Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mashoko aStefani ari pana Mabasa 7:59 anoratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Jesu here?

Mabasa 7:59 inoti: “Vakaramba vachitaka Stefani nematombo sezvaaikumbira achiti: ‘Ishe Jesu, gamuchirai mudzimu wangu.’” Mashoko iwayo akamutsa mibvunzo mupfungwa dzevanhu vakawanda, sezvo Bhaibheri richiti Jehovha ndiye wo“kunzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2) Stefani akanyengetera chaizvoizvo kuna Jesu here? Kana zvakadaro, izvi zvingareva kuti Jesu naJehovha munhu mumwe chete here?

King James Version inoti Stefani akanga “achidanidzira kuna Mwari.” Saka, zvinonzwisisika kuti vanhu vakawanda vanoshandisa mashoko akataurwa nomuongorori weBhaibheri anonzi Matthew Henry, uyo akati: “Apa Stefani anonyengetera kuna Kristu, saka isuwo tinofanira kudaro.” Zvisinei, izvozvo hazvisizvo. Nei?

Bhuku rinonzi Barnes’ Notes on the New Testament rinotaura zvazviri kuti: “Shoko rokuti Mwari harisi iro rakanga riripo pakutanga, uye raisafanira kuva mushanduro yacho. Hariwanikwi [mumashoko akanyorwa] ekare kana mune dzimwe shanduro.” Shoko rokuti “Mwari” rakapinzwa sei mundima iyi? Mudzidzi anonzi Abiel Abbot Livermore akati izvi “zvakaitwa nevashanduri vemapoka ezvitendero vakanga vaine kwavakarerekera.” Saka shanduro zhinji dzemazuva ano hadzishandisi shoko iroro rokuti Mwari sezvo risipo.

Kunyange zvakadaro, shanduro dzakawanda dzinoti Stefani “akanyengetera” kuna Jesu. Uye mashoko omuzasi eShanduro yeNyika Itsva anoratidza kuti shoko rokuti “kwirira” rinogonawo kureva “kukumbira kubatsirwa; munyengetero.” Izvozvo hazvingaratidzi here kuti Jesu ndiye Mwari Wemasimba Ose? Aiwa. Duramazwi rinonzi Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinotsanangura kuti shoko repakutanga rechiGiriki rakashandiswa pano, e·pi·ka·leʹo, rinoreva: “Kudana, kukumbira, . . . kukwirira kuchiremera.” Pauro akashandisa shoko rimwe chete iroro paakazivisa kuti: “Ndinokwirira kuna Kesari!” (Mabasa 25:11) Saka, The New English Bible rinotaura zvakakodzera kuti Stefani “akadana” kuna Jesu.

Chii chakaita kuti Stefani aite chikumbiro chakadaro? Maererano naMabasa 7:55, 56, Stefani, “azere nomudzimu mutsvene, akanyatsotarira kudenga akaona mbiri yaMwari neyaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Chaizvoizvo, Stefani angadai akakumbira kuna Jehovha nomuzita raJesu. Asi achiona Jesu akamutswa, Stefani akaona zviri nyore kukumbira kwaari zvakananga, achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai mudzimu wangu.” Stefani aiziva kuti Jesu akanga apiwa simba rokumutsa vakafa. (Johani 5:27-29) Saka akakumbira Jesu kuti achengete mudzimu wake, kana kuti simba rake roupenyu, kusvikira zuva raaizomumutsira kuupenyu hwokusafa kumatenga.

Mashoko mashomanana akataurwa naStefani anoratidza here kuti tinofanira kunyengetera kuna Jesu? Kana nepaduku pose. Kutanga, Stefani akanyatsosiyanisa Jesu naJehovha, nokuti nyaya yacho inoti akaona Jesu “amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Uyewo, zvinhu zvakadai zvakanga zvisingawanzoitiki. Pamwe pakataurwa zvakafanana neizvi kuna Jesu ndepaya pomuapostora Johani, uyo akataura zvakananga kuna Jesu paakamuona.—Zvakazarurwa 22:16, 20.

Kunyange zvazvo vaKristu vachinyengetera kuna Jehovha Mwari, ivowo vanotenda zvakasimba kuti Jesu ndiye “kumuka noupenyu.” (Johani 11:25) Sezvakwakaita Stefani, kutenda kuti Jesu anogona kumutsa vateveri vake kubva kuvakafa kunogona kutibatsira uye kutitsigira munguva dzokuedzwa.