Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Muenzaniso Wakaitwa naJesu

Tevedzera Muenzaniso Wakaitwa naJesu

Tevedzera Muenzaniso Wakaitwa naJesu

“Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, munofanirawo kudaro.”—JOHANI 13:15.

1. Nei Jesu ari muenzaniso unofanira kutevedzerwa nevaKristu?

MUNHAU yose yevanhu, munhu mumwe chete bedzi ndiye akararama upenyu hwake hwose asina kutadza. Munhu wacho ndiJesu. Kunze kwaJesu, “hakuna munhu usingatadzi.” (1 Madzimambo 8:46; VaRoma 3:23) Nokuda kwechikonzero ichocho, vaKristu vechokwadi vanoona Jesu somuenzaniso wakakwana unofanira kutevedzerwa. Zvechokwadi musi waNisani 14, 33 C.E., kwangosara nguva pfupi kuti afe, Jesu pachake akaudza vateveri vake kuti vamutevedzere. Akati: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, munofanirawo kudaro.” (Johani 13:15) Pausiku ihwohwo hwokupedzisira, Jesu akataura nzira dzakawanda idzo vaKristu vanofanira kuedza kuita kuti vafanane naye. Munyaya ino, tichakurukura dzimwe dzacho.

Kukosha Kwokuzvininipisa

2, 3. Jesu aiva muenzaniso wakakwana wokuzvininipisa munzira dzipi?

2 Jesu paakakurudzira vadzidzi vake kuti vatevere muenzaniso waakavaitira, akanga achitaura zvakananga nezvokuzvininipisa. Kanopfuura kamwe, akanga apa vateveri vake zano rokuti vazvininipise, uye pausiku hwaNisani 14, akaratidza kuti aizvininipisa paakageza tsoka dzevaapostora vake. Jesu akabva ati: “Kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kugezana tsoka.” (Johani 13:14) Zvadaro, akaudza vaapostora vake kuti vatevere muenzaniso waakaita. Iwoyo waiva muenzaniso wakazonaka wokuzvininipisa!

3 Muapostora Pauro anotiudza kuti asati auya pasi pano, Jesu “aivapo saMwari.” Kunyange zvakadaro, akazvidurura ndokuva munhu akaderera. Uyezve, “akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu, hungu, rufu padanda rokutambudzikira.” (VaFiripi 2:6-8) Pafunge. Jesu, munhu mukuru wechipiri pane zvose, akabvuma kuva akaderera kudarika ngirozi, kuberekwa somwana asina zvaanogona kuita, kukura achizviisa pasi pevabereki vasina kukwana, kwava kuzofa segororo rinozvidzwa. (VaKorose 1:15, 16; VaHebheru 2:6, 7) Kuzvininipisa kwakadini! Zvinobvira here kutevedzera “mafungire” iwaya tova ne“pfungwa dzinozvidukupisa” dzakadaro? (VaFiripi 2:3-5) Zvinobvira, asi hazvisi nyore.

4. Zvinhu zvipi zvinoita kuti vanhu vadade, asi nei kudada kuine ngozi?

4 Kuzvininipisa kunopesana nokudada. (Zvirevo 6:16-19) Kudada ndiko kwakaita kuti Satani awe. (1 Timoti 3:6) Kunotanga nyore nyore mumwoyo yevanhu, uye kwangovamo, zvakaoma kukubvisa. Vanhu vanodada pamusana penyika yavo, rudzi rwavo, zvinhu zvavo, dzidzo yavo, kubudirira kwavo munyika, chinzvimbo chavo munzanga, chitarisiko chavo, kugona kwavanoita zvemitambo, nezvimwe zvinhu zvakawanda. Asi hapana chimwe chezvinhu izvozvo chinokosha kuna Jehovha. (1 VaKorinde 4:7) Uye kana zvichiita kuti tidade, zvinokuvadza ukama hwedu naye. “Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa; asi une manyawi Jehovha unomuziva ari kure.”—Pisarema 138:6; Zvirevo 8:13.

Kuzvininipisa Pakati Pehama Dzedu

5. Nei zvichikosha kuti vakuru vazvininipise?

5 Kunyange kutsigira kwedu uye zvatinokwanisa kuita mubasa raJehovha hazvifaniri kuita kuti tidade; uyewo basa romuungano harifaniriwo kuita kuti tidaro. (1 Makoronike 29:14; 1 Timoti 6:17, 18) Chokwadi, kana tiine mabasa anokosha, tinotofanira kuzvininipisa zvikuru. Muapostora Petro akakurudzira vakuru kuti ‘vasaremedza avo vari nhaka yaMwari, asi kuti vave mienzaniso kuboka.’ (1 Petro 5:3) Vakuru vanogadzwa kuti vave vashumiri uye mienzaniso, kwete madzishe navanatenzi.—Ruka 22:24-26; 2 VaKorinde 1:24.

