Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takadzidza Kuvimba Zvakakwana naJehovha

Takadzidza Kuvimba Zvakakwana naJehovha

Nyaya Youpenyu

Takadzidza Kuvimba Zvakakwana naJehovha

YAKATAURWA NANATALIE HOLTORF

Maiva muna June 1945. Rimwe zuva mumwedzi iwoyo, mumwe murume akanga akacheneruka akasvika pamba pedu ndokubva amira zvake pamusuo mberi kwemba. Avhunduka, mwanasikana wangu wegotwe, Ruth, akadanidzira achiti: “Amai, pamusuo pane munhu!” Akanga asingazivi kuti munhu wacho aiva baba vake—murume wangu wandaida, Ferdinand. Makore maviri akanga apfuura, mazuva matatu bedzi Ruth azvarwa, Ferdinand akabva pamba, akasungwa, uye akaguma ava mumusasa wevasungwa weNazi. Asi zvino, pakupedzisira, Ruth akaonana nababa vake, uye mhuri yedu yakabatana zvakare. Ini naFerdinand taiva nezvakawanda zvokuudzana!

FERDINAND akaberekwa muna 1909 muguta reKiel, muGermany, uye ini ndakaberekwa muna 1907 muguta reDresden makare muGermany. Pandakanga ndava nemakore 12, mhuri yedu yakaonana kokutanga neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Pandakazosvitsa makore 19, ndakabuda muEvangelical Church ndikabva ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha.

Panguva iyi, Ferdinand akapedza zvidzidzo zvepakoreji inodzidzisa zvokufamba mumvura nechikepe uye akabva ava mutyairi wechikepe. Paakanga ari munzendo dzake, akafungisisa mibvunzo ine chokuita nokuvapo kwoMusiki. Paakadzoka kuGermany, Ferdinand akashanyira mukoma wake, akanga ari Mudzidzi weBhaibheri. Kushanya uku kwakanga kwakakwana kumuita kuti abvume kuti Bhaibheri raiva nemhinduro dzemibvunzo yaimunetsa. Akabuda muChechi yeLutheran, uyewo akasarudza kurega kushanda somutyairi wechikepe. Apedza zuva rake rokutanga ari mubasa rokuparidzira, akanzwa achida chaizvo kuita basa iri muupenyu hwake hwose. Usiku ihwohwo, Ferdinand akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Akabhabhatidzwa muna August 1931.

Mutyairi Wechikepe uye Muparidzi

Muna November 1931, Ferdinand akakwira chitima chaienda kuNetherlands kuti anobatsira kuparidzira ikoko. Ferdinand paakaudza hama yakanga yaronga basa racho munyika iyoyo kuti akanga amboshanda muzvikepe, hama yacho yakati: “Ndiwe munhu watiri kuda!” Hama dzakanga dzarenda chikepe kuitira kuti mapiyona (vashumiri venguva yakazara) aparidzire vanhu vaigara pedyo nemvura nechokuchamhembe kwenyika yacho. Chikepe chacho chaiva nevanhu vashanu, asi hapana kana mumwe chete aigona kuchityaira. Saka Ferdinand akava mutungamiriri pakufambiswa kwechikepe.

Mwedzi mitanhatu gare gare, Ferdinand akakumbirwa kuti ashande sapiyona, muTilburg, kumaodzanyemba kweNetherlands. Panenge panguva iyoyo, ndakasvikawo muTilburg kuti ndishande sapiyona, uye ndakasangana naFerdinand. Asi takakumbirwa kutamira kuGroningen pakarepo, kuchamhembe kwenyika yacho. Ikoko, takazoroorana muna October 1932, uye muimba yaishandiswa nemapiyona akawanda, takava nezororo revachangobva kuchata uku tichipayona!

Mwanasikana wedu Esther akazvarwa muna 1935. Kunyange zvazvo takanga tichiwana mari shomanana, takanga takatsunga kuramba tichipayona. Takatamira kumusha, tikanogara mukamba kaduku duku. Pandairera mwana ndiri pamba, murume wangu aipedza nguva yakawanda ari muushumiri. Mangwana acho taichinjana. Takaramba tichingodaro kusvikira Esther akura zvokugona kuenda nesu muushumiri.

