Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakadzidziswa Kupupurira Kwazvo

Vakadzidziswa Kupupurira Kwazvo

Vakadzidziswa Kupupurira Kwazvo

“Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—MABASA 1:8.

1, 2. Nderipi raiva basa raPetro, uye akaripiwa naani?

“JESU wekuNazareta . . . akatirayira kuparidzira vanhu nokupupurira kwazvo kuti Uyu ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.” (Mabasa 10:38, 42) Nemashoko iwayo, muapostora Petro akatsanangurira Koneriyasi nemhuri yake basa raakanga apiwa rokuva muevhangeri.

2 Jesu akapa basa iroro rini? Zvimwe, Petro akanga achifunga nezvezvakanga zvataurwa naJesu akanga amutswa, nguva pfupi asati akwira kudenga. Panguva iyoyo, Jesu akaudza vadzidzi vake vakatendeka kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Zvisinei, kwenguva yakati izvi zvisati zvaitika, Petro akanga aziva kuti somudzidzi waJesu, aifanira kuudza vamwe pamusoro pokutenda kwake muna Jesu.

Makore Matatu Okudzidziswa

3. Jesu akaita chishamiso chipi, uye akadana Petro naAndireya kuti vaitei?

3 Mwedzi inoverengeka pashure pokunge abhabhatidzwa muna 29 C.E., Jesu akaparidzira kwaishanda Petro nomunun’una wake Andireya vari vabati vehove muGungwa reGarireya. Vakanga vashanda usiku hwose vasina kumbobata. Zvisinei, Jesu akavaudza kuti: “Enda[i] pakadzika, uye imi varume mudzikise utava hwenyu kuti mubate.” Pavakaita zvakataurwa naJesu, “vakabata hove zhinjizhinji. Chaizvoizvo, utava hwavo hwakatanga kubvaruka.” Achiona chishamiso ichi, Petro akabatwa nokutya, asi Jesu akamunyaradza, achiti: “Usatya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”—Ruka 5:4-10.

4. (a) Jesu akagadzirira sei vadzidzi vake kuti vapupurire? (b) Ushumiri hwevadzidzi vaJesu hungaenzaniswa sei nohwake?

4 Pakarepo, Petro naAndireya—uyewo Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi—vakasiya zvikepe zvavo ndokutevera Jesu. Kwemakore anenge matatu, vakafamba naJesu munzendo dzake dzokuparidza uye vakadzidziswa kuva vaevhangeri. (Mateu 10:7; Mako 1:16, 18, 20, 38; Ruka 4:43; 10:9) Kumugumo wenguva iyoyo, musi waNisani 14, 33 C.E., Jesu akavaudza kuti: “Uyo anotenda mandiri, iyeyewo achaita mabasa andinoita; uye achaita mabasa makuru kune aya.” (Johani 14:12) Vadzidzi vaJesu vaizopupurira kwazvo sezvakaitwa naJesu asi pamwero mukuru zvikuru. Sezvavakazoziva munguva pfupi yakatevera, ivo nevadzidzi vose vomunguva yemberi vaizopupurira ku“marudzi ose,” kusvikira “pakuguma kwegadziriro yezvinhu” chaipo.—Mateu 28:19, 20.

5. Tingabatsirwa munzira dzipi nokudzidzisa kwakaita Jesu vateveri vake?

5 Tiri kurarama ‘pamugumo wegadziriro yezvinhu.’ (Mateu 24:3) Kusiyana nevadzidzi vaya vokutanga, hatigoni kuenda naJesu uye hatigoni kumucherechedza achiparidzira vanhu. Asi, tinogona kubatsirwa nokudzidzisa kwake patinoverenga muBhaibheri kuti aiparidza sei uye kuti mirayiridzo ipi yaaipa vateveri vake. (Ruka 10:1-11) Zvisinei, nyaya ino ichataura chimwe chinhu chinokosha zvikuru icho Jesu akaratidza vadzidzi vake—kuona zvakanaka basa rokuparidza.