6. Ndepapi patinofanira kuzvininipisa muupenyu hwechiKristu?

6 Vakuru handivo voga vanofanira kuzvininipisa. Kuvarume vaduku avo vangadada nouchenjeri hwavo uye ugwinyi izvo zvisina vakura, Petro akanyora kuti: “Zvisungei nepfungwa dzinozvidukupisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Chokwadi, kuzvininipisa kwakafanana nokwaKristu kunokosha kwatiri tose. Zvinoda kuzvininipisa kuti tiparidze mashoko akanaka, kunyanya patinosangana nevanhu vasingakendengi kana kuti vane utsinye. Zvinoda kuzvininipisa kuti tigamuchire zano kana kuti, kuita kuti upenyu hwedu huve nyore kuitira kuti tiite zvakawanda muushumiri. Uyezve, tinoda kuzvininipisa uyewo ushingi nokutenda patinotsungirira nhema dzinoparadzirwa, patinoshorwa nomutemo, kana kuti patinoitirwa chisimba.—1 Petro 5:6.

7, 8. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingakudziridza nadzo kuzvininipisa?

7 Munhu angakurira sei kudada ova ‘nepfungwa dzinozvidukupisa achifunga kuti vamwe vakuru’ kwaari? (VaFiripi 2:3) Anofanira kuzviona sokuonekwa kwaanoitwa naJehovha. Jesu akatsanangura mafungiro akanaka paakati: “Nemiwo, kana maita zvinhu zvose zvamakagoverwa, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’” (Ruka 17:10) Yeuka kuti hapana chatinogona kuita chinoenzana nezvakaitwa naJesu. Asi, Jesu aizvininipisa.

8 Uyezve, tinogona kukumbira kubatsirwa naJehovha kuti tizvione nenzira yakarurama. Kufanana nomunyori wepisarema, tinogona kunyengetera kuti: “Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.” (Pisarema 119:66) Jehovha achatibatsira kuti tizvione nenzira yakanaka, zviri pakati nepakati, uye achatikomborera nokuda kwokuzvininipisa kwedu. (Zvirevo 18:12) Jesu akati: “Munhu wose anozvikudza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakudzwa.”—Mateu 23:12.

Maonero Akakodzera Ezvakanaka Nezvakaipa

9. Jesu aiona sei zvakanaka nezvakaipa?

9 Jesu akaramba “asina chivi,” pasinei nokuti akararama makore 33 ari pakati pevanhu vasina kukwana. (VaHebheru 4:15) Chokwadi, paaiprofita pamusoro paMesiya, munyori wepisarema akati: “Makada kururama, mukavenga kusarurama.” (Pisarema 45:7; VaHebheru 1:9) Mune izviwo, vaKristu vanoedza kutevedzera Jesu. Havangosiyanisi zvakanaka nezvakaipa; vanovenga zvakaipa uye vanoda zvakanaka. (Amosi 5:15) Izvi zvinovabatsira kukurira mafungiro okutadza avakaberekwa nawo.—Genesi 8:21; VaRoma 7:21-25.

10. Kana tiine tsika yokuita “zvinhu zvakaipa” tisingapfidzi, tinenge tiri kuratidza mafungiro api?

10 Jesu akati kuna Nikodhimo muFarisi: “Uyo ane tsika yokuita zvakaipa anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa. Asi uyo anoita zviri zvechokwadi anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aoneswe seakaitwa maererano naMwari.” (Johani 3:20, 21) Chimbofunga izvi: Johani akataura nezvaJesu se“chiedza chechokwadi chinovhenekera munhu worudzi rwose.” (Johani 1:9, 10) Asi Jesu akati kana tiine tsika yokuita “zvinhu zvakaipa”—zvinhu zvisina kururama, zvisingagamuchirwi naMwari—tinovenga chiedza. Ungafungidzira here uchivenga Jesu uye zvaanoda? Asi ndozvinoita vaya vanoita chivi vasingapfidzi. Zvimwe havaoni zvinhu nenzira iyoyo, asi zviri pachena kuti aya ndiwo maonero aJesu.

Kuva Nemaonero aJesu Ezvakanaka Nezvakaipa

11. Chii chinokosha kana tichizova nemaonero aJesu ezvakanaka nezvakaipa?

11 Tinoda kunzwisisa zvakajeka zvakanaka nezvakaipa kubva mumaonero aJehovha. Izvozvo tinozvinzwisisa bedzi nokudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri. Sezvatinotsvaka dzidzo yakadaro, tinofanira kunyengetera sezvakaita munyori wepisarema kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.” (Pisarema 25:4) Zvisinei, yeuka kuti Satani anonyengera. (2 VaKorinde 11:14) Anogona kuita kuti zvakaipa zviite sezvinogamuchirika kumuKristu asina kungwarira. Saka, tinofanira kufungisisa zvatinodzidza uye kunyatsoteerera zano ro“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Kudzidza, munyengetero, uye kufungisisa zvatinodzidza zvichatibatsira kukura mune zvokunamata tova pakati pevaya “vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” (VaHebheru 5:14) Zvadaro tichanzwa tichida kuvenga zvakaipa toda zvakanaka.

