Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi Chiri Kubereka Zvibereko Mune Vaunodzidzisa Here?

Chokwadi Chiri Kubereka Zvibereko Mune Vaunodzidzisa Here?

Chokwadi Chiri Kubereka Zvibereko Mune Vaunodzidzisa Here?

WECHIDUKU Eric paakataura kuti akanga asingachadi kuzivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, vabereki vake vakarwadziwa zvikuru. Vakanga vasina kuona kuti ndizvo zvakanga zvoda kuitika. Achiri kakomana, Eric aidzidza Bhaibheri pamwe nemhuri, aipinda misangano yechiKristu, uye aiendawo kunoparidza neungano. Akanga achiita seaiva muchokwadi. Asi nokuti iye zvino akanga asisiri kugara pamba, vabereki vake vakazoziva kuti chokwadi cheBhaibheri chakanga chisina kumbova maari. Kuziva izvozvo kwakavashamisa uye kwakavaodza mwoyo.

Vamwe vakanzwa kurasikirwa nenzira yakafanana mudzidzi weBhaibheri paakangoerekana arega kudzidza. Panguva dzakadaro, vanhu vanowanzozvibvunza kuti, ‘Nei ndisina kuona kuti ndizvo zvava kuda kuitika?’ Zvinobvira here kuziva kana chokwadi chiri kubereka zvibereko mune vatinodzidzisa vasati vavhiringidzwa mune zvokunamata? Kana zvakadaro, tinganyatsova nechokwadi sei chokuti chokwadi chiri kushanda matiri uyewo mune vaya vatinodzidzisa? Mumufananidzo wake unonyatsozivikanwa womudyari, Jesu akapa mashoko anobatsira kuona mhinduro yemibvunzo iyi.

Chokwadi Chinofanira Kusvika Pamwoyo

“Mbeu ishoko raMwari,” akadaro Jesu. “Kana iri iya [yakadyarwa] yepavhu rakanaka kwazvo, iyi ndivo vanoti, pashure pokunzwa shoko nemwoyo wakanaka kwazvo, vanorichengeta vobereka zvibereko nokutsungirira.” (Ruka 8:11, 15) Saka chokwadi choUmambo chisati chava nezvibereko muvadzidzi vedu, chinofanira kudzika midzi mumwoyo yavo yokufananidzira. Jesu anotivimbisa kuti kufanana nembeu yakanaka yakaiswa paivhu rakanaka kwazvo, kana chokwadi chaMwari changobaya mwoyo wakanaka, chinobva chakurumidza kushanda chobereka zvibereko. Tinofanira kutsvakei?

Tinofanira kuona zvakaita mwoyo, kwete chitarisiko chokunze chete. Kungova nomuitiro wokunamata wakarongwa, nguva dzose hakuratidzi zvinenge zviri kuitika mumwoyo womunhu chaizvo. (Jeremiya 17:9, 10; Mateu 15:7-9) Tinofanira kuongorora zvakadzama. Munhu wacho anofanira kuchinja zvinonyatsooneka pane zvaanoshuva, zvaanovavarira, uye zvaanokoshesa. Anofanirawo kutanga kuva nounhu hutsva, hunoenderana nezvinodiwa naMwari. (VaEfeso 4:20-24) Kuenzanisira: VaTesaronika pavakanzwa mashoko akanaka, Pauro akati vakabva vaagamuchira sezvaari seshoko raMwari. Asi kwaiva kutsungirira kwavo, kutendeka, uye rudo zvakamuratidza kuti chokwadi chakanga ‘chichishandawo mavari.’—1 VaTesaronika 2:13, 14; 3:6.

Chokwadi, nokufamba kwenguva chero chinhu chipi zvacho chiri mumwoyo womudzidzi chichaonekwa mukuzvibata kwaanoita, sezvinoratidzwa nomuenzaniso waEric. (Mako 7:21, 22; Jakobho 1:14, 15) Zvinosuruvarisa kuti panozonyatsobuda tsika dzakaipa dzomunhu, pamwe zvinenge zvisingachabatsiri. Saka, basa riripo nderokuedza kuona zvinetso chaizvo zvisati zvava zvigumbuso pakunamata. Tinoda nzira yokuziva nayo zviri mumwoyo wokufananidzira. Tingazviita sei?

