Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakafanoratidzwa nezvoUmambo hwaMwari Zvinova Zvechokwadi

Zvakafanoratidzwa nezvoUmambo hwaMwari Zvinova Zvechokwadi

Zvakafanoratidzwa nezvoUmambo hwaMwari Zvinova Zvechokwadi

“Muri kuita zvakanaka kuriteerera [shoko rouprofita] serambi rinopenya munzvimbo ine rima.”—2 PETRO 1:19.

1. Musiyano upi watinoona munyika yanhasi?

MATAMBUDZIKO enyika yanhasi ari kungoramba achiwedzera. Kubvira kunjodzi dzinongoitika dzoga dzezvinhu zvakasikwa kuenda kuugandanga huri kuitwa munyika yose, zvinetso zvevanhu zvava kuita sezvisingachadzoreki zvachose. Kunyange zvitendero zvenyika zvave zvisingakwanisi kubatsira. Kutaura zvazviri, zvitendero izvi zvinowanzoita kuti zvinhu zvitoipisisa nokuparira rusaruro, ruvengo, uye urudzi izvo zvinoparadzanisa vanhu. Chokwadi, sezvakafanotaurwa, “rima guru” rafukidza “marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Zvisinei, panguva imwe chete iyi, mamiriyoni anotarisira remangwana nechivimbo. Nei? Nokuti anoteerera shoko raMwari rouprofita “serambi rinopenya munzvimbo ine rima.” Anobvumira “shoko” raMwari, kana kuti mashoko, anowanika muBhaibheri iye zvino, kuti atungamirire nhanho dzawo.—2 Petro 1:19.

2. Maererano nouprofita hwaDhanieri hwezve“nguva yokupedzisira,” ndivanaani bedzi vanopiwa nzwisiso yezvokunamata?

2 Nezve“nguva yokupedzisira,” muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda. Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa uchanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.” (Dhanieri 12:4, 10) Kunzwisisa zvokunamata kwakachengeterwa bedzi vaya vano“mhanya pose pose,” kana vanodzidza nokushingaira Shoko raMwari, vanoteerera mirayiro yake, uye vanoedza kuita kuda kwake.—Mateu 13:11-15; 1 Johani 5:20.

3. Muma1870, ichokwadi chipi chinokosha chakanzwisiswa nevadzidzi veBhaibheri vepakutanga?

3 Kare kuma1870, “mazuva okupedzisira” asati atanga, Jehovha Mwari akatanga kuwedzera chiedza pa“zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga.” (2 Timoti 3:1-5; Mateu 13:11) Panguva iyoyo rimwe boka revadzidzi veBhaibheri rakanzwisisa kuti—kusiyana nezvaifungwa nevakawanda—Kristu aizodzoka asingaoneki. Agadzwa samambo mudenga, Jesu aizodzoka mupfungwa yokuti aizotanga kuva mambo wepasi. Chiratidzo chinoumbwa nezvinhu zvakasiyana-siyana, chinooneka, chaizoita kuti vadzidzi vake vazive kuti kuvapo kwake kusingaoneki kwakanga kwatanga.—Mateu 24:3-14.

Zvakafanoratidzwa Pazvinova Zvechokwadi

4. Jehovha akasimbisa sei kutenda kwevashumiri vake vemazuva ano?

4 Zvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko zvaiva kufanoratidzwa kwakajeka kwaKristu mumbiri yoUmambo. (Mateu 17:1-9) Zvakaratidzwa izvozvo zvakasimbisa kutenda kwaPetro, Jakobho, uye Johani panguva iyo vakawanda vakanga vasingachateveri Jesu nokuti akanga asina kuita zvavaitarisira zvaisava muMagwaro. Saizvozvowo, munguva ino yomugumo, Jehovha akasimbisa kutenda kwevashumiri vake vemazuva ano nokuvabatsira kunzwisisa kuzadzika kwezvakaratidzwa izvozvo zvinoshamisa nohumwe uprofita hune chokuita nazvo. Zvino ngatimboonai chimwe chechokwadi mune zvokunamata chinosimbisa kutenda.

5. Ndiani Nyamasase, uye ‘akamuka’ rini uye sei?

5 Achitaura nezvokushanduka chitarisiko, muapostora Petro akanyora kuti: “Naizvozvo tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi zvikuru; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera serambi rinopenya munzvimbo ine rima, kusvikira ave mambakwedza uye nyamasase ichibuda, mumwoyo menyu.” (2 Petro 1:19) Nyamasase iyoyo yokufananidzira, ndiJesu Kristu ane mbiri. (Zvakazarurwa 22:16) ‘Akamuka’ muna 1914 pakaberekwa Umambo hwaMwari kudenga, zvichiratidza kutanga kwenguva itsva. (Zvakazarurwa 11:15) Pane zvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko, Mosesi naEriya vanooneka vakamira naJesu, vachikurukura naye. Vanofananidzira ani?