12. Izano ripi reBhaibheri rinotibatsira kuti tisava netsika yokusateerera mutemo?

12 Kana tichivenga zvakaipa, hatizobvumiri chido chezvinhu zvakaipa kuti chikure mumwoyo yedu. Makore akawanda Jesu afa, muapostora Johani akanyora kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.”—1 Johani 2:15, 16.

13, 14. (a) Nei kuda zvinhu zvenyika kuine ngozi kuvaKristu? (b) Tingadzivisa sei kukudziridza kuda zvinhu zviri munyika?

13 Vamwe vangafunga kuti hazvisi zvinhu zvose zviri munyika zvakaipa. Kunyange zvakadaro, nyika nezvinhu zvayo zvinokwezva zvingatitsausa nyore pakushumira Jehovha. Uye hapana chinopiwa nenyika chakagadzirirwa kutiswededza pedyo naMwari. Saka, kana tikanyanya kuda zvinhu zviri munyika, kunyange zvinhu zvingave zvisina hazvo kuipa, tinenge tiri pangozi. (1 Timoti 6:9, 10) Kunze kweizvi, zvakawanda zviri munyika zvakatoipa uye zvinogona kutikanganisa. Kana tichiona mabhaisikopu kana kuti purogiramu dzeterevhizheni dzinoratidza chisimba, kunyanya kuda zvinhu zvokunyama, kana kuti unzenza, tingazoona zvinhu izvozvo sezvakanaka—asi zvozova muedzo kwatiri. Kana tikashamwaridzana nevanhu vanonyanya kufarira kunatsiridza mararamiro avo kana kuti kukudziridza mikana yebhizimisi, zvinhu izvozvo zvinganyanya kukoshawo kwatiri.—Mateu 6:24; 1 VaKorinde 15:33.

14 Ukuwo, kana tichifarira Shoko raJehovha, “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu” hazvizonyanyi kukwezva. Uyezve, kana tichishamwaridzana nevaya vanoisa zvinhu zvoUmambo pakutanga, tichaita saivo, tichida zvavanoda uye tichidzivisa zvavanodzivisa.—Pisarema 15:4; Zvirevo 13:20.

15. Sezvakaita Jesu, kuda kururama uye kuvenga kusateerera mutemo zvichatisimbisa sei?

15 Kuvenga kusateerera mutemo uye kuda kururama zvakabatsira Jesu kuita kuti maziso ake arambe ari pa“mufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaHebheru 12:2) Izvozvo zvinogonawo kuitika kwatiri. Tinoziva kuti “nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo.” Mufaro wose unowanika munyika ino unongova wenguva pfupi. Zvisinei, “uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Jesu akazarura nzira yokuti vanhu vawane upenyu husingaperi nokuti akaita zvaidiwa naMwari. (1 Johani 5:13) Tose ngatimutevedzerei tigobatsirwa nokuvimbika kwake.

Kutambudzwa

16. Nei Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vadanane?

16 Jesu akaratidza imwe nzira iyo vadzidzi vake vaizomutevedzera nayo, achiti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12, 13, 17) Pane zvikonzero zvakawanda nei vaKristu vachida hama dzavo. Panguva ino, Jesu ainyanya kufunga nezvokuvengwa kwavaizoitwa nenyika. Akati: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. . . . Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johani 15:18, 20) Chokwadi, kunyange pavanotambudzwa, vaKristu vanoita saJesu. Vanofanira kukudziridza chisungo chakasimba, chorudo kuti vagone kukurira ruvengo irworwo.

17. Nei nyika ichivenga vaKristu vechokwadi?

17 Nei nyika ingavenga vaKristu? Nokuti, saJesu, “havasi rutivi rwenyika.” (Johani 17:14, 16) Havapindiri mune zvechiuto nezvematongerwe enyika, uye vanochengeta mitemo yeBhaibheri, vachiremekedza utsvene hwoupenyu uye vanorarama maererano netsika dzakanaka. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinde 6:9-11) Zvinangwa zvavo zvikuru ndezvokunamata, kwete kuwana zvinhu zvokunyama. Vanorarama munyika, asi sezvakanyorwa naPauro, ‘havaishandisi zvizere.’ (1 VaKorinde 7:31) Chokwadi, vamwe vakayemura zvikuru tsika dzakanaka dzeZvapupu zvaJehovha. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvibvumirani pane zvisina kufanira kuti zviyemurwe kana kugamuchirwa. Saka, vakawanda vari munyika havazvinzwisisi, uye vakawanda vanozvivenga.