Kuva Nehanya Nevanhu

6, 7. Unhu hwaJesu hupi hwakaita kuti ushumiri hwake hubudirire, uye tingamutevedzera sei mune izvi?

6 Nei Jesu akapupurira zvinobudirira kudaro? Chimwe chikonzero chaiva chokuti aifarira vanhu zvikuru uye aiva nehanya navo. Munyori wepisarema akafanotaura kuti Jesu aizo“nzwira nyasha murombo nomushayiwi.” (Pisarema 72:13) Zvechokwadi akazadzika uprofita ihwohwo. Bhaibheri rinoti nezveimwe nguva: “Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Kunyange vaiti vezvivi zvakakomba vakaona kuva nehanya kwake uye vakakweverwa kwaari.—Mateu 9:9-13; Ruka 7:36-38; 19:1-10.

7 Mazuva ano, isu tichabudirira kana tikaratidza kuti tine hanyawo nevanhu. Usati waenda muushumiri, wadii kuzvipa nguva yokufungisisa kuti vanhu vanoda zvakadini mashoko auri kuda kuvaudza? Funga nezvezvinetso zvavangava nazvo zvichangopedzwa bedzi noUmambo. Iva netariro nomunhu wose, sezvo usingazivi kuti ndoupi achabvuma shoko racho. Zvichida munhu anotevera wauchaparidzira ave achinyengeterera kuti mumwe munhu akaita sewe auye kuzomubatsira!

Kukurudzirwa Norudo

8. Mukutevedzera Jesu, chii chinoita kuti vateveri vake vanzwe vachida kuparidza mashoko akanaka?

8 Mashoko akanaka akaziviswa naJesu aiva nechokuita nenyaya dzinokosha zvikuru kuvanhu—kuitwa kwezvinodiwa naJehovha, kutsveneswa kwezita Rake, uye kurevererwa kwouchangamire Hwake. (Mateu 6:9, 10) Nokuti aida Baba vake, Jesu akanzwa achida kuramba akavimbika kusvikira kumugumo uye achida kupupurira kwazvo pamusoro poUmambo, uhwo huchagadzirisa nhau idzodzo. (Johani 14:31) Sezvo vateveri vaJesu vemazuva ano vachinzwa vachida kuita saizvozvo, vanoshingaira pavanenge vari muushumiri. Muapostora Johani akati: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake,” kusanganisira murayiro wokuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi.—1 Johani 5:3; Mateu 28:19, 20.

9, 10. Kunze kwokuda Mwari, ndorupi rumwe rudo runoita kuti tinzwe tichida kupupurira kwazvo?

9 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida.” (Johani 14:15, 21) Saka, kuda Jesu kunofanira kuita kuti tinzwe tichida kupupurira chokwadi uye kuteerera zvimwe zvinhu zvakarayirwa naJesu. Pane imwe nguva paakaonekwa pashure pokumutswa kwake, Jesu akakurudzira Petro kuti: “Dyisa makwayana angu. . . . Fudza makwai angu maduku. . . . Dyisa makwai angu maduku.” Chii chaifanira kukurudzira Petro kuti aite izvozvo? Jesu akaratidza mhinduro yacho paakaramba achibvunza Petro kuti: “Unondida here? . . . Unondida here? . . . Unondida kwazvo here?” Hungu, rudo rwaPetro kuna Jesu, kumuda kwazvo kwaaiita, zvaigona kumuita kuti anzwe achida kupupurira kwazvo, kuwana “makwayana” aJesu, uye zvadaro ova mufudzi wao mune zvokunamata.—Johani 21:15-17.