6, 7. Mukushanduka chitarisiko, Mosesi naEriya vanomiririra vanaani, uye mashoko api anokosha anotaurwa neMagwaro nezvevaya vavanomiririra?

6 Sezvo Mosesi naEriya vakaonekawo mumbiri yaKristu, zvapupu zviviri izvi zvakatendeka zvinofanira kumiririra vaya vanotonga naJesu muUmambo hwake. Pfungwa yokuti Jesu ane vaanotonga navo inowirirana nezvakafanoratidzwa muprofita Dhanieri nezvaMesiya akagadzwa pachigaro choumambo. Dhanieri akaona “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achipiwa ‘ushe husingaperi’ kubva kune “wakakwegura pamazuva,” Jehovha Mwari. Asi cherechedza zvinoratidzwa Dhanieri nguva pfupi pashure pacho. Anonyora kuti: “Ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vanhu vavatsvene voWokumusorosoro.” (Dhanieri 7:13, 14, 27) Chokwadi, anopfuura mazana mashanu emakore kushanduka chitarisiko kusati kwaitika, Mwari akazivisa kuti vamwe “vatsvene” vaizovawo muumambo hune mbiri hwaKristu.

7 Vatsvene vakaratidzwa Dhanieri ndivanaani? Ndivo vanhu vari kurehwa nomuapostora Pauro paanoti: “Iwo mudzimu unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiriwo vagari venhaka: vagari venhaka zvechokwadi vaMwari, asi vagari venhaka pamwe naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe kuti tipiwe mbiri pamwe.” (VaRoma 8:16, 17) Vadzidzi vaJesu vakazodzwa nomudzimu ndivo bedzi vatsvene vacho. Muna Zvakazarurwa, Jesu anoti: “Ndichabvumira anokunda kuti agare neni pachigaro changu choumambo, sezvo ini ndakakunda ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.” Zvavari 144 000, ‘vakundi’ ava vanenge vamutswa, vachatonga pasi rose pamwe chete naJesu.—Zvakazarurwa 3:21; 5:9, 10; 14:1, 3, 4; 1 VaKorinde 15:33.

8. Vadzidzi vaJesu vakazodzwa vakaita sei basa rakafanana nerakaitwa naMosesi naEriya, uye zvichiguma nei?

8 Kunyange zvakadaro, nei vaKristu vakazodzwa vachimiririra Mosesi naEriya? Chikonzero chacho ndechokuti vaKristu ava, pavanenge vachiri venyama, vanoita basa rakafanana nerakaitwa naMosesi naEriya. Somuenzaniso, vanoshumira sezvapupu zvaJehovha, kunyange panguva yokutambudzwa. (Isaya 43:10; Mabasa 8:1-8; Zvakazarurwa 11:2-12) Kufanana naMosesi naEriya, vanofumura chitendero chenhema noushingi uku vachikurudzira vanhu vepachokwadi kuti vazvipire zvakakwana kuna Mwari. (Eksodho 32:19, 20; Dheuteronomio 4:22-24; 1 Madzimambo 18:18-40) Basa ravo rakabereka zvibereko here? Hungu! Kunze kwokungobatsira kuunganidza vose vevakazodzwa, vakabatsira mamiriyoni e“mamwe makwai” kuti azviise achida pasi paJesu Kristu.—Johani 10:16; Zvakazarurwa 7:4.

Kristu Anopedzisa Kukunda Kwake

9. Zvakazarurwa 6:2 inorondedzera sei Jesu zvaari nhasi?

9 Iye zvino Jesu ava Mambo ane simba, haasisiri munhuwo zvake akatasva mwana wembongoro. Anorondedzerwa seakatasva bhiza—chiratidzo chomuBhaibheri chehondo. (Zvirevo 21:31) Zvakazarurwa 6:2 inoti, “Tarira! bhiza jena; uye akanga akaritasva akanga ane uta; uye akapiwa korona, uye akabuda achikunda nokupedzisa kukunda kwake.” Uyezve, nezvaJesu, munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha uchatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZioni, achiti: Bata ushe pakati pavavengi vako.”—Pisarema 110:2.

10. (a) Kutasva kwaJesu bhiza kuti akunde kunotanga sei zvine mbiri? (b) Kukunda kwaKristu kwokutanga kunoitei panyika yose zvayo?

10 Jesu akatanga kukunda vavengi vake vane simba zvikuru—Satani nemadhimoni. Achivadzinga kudenga, akavakandira pasi. Ichiziva kuti nguva yayo ipfupi, midzimu yakaipa iyi yakaratidza hasha dzayo nechisimba pavanhu, ichikonzera nhamo huru. Muna Zvakazarurwa, nhamo iyi inofananidzirwa nevamwezve varume vatatu vakatasva mabhiza. (Zvakazarurwa 6:3-8; 12:7-12) Maererano nouprofita hwaJesu nezve“chiratidzo chokuvapo [kwake] nechekuguma kwegadziriro yezvinhu,” kutasva kwavo mabhiza kwakaguma nehondo, nzara, uye denda rinouraya. (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:7-11) Kufanana nemarwadzo chaiwo okubereka, hapana mubvunzo kuti “marwadzo enhamo” aya acharamba achiwedzera kusvikira Kristu ‘apedzisa kukunda kwake’ nokuparadza chinhu chose chine chokuita nesangano rinooneka raSatani. *Mateu 24:8.

11. Zvakaitika kare muungano yechiKristu zvinopupurira sei kuti Kristu ari musimba roumambo?

11 Simba raJesu roumambo rinoonekawo mukuti akachengetedza ungano yechiKristu kuitira kuti ikwanise kuita basa rayo rokuparidza Umambo munyika yose. Pasinei nokushorwa noutsinye neBhabhironi Guru—umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema—uye nehurumende dzisina ushamwari, basa rokuparidza harina kungopfuurira chete asi rasvika pamwero usina kumbobvira waitika munhoroondo yenyika. (Zvakazarurwa 17:5, 6) Uchapupu hune simba zvikuru hwokutonga kwaKristu!—Pisarema 110:3.

12. Nei vanhu vakawanda vasinganzwisisi kuvapo kusingaoneki kwaKristu?

12 Kunyange zvakadaro, zvinosuwisa kuti vanhu vakawanda kusanganisira mamiriyoni anozviti vaKristu, vanotadza kunzwisisa zvinhu chaizvo zvisingaoneki zviri seri kwezviitiko zvinokosha zviri kuitika pasi pano. Vanotoseka vaya vanozivisa Umambo hwaMwari. (2 Petro 3:3, 4) Nei? Nokuti Satani akapofumadza pfungwa dzavo. (2 VaKorinde 4:3, 4) Kutaura zvazviri, akatanga kuputira vaya vanozviti vaKristu nerima rokumudzimu mazana emakore akawanda akapfuura, achitovaita kuti vasiye tariro yavo yoUmambo inokosha.

Tariro yoUmambo Inosiyiwa

13. Kuputirwa murima rokumudzimu kwakatungamirira kuchii?

13 Jesu akafanotaura kuti vakaramba kutenda, kufanana nemasora ari mugorosi, vaizoverevedza muungano yechiKristu votsausa vakawanda. (Mateu 13:24-30, 36-43; Mabasa 20:29-31; Judha 4) Nokufamba kwenguva, ava vainzi vaKristu vakagamuchira mhemberero dzevahedheni, tsika nedzidziso dzavo, vachitozviti ndezve“chiKristu.” Somuenzaniso, Krisimasi yakatanga netsika dzayo dzinosanganisira kunamata vanamwari vevahedheni Mithra naSaturn. Asi chii chakakonzera ava vaizviti vaKristu kuchengeta mhemberero idzi dzisiri dzechiKristu? The New Encyclopædia Britannica (1974) inoti: “Krisimasi, mhemberero yokuberekwa kwaJesu Kristu, yakatangwa apo tariro yokudzoka kwaKristu nokukurumidza yakanga yava kudzikira.”

14. Dzidziso dzaOrigen naAugustine hadzina kumiririra zvakanaka sei chokwadi choUmambo?

14 Fungawo nezvokukanganiswa kwezvinoreva shoko rokuti “umambo.” Bhuku rinonzi The Kingdom of God in 20th-Century Interpretation rinoti: “Origen [nyanzvi yezvezvitendero yomuzana remakore rechitatu] ndiye akachinja mashandisiro aiita vaKristu shoko rokuti ‘umambo’ achiti zvinoreva kutonga kwaMwari mumwoyo momunhu.” Origen aivakira dzidziso yake payi? Kwete muMagwaro, asi “papfungwa dzevazivi uye dzenyika idzo dzakanga dzakasiyana chaizvo nemafungiro aJesu neechechi yepakutanga-tanga.” Mubhuku rake rinonzi De Civitate Dei (Guta raMwari), Augustine wokuHippo (354-430 C.E.) akataura kuti chechi pachayo ndiyo Umambo hwaMwari. Pfungwa dzakadaro dzisiri dzomuMagwaro dzakaita kuti machechi echiKristudhomu awane pokuzvitsigira napo kuti awane simba rezvematongerwe enyika. Uye akashandisa simba iroro kwemazana akawanda emakore, achiwanzoita kudaro noutsinye.—Zvakazarurwa 17:5, 18.