Dzidza Kuna Jesu

Chokwadi, Jesu aikwanisa kunyatsoziva zviri mumwoyo yevanhu. (Mateu 12:25) Hapana mumwe wedu anokwanisa kudaro. Asi, akatiratidza kuti isuwo tinokwanisa kuona zvinoshuva munhu, zvaanovavarira, uye zvaanokoshesa. Kungofanana nachiremba anoziva basa anoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti aone chinenge chakakanganisika pamwoyo chaiwo womunhu, Jesu akashandisa Shoko raMwari ‘kubudisa’ uye kuisa pachena “kufunga nevavariro dzemwoyo,” kunyange pazvakanga zvisati zvava kuonekwa nevamwe vanhu.—Zvirevo 20:5; VaHebheru 4:12.

Somuenzaniso, pane imwe nguva, Jesu akabatsira Petro kuti aone chinetso chakazova chigumbuso. Jesu aiziva kuti Petro aimuda. Kutaura zvazviri, Jesu akanga achangobva kupa Petro “kiyi dzoumambo.” (Mateu 16:13-19) Zvisinei, Jesu aizivawo kuti Satani akanga akanyanya kunanga vaapostora. Mumazuva aiva mberi, vaizomanikidzwa kuti vabvumirane pane zvisina kufanira. Zviri pachena kuti Jesu akaona kuti vamwe vevadzidzi vake vakanga vaine zvinetso mukutenda kwavo. Saka haana kutya kuvaudza zvakananga pavaifanira kugadzirisa. Ona kuti akatanga sei kukurukura nyaya yacho.

Mateu 16:21 inoti: “Kubvira panguva iyoyo Jesu Kristu akatanga kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira . . . [ku]tambura . . . ourawa.” Ona kuti Jesu akavaratidza zvaizoitika kwaari, haana kungovataurira chete. Zvimwe akashandisa ndima dzomuBhaibheri, dzakadai saPisarema 22:14-18; kana kuti Isaya 53:10-12, dzinoratidza kuti Mesiya aifanira kutambura, ofa. Chokwadi, nokuverenga kana kutaura mashoko omuMagwaro sezvaari, Jesu akapa Petro nevamwe mukana wokutaura zvaiva pamwoyo yavo. Vaizoita sei pavaizoziva nezvokutambudzwa?

Zvinoshamisa kuti kunyange Petro akanga atoratidza kuti akashinga uye kuti anoshingaira, kungoerekana ataura kwaakaita apa kwakaratidza chimwe chinetso chikuru mumafungiro ake. “Zviitirei mutsa, Ishe.” Zvakajeka kuti kufunga kwaPetro kwakanga kusina kururama, nokuti sokutaura kwakaita Jesu, Petro akanga achifunga, “kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu”—chikanganiso chakakomba chaigona kukonzera kumigumisiro yakaipa zvikuru. Saka Jesu akaitei? Atuka Petro, Jesu akamuudza iye nevamwe vadzidzi vose kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.” Achitora pfungwa dziri muPisarema 49:8 nePis 62:12, akavayeuchidza nomutsa kuti zvisingaperi zvavaitarisira zvaibva kwete kuvanhu vasingagoni kuponesa, asi kuna Mwari.—Mateu 16:22-28.

Kunyange zvazvo pane imwe nguva Petro akambotya zvishoma achibva aramba Jesu katatu, hapana mubvunzo kuti kukurukurirana uku nokumwewo kwakabatsira kuita kuti akurumidze kusimba pakunamata zvakare. (Johani 21:15-19) Kwapera mazuva 50 chete, Petro akasimuka asingatyi pamberi pemapoka evanhu muJerusarema kuti apupurire kumuka kwaJesu. Muvhiki, mwedzi, nemakore zvakazotevera, akashinga kusungwa asungwazve, kurohwa, nokuiswa mujeri, achiratidza muenzaniso mukuru wokutendeseka kwokusatya.—Mabasa 2:14-36; 4:18-21; 5:29-32, 40-42; 12:3-5.

Tinodzidzei mune izvi? Unoona zvakaitwa naJesu kuti abudise uye kuti aise pachena zvakanga zviri mumwoyo waPetro here? Chokutanga, akasarudza magwaro akakodzera kuitira kuti Petro anyanye kufunga nezvenyaya chaiyo yakanga ichida kugadziriswa. Zvadaro, akapa Petro mukana wokuti ataure zvaaifunga zvichibva pamwoyo pake. Pakupedzisira, akapa Petro rimwe zano rinobva muMagwaro kuti amubatsire kugadzirisa mafungiro nemanzwiro aaiita. Ungafunga kuti madzidzisiro aya haungaakwanisi, asi ngationei zvakaitika zviviri zvinoratidza kuti kugadzirira uye kuvimba naJehovha zvinogona kubatsira chero ani wedu kutevera muenzaniso waJesu.