10 Mazuva ano, hatinyatsozivani naJesu sezvakanga zvakaita Petro. Asi, tinonzwisisa zvikuru zvatakaitirwa naJesu. Mwoyo yedu inokurudzirwa norudo rukuru rwakaita kuti “aravire rufu nokuda kwevanhu vose.” (VaHebheru 2:9; Johani 15:13) Tinonzwa sezvakaita Pauro paakanyora kuti: “Rudo urwo Kristu anarwo runotigombedzera . . . Akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Tinoratidza kuti tinokoshesa zvikuru kudiwa kwatinoitwa naJesu uye kuti tinomudawo nokuita nomwoyo wose basa rokupupurira kwazvo. (1 Johani 2:3-5) Hatingambodi kuita basa rokuparidza zvachero, sokunge kuti tinoona chibayiro chaJesu sechisingakoshi.—VaHebheru 10:29.

Usarega Chimwe Chinhu Chichikutsausa Pane Zvinokosha

11, 12. Jesu akauyirei munyika, uye akaratidza sei kuti ainyanya kukoshesa basa iri?

11 Jesu paaiva pamberi paPondiyo Pirato, akati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Jesu haana kubvumira chinhu chipi nechipi kuti chimutsause pakupupurira chokwadi. Mwari aida kuti aite izvozvo.

12 Zvechokwadi Satani akaedza Jesu munhau iyi. Nguva pfupi Jesu abhabhatidzwa, Satani akati aida kumuita munhu mukuru munyika, aida kumupa “umambo hwose hwenyika nembiri yahwo.” (Mateu 4:8, 9) Gare gare, vaJudha vakada kumuita mambo. (Johani 6:15) Vamwe vangafunga nezvezvaizonakira vanhu kudai Jesu akabvuma zvaakapiwa, zvichida vachifunga kuti samambo, Jesu aigona kuitira vanhu zvakawanda zvakanaka. Zvisinei, Jesu akaramba mafungiro akadaro. Aiona kupupurira chokwadi sechinhu chainyanya kukosha.

13, 14. (a) Chii chisina kutsausa Jesu pabasa rake rinokosha? (b) Kunyange zvazvo Jesu akanga ari murombo mune zvokunyama, chii chaakaita?

13 Uyezve, Jesu haana kutsauswa nokutsvaka pfuma. Saka, akanga asina kupfuma. Akanga asina kunyange musha wake pachake. Pane imwe nguva, akati: “Makava ane maguru uye shiri dzedenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Jesu paakafa, chinhu bedzi chinokosha chaaiva nacho chakanyorwa nezvacho yaiva nguo iyo masoja eRoma akakanda mijenya pamusoro payo. (Johani 19:23, 24) Saka, upenyu hwaJesu hwaiva hwokutambura here? Kwete!

14 Jesu akaita zvinhu zvakatowanda kudarika shoroma chero ipi zvayo inobatsira nepfuma yayo. Pauro akati: “Munoziva mutsa usina kufanirwa waShe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma akava murombo nokuda kwenyu, kuti muve vapfumi nourombo hwake.” (2 VaKorinde 8:9; VaFiripi 2:5-8) Kunyange zvazvo aiva murombo mune zvokunyama, Jesu akaita kuti zvibvire kuti varombo vawane upenyu husingaperi mukukwana. Tinomuonga zvikuru! Uye tinofarira zvikuru mubayiro waakawana nokuti akaramba achikoshesa kuita kuda kwaMwari!—Pisarema 40:8; Mabasa 2:32, 33, 36.

15. Chii chinonyanya kukosha kudarika pfuma?

15 Mazuva ano, vaKristu vaya vanoedza kutevedzera Jesu havatsauswiwo nokutsvaka pfuma. (1 Timoti 6:9, 10) Vanobvuma kuti pfuma inogona kuita kuti upenyu hufadze, asi vanoziva kuti remangwana ravo risingaperi haribvi papfuma. MuKristu paanofa, pfuma yake haizokoshizve kwaari sokusakosha kwenguo yaJesu paakafa. (Muparidzi 2:10, 11, 17-19; 7:12) MuKristu paanofa, ukama hwake naJehovha uye naJesu Kristu ndihwo chinhu bedzi chinokosha chaizvoizvo chaanenge ava nacho.—Mateu 6:19-21; Ruka 16:9.

