako.” Vabereki vangasaziva zvakawanda nezvemakombiyuta, asi vanoziva zvakawanda nezvezvinofungwa nevanhu vasina kukwana.—Mateu 26:41; 2 VaKorinde 2:11.

Zvichida vamwe vana havanyanyi kufarira kutungamirirwa nevabereki vavo uye vanotopandukira chirango chavanopiwa. Zvisinei, panozve, kutsungirira kunokosha. Pasinei nokuti pakutanga vakanga vasingafariri kana kuti pane dzimwe nguva havateereri, vana vakawanda pakupedzisira vanozobvuma. (Zvirevo 22:6; 23:22-25) Matthew, muKristu wechiduku ari kushanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, akati: “Pandaiyaruka, ndaifunga kuti vabereki vangu vaindiomesera pane zvavaindirambidza. Ndaitofunga kuti kana vabereki veshamwari dzangu vaibvumidza chimwe chinhu, nei vangu vaisadaro? Ndaishatirwa chaizvo pane dzimwe nguva pavaindiranga nokundirambidza kuenda kunotamba neigwa—chimwe chinhu chandaida. Zvisinei, ndichitarira shure, ndinonzwisisa kuti kurangwa kwandaiitwa nevabereki vangu kwakanga kwakakodzera uye kwakabatsira. Ndinoonga kuti vakanditungamirira nenzira yaidiwa panguva yandaida kutungamirirwa.”

Ichokwadi kuti—kunyange zvazvo vana vedu pane dzimwe nguva vangava noutano husina kunaka mune zvokunamata, vanogona kungokura kuva vaKristu vakanaka kwazvo. Sokuvimbisa kunoita Bhaibheri, uchenjeri hwaMwari hunogona kuvadzivirira mune zvokunamata. “Uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa.”—Zvirevo 2:10-12.

Kutakura mwana mudumbu kwemwedzi mipfumbamwe kwakaoma. Uye makore 20 anotevera angaunza marwadzo pamwe chete nomufaro. Asi nokuti vanoda vana vavo, vabereki vechiKristu vanoedza nesimba ravo rose kuvadzivirira nouchenjeri hwaMwari. Pamusoro pevana vavo, vanonzwa semanzwiro omuapostora Johani akanga akwegura, uyo nezvevana vake mune zvokunamata, akati: “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, kuti ndive ndichinzwa kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.”—3 Johani 4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mamwe mazita munyaya ino akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Taigara takazarura musha wedu uye waigara wakazara nevechiduku”

[Mufananidzo uri papeji 25]

Farira zvinofarirwa nevana vako

[Mifananidzo iri papeji 26]

“Ndainyatsogadzirira kudzidza kwacho”