Munguva pfupi yakazotevera, mamiriro ezvamatongerwe enyika anotyisa akatanga muEurope. Takanzwa nezvokutambudzwa kweZvapupu muGermany, uye takabva taziva kuti rimwe zuva zvaizotiwanawo. Takatadza kuziva kuti taizoita sei kana tava muchitambudzo chakanyanya. Muna 1938 hurumende yeNetherlands yakarambidza vanhu vokune dzimwe nyika kuita basa remacolporteur rokuparadzira mabhuku echitendero. Kuti zvitibatsire kupfuurira kuita ushumiri, Zvapupu zvomuNetherlands zvakatipa mazita evanhu vakanga vafarira basa redu, uye takagona kudzidza Bhaibheri nevamwe vavo.

Panguva iyoyo, kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha yakanga yava kusvika. Kunyange zvazvo takanga tisina mari yokutenga matikiti echitima kuti tiende kunzvimbo yekokorodzano, taida kuenda. Saka takatanga rwendo rwemazuva matatu nemabhasikoro, tiine mwana wedu muduku, Esther, akagara pachigaro chakasungirirwa pahanduru dzebhasikoro. Tairara mudzimba dzeZvapupu zvaigara pedyo nenzira yacho. Takafara chaizvo kupinda kokorodzano yedu yokutanga! Purogiramu yacho yakatisimbisa nokuda kwemiedzo yaizouya. Kupfuura zvose, takayeuchidzwa kuti tivimbe naMwari. Taigarotaura mashoko ePisarema 31:6 anoti: “Asi ndichavimba naJehovha.”

Kuvhimwa nevaNazi

Muna May 1940 vaNazi vakapinda muNetherlands. Nenguva isipi Gestapo, kana kuti mapurisa epachivande, akaerekana atishanyira patakanga tichirongedza mabhuku eBhaibheri ataizotumira. Ferdinand akaendwa naye kumuzinda mukuru weGestapo. Ini naEsther taigara tichimushanyira ikoko, uye dzimwe nguva aibvunzurudzwa orohwa takatarisa. Muna December, Ferdinand akaerekana asunungurwa, asi rusununguko rwake rwaiva rwenguva pfupi. Rimwe zuva manheru tichidzoka kumba, takaona motokari yeGestapo iri pedyo neimba. Ferdinand akakwanisa kusvova ini naEsther tikapinda mumba. Gestapo yakanga yakatimirira. Yaida Ferdinand. Manheru iwayo Gestapo yaenda, mapurisa eNetherlands akauya uye akanditora kuti andibvunzurudze. Zuva rakatevera racho ini naEsther takaenda kunovanda muimba yeZvapupu zviviri zvakaroorana zvakanga zvichangobhabhatidzwa, mhuri yokwaNorder, izvo zvakatipa pokugara zvikatidzivirira.

January wa1941 ava kunopera, mapiyona akaroorana aigara muimba yakavakirwa muchikepe akasungwa. Zuva rakatevera racho mutariri wedunhu (mushumiri anofambira) nomurume wangu vakaenda kunotora zvinhu zvevaviri ava, asi vakabatwa nevatsigiri veGestapo. Ferdinand akakwanisa kupukunyura ndokutiza achichovha bhasikoro rake. Zvisinei, mutariri wedunhu akaendwa naye kujeri.

Ferdinand akakumbirwa nehama dzaitarisira kuti atore nzvimbo yomutariri wedunhu. Izvi zvaireva kuti akanga asingazokwanisi kuuya opedza mazuva anopfuura matatu pamwedzi ari pamba. Uyu wakanga uri muedzo wedu wokutanga, asi ndakaramba ndichipayona. Gestapo yakawedzera kutsvaka Zvapupu, saka taifanira kuramba tichitama. Muna 1942 takatama katatu. Nokufamba kwenguva, takaguma tava muguta reRotterdam, kure zvikuru nekwaiva naFerdinand achiita basa rake roushumiri pachivande. Panguva iyoyo ndakanga ndichitarisira kusununguka mwana wangu wechipiri. Takagamuchirwa nomutsa mumusha wemhuri yokwaKamp, iyo yaiva nevana vaviri vakanga vachangoendeswa kumisasa yevasungwa.

