Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Gamuchiranai Zvakanaka”

“Gamuchiranai Zvakanaka”

“Gamuchiranai Zvakanaka”

FEBHI, muKristu womuzana remakore rokutanga, aiva nezvaimunetsa. Aibva kuKenikireya, muGirisi, achienda kuRoma, asi akanga asingazivi vamwe vake vechiKristu vaiva muguta racho. (VaRoma 16:1, 2) “Nyika yeRoma [yemazuva iwayo] yakanga iri nyika yakaipa uye yaiva noutsinye,” anodaro mushanduri weBhaibheri anonzi Edgar Goodspeed, “uye mahotera akanga akaipa kwazvo zvichida asina kukodzera mukadzi ane tsika dzakanaka, kunyanya mukadzi wechiKristu.” Saka Febhi aizogara kupi?

Vanhu vaifamba zvikuru munguva dzinotaurwa muBhaibheri. Jesu Kristu nevadzidzi vake vakazviita kuti vaparidze mashoko akanaka muJudheya nomuGarireya mose. Nguva pfupi zvaitika, mamishinari echiKristu akadai saPauro akanga ava kuendesa shoko racho kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzakapoteredza gungwa reMediterranean, kusanganisira Roma, guta guru muUmambo hweRoma. VaKristu vomuzana remakore rokutanga pavaifamba mukati kana kuti kunze kwenharaunda yechiJudha, vaigara kupi? Pavaitsvaka pokugara, vaitarisana nezvinetso zvipi? Zvii zvatinogona kudzidza kwavari nezvokugamuchira vaeni zvakanaka?

“Nhasi Ndinofanira Kugara Mumba Mako”

Kubvira kare vanamati vechokwadi vaJehovha vaigamuchira vaeni. Somuenzaniso, Abrahamu, Roti naRebheka vaigamuchira vaeni. (Genesi 18:1-8; 19:1-3; 24:17-20) Achirondedzera mafungiro aaiita vaeni, tateguru Jobho akati: “Mweni haana kuvata usiku panzira dzomumusha; asi ndaizarurira mufambi mikova yangu.”—Jobho 31:32.

Kuti vafambi vagamuchirwe zvakanaka nevamwe vaIsraeri, zvaiwanzova zvakakwana kuti vagare munzira dzomuguta uye vachimirira kukokwa. (Vatongi 19:15-21) Vagamuchiri vevaeni vacho vaiwanzogeza tsoka dzevaeni vovapa zvokudya nezvokunwa, vachipawo mhuka dzavo zvokudya. (Genesi 18:4, 5; 19:2; 24:32, 33) Vafambi vaisada kuremedza vanhu vainge vavagamuchira vaifamba nezvokudya zvavaida—chingwa chavo newaini uye mashanga nezvokudya zvembongoro dzavo. Vaingoda bedzi pokurara usiku hwacho.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risinganyanyi kutaura mawaniro aiita Jesu pokugara munzendo dzake dzokuparidza, iye nevadzidzi vake vaitofanira kurara pane imwe nzvimbo. (Ruka 9:58) Paaishanyira Jeriko, Jesu akangoudza Zakeyo kuti: “Nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” Zakeyo akagamuchira mueni wake “nomufaro.” (Ruka 19:5, 6) Jesu aiwanzova mueni weshamwari dzake dzaiti Marita, Mariya, naRazaro veBhetani. (Ruka 10:38; Johani 11:1, 5, 18) Uye zvinoita sokuti muKapenaume, Jesu aigara naSimoni Petro.—Mako 1:21, 29-35.

Mirayiridzo youshumiri iyo Jesu akapa vaapostora vake 12 inoratidza zvakawanda nezvezvakanga zvakaita kugamuchirwa kwavaigona kutarisira muna Israeri. Jesu akavaudza kuti: “Musatora ndarama kana sirivha kana mhangura nokuda kwezvikwama zvenyu zvinosungirwa pabhandi, kana homwe yezvokudya zverwendo, kana nguo mbiri dzomukati, kana hwashu kana tsvimbo; nokuti mushandi anofanirwa nezvokudya zvake. Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri akafanira, mugare imomo kusvikira mabva.” (Mateu 10:9-11) Aiziva kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vaizogamuchira vadzidzi vake, vachivapa zvokudya, pokugara, nezvimwe zvinodiwa.