15. VaGaratiya 6:7 yave ichizadzika sei maererano nemachechi akawanda echiKristudhomu?

15 Kunyange zvakadaro, nhasi machechi ari kukohwa zvaakadyara. (VaGaratiya 6:7) Akawanda ari kuita seari kurasikirwa nesimba raaiva naro uyewo vanhu vawo. Izvozvi zviri kunyatsooneka muEurope. Maererano nemagazini inonzi Christianity Today, “iye zvino machechi makuru muEurope [haasisiri] dzimba dzokunamatira asi ava mamiziyamu, asina chinhu anongoshanyirwa nevanhu bedzi vanobva kunze kwenyika.” Zvakafanana zvinogona kuonekawo mune dzimwe nzvimbo dzenyika. Izvi zvinoratidzei nezvechitendero chenhema? Chichangofa nokutadza kutsigirwa here? Uye chii chichaitika pakunamata kwechokwadi?

Gadzirira Zuva Guru raMwari

16. Nei kusafarirwa kuri kuramba kuchiwedzera kweBhabhironi Guru kuchikosha?

16 Kungofanana nezvingaita utsi nemadota zvinopwititika zvichibuda mugomo rinenge rambogara kwenguva yakati risina kuputika kuratidza kuti rava kuda kuputika, kusafarirwa kwechitendero kuri kuwedzera munzvimbo dzakawanda dzenyika chiratidzo chokuti chitendero chenhema chava kuda kuzoguma. Nokukurumidza, Jehovha achaita kuti vezvematongerwe enyika vabatane nechinangwa chokufumura uye kuparadza hure mune zvokunamata Bhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 17:15-17; 18:21) VaKristu vechokwadi vanofanira kutya chiitiko ichocho here uye zvimwe zvichaitika mu“kutambudzika kukuru” kuchazotevera? (Mateu 24:21) Kwete! Zvechokwadi vachava nezvikonzero zvokufara Mwari paacharwisa nyika yakaipa. (Zvakazarurwa 18:20; 19:1, 2) Chimbofunga nezvomuenzaniso womuzana remakore rokutanga weJerusarema nevaKristu vaigara imomo.

17. Nei vashumiri vaJehovha vakatendeka vachitarisana nomugumo wenyika ino nechivimbo?

17 Mauto eRoma paakakomba Jerusarema muna 66 C.E., vaKristu vakanga vakamuka mune zvokunamata havana kumbovhunduka kana kutya. Zvavaiva vadzidzi veShoko raMwari vaishingaira, vakaziva kuti ‘kuitwa dongo kwaro kwakanga kwaswedera pedyo.’ (Ruka 21:20) Vaizivawo kuti Mwari aizozarura nzira yokuti vatizire kwakachengeteka. Izvozvo pazvakaitika, vaKristu vakatiza. (Dhanieri 9:26; Mateu 24:15-19; Ruka 21:21) Saizvozvowo nhasi, vaya vanoziva Mwari uye vanoteerera Mwanakomana wake vanogona kutarisana nomugumo wenyika ino nechivimbo. (2 VaTesaronika 1:6-9) Kutaura zvazviri, kutambudzika kukuru pakunoitika, ‘vachasimudza misoro yavo nomufaro, nokuti vanoziva kuti kununurwa kwavo kunenge kwaswedera pedyo.’—Ruka 21:28.

18. Chii chichaitika Gogi paachapedzisira nokurwisa vashumiri vaJehovha zvakananga?

18 Pashure pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, saGogi waMagogi achiita basa rake, pakupedzisira Satani acharwisa zvakananga Zvapupu zvaJehovha zvine rugare. Achiuya “akaita segore rinofukidza nyika,” mauto aGogi achatarisira kukunda nyore nyore. Zviri mberi chokwadi zvichaashamisa! (Ezekieri 38:14-16, 18-23) Muapostora Johani anonyora kuti: “Ndakaona denga richizaruka, uye, tarira! bhiza jena. Uye akanga akaritasva anonzi Akatendeka uye weChokwadi . . . Mumuromo make munobuda bakatwa refu rakapinza, kuti ateme marudzi naro.” “Mambo wemadzimambo” uyu asingakundiki achanunura vanamati vaJehovha vakavimbika oparadza vavengi vavo vose. (Zvakazarurwa 19:11-21) Uchava mugumo wakaisvonaka wokuzadzika kwezvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko!

19. Kukunda zvizere kuchaita Kristu kuchaitei pavadzidzi vake vakavimbika, uye vanofanira kuedza kuitei iye zvino?

19 Jesu ‘acharangarirwa pazuva iroro nokuyemurwa maererano navose vakatenda.’ (2 VaTesaronika 1:10) Unoda kuva pakati pevaya vachamira vachishamiswa nokukunda kuchaita Mwanakomana waMwari here? Saka ramba uchisimbisa kutenda kwako uye ‘iva akagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yausingafungi kuti ndiyo.’—Mateu 24:43, 44.

Ramba Wakasvinura

20. (a) Tingaratidza sei kuonga urongwa hwaMwari hwo“muranda akatendeka, akangwara”? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

20 “Muranda akatendeka, akangwara” anogara achikurudzira vanhu vaMwari kuramba vakamuka uye vakasvinura. (Mateu 24:45, 46; 1 VaTesaronika 5:6) Unoonga here zviyeuchidzo izvi zviri kupiwa panguva? Unozvishandisa here pakusarudza zvinofanira kuva pakutanga muupenyu? Unoregererei kuzvibvunza kuti: ‘Ndine maonero akajeka here mune zvokunamata anondigonesa kuona Mwanakomana waMwari achitonga kudenga? Ndinomuona atogadzirira kutonga Bhabhironi Guru uye nyika yose yaSatani here?’

21. Nei vamwe vangave vakabvumira maonero avo zvinhu zvokunamata achiva madzerere, uye chii chavanoita nokukurumidza?

21 Iye zvino vamwe vanosonganira nevanhu vaJehovha vakabvumira maonero avanoita zvinhu zvokunamata achingova madzerere. Kuti vangave vari kutadza kushivirira kana kutsungirira, sezvakaitwa nevamwe vadzidzi vaJesu vekare here? Kuti kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, kunyanya kuda zvinhu zvenyama, kana kuti kutambudzwa kuri kuvakanganisa here? (Mateu 13:3-8, 18-23; Ruka 21:34-36) Pamwe vamwe vakaona mamwe mashoko anobudiswa no“muranda akatendeka, akangwara” akaoma kunzwisisa. Kana pane chimwe chazvo chakaitika kwauri, tinokukurudzira kudzidza Shoko raMwari nokushingaira zvekare uye kukumbira kuna Jehovha kuti uvezve noukama hwakasimba, hwepedyo naye.—2 Petro 3:11-15.

22. Kukurukura nezvezvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko nohumwe uprofita hune chokuita nazvo kwaita kuti unzwe sei?

22 Vadzidzi vaJesu vakaratidzwa Jesu ashanduka chitarisiko pavakanga vachida kukurudzirwa. Nhasi, tine zvimwe zvinototisimbisa zvikuru—kuzadzika kwokushanduka chitarisiko ikoko kunoshamisa nohumwe uprofita hune chokuita nako. Patinofungisisa zvinhu izvi chaizvo zvine mbiri uye zvazvinoreva nokuda kwenguva yemberi, isuwo ngatiratidzei nomwoyo wedu wose manzwiro omuapostora Johani paakati: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.”—Zvakazarurwa 22:20.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 MuchiGiriki chepakutanga, shoko rakashandurwa kuti “marwadzo enhamo” chaizvoizvo rinoreva “marwadzo okubereka.” (Mateu 24:8, Kingdom Interlinear) Izvi zvinoreva kuti kufanana nemarwadzo okubereka, zvinetso zvenyika zvicharamba zvichiitika kakawanda, zviri zvikuru uye zvichivapowo kwenguva refu, zvozoguma nokutambudzika kukuru.

Unoyeuka Here?

• Kuma1870, rimwe boka duku revadzidzi veBhaibheri rakasvika pakunzwisisa chii nezvokudzoka kwaKristu?

• Zvakaratidzwa pakushanduka chitarisiko zvave zvichizadzika sei?

• Kutasva kwaJesu bhiza kuti akunde kunoguma nei panyika uye muungano yechiKristu?

• Tinofanira kuitei kuti tizova pakati pevaya vachapona apo Jesu achapedzisa kukunda kwake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Zvakafanoratidzwa zvinova zvechokwadi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Unoziva zvakaitika Kristu paakatanga kukunda kwake here?