Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungadzora Zvinozoitika Muupenyu Hwako Here?

Ungadzora Zvinozoitika Muupenyu Hwako Here?

Ungadzora Zvinozoitika Muupenyu Hwako Here?

ZVINOZOITIKA muupenyu hwedu zvinenge zvakafanosarudzwa here? Zvatinosarudza muupenyu hazvina zvazvinoita mune ramangwana redu here?

Ngatimboti munhu anogona kudzora zvinozoguma zvaitika kwaari. Kana achigona kudaro, munhu upi noupi angafanogadzwa here kuti aite basa rakati kana kupiwa chinzvimbo mune rimwe basa? Uye Mwari aizoita sei zvaanoda nokuda kwepasi kana vanhu vakasununguka kuchinja zvinozoitika kwavari muupenyu hwavo? Bhaibheri rinopindura zvinogutsa mibvunzo iyi.

Kuti Zvose Zvinoitika Zvakagara Zvakarongwa uye Kusununguka Pakusarudza—Zvakarurama Here?

Chimbofunga masikirwo atakaitwa naJehovha Mwari. Bhaibheri rinoti, “Akamusika [munhu] nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Zvatakasikwa nomufananidzo waMwari, tinogona kuratidza unhu hwake, hwakadai sorudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba. Mwari akatipawo chipo chorusununguko rwokusarudza. Izvi zvinotisiyanisa nezvimwe zvisikwa zvake zviri pasi pano. Tinogona kusarudza kana tichida zvinodiwa naMwari panyaya yetsika kana kwete. Ndokusaka muprofita Mosesi aigona kuti: “Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

Zvisinei, chipo chorusununguko rwokusarudza zvatinoda hachirevi kuti takasununguka zvachose. Hachitisununguri pamitemo yetsika uye yezvimwe zvinhu zvinooneka yakaitwa naMwari nechikonzero chokuti zvinhu zvose zvakasikwa zvive norugare uye zvigare zvakanaka. Mitemo iyi yakaitirwa kuti itibatsire, uye kuityora hakugumi zvakanaka. Chimbofunga zvaizoitika kudai takasarudza kusateerera mutemo wegiravhiti uye takasvetuka kubva pamusoro pechivako chirefu!—VaGaratiya 6:7.

Rusununguko rwokusarudza runotisiyawo tiine patinofanira kugumira kusiyana nezvisikwa zviya zvisina rusununguko rwakadaro. Mumwe munyori anonzi Corliss Lamont anobvunza kuti: “Tingapirei vanhu mutoro wokuchengeta tsika, tovaranga pamusana pezvakaipa zvavanenge vaita, kana tichibvuma . . . kuti zvavanosarudza uye zvavanoita zvakafanosarudzwa?” Chokwadi hatingadaro. Mhuka hadzinganzi dzatyora tsika nokuda kwezvadzinoita, kunyange makombiyuta haazvidaviriri nokuda kwezvaakarongerwa kuita. Saka, rusununguko rwokusarudza runoita kuti tive nomutoro unorema uye runoita kuti tizvidavirire pane zvatinoita.

Rwaisazova rudo uye kusaruramisira kuti tisati tazvarwa, Jehovha Mwari akafanosarudza mararamiro atinozoita obva aita kuti tizozvidavirira pane zvatinoita! Haadaro nokuti “Mwari rudo,” uye “nzira dzake dzose dzakarurama.” (1 Johani 4:8; Dheuteronomio 32:4) Zvaakatipa rusununguko rwokusarudza, panguva imwe chete iyoyo haana ‘kusarudza nokusingaperi waanoponesa uye waanotambudza muhero,’ sezvinotaurwa nevanodavira dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa. Rusununguko rwokusarudza haruna zviya zvokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa.

Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti zvatinosarudza ndizvo zvichachinja zvinozoitika muupenyu hwedu. Somuenzaniso, Mwari anokumbira vaiti vezvakaipa, achiti: “Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, . . . ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.” (Jeremia 25:5, 6) Zvingadai zvisina musoro kukumbira izvi kudai Mwari akanga akafanosarudza zvinozoitika muupenyu hwomunhu mumwe nomumwe. Uyezve, Shoko raMwari rinoti: “Naizvozvo, pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha.” (Mabasa 3:19) Nei Jehovha aizokumbira vanhu kuti vapfidze uye vatendeuke kudai aiziva nechekare kuti havana chavanogona kuita kuti vachinje zvinozoitika muupenyu hwavo?

Magwaro anotaura nezvevamwe vanokumbirwa naMwari kuti vatonge naJesu Kristu semadzimambo kudenga. (Mateu 22:14; Ruka 12:32) Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti vanogona kurasikirwa neropafadzo iyoyo kana vakatadza kutsungirira kusvika pamugumo. (Zvakazarurwa 2:10) Nei Mwari aizovakumbira kudai akanga agara asarudza kuti vakanga vasingazombosarudzwi? Fungawo nezvemashoko omuapostora Pauro aakaudza vaainamata navo. Akanyora kuti: “Kana tine tsika yokuita chivi noune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapachina kana nechibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.” (VaHebheru 10:26) Nyevero yakadaro yaisazoshanda kudai Mwari akafanosarudza zvaizoitika muupenyu hwavo. Asi Mwari haana kufanogadza vamwe vanhu kuti vatonge naJesu Kristu here?

Kufanogadza—Munhu Mumwe Nomumwe Here Kana Kuti Boka?

“[Mwari] akatikomborera nechikomborero chose chomudzimu munzvimbo dzokudenga tiri pamwe naKristu,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “sokutisarudza kwaakaita tiri pamwe naye nyika isati yavambwa . . . Nokuti akafanotigadza kuti tigamuchirwe kwaari sevanakomana nokuna Jesu Kristu.” (VaEfeso 1:3-5) Chii chakafanogadzwa naMwari, uye zvinorevei kuti kusarudzwa “nyika isati yavambwa”?

Ndima iyi inotaura kuti Mwari akasarudza vamwe vazukuru vomunhu wokutanga Adhamu, kuti vatonge naKristu kumatenga. (VaRoma 8:14-17, 28-30; Zvakazarurwa 5:9, 10) Zvisinei, mashoko okuti Jehovha Mwari akafanogadza vamwe vanhu kuti vawane ropafadzo iyi zviuru zvemakore ivo vasati vaberekwa haawirirani nemashoko okuti vanhu vakapiwa rusununguko rwokusarudza. Mwari akafanogadza boka revanhu, kwete munhu mumwe nomumwe.

Kuenzanisira: Ngatitii hurumende yasarudza kuumba rimwe sangano. Inofanosarudza zvichaitwa nesangano iroro, simba raro, uye ukuru hwaro. Sangano racho rinobva razotanga kushanda pava paya raumbwa, uye vashandi varo vobva vataura mashoko aya vachiti: “Hurumende yakasarudza pachine makore anoverengeka basa rataizoita. Iye zvino tava kutanga basa ratakapiwa.” Ungagumisa kuti hurumende yacho inofanira kunge yakafanosarudza pachine makore akati, kuti ndivanaani vaizoshandira sangano iroro here? Chokwadi kwete. Saizvozvowo, Jehovha akafanosarudza kuti aizoumba sangano chairo raizogadzirisa zvakakonzerwa nechivi chaAdhamu. Akafanogadza boka revanhu vaizova musangano iroro—asi kwete munhu mumwe nomumwe. Vaizosarudzwa pava paya, uye zvavaizosarudza muupenyu ndizvo zvaizoita kuti vatenderwe kana kuti kwete.

Inyika ipi yairehwa nomuapostora Pauro paakati: ‘Mwari akatisarudza tiri pamwe naye nyika isati yavambwa’? Nyika iri kutaurwa naPauro pano haisi nyika yakaitwa naMwari paakasika Adhamu naEvha. Nyika iyoyo yakanga ‘yakanaka kwazvo’—isina kana chivi uye uipi. (Genesi 1:31) Yakanga isingadi ku“sunungurwa” muchivi.—VaEfeso 1:7.

Nyika yairehwa naPauro ndeiya yakavapo pashure pokunge Adhamu naEvha vapanduka muEdheni—nyika yakanga yakasiyana chaizvo neiya yakanga yambosikwa naMwari pakutanga. Yaiva nyika yakatanga kuva nevana vaAdhamu naEvha. Nyika iyoyo yaiva nevanhu vakaparadzana naMwari uye varanda vechivi nouipi. Yaiva nyika yevanhu vaigona kudzikinurika kusiyana nevatadzi vakatadza nemaune Adhamu naEvha.—VaRoma 5:12; 8:18-21.

Jehovha Mwari akakwanisa kugadzirisa pakarepo mamiriro ezvinhu akakonzerwa nokupanduka kwakaitwa muEdheni. Pazvakanga zvava kungodiwa, akafanogadza rimwe sangano chairo—Umambo hwaMesiya hunotongwa naJesu Kristu—raaizoshandisa maererano nokudzikinurwa kwevanhu kubva muchivi chaAdhamu. (Mateu 6:10) Mwari akaita izvi ‘nyika yevanhu vanodzikinurika isati yavambwa,’ ndiko kuti Adhamu naEvha vakapanduka vasati vava nevana.

Vanhu vanowanzoda purani kuti vaite zvavanoda. Dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa yakabatana nepfungwa yokuti Mwari anofanira kunge aine purani ine zvose nokuda kwezvose zvakasikwa zvokuti mairi chinhu chose chakafanosarudzirwa zvichaitika kwachiri. “Zvave zvichiita sokuti kuvazivi vakawanda, chinhu chose chinoitika chisina kudonongodzwa zvose chinopesana neSimba raMwari,” anonyora kudaro Roy Weatherford. Mwari anofanira here chaizvoizvo kufanodonongodza chinhu chose chinoitika?

Zvaane simba risingaperi uye uchenjeri husingaenzaniswi, Jehovha anogona kugadzirisa pose panoda zvokukurumidzira kana zvimwe zviitiko zvinongoerekana zvaitika zvingakonzerwa nokushandisa rusununguko kunoitwa nezvisikwa zvake. (Isaya 40:25, 26; VaRoma 11:33) Anogona kuita izvi pakarepo uye asina kufanoronga. Kusiyana nevanhu vasina kukwana vane mano anoguma, Mwari Wemasimbaose haaiti zvinhu achishandisa purani inofanoratidza zvichazoitika muupenyu hwomunhu mumwe nomumwe ari pasi pano. (Zvirevo 19:21) Mushanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka, VaEfeso 3:11 inotaura nezvaMwari seane ‘chinangwa chisingagumi’ panzvimbo pokuti ane purani inodonongodza zvose.

Zvaungaitira Remangwana Rako

Mwari ane chinangwa nokuda kwepasi, uye chinangwa ichocho chiri kufanoziviswa. Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Chokwadi, pasi rino richava paradhiso, sezvaingoda Jehovha pakutanga. (Genesi 1:27, 28) Mubvunzo uripo ndewokuti, Uchavamo here? Izvozvo zvinoenderana nezvaunosarudza iye zvino. Jehovha haana kufanokusarudzira zvichaitika muupenyu hwako.

Chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, chinoita kuti munhu wose anotenda maari agone kuwana upenyu husingaperi. (Johani 3:16, 17; Mabasa 10:34, 35) “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi,” rinodaro Bhaibheri. “Asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.” (Johani 3:36) Unogona kusarudza upenyu nokudzidza nezvaMwari, Mwanakomana wake, kuda Kwake kubva muBhaibheri uye kushandisa zvaunodzidza. Munhu anoita maererano nouchenjeri hwechokwadi hwakanyorwa muShoko raMwari anovimbiswa kuti “uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.”—Zvirevo 1:20, 33.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Kusiyana nemhuka, vanhu vanozvidavirira pane zvavanoita

[Kwazvakatorwa]

Gondo: Foto: Cortesía de GREFA