Zvisinei, nguva yaizouya apo vaevhangeri vaifamba vaizotarisira zvinodiwa zvavo vachibhadhara zvavaitenga. Achifunga nezvoutsinye hwomunguva yemberi hwaizoitirwa vateveri vake uye kuwedzera kwaizoita basa rokuparidza richipinda mundima dziri kunze kweIsraeri, Jesu akati: “Ane chikwama ngaachitore, saizvozvowo ane homwe yezvokudya.” (Ruka 22:36) Kufamba nepokugara zvaizova zvinhu zvinokosha kuti mashoko akanaka aparadzirwe.

“Teverai Nzira Yokugamuchira Vaeni Zvakanaka”

Rugare rushomanana uye kubatana kukuru kwemigwagwa yakagadzirwa nematombo muUmambo hwose hweRoma muzana remakore rokutanga zvakaita kuti vanhu vafambe zvikuru. * Vafambi vakawanda vakaita kuti nzvimbo dzakawanda dzokugara dzidiwe. Izvi zvakagadziriswa nokuvaka mahotera maduku akanga akaparadzana nechinhambwe cherwendo rwezuva rimwe mumigwagwa mikuru. Zvisinei, The Book of Acts in Its Graeco-Roman Setting rinoti: “Zvinozivikanwa nezvemahotera aya zviri mumabhuku hazvifadzi. Mabhuku aripo iye zvino uye zviwanikwa zvematongo zvinowanzopupurira kuti zvivako zvacho zvakanga zvava kuita sematongo uye zviine tsvina, zvisina kana fenicha, zviine tsikidzi, zvokudya nezvokunwa zvisina kunaka, varidzi vemahotera aya nevashandi vacho vakanga vasina kuvimbika, makasitoma acho aiva nomukurumbira wakaipa, uye kakawanda kacho maiitwa zvounzenza.” Nenzira inonzwisisika, mufambi ane tsika dzakanaka aizorega kugara pamahotera akadaro nepose pazvaibvira.

Saka hazvishamisi kuti Magwaro anoramba achikurudzira vaKristu kuti vagamuchire vamwe zvakanaka. Pauro akakurudzira vaKristu vomuRoma kuti: “Goveranai nevatsvene maererano nezvavanoda. Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaRoma 12:13) Akayeuchidza vaKristu vechiJudha kuti: “Musakanganwa kugamuchira vaeni zvakanaka, nokuti nako, vamwe vakagamuchira ngirozi vasingazvizivi.” (VaHebheru 13:2) Petro akakurudzira vaainamata navo kuti “gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.”—1 Petro 4:9.

Zvisinei, paiva nemamwe mamiriro ezvinhu aisazoita kuratidza mutsa. Achitaura nezvo“munhu wose anoenda mberi asingarambi ari mudzidziso yaKristu,” muapostora Johani akati: “Musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa. Nokuti uyo anomukwazisa anogoverana mumabasa ake akaipa.” (2 Johani 9-11) Nezvevatadzi vasingapfidzi, Pauro akanyora kuti: “Murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana mutuki kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.”—1 VaKorinde 5:11.

Vanyengeri nevamwe vanofanira kunge vakaedza kushandisa mutsa wevaKristu vechokwadi. Mamwe mashoko asiri omuBhaibheri omuzana remakore rechipiri C.E. ari mune rimwe bhuku rechitendero chechiKristu rinonzi The Didache, kana kuti Teaching of the Twelve Apostles, anoti muparidzi aifamba aifanira kugamuchirwa “zuva rimwe, kana kuti kana zvichidiwa kwemazuva maviri.” Kana apera, paanenge ava kuenda, “ngaarege kugamuchira chimwe chinhu kunze kwezvokudya . . . Kana akakumbira mari, iye muprofita wenhema.” Bhuku racho rinopfuurira richiti: “Kana achida kuramba ari mumusha menyu uye ane basa raanoziva, ngaashandire zvokudya zvake. Asi kana asina basa raanoziva tarisirai zvinodiwa zvake maererano nokunzwisisa kwenyu, kuti parege kuva nomunhu achagara pakati penyu asingashandi nemhaka yokuti muKristu. Asi kana asingazoiti kudaro, ari kushandisa chiKristu kuti azvibatsire; ngwarirai vakadaro.”