Haana Kuodzwa Mwoyo Nokushorwa

16. Jesu akakurira sei kushorwa?

16 Kushorwa hakuna kutadzisa Jesu kupupurira chokwadi. Kunyange kuziva kuti ushumiri hwake hwepasi pano hwaizoguma norufu rwechibayiro hakuna kumuodza mwoyo. NezvaJesu, Pauro akati: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Ona kuti Jesu ‘akazvidza nyadzi.’ Akanga asina basa nokuti vashori vaifungei nezvake. Aingofunga nezvokuita kuda kwaMwari.

17. Tingadzidzei pakutsungirira kwaJesu?

17 Achishandisa chidzidzo chokutsungirira kwaJesu, Pauro anokurudzira vaKristu achiti: “Nyatsofungai iye akatsungirira kutaura kwokukakavara kwakadaro kwevanhu vanoita zvivi avo vairwisa zvinhu zvinovabetsera, kuti murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.” (VaHebheru 12:3) Chokwadi, kushorwa kana kuti kunyombwa zuva nezuva kunganetesa. Zvinganetesa kuti tirambe tichidzivisa zvinokwezva zvenyika, zvichida kutoodzwa mwoyo nevoukama avo vanotikurudzira kuti tive vanhu vakabudirirawo. Zvisinei, saJesu tinotarira kuna Jehovha kuti atitsigire sezvatinotsunga kuisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu.—Mateu 6:33; VaRoma 15:13; 1 VaKorinde 2:4.

18. Chidzidzo chipi chakanaka chatingadzidza mumashoko aJesu kuna Petro?

18 Kuramba kwaJesu kutsauswa kwakaratidzwa paakatanga kuudza vadzidzi vake nezvorufu rwake rwaizouya. Petro akakurudzira Jesu kuti ‘azviitire mutsa’ uye akamuvimbisa kuti ‘aisazova nomugumo uyu.’ Jesu akaramba kuteerera zvose zvaigona kunetesa kutsunga kwake kuti aite kuda kwaJehovha. Akatendeukira kuna Petro ndokuti: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinogumbura kwandiri, nokuti unofunga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.” (Mateu 16:21-23) Nguva dzose ngatitsungeiwo kuramba pfungwa dzevanhu. Asi nguva dzose ngatitungamirirwe nepfungwa dzaMwari.

Umambo Huchaunza Zvinhu Zvinobatsira Chaizvo

19. Kunyange zvazvo aiva muiti wezvishamiso, chii chainyanya kukosha muushumiri hwaJesu?

19 Jesu akaita zvishamiso zvakawanda kuti aratidze kuti aiva Mesiya. Akatomutsa vakafa. Mabasa iwayo akakwezva mapoka evanhu, asi Jesu haana kuuya pasi pano kuti azongoita basa rokubatsira vanhu. Akauya kuzopupurira chokwadi. Aiziva kuti zvinhu zvose zvaakaitira vanhu zvaiva zvenguva pfupi. Kunyange vaya vakamutswa vaizofazve. Aigona kubatsira vamwe kuti vawane upenyu husingaperi nokungopupurira chokwadi bedzi.—Ruka 18:28-30.

20, 21. VaKristu vechokwadi vanoramba sei vari pakati nepakati munhau yemabasa akanaka?

20 Mazuva ano, vamwe vanhu vanoedza kutevedzera mabasa aJesu akanaka nokuvaka zvipatara kana kuti kuitira varombo venyika mamwe mabasa. Mune zvimwe zviitiko, vanoita izvi vachitorasikirwa ivo, uye kunyatsoda kwavo kubatsira kunorumbidzwa; asi kuyamura kwose kwavanoita kunongova kwenguva pfupi. Umambo bedzi ndihwo huchaunza ruyamuro rwechigarire. Saka, Zvapupu zvaJehovha zvinoomerera pakupupurira chokwadi choUmambo ihwohwo sezvakaitwa naJesu.

