Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uprofita Hwakataura nezvaKristu

Uprofita Hwakataura nezvaKristu

Uprofita Hwakataura nezvaKristu

“Kupupurira Jesu ndiko kunoparira kuprofita.”—ZVAKAZARURWA 19:10.

1, 2. (a) Kutanga muna 29 C.E., vaIsraeri vaifanira kusarudzei? (b) Chii chichakurukurwa munyaya ino?

IGORE ra29 C.E. Vagari vomuIsraeri vari kungotaura nezvaMesiya akapikirwa. Ushumiri hwaJohani Mubhabhatidzi hwawedzera tarisiro yavo. (Ruka 3:15) Johani anoti haasi Kristu. Asi achiratidza kuti ndiJesu wokuNazareta, anoti: “Ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Johani 1:20, 34) Nenguva isipi, mapoka anotevera Jesu kuti azoteerera zvaanodzidzisa uye kuti aporeswe naye.

2 Mumwedzi yakatevera, Jehovha anopa uchapupu hwakawanda hune chokuita noMwanakomana wake. Vaya vakadzidza Magwaro uye vanoona mabasa aJesu vane chikonzero chakasimba chokutenda maari. Zvisinei, vanhu vane sungano naMwari ndivo vasinganyanyi kutenda. Vashomanana chete ndivo vanobvuma kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari. (Johani 6:60-69) Ungadai wakaita sei kudai wakararama kare ikako? Ungadai wakanzwa uchida kubvuma kuti Jesu ndiye Mesiya uye kuva muteveri wake akatendeka here? Chimbofunga nezvouchapupu hwokuzvizivisa uhwo Jesu pachake anopa paanopomerwa mhosva yokutyora mutemo weSabata, uye cherechedza uchapupu hunotevedzana hwaanopa kuitira kuti asimbise kutenda kwevadzidzi vake vakavimbika.

Jesu Pachake Anopa Uchapupu

3. Mamiriro api ezvinhu akamanikidzira Jesu kuti ape uchapupu hwokuti ndiye?

3 Inguva yePaseka muna 31 C.E. Jesu ari muJerusarema. Achangobva kurapa mumwe murume ange achirwara kwemakore 38. Kunyange zvakadaro, vaJudha vanotambudza Jesu kuti azviita paSabata. Vanomupomerawo kuti amhura Mwari uye vanoda kumuuraya nokuti anoti Mwari ndiBaba vake. (Johani 5:1-9, 16-18) Uchapupu hunopiwa naJesu achizvidzivirira hunoratidza zvikonzero zvitatu zvakasimba zvaizoita kuti muJudha upi noupi ane mwoyo wakatendeseka abvume kuti ndiye Jesu chaiye.

4, 5. Chinangwa choushumiri hwaJohani chaiva chei, uye akachiita sei zvinobudirira?

4 Chokutanga, Jesu anotaura nezvechimwe chapupu chakamutangira, Johani Mubhabhatidzi, achiti: “Makatuma vanhu kuna Johani, uye akapupurira chokwadi. Munhu iyeye akanga ari rambi rinobvira nerinopenya, uye imi kwenguva pfupi maida kufara zvikuru muchiedza chake.”—Johani 5:33, 35.

5 Johani Mubhabhatidzi aiva “rambi rinobvira nerinopenya” mukuti asati asungwa zvisina kururamisira naHerodhi, akanga aita basa rake raakapiwa naMwari rokugadzirira Mesiya nzira. Johani akati: “Zvandakauyira ndichibhabhatidza mumvura zvaiva zvokuti [Mesiya] aoneswe kuna Israeri. . . . Ndakaona mudzimu uchiburuka senjiva uchibva kudenga, uye wakaramba uri pamusoro pake. Kunyange ini ndakanga ndisingamuzivi, asi Iye chaiye akandituma kuzobhabhatidza mumvura akati kwandiri, ‘Munhu waunoona mudzimu uchiburukira paari woramba uripo, iyeyu ndiye anobhabhatidza mumudzimu mutsvene.’ Uye ndakauona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” * (Johani 1:26-37) Johani ndiye akanyanya kuratidza kuti Jesu Mwanakomana waMwari—Mesiya akapikirwa. Uchapupu hwaJohani hwaiva hwakajeka chaizvo zvokuti mwedzi misere afa, vaJudha vakawanda vaiva nemwoyo yakatendeseka vakabvuma kuti: “Zvinhu zvakawanda sezvakataurwa naJohani pamusoro pomunhu uyu zvose zvaiva zvechokwadi.”—Johani 10:41, 42.

6. Nei mabasa aJesu akaita kuti vanhu vave nechokwadi chokuti aitsigirwa naMwari?

6 Zvadaro, Jesu anoshandisa chimwezve chikonzero chinoratidza kuti zvechokwadi ndiye Mesiya. Anotaura nezvemabasa ake pachake akaisvonaka souchapupu hwokuti ari kutsigirwa naMwari. “Ndine uchapupu hukuru kune hwaJohani,” anodaro, “nokuti mabasa chaiwo ayo Baba vangu vakandigovera kuti ndipedze, mabasa chaiwo andiri kuita, anondipupurira kuti Baba vakandituma.” (Johani 5:36) Kunyange vavengi vaJesu havana kukwanisa kuramba uchapupu uhwu, hwaisanganisira zvishamiso zvakawanda. “Toitei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvakawanda?” vamwe vanobvunza kudaro pava paya. (Johani 11:47) Kunyange zvakadaro, vamwe vanomugamuchira zvakanaka uye vanoti: “Kristu paanosvika, haazoiti zviratidzo zvinopfuura zvaitwa nomunhu uyu, achadaro here?” (Johani 7:31) Vateereri vaJesu vaiva pachinzvimbo chakanakisisa chokuti vaikwanisa kuona unhu hwaBaba muMwanakomana.—Johani 14:9.

7. Magwaro echiHebheru anopupurira sei Jesu?

7 Pakupedzisira, Jesu akataura nezvouchapupu husingarambiki. “Magwaro . . . ndiwo chaiwo anondipupurira,” anodaro achiwedzera kuti: “Kudai maitenda Mosesi maizonditenda, nokuti iyeye akanyora pamusoro pangu.” (Johani 5:39, 46) Zvechokwadi, Mosesi aingova mumwe wezvapupu zvakawanda uyo akanyora nezvaKristu, chiKristu chisati chatanga. Zvavakanyora zvinosanganisira mazana ouprofita uye mitsara yemadzinza yakajeka, zvose zvichitaura nezvaMesiya. (Ruka 3:23-38; 24:44-46; Mabasa 10:43) Uye zvakadini noMutemo waMosesi? “Mutemo wakava mudzidzisi wedu uchitungamirira kuna Kristu,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaGaratiya 3:24) Chokwadi, “kupupurira Jesu ndiko kunoparira [kana kuti ndiko mafungiro, vavariro, uye chinangwa cho]kuprofita.”—Zvakazarurwa 19:10.

8. Nei vaJudha vakawanda vasina kutenda Mesiya?

8 Uchapupu hwose uhwu—uchapupu hwakajeka hwaJohani, mabasa esimba aJesu pachake nounhu hunoratidza zvakaita Mwari, uye uchapupu hwakawanda hwomuMagwaro—hahuiti kuti ubvume kuti Jesu aiva Mesiya here? Munhu wose aida Mwari zvechokwadi neShoko rake aizongoona izvi otenda kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa. Zvisinei, muIsraeri makanga musina rudo rwakadaro. Kuvashori vake, Jesu akati: “Ndinonyatsoziva kuti kuda Mwari hakusi mamuri.” (Johani 5:42) Pane “kutsvaka mbiri inobva kuna Mwari,” vakanga va“chigamuchira mbiri kune mumwe nomumwe.” Ndosaka vakanga vasingabvumirani naJesu, aisema mafungiro akadaro kufanana naBaba vake!—Johani 5:43, 44; Mabasa 12:21-23.

Kusimbiswa Nezvakaratidzwa Nouprofita

9, 10. (a) Nei nguva yakaratidzwa chiratidzo yakanga yakakodzera kuvadzidzi vaJesu? (b) Jesu akapa vimbiso ipi inoshamisa kuvadzidzi vake?

9 Papfuura gore kubvira apo Jesu akapa uchapupu hwambotaurwa hwairatidza kuti aiva Mesiya. Paseka yegore ra32 C.E. yasvika uye yapera. Vakawanda vakadavira havachamuteveri, zvichida nemhaka yokutambudzwa, kunyanya kuda zvinhu, kana kuti kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu. Vamwe vangadaro vakavhiringidzika kana kuti vakaora mwoyo nokuti Jesu akaramba zvakaedzwa kuitwa nevanhu kuti vamuite mambo. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha pavakamuedza, akaramba kupa chiratidzo chokuti azvipe mbiri chinobva kudenga. (Mateu 12:38, 39) Kuramba kwaakaita uku kungave kwakashamisa vamwe. Uyezve, Jesu atanga kuudza vadzidzi vake chimwe chinhu chavanoona chakaoma chaizvo kunzwisisa—“anofanira kuenda kuJerusarema otambura zvinhu zvakawanda zvinobva kuvarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourawa.”—Mateu 16:21-23.

10 Muinenge mwedzi mipfumbamwe kana kuti gumi, ingava nguva “yokuti [Jesu] abve munyika ino aende kuna Baba.” (Johani 13:1) Achiratidza kuti ane hanya chaizvo nevadzidzi vake vakavimbika, Jesu anovimbisa vamwe vavo chinhu chaicho chaakaramba kuitira vaJudha vasina kutenda—chiratidzo chinobva kudenga. “Zvechokwadi ndinoti kwamuri,” anodaro Jesu, “pane vamwe vevamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mateu 16:28) Zviri pachena kuti Jesu haasi kuti vamwe vevadzidzi vake vachararama kusvikira Umambo hwaMesiya hwagadzwa muna 1914. Jesu akanga achifunga nezvokumbofanoratidza vadzidzi vake vatatu vepedyo zvikuru mbiri yake musimba roUmambo nenzira inoshamisa. Zvavakafanoratidzwa izvi zvinonzi kushanduka chitarisiko.

11. Rondedzera zvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko.

11 Kwapera mazuva matanhatu, Jesu anokwira mugomo refu refu naPetro, Jakobho, naJohani—pamwe pane imwe nhongonya yeGomo reHemoni. Ikoko, Jesu ano“shanduka chitarisiko pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, uye nguo dzake dzokunze dzikachena sechiedza.” Mosesi naEriya avo vaiva vaprofita vanoonekawo vachitaura naJesu. Chiitiko ichi chinokanga mate mukanwa zvichida chinoitika usiku, zvichiita kuti chibve chanyatsojeka. Kutaura zvazviri, zviri kuita sezvinhu zviri kutoitika zvokuti Petro anokumbira kudzika matende matatu—rimwe raJesu, raMosesi, uye raEriya. Petro achiri kutaura, gore rinopenya rinovafukidza uye inzwi rinobva mugore racho rinoti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.”—Mateu 17:1-6.

12, 13. Zvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko zvinoitei pavadzidzi vaJesu, uye nei?

12 Chokwadi, Petro akanga apupurira munguva ichangopfuura kuti Jesu ndiye “Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateu 16:16) Asi chimbofungidzira uchinzwa Mwari pachake achipupurira, achibvuma kuti anoziva Mwanakomana wake akazodzwa uye basa rake! Chokwadi zvakaitika pakushanduka chitarisiko zvinosimbisa kutenda kwaPetro, Jakobho naJohani! Kutenda kwavo zvakwasimbiswa kwazvo, iye zvino vanyatsogadzirira nokuda kwezviri mberi uye basa rinokosha ravachaitira ungano yomunguva yemberi.

13 Kushanduka chitarisiko kunoramba kuri mupfungwa dzevadzidzi. Papera makore 30, Petro anonyora kuti: “[Jesu] akagamuchira kukudzwa nembiri kubva kuna Mwari Baba, apo mashoko akadai seaya akataurwa kwaari nembiri huru: ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu, anodiwa wangu, wandatendera ini.’ Hungu, mashoko aya takaanzwa achitaurwa achibva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.” (2 Petro 1:17, 18) Johani anoshamiswawo nechiitiko chacho. Padarika makore anopfuura 60 izvozvo zvaitika, zviri pachena kuti anotaura nezvazvo nemashoko aya anoti: “Takaona mbiri yake, mbiri yakaita seiyo yomwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi akabva kuna baba.” (Johani 1:14) Asi, kushanduka chitarisiko kwakanga kusiri chiratidzo chokupedzisira pane zvakaratidzwa vateveri vaJesu.

Vakavimbika vaMwari Vanojekeserwazve

14, 15. Muapostora Johani aizoramba aripo munzirai kusvikira Jesu auya?

14 Amutswa, Jesu anooneka kuvadzidzi vake paGungwa reGarireya. Ikoko anoudza Petro kuti: “Kana kuri kuda kwangu kuti [Johani] arambe aripo kusvikira ndauya, izvozvo zvinei newe?” (Johani 21:1, 20-22, 24) Mashoko aya anoratidza kuti muapostora Johani aizorarama kupfuura vamwe vaapostora here? Zviri pachena kuti aizodaro, nokuti anoshumira Jehovha nokutendeka kwemakore anoda kusvika 70. Zvisinei, mashoko aJesu anoreva zvakawanda.

15 Mashoko okuti “kusvikira ndauya” anotiyeuchidza nezvemashoko aJesu okuti ‘Mwanakomana womunhu anouya muumambo hwake.’ (Mateu 16:28) Johani anoramba aripo kusvikira Jesu auya mukuti Johani anozoratidzwa muuprofita kuuya kwaJesu musimba roUmambo. Johani ava pedyo nokufa, ari nhapwa pachitsuwa chePatimosi, anogamuchira Zvakazarurwa nezviratidzo zvezviitiko zvinoshamisa zvouprofita zvichaitika “muzuva raShe.” Johani anokurudzirwa chaizvo nezvaakaratidzwa izvi zvinoshamisa zvokuti Jesu paanoti: “Hungu; ndiri kuuya nokukurumidza,” Johani anoti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 1:1, 10; 22:20.

16. Nei zvichikosha kuti tirambe tichisimbisa kutenda kwedu?

16 Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari kurarama muzana remakore rokutanga vanogamuchira Jesu saMesiya uye vanotenda maari. Pamusana pokuti vanhu vakavapoteredza havana kutenda, vane basa ravanofanira kuita, uye mberi kwavo kune miedzo, vaya vanova vatendi vanoda kusimbiswa. Jesu akapa uchapupu hwakakwana hunoratidza kuti ndiye Mesiya uye akapa zviratidzo zvakajeka zvouprofita kuti akurudzire vateveri vake vakavimbika. Nhasi, tiri mukatikati chaimo me“zuva raShe.” Nokukurumidza, Kristu achaparadza gadziriro yose yezvinhu yakaipa yaSatani onunura vanhu vaMwari. Isuwo tinofanira kusimbisa kutenda kwedu nokushandisa zvizere zvose zvatiri kupiwa naJehovha kuti tiite zvakanaka mune zvokunamata.

Kuchengetedzwa Murima uye Mudambudziko

17, 18. Kusiyana kupi kwakajeka kwakavapo muzana remakore rokutanga pakati paJesu nevateveri vake nevaya vaipikisa chinangwa chaMwari, uye zvinhu zvakafambira sei boka rimwe nerimwe?

17 Jesu afa, noushingi vadzidzi vanoteerera murayiro wake wokumupupurira “muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Pasinei nokutambudzwa zvikuru, Jehovha anokomborera ungano yechiKristu ichangobva kuumbwa nokuijekesera zvinhu zvine chokuita nokunamata uye nokuita kuti ive nevadzidzi vatsva vakawanda.—Mabasa 2:47; 4:1-31; 8:1-8.

18 Ukuwo, tarisiro dzevaya vaishora mashoko akanaka dzakaramba dzichingova rima. “Nzira yavakaipa yakaita serima,” inodaro Zvirevo 4:19. “Havazivi chingavagumbusa.” “Rima” racho rinowedzera muna 66 C.E. mauto eRoma paanokomba Jerusarema. Amborega kukomba kwenguva pfupi pasina chikonzero chakajeka, vaRoma vanodzokazve muna 70 C.E., panguva ino vachiparadza guta racho. Maererano nowezvenhau dzakaitika kare wechiJudha, Josephus, vaJudha vanopfuura miriyoni vanofa. Zvisinei, vaKristu vakatendeka vanotiza. Nei? Nokuti mauto acho paanomborega kukomba pakutanga paya, vanoteerera murayiro waJesu wokutiza.—Ruka 21:20-22.

19, 20. (a) Nei vanhu vaMwari vasingafaniri kutya gadziriro ino yezvinhu zvainoswedera pedyo nomugumo wayo? (b) Jehovha akaita kuti vanhu vake vanzwisise chii chinotoshamisa mumakumi emakore akatungamirira kuna 1914?

19 Ndizvo zvakaitawo mamiriro edu ezvinhu. Kutambudzika kukuru kuri kuuya kucharatidza kuguma kwegadziriro yose yezvinhu yakaipa yaSatani. Asi vanhu vaMwari havafaniri kutya, nokuti Jesu akavimbisa kuti: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 28:20) Kuti asimbise kutenda kwevadzidzi vake vokutanga nokuvagadzirira zviri mberi, Jesu akambofanovaratidza mbiri yake yokudenga saMambo Mesiya. Zvakadini nhasi? Muna 1914 zvaakambofanoratidza zvakava zvechokwadi. Uye ichokwadi chave chichisimbisa kutenda kwazvo kwevanhu vaMwari! Chine vimbiso yenguva yemberi yakaisvonaka, uye vashumiri vaJehovha vakaramba vachipiwa nzwisiso nezvazvo. Pakati chaipo pemamiriro ezvinhu ari kuramba achiipa enyika ino, “gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—Zvirevo 4:18.

20 Kunyange gore ra1914 risati rasvika, boka duku revaKristu vakazodzwa rakatanga kunzwisisa chokwadi chinokosha chokudzoka kwaShe. Somuenzaniso, rakanzwisisa kuti kwaisazooneka, kungofanana nengirozi mbiri dzakaoneka muna 33 C.E. kuvadzidzi Jesu paakanga achikwira kudenga. Gore parakafukidza Jesu richitadzisa vadzidzi kumuona, ngirozi dzacho dzakati: “Uyu Jesu agamuchirwa mudenga achibva kwamuri achauya saizvozvi nomutoo wakafanana sezvamamuona achienda kudenga.”—Mabasa 1:9-11.

21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Kuenda kwaJesu kwakaonekwa nevateveri vake vakavimbika bedzi. Kana kuri kushanduka chitarisiko, hapana vanhu vakawanda vakazviona; nyika yose zvayo haina kutomboziva zvakanga zvaitika. Ndizvo zvazvaizongoitawo pakudzoka kwaKristu musimba roUmambo. (Johani 14:19) Vadzidzi vake vakazodzwa vakatendeka bedzi ndivo vaizoziva kuti adzoka saMambo. Munyaya inotevera, tichaona kuti kunzwisisa izvozvo kwaizoitei chaizvo pavari, zvichiguma nokuunganidzwa kwemamiriyoni evaizova vanhu vepasi vanotongwa naJesu.—Zvakazarurwa 7:9, 14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Zviri pachena kuti Jesu paakabhabhatidzwa, Johani bedzi ndiye akanzwa inzwi raMwari. VaJudha avo Jesu ari kutaura kwavari ‘havana kumbonzwa inzwi raMwari kana panguva ipi zvayo kana kuona zvaakaita.’—Johani 5:37.

Unoyeuka Here?

• Jesu paakapomerwa kuti akanga ari kutyora mutemo weSabata uye kumhura Mwari, uchapupu hupi hwaakapa kuratidza kuti aiva Mesiya?

• Vadzidzi vaJesu vokutanga vakabatsirwa sei nokushanduka kwaakaita chitarisiko?

• Jesu airevei paakati Johani aizoramba aripo kusvikira auya?

• Muna 1914, zvii zvakanga zvambofanoratidzwa zvakazonyatsoitika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Jesu akaratidza uchapupu hwokuti aiva Mesiya

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zvakaratidzwa mukushanduka chitarisiko zvaisimbisa kutenda

[Mufananidzo uri papeji 13]

Johani aifanira kuramba aripo kusvikira Jesu ‘auya’