Muapostora Pauro akanga akangwaririra kuti arege kuremedza nemari vaimugamuchira paaigara navo kwenguva yakareba mumamwe maguta. Aishanda somugadziri wematende kuti azviriritire. (Mabasa 18:1-3; 2 VaTesaronika 3:7-12) Kuti vabatsire vafambi vakakodzera vaiva pakati pavo, zviri pachena kuti vaKristu vepakutanga vaishandisa tsamba dzokurumbidza, zvakadai semashoko aPauro okusuma Febhi. “Ndinorumbidza Febhi kwamuri hanzvadzi yedu,” akanyora kudaro Pauro, “kuti mumugamuchire munaShe . . . uye kuti mumubatsire pazvinhu zvose zvaangakudirai.”—VaRoma 16:1, 2.

Zvikomborero Zvinovapo Nokugamuchira Vaeni Zvakanaka

Mamishinari echiKristu omuzana remakore rokutanga aivimba naJehovha kuti aizoapa zvose zvaaida. Asi vaigona kutarisira kubatsirwa uye kugamuchirwa sevaeni nevavainamata navo here? Ridhiya akaita kuti Pauro nevamwe vagare pamba pake. Muapostora uyu akagara naAkwira naPrisira vomuKorinde. Muchengeti wejere aiva muFiripi akagadzirira Pauro naSirasi tafura yezvokudya. Pauro akagamuchirwa zvakanaka naJasoni muTesaronika, naFiripi muKesariya, uye naMinasoni mumugwagwa unobva kuKesariya uchienda kuJerusarema. Achienda kuRoma, Pauro akagamuchirwa nehama muPuteori. Iyi inofanira kunge yaiva nguva yaifadza mune zvokunamata kune vaimugamuchira!—Mabasa 16:33, 34; 17:7; 18:1-3; 21:8, 16; 28:13, 14.

Imwe nyanzvi inonzi Frederick F. Bruce inoti: “Shamwari idzi nevanhu vaishanda vose ava, vagamuchiri vevaeni ava vechirume nevechikadzi, vakanga vasina chimwe chinangwa mukubatsira kwavo kunze kwokuti vaida Pauro naTenzi waaishumira. Vaiziva kuti kana vaizoshumira Pauro vainge vachishumirawo Tenzi.” Ichi ndicho chinangwa chakaisvonaka pakugamuchira vaeni.

Zvokugamuchira vaeni zvakanaka zvichiripo. Zviuru zvevamiririri vanofambira veZvapupu zvaJehovha zvinogamuchirwa nevazvinonamata navo. Vamwe vazivisi voUmambo vanozvibhadharira rwendo rwavo rwokunoparidza munzvimbo dzisinganyanyi kuparidzwa mashoko akanaka. Kuzarurira vashumiri voUmambo dzimba dzedu, kunyange zvazvo dzingave dzisina kunyanya kunaka, kunoguma nezvikomborero zvikuru. Kugamuchira vaeni zvakanaka noushamwari kungangosanganisira zvokudya zvisingadhuri kunopa mikana yakanaka ‘yokukurudzirana’ uye yokuda hama dzedu naMwari wedu. (VaRoma 1:11, 12) Nguva dzakadaro dzinobatsira zvikuru vaya vanogamuchira, nokuti “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Zvinofungidzirwa kuti pakazosvika gore ra100 C.E., paiva neanenge makiromita 80 000 emigwagwa yakavakwa nematombo muRoma.

[Mufananidzo uri papeji 23]

VaKristu ‘vanotevera nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka’