Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raVatongi

JEHOVHA anoita sei vanhu vake pavanomurinzira makotsi votanga kunamata vanamwari venhema? Zvakadini kana vachingogara vachiramba kumuteerera vozodana kwaari kuti vabatsirwe pavanenge vava kutambudzika bedzi? Jehovha anovarwira kunyange panguva iyoyo here? Bhuku raVatongi rinopindura mibvunzo iyi nemimwe inokosha. Rakanyorwa nomuprofita Samueri munenge muna 1100 B.C.E., rinotaura nezvezviitiko zvakatora makore anenge 330—kubvira pakufa kwaJoshua kusvikira pakugadzwa pachigaro choumambo kwamambo wokutanga waIsraeri.

Zvariri chikamu cheshoko raMwari rine simba, bhuku raVatongi rinokosha zvikuru kwatiri. (VaHebheru 4:12) Nhoroondo dzinonakidza dzakanyorwa mariri dzinoita kuti tinzwisise zvikuru unhu hwaMwari. Zvatinodzidza madziri zvinosimbisa kutenda kwedu uye zvinotibatsira kuti tibatisise “upenyu chaihwo,” upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari yakapikirwa. (1 Timoti 6:12, 19; 2 Petro 3:13) Mabasa oruponeso anoitwa naJehovha nokuda kwevanhu vake anoita kuti tifanoona kununurwa kukuru kuchaitwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu, munguva yemberi.

NEI PAIDIWA VATONGI?

(Vatongi 1:1–3:6)

Pashure pokunge madzimambo enyika yeKanani akundwa mukutungamirira kwaJoshua, dzinza rimwe nerimwe raIsraeri rinoenda kunhaka yaro rotora nyika yacho. Zvisinei, vaIsraeri vanokundikana kudzinga vagari vomunyika yacho. Kukundikana uku kunova musungo chaiwo kuvaIsraeri.

Chizvarwa chinotevera pashure pemazuva aJoshua ‘hachizivi Jehovha kana kuti basa raakaitira Israeri.’ (Vatongi 2:10) Uyezve, vanhu vanopfuurira kuroorerana nevaKanani uye kushumira vanamwari vavo. Saka Jehovha anobvumira vavengi vevaIsraeri kuvadzvinyirira. Zvisinei, kudzvinyirira kwacho pakunokomba, vanakomana vaIsraeri vanodana kuna Mwari wechokwadi kuti avabatsire. Pamamiriro ezvinhu aya echitendero, enzanga uye ezvematongerwe enyika panobuda nhoroondo yomutsara wevatongi avo Jehovha anomutsa kuti vaponese vanhu vake pavavengi vavo.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:2, 4—Nei Judha achisarudzwa kuva dzinza rokutanga kutora nyika yaanopiwa? Kazhinji, ropafadzo iyi yaizopiwa dzinza raRubheni, dangwe raJakobho. Asi muuprofita hwake hwaakataura ave kuda kufa, Jakobho akafanotaura kuti Rubheni aisazokunda, nokuti akanga arasikirwa nekodzero yake youdangwe. Simiyoni naRevhi, vakanga vaita noutsinye, vaizoparadzirwa muna Israeri. (Genesi 49:3-5, 7) Saka, Judha ndiye aizotevera mumutsara wacho, uyo aiva mwanakomana wechina waJakobho. Simiyoni, uya akaenda naJudha, akapiwa nzvimbo duku dzenyika yakapararira munharaunda huru yose yaJudha. *Joshua 19:9.

1:6, 7—Nei zvigunwe zvemaoko nezvigunwe zvikuru zvetsoka zvemadzimambo aikundwa zvaigurwa? Zviri pachena kuti munhu airasikirwa nezvigunwe zvake zvemaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvetsoka aisakwanisa kurwa muhondo. Murwi aizogona sei kubata bakatwa kana kuti pfumo asina zvigunwe zvemaoko? Uye kusava nezvigunwe zvikuru zvetsoka kwaizoita kuti munhu atadze kunyatsomira zvakanaka.