Gestapo Yakati Nama Nama Nesu

Mwana wedu wechipiri, Ruth, akaberekwa muna July 1943. Pashure pokuzvarwa kwaRuth, Ferdinand akakwanisa kugara nesu kwemazuva matatu, asi zvadaro aifanira kuenda, uye aka kaiva kokupedzisira kuonana naye kwenguva yakati rebei. Kwapera vhiki dzinenge nhatu, Ferdinand akasungwa muAmsterdam. Akaendeswa kukamba yeGestapo, kwaakanozivikanwa kuti aiva ani. Gestapo yakamubvunzurudza zvakasimba ichiedza kumumanikidza kutaura nezvemabasa edu okuparidzira. Asi zvose zvaingoda kutaurwa naFerdinand ndezvokuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti akanga asingabatanidzwi muchinhu chipi zvacho chezvematongerwe enyika. Mapurisa eGestapo akashatirwa kuti Ferdinand, chizvarwa chokuGermany, akanga asina kuenda kubasa rechiuto, uye vakamutyisidzira vachiti vaizomuuraya somutengesi.

Kwemwedzi mishanu yakatevera, Ferdinand aigara akapfigirwa mukamuri rimwe chete rejeri, maaigara achityisidzirwa kuti aizourayiwa nechikwata chevapfuri. Asi, haana kumbotsuduguka pakuvimba kwake naJehovha. Chii chakamubatsira kuti arambe akasimba mune zvokunamata? Shoko raMwari, Bhaibheri. Ichokwadi kuti, seChapupu, Ferdinand akanga asingabvumirwi kuva neBhaibheri. Zvisinei, vamwe vasungwa vaigona kukumbira kuva naro. Saka Ferdinand akaita kuti waaigara naye mukamuri rejeri akumbire mhuri yake kumuunzira Bhaibheri, murume wacho achibva aita izvozvo. Makore akazotevera, pose paitaura Ferdinand izvi, maziso ake airatidza mufaro uye aibva ati: “Bhaibheri iroro rakandinyaradza chaizvo!”

Mukutanga kwaJanuary 1944, Ferdinand akaerekana aendeswa kumusasa wevasungwa kuVught, muNetherlands. Sezvineiwo, kuchinjwa uku kwakava chikomborero kwaari nokuti akabva aonana nezvimwe Zvapupu 46 ikoko. Pandakaziva nezvokuchinjwa kwake, ndakafara kuziva kuti akanga achiri mupenyu!

Kuparidzira Asingaregi Mumusasa Wevasungwa

Upenyu mumusasa hwakanga hwakaoma. Kushayisisa zvokudya zvinovaka muviri, kushaya zvipfeko zvinodziya, uye kutonhorwa chaizvo, zvaiva zvinhu zvezuva nezuva. Ferdinand akabata chirwere chine ngozi chematonsil. Pashure pokudanidzirwa kwemazita kwakatora nguva refu kuchiitirwa panze paitonhora, akaenda kunzvimbo yaitarisirwa varwere. Varwere vakanga vaine fivha uye tembiricha yemadhigirii 40 kana kupfuura vaibvumirwa kugara. Asi Ferdinand haana kubvumirwa kugara, nokuti tembiricha yake yaingova madhigirii 39 chete! Akanzi adzokere kubasa. Zvisinei, vamwe vasungwa vasiririswa, vakamubatsira nokupota vachimuvanza munzvimbo dzinodziya kwenhambo pfupi. Aizobatsirikana zvakare kana kunze kwava kudziya. Uyewo, dzimwe hama padzaigamuchira zvokudya, dzaigovana zvokudya zvacho nevamwe, saka Ferdinand akawanazve simba.

Murume wangu asati aiswa mujeri, kuparidzira kwaiva rutivi rwoupenyu hwake, uye mumusasa akaramba achiudza vamwe zvaaitenda. Vatariri vomumusasa vaiwanzomunyombera triangle yake yepepuru, chiratidzo chairatidza musungwa anenge ari Chapupu. Asi Ferdinand aiona kutsvinya kwavo uku somukana wokutanga kukurukura navo. Pakutanga, ndima yokuparidza yehama yakanga ichingova mumakamba maiva neZvapupu. Hama dzakazvibvunza kuti, “Tingagona sei kuparidzira kune vamwe vasungwa?” Vasingazivi, vatungamiriri vomusasa wacho vakagadzirisa chinetso ichi. Sei?

Hama dzaiva nepadzaiviga mabhuku eBhaibheri uye dzaivawo nemaBhaibheri 12. Rimwe zuva varindi vakawana mabhuku acho, asi vakatadza kuziva kuti akanga ari aani. Neizvi, vatariri vomusasa vakasarudza kuti Zvapupu zvisabatane. Saka, senzira yokuranga nayo, hama dzose dzakaendeswa kumisasa yakanga ine vasungwa vakanga vasiri Zvapupu. Uyezve, hama dzaifanira kugara pedyo nevanhu vasiri Zvapupu pakudya. Chirongwa ichi chakanyatsobatsira. Zvino hama dzakagona kuita zvadzakanga dzichida kuita pakutanga—kuparidzira kune vamwe vasungwa.

Kurera Vanasikana Vaviri Ndoga

Panguva ino, ini nevanasikana vangu vaviri takanga tichiri kugara muRotterdam. Chando chomuna 1943 kana kuti 1944 chakanga chichitonhora samare. Necheseri kweimba yedu kwaigara masoja eGermany aiva nezvombo zvokuturunura nazvo ndege. Nechemberi kwedu kwaiva neWaal Harbor, yainyanyovavarirwa nemauto anobhomba eAllied. Yakanga isiri nzvimbo yakanaka kuvanda. Uyezve, zvokudya zvaiva zvishoma. Takadzidza kuvimba zvizere naJehovha kupfuura zvataiita kare.—Zvirevo 3:5, 6.

Esther ane makore masere aibatsira mhuri yedu duku nokuenda kunotambira zvokudya kunzvimbo kwazvaigoverwa. Zvisinei, paiwanzosvika chijana chake chokuti apiwe zvokudya, aiwana zvapera. Pane imwe nguva achinotsvaka zvokudya, akasvikirwa nendege dzaikanda mabhomba. Ndakashushikana pandakanzwa kuputika, asi munguva pfupi kushushikana kwangu kwakazova misodzi yokufara paakadzoka asina kukuvadzwa achitova nezvokudya zvishoma. “Chii chaitika?” ndiwo aiva mashoko angu okutanga. Akapindura zvinyoronyoro kuti: “Mabhomba paanga achidonhedzwa, ndaita chaizvo zvandakanzi naBaba ndizoita, ‘Zvambarara pasi, ramba wakarara, uye nyengetera.’ Uye zvashanda!”

Nemhaka yorurimi rwangu rwakarerekera kuchiGerman, zvakanga zviri nani kuti Esther aende kunotenga zvinhu. Izvi zvakacherechedzwa nemauto eGermany, ayo akabva atanga kubvunzurudza Esther. Asi haana kumbotaura chimwe chezvakavanzika. Kumba, ndaidzidzisa Esther Bhaibheri, uye nokuti aisakwanisa kupinda chikoro, ndakamudzidzisa kuverenga uye kunyora uyewo zvimwe zvinhu.

Esther aindibatsirawo muushumiri. Ndisati ndaenda kunodzidza Bhaibheri nomumwe munhu, Esther aiwanzoenda pamberi kuti aone kana pakanga pasina vanhu vaiticherechedza. Aiva nechokwadi chokuona kuti zviratidzo zvandainge ndabvumirana nomudzidzi weBhaibheri zviripo. Somuenzaniso, munhu wandaienda kunodzidza naye aiisa gaba remaruva pane imwe nzvimbo pahwindo kuti andiudze kuti ndinogona kusvika. Munguva yokudzidza Bhaibheri, Esther airamba ari panze kuti aone zviratidzo zvengozi, achikwira nokudzika nomugwagwa achinanaidza purema ine kacheche, Ruth.

KuSachsenhausen

Chii chakanga chichiitika kuna Ferdinand? Muna September 1944, iye nevamwe vakawanda vakaendeswa nechisimba kuchiteshi chezvitima uko mapoka evasungwa 80 akamanikidzirwa mumatiroko ezvitima. Tiroko rimwe nerimwe raiva nomugomo wavaishandisa sechimbudzi uye umwe uri wemvura yokunwa. Rwendo rwacho rwakatora mazuva matatu nousiku hutatu, uye maingova nenzvimbo yokumira bedzi! Makanga musingapindi mhepo. Matiroko acho akanga akavharwa zvokungosiya tuburi twakawanda tuduku duku. Kupisa, nzara, nenyota—tisingatauri nezvomunhuhwi—zvavaifanira kutsungirira hazvitsananguriki.