18, 19. Vachitevera muenzaniso waJesu, vaKristu vanokurira sei kushorwa uye kutambudzwa?

18 Vaapostora vaJesu vakaona ruvengo rukuru rwenyika pakasungwa Jesu uye paakaurayiwa, uye vakaona kuti Jesu akakurira sei ruvengo rwacho. Mubindu reGetsemane, vanhu vaipikisa chitendero chaJesu vakauya kuzomusunga. Petro akaedza kumudzivirira nebakatwa, asi Jesu akati kuna Petro: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52; Ruka 22:50, 51) Munguva yekare, vaIsraeri vakarwisa vavengi vavo nebakatwa. Zvisinei, iye zvino zvinhu zvakanga zvasiyana. Umambo hwaMwari hwakanga ‘husiri rutivi rwenyika ino’ uye hwakanga husina miganhu yenyika yokuti hudzivirire. (Johani 18:36) Nokukurumidza, Petro aizova mumwe worudzi rwomudzimu, rune vanhu vaizogara kudenga. (VaGaratiya 6:16; VaFiripi 3:20, 21) Saka, vateveri vaJesu vaizokurira kuvengwa nokutambudzwa sezvakaita Jesu—vasingatyi asi norugare. Nechivimbo, vaizosiyira Jehovha migumisiro yenyaya dzacho uye vaizovimba nesimba rake rokutsungirira.—Ruka 22:42.

19 Mumakore akazotevera, Petro akanyora kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. . . . Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uyo anotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:21-23) Sokunyevera kwakaita Jesu, vaKristu vakatambudzwa zvine utsinye kwemakore akawanda. Muzana remakore rokutanga uye munguva yedu, vakatevera muenzaniso waJesu ndokuva nechinyorwa chakaisvonaka chokutsungirira vakatendeka, zvichiratidza kuti ivo vanhu vakavimbika vane rugare. (Zvakazarurwa 2:9, 10) Tose zvedu somunhu mumwe nomumwe ngatiitei saizvozvo mamiriro ezvinhu paanorayira kuti tidaro.—2 Timoti 3:12.

“Pfekai Ishe Jesu Kristu”

20-22. VaKristu ‘vanopfeka Ishe Jesu Kristu’ munzira ipi?

20 Pauro akanyorera ungano yokuRoma kuti: “Pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musafanorongera kuchiva kwenyama.” (VaRoma 13:14) VaKristu vanoita sokunge vakapfeka Jesu, sezvinoitwa nguo. Vanoedza kutevedzera unhu hwake uye zviito zvake kusvika pakuti vanova mufananidzo—kunyange kana vasina kukwana—waTenzi wavo.—1 VaTesaronika 1:6.

21 Tinogona kubudirira ‘kupfeka Ishe Jesu Kristu’ kana tikajairana noupenyu hwaTenzi toedza kurarama sezvaakaita. Tinotevedzera kuzvininipisa kwake, kuda kwake kururama, kuvenga kwake kusateerera mutemo, kuda kwake hama dzake, kusava kwake rutivi rwenyika, uye kushivirira kwake kutambura kwenguva refu. ‘Hatifanorongeri kuchiva kwenyama’—kureva kuti, hatiiti kuti vavariro dzenyika kana kuti kugutsa kuchiva kwenyama zvive zvinhu zvikuru muupenyu hwedu. Pane kudaro, patinenge tichiita chisarudzo kana kuti tichigadzirisa chinetso, tinobvunza kuti: ‘Jesu aizoita sei mumamiriro ezvinhu aya? Angada kuti ini ndiite sei?’

22 Pakupedzisira, tinotevedzera Jesu nokuramba takabatikana “kuparidza mashoko akanaka.” (Mateu 4:23; 1 VaKorinde 15:58) Nenzira iyoyowo, vaKristu vanotevera muenzaniso wakaitwa naJesu, uye nyaya inotevera ichataura kuti vanozviita sei.

Ungatsanangura Here?

• Nei zvichikosha kuti muKristu azvininipise?

• Tingava sei nemaonero akarurama ezvakanaka nezvakaipa?

• VaKristu vanotevedzera Jesu munzira ipi pakukurira kushorwa uye kutambudzwa?

• Zvinobvira sei ‘kupfeka Ishe Jesu Kristu’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu akaita muenzaniso wakakwana wokuzvininipisa

[Mufananidzo uri papeji 8]

Upenyu hwose hwomuKristu, kusanganisira kuparidza, hunoda kuzvininipisa

[Mufananidzo uri papeji 9]

Satani angaita kuti varaidzo isina kunaka iite seinogamuchirika kumuKristu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kuda hama dzedu kuchatisimbisa patinoshorwa