21 Chokwadi, vaKristu vechokwadi vanoita mabasa akanaka. Pauro akanyora kuti: “Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Munguva dzenhamo kana kuti mumwe munhu paanenge achishayiwa, hatizenguriri ‘kuitira zvakanaka’ vavakidzani vedu kana kuti hama dzedu dzechiKristu. Kunyange zvakadaro, tinoramba tichifunga zvinhu zvinokosha—kupupurira chokwadi.

Dzidza Pane Zvakaitwa naJesu

22. Nei vaKristu vachiparidzira vavakidzani vavo?

22 Pauro akanyora kuti: “Ndine nhamo kana ndisingazivisi mashoko akanaka!” (1 VaKorinde 9:16) Aifarira mashoko akanaka nokuti kuaparidza kwaireva upenyu kwaari uye kune vaimunzwa. (1 Timoti 4:16) Ndiwo maonero atinoitawo ushumiri hwedu. Tinoda kubatsira vavakidzani vedu. Tinoda kuratidza kuti tinoda Jehovha. Tinoda kuratidza kuti tinoda Jesu uye kuti tinoonga kuti anotida zvikuru. Saka, tinoparidza mashoko akanaka uye ‘hatiraramiri kuchiva kwevanhu, asi kuda kwaMwari.’—1 Petro 4:1, 2.

23, 24. (a) Tinodzidza chidzidzo chipi pachishamiso chehove? (b) Mazuva ano, ndivanaani vari kupupurira kwazvo?

23 SaJesu, hatitsauswi vamwe pavanotinyomba kana kuti pavanoramba shoko redu nehasha. Tinodzidza chidzidzo pachishamiso chakaitwa naJesu paakadana Petro naAndireya kuti vamutevere. Tinoona kuti kana tikateerera Jesu uye toita setiri kudzikisa utava hwedu kunyange mumvura inoita seisina chinhu, tingabata hove. Vabati vehove vechiKristu vakawanda vakabata hove dzakawanda pashure pemakore okushanda mumvura yaiita seisina chinhu. Vamwe vakakwanisa kutamira kunzvimbo dzinobatika hove zvikuru uye ikoko vakabata hove dzakawanda. Chero zvatingave tichiita, hatizoregi kudzikisa utava hwedu. Tinoziva kuti Jesu haasati azivisa kuti basa rokuparidza rapera munzvimbo ipi neipi yepasi pano.—Mateu 24:14.

24 Zvapupu zvaJehovha zvinodarika mamiriyoni matanhatu zvino zvakabatikana munyika dzinopfuura 230. Nharireyomurindi yaFebruary 1, 2005, ichange iine mushumo wazvo wegore rebasa ra2004 romunyika yose. Mushumo iwoyo ucharatidza chikomborero chikuru chaJehovha pabasa rokuparidza. Munguva yasarira gadziriro ino yezvinhu, ngatirambei tichiteerera mashoko aPauro anokurudzira anoti: “Paridza shoko, riite nokukurumidza.” (2 Timoti 4:2) Ngatirambei tichipupurira kwazvo kusvikira Jehovha ataura kuti basa racho rapera.

Kutanga gore rino, Mushumo Wegore Rebasa weZvapupu zvaJehovha Munyika Yose uchange usiri muNharireyomurindi yaJanuary 1. Uchabudiswa mune yaFebruary 1.

Ungapindura Here?

• Tingabatsirwa sei nokudzidzisa kwakaita Jesu vadzidzi vake?

• Jesu aiona sei vanhu vaaiparidzira?

• Chii chinotikurudzira kupupurira kwazvo?

• Tingaramba tichiita kuda kwaMwari munzira dzipi, sezvakaitwa naJesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tichabudirira muushumiri hwedu kana tikaratidza kuva nehanya nevanhu sezvaiita Jesu

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Jesu akauya pasi pano zvikurukuru kuti apupurire chokwadi

[Mifananidzo iri papeji 17]

Zvapupu zvaJehovha zvinoomerera pakupupurira kwazvo