Zvatinodzidza:

2:10-12. Tinofanira kuva nourongwa hwokudzidza Bhaibheri nguva dzose kuti ‘tirege kukanganwa zvakaitwa naJehovha.’ (Pisarema 103:2) Vabereki vanofanira kuroverera chokwadi cheShoko raMwari mumwoyo yevana vavo.—Dheuteronomio 6:6-9.

2:14, 21, 22. Jehovha anobvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kuvanhu vake vasingateereri nokuda kwechinangwa—kuti avarange, kuti avanatse, uye kuti avaite kuti vadzokere kwaari.

JEHOVHA ANOMUTSA VATONGI

(Vatongi 3:7–16:31)

Nhoroondo inofadza yokushandiswa kwevatongi inotanga nokugumisa kwaOtinieri kutongwa kwaIsraeri namambo weMesopotamia kwemakore masere. Achishandisa chirongwa choushingi, Mutongi Ehudhi anouraya Egironi, mambo akafuta weMoabhi. Shamgari ane ushingi asina anomubatsira anouraya vaFiristiya 600 achishandisa rutanda rwokubaya mombe narwo. Akurudzirwa naDhebhora, anoshumira somuprofitakadzi, uye achitsigirwa naJehovha, Bharaki neuto rake rakashongedzerwa zvisina kukwana revarume zviuru gumi anoparadza uto rine simba raSisera. Jehovha anomutsa Gidhiyoni uye anoita kuti iye nevarume vake 300 vakunde vaMidhiyani.

Achishandisa Jefta, Jehovha anonunura Israeri pavaAmoni. Tora, Jairi, Ibzani, Eroni, uye Abdhoni variwo pakati pevarume 12 vanotonga Israeri. Nguva yeVatongi vacho inoguma naSamsoni, uya anorwisa vaFiristiya.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

4:8—Nei Bharaki akaomerera kuti muprofitakadzi Dhebhora aende naye kwairwiwa hondo? Zviri pachena kuti Bharaki ainzwa asina kukodzera kuenda oga kunorwisa uto raSisera. Aine muprofitakadzi iye nevarume vake vaizova nechokwadi chokuti Mwari ari kuvatungamirira zvovapa chivimbo. Saka, kuomerera kwaBharaki kuti Dhebhora aende naye, kwakanga kusiri chiratidzo chokusava nesimba asi chokutenda kwakasimba.

5:20—Nyeredzi dzakarwira sei Bharaki dziri kumatenga? Bhaibheri haritauri kana izvi zvaisanganisira kubatsira kwengirozi, kana kuti kwaiva kunaya kwemvura yakaita sematombo uko kwakadudzirwa navachenjeri vaSisera sedambudziko, kana kuti zvichida kwaiva kufembera kwevaongorori venyeredzi vaSisera kwakaratidza kuti kwaiva kwenhema. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti Mwari akapindira neimwe nzira.

7:1-3; 8:10—Nei Jehovha akataura kuti varume 32 000 vaGidhiyoni vaiva vakanyanya kuwanda kuti varwise uto romuvengi re135 000? Izvi zvaiva zvakadaro nokuti Jehovha aizoita kuti Gidhiyoni nevarume vake vakunde. Mwari haana kuda kuti vafunge kuti ivo vakakunda vaMidhiyani nesimba ravo voga.

11:30, 31—Paakapika, Jefta akafunga nezvechibayiro chomunhu here? Jefta haana kumbofunga zvakadaro, nokuti Mutemo waiti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto.” (Dheuteronomio 18:10) Zvisinei, Jefta akafunga nezvomunhu uye kwete mhuka. Mhuka dzakakodzera chibayiro zvichida dzaisachengetwa mudzimba dzevaIsraeri. Uye kubayirwa kwemhuka zvichida kwaisava chinhu chinokosha chokuitira mhiko. Jefta aiziva kuti munhu aizobuda muimba yake kuti amuchingure zvichida aiva mwanasikana wake. Iyeye aizopiwa “sechipiriso chinopiswa” nokuti munhu wacho aizoiswa kubasa rakakwana raJehovha rine chokuita nenzvimbo tsvene.

Zvatinodzidza:

3:10. Kubudirira mune zvatinotsvaka pakunamata hakubvi pauchenjeri hwomunhu, asi pamudzimu waJehovha.—Pisarema 127:1.

3:21. Ehudhi akashandisa bakatwa rake nounyanzvi uye noushingi. Tinofanira kuwana unyanzvi mukushandisa “bakatwa romudzimu, iro, shoko raMwari.” Izvi zvinoreva kuti tinofanira kushandisa Magwaro noushingi muushumiri hwedu.VaEfeso 6:17; 2 Timoti 2:15.

6:11-15; 8:1-3, 22, 23. Kuzvininipisa kwaGidhiyoni kunotidzidzisa zvinhu zvitatu zvinokosha: (1) Patinopiwa ropafadzo yebasa, tinofanira kufunga nezvomutoro wainopa pane kufunga nezvomukurumbira kana kuti chinzvimbo chayo. (2) Patinoita zvinhu nevaya vasingatani kupopota, kuchenjera kuratidza kuzvininipisa. (3) Kuzvininipisa kunotidzivirira kuti tisanyanya kufunga nezvechinzvimbo.

6:17-22, 36-40. Isuwo tinofanira kungwaririra uye ‘kusatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa.’ Asi tinofanira ‘kuedza kutaura kwakafuridzirwa kuti tione kana kuchibva kuna Mwari.’ (1 Johani 4:1) Kuti ave nechokwadi chokuti zano raanoda kupa rakavakirwa zvakasimba paShoko raMwari, mukuru mutsva wechiKristu achava akachenjera kuti atsvake mazano kumukuru ane ruzivo.

6:25-27. Gidhiyoni akashandisa ungwaru kuti arege kutsamwisa vashori vake zvisina kukodzera. Pakuparidza mashoko akanaka, tinofanira kungwarira kusagumbura vamwe zvisina chikonzero nematauriro atinoita.

7:6. Kana toreva nezvokushumira Jehovha, tinofanira kuva sevarume 300 vaGidhiyoni—vakanga vakamuka uye vakasvinurira.

9:8-15. Upenzi kuzvikudza uye kutsvaka zvatinoda nokuda kwechinzvimbo kana kuti simba!

11:35-37. Pasina mubvunzo muenzaniso wakanaka waJefta waikosha mukubatsira mwanasikana wake kuti akudziridze kutenda kwakasimba uye chido chokuzvipira. Vabereki nhasi vanogona kuratidza muenzaniso wakadaro kuvana vavo.

11:40. Kuonga mumwe munhu anoratidza chido mubasa raJehovha kunokurudzira munhu iyeye.

13:8. Mukudzidzisa vana vavo, vabereki vanofanira kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro votevera kutungamirira kwake.—2 Timoti 3:16.

14:16, 17; 16:16. Kutambudza mumwe munhu nokuchema uye kunetsa zvinogona kukanganisa ukama.—Zvirevo 19:13; 21:19.

ZVIMWE ZVIKANGANISO MUNA ISRAERI

(Vatongi 17:1–21:25)

Chikamu chokupedzisira chebhuku raVatongi chine nhoroondo mbiri huru. Yokutanga inotaura nezvomumwe murume ainzi Mika, anomisa chidhori mumba make uye anotora muRevhi kuti ashande somupristi wake. Pashure pokunge vaparadza guta reRaishi, kana kuti Reshemu, vaDhani vanovaka guta ravo voritumidza kuti Dhani. Vachishandisa chidhori chaMika nomupristi wake, vanoita kuti muDhani muve nemamwe manamatiro. Zviri pachena kuti Raishi rinokundwa Joshua asati afa.—Joshua 19:47.

Chiitiko chechipiri chinoitika isiri nguva refu pashure pokufa kwaJoshua. Unzenza hwakaitwa nemhomho nevamwe varume veguta revaBhenjamini veGibhiya hunoita kuti dzinza raBhenjamini ripotse raparadzwa rose—varume 600 bedzi ndivo vanopukunyuka. Zvisinei, urongwa hunoshanda hunovabvumira kuwana vadzimai, uye kuwanda kwavo kunowedzera kusvika vava nevarwi vanoda kusvika 60 000 pakazosvika kutonga kwaDhavhidhi.—1 Makoronike 7:6-11.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

17:6; 21:25—Kana ‘mumwe nomumwe akanga akajairana nokuita zvakanga zvakarurama mumeso ake,’ izvi zvakamutsa kusateerera mutemo here? Handizvo chaizvo, nokuti Jehovha akaita urongwa hwakakwana hwokutungamirira vanhu vake. Akavapa Mutemo nevapristi kuti vavadzidzise nzira dzake. Achishandisa Urimi neTumimi, mupristi mukuru aigona kubvunza mazano kuna Mwari panhau dzinokosha. (Eksodho 28:30) Maguta ose aivawo nevakuru vanokwanisa kupa zano rakanaka. MuIsraeri paaishandisa urongwa uhwu, hana yake yaitungamirirwa zvakanaka. Kuita kwake ‘zvakanga zvakarurama mumeso ake’ nenzira iyi kwakaguma nezvakanaka. Ukuwo, kana munhu airamba kuteerera Mutemo oita zvisarudzo zvake oga zvine chokuita nomufambiro uye kunamata, mugumisiro wacho waiva wakaipa.

20:17-48—Nei Jehovha akarega vaBhenjamini vachikunda mamwe madzinza kaviri, kunyange zvazvo vaBhenjamini vacho vaifanira kurangwa? Nokubvumira madzinza akatendeka kuti akundwe zvikuru pakutanga, Jehovha akaedza kutsunga kwavo kubvisa zvakaipa muna Israeri.

Zvatinodzidza:

19:14, 15. Kusada kwevanhu vaGidhiyoni kuratidza mutsa kwaiva chiratidzo chokukundikana mutsika. VaKristu vanorayirwa kuti “teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.”—VaRoma 12:13.

Kununurwa Kuri Mberi

Nokukurumidza zvikuru iye zvino, Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu huchaparadza nyika yakaipa hwonunura chaizvo vakarurama nevasina mhosva. (Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44) ‘Vavengi vose vaJehovha vachabva vaparara, uye vanomuda vachaita sezuva parinobuda musimba raro.’ (Vatongi 5:31) Ngatiratidzei kuva vachava pakati pevanoda Jehovha nokushandisa zvatadzidza mubhuku raVatongi.

Chokwadi chinokosha charatidzwa kakawanda munhoroondo yeVatongi ndeichi: Kuteerera Jehovha kunounza zvikomborero zvakapfuma, kusateerera kunounza ngozi. (Dheuteronomio 11:26-28) Zvinokosha chaizvo kuti ‘titeerere kubva pamwoyo’ kuda kwaMwari kwaakatizivisa!—VaRoma 6:17; 1 Johani 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 VaRevhi havana kupiwa nhaka muNyika Yakapikirwa kunze kwemaguta 48 akapararira muIsraeri yose.

[Mepu iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

“Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza.”—Vatongi 2:16

VATONGI

1. Otinieri (Rudzi rwaManase)

2. Ehudhi (Rudzi rwaJudha)

3. Shamgari (Rudzi rwaJudha)

4. Bharaki (Rudzi rwaNaftari)

5. Gidhiyoni (Rudzi rwaIsakari)

6. Tora (Rudzi rwaManase)

7. Jairi (Rudzi rwaManase)

8. Jefta (Rudzi rwaGadhi)

9. Ibzani (Rudzi rwaAsheri)

10. Eroni (Rudzi rwaZebhuruni)

11. Abdhoni (Rudzi rwaEfraimi)

12. Samsoni (Rudzi rwaJudha)

DHANI

MANASE

NAFTARIMI

ASHERI

ZEBHURUNI

ISAKARI

MANASE

GADHI

EFRAIMI

DHANI

BHENJAMINI

RUBHENI

JUDHA

[Mufananidzo uri papeji 26]

Wadzidzei pakuomerera kwaBharaki kuti Dhibhora aende kwairwiwa hondo?