Chitima chakandomira pamusasa wevasungwa wakaipisisa weSachsenhausen. Vasungwa vose vakatorerwa zvinhu zvose zvavakanga vachinazvo—kusara kwemaBhaibheri 12 ayo Zvapupu zvakanga zvatakura!

Ferdinand nedzimwe hama sere vakaendeswa kumusasa waitarisirwa neSachsenhausen uri muguta reRathenow kuti vanoita basa rokugadzira zvombo. Kunyange zvazvo dzaigara dzichityisidzirwa kunzi dzaizourayiwa, hama dzakaramba kuita basa rorudzi urwu. Kuti vakurudzirane kuramba vakasimba, vaikurukura rugwaro rweBhaibheri mangwanani, rwakadai saPisarema 18:2, kuitira kuti varambe vachirufungisisa muswere wose wezuva. Izvi zvakavabatsira kuramba vachifungisisa zvinhu zvokunamata.

Pakupedzisira, maungira ezvombo akaratidza kuti mauto eAllied neeRussia akanga ava kusvika. Mauto eRussia ndiwo akatanga kusvika pamusasa waiva naFerdinand nevamwe vake. Mauto acho akapa vasungwa zvokudya ndokuvati vabude mumusasa. Pakazopera April 1945, mauto eRussia akavatendera kudzokera kumisha yavo.

Takazova Pamwe Chete Semhuri

Musi waJune 15, Ferdinand akasvika muNetherlands. Hama dzaiva muGroningen dzakamugamuchira nomufaro. Nenguva isipi akaziva kuti takanga tichiri vapenyu, uye takagamuchira shoko rokuti akanga adzoka. Kumirira kusvika kwake kwakaita senguva refu. Asi pakupedzisira, rimwe zuva, Ruth akadanidzira kuti: “Amai, pamusuo pane munhu!” Akanga ari murume wangu wandaida uye baba vake!

Zvinetso zvizhinji zvaida kugadziriswa tisati tagadzikana semhuri chaiyo zvakare. Takanga tisina musha, uye chinetso chikuru chaiva chokuwanazve mvumo yokuva vagari vomuNetherlands vechigarire. Sezvo takanga tiri vokuGermany, kwemakore akawanda zviremera zveNetherlands zvaitibata sevanhu vasingadiwi. Zvisinei, nokufamba kwenguva takakwanisa kugadzikana ndokutangazve upenyu hwatakanga tichishuva kwazvo—huya hwokushumira Jehovha pamwe chete semhuri.

“Ndichavimba naJehovha”

Mumakore akazotevera, pose apo ini naFerdinand taiva neshamwari dzedu dzakararamawo mumazuva echitambudzo, taiyeuka kutarisira kworudo kwaJehovha munguva dzakaoma idzodzo. (Pisarema 7:1) Takafara kuti mumakore iwayo, Jehovha akatitendera kuita chimwe chinhu mukufambisira mberi zvinhu zvoUmambo. Tinowanzotaura kuti takafara zvakadini kupedzera uduku hwedu mubasa dzvene raJehovha.—Muparidzi 12:1.

Pashure penguva yokutambudzwa neNazi, ini naFerdinand takashumira Jehovha pamwe chete kwemakore anopfuura 50 asati apedza upenyu hwake hwepasi musi waDecember 20, 1995. Nokukurumidza ndichange ndava nemakore 98. Zuva nezuva, ndinotenda Jehovha kuti vana vedu vakabatsira chaizvo mumakore iwayo akaoma uyewo kuti ndichiri kugona kuita zvandinokwanisa mubasa rake kuti zita rake ripiwe mbiri. Ndinoonga zvose zvandakaitirwa naJehovha, uye chido chomwoyo wangu kupfuurira kurarama maererano nemashoko andinogarotaura okuti: “Asi ndichavimba naJehovha.”—Pisarema 31:6.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Ndiina Ferdinand muna October 1932

[Mufananidzo uri papeji 19]

Chikepe choushumiri “Almina” nevanhu vacho

[Mufananidzo uri papeji 22]

Ndiina Ferdinand nevana