Kubudisa Zviri Mumwoyo

Vamwe baba vechiKristu pavakaziva kuti vanakomana vavo vaviri mumwe akanga ari mugiredhi rokutanga uye mumwe wacho mugiredhi rechipiri vakanga vatora zvihwitsi patafura yomudzidzisi, vakagara navo pasi ndokukurukura navo. Pane kungozvisiya vachiti hazvina basa, kutamba kwevana, baba vacho vanoti: “Ndakaedza kubudisa mumwoyo yavo zvakanga zvavakurudzira kuita chinhu chakaipa kudaro.”

Baba vacho vakakumbira vakomana vacho kuti vayeuke zvakaitika kuna Akani, sokurondedzerwa kwazvinoitwa muna Joshua chitsauko 7. Vakomana vacho vakakurumidza kuona pfungwa yacho vachibva vabvuma kukanganisa kwavo. Hana dzavo dzakanga dzagara dzichitovanetsa. Saka baba vacho vakaita kuti vaverenge VaEfeso 4:28, inoti: “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba . . . kuti ave nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshayiwa.” Vakaita kuti vana vacho vatenge zvihwitsi uye vazvidzorere kumudzidzisi wacho uye izvi zvakasimbisa zano racho raibva muMagwaro.

“Taiedza kubvisa vavariro dzakaipa dzipi nedzipi pataingodziona,” vanodaro baba vacho, “todzitsiva nevavariro dzakanaka uye dzakachena kuburikidza nokukurukurirana nevana vacho.” Nokutevedzera Jesu pavaidzidzisa vana vavo, vabereki ava vakabudirira zvechokwadi nokufamba kwenguva. Vanakomana vacho vose vakazopedzisira vakokwa kuti vave nhengo dzevashandi vepadzimbahwe paBheteri rokuBrooklyn, uye mumwe wacho ava nemakore 25 achishandapo.

Onawo kuti mumwe muKristu akakwanisa sei kubatsira mudzidzi wake weBhaibheri. Mudzidzi wacho akanga achipinda misangano uye akanga atotaura kuti aida kubhabhatidzwa. Zvisinei, airatidza kuti ainyanya kuzvivimba pane kuvimba naJehovha. “Somukadzi akanga asina kuroorwa, akanga anyanya kuzvimirira kupfuura zvaaifunga,” Chapupu chacho chinoyeuka kudaro. “Ndainetseka kuti aigona kuzorwara kana kuti kurega kunamata.”

Saka Chapupu chacho chakatanga kukurukura nomudzidzi wacho zviri muna Mateu 6:33, chichimukurudzira kugadzirisa zvaaikoshesa, kuisa Umambo pakutanga uye kuvimba naJehovha kuti aite kuti zvinhu zvibudirire. Akamubvunza zvakajeka kuti: “Kugara woga dzimwe nguva kunoita kuti zvikuomere kuvimba nevamwe vanhu, kusanganisira Jehovha here?” Mudzidzi wacho akabvuma kuti akanga ava kunyengetera pano neapo. Muparidzi wacho akabva amukurudzira kutevedzera zano riri pana Pisarema 55:22 uye kukanda zvinomunetsa pana Jehovha nokuti sezvatinovimbiswa pana 1 Petro 5:7, “ane hanya” nesu. Mashoko iwayo akamubaya mwoyo. Chapupu chacho chinoti, “Ipapo ndipo pamwe pandakamuona achichema.”

Ramba Uchiita Kuti Chokwadi Chishande Mauri

Kuona vatinodzidzisa vachiita maererano nechokwadi cheBhaibheri kunoita kuti tifare zvikuru. Zvisinei, tinofanira kuratidza muenzaniso wakanaka isu pachedu kuti zvatinoita kuti tibatsire vamwe zvibudirire. (Judha 22, 23) Tose tinofanira kuramba ti“chishandira kuponeswa [kwedu] nokutya nokudedera.” (VaFiripi 2:12) Izvozvo zvinosanganisira kuita kuti chiedza cheMagwaro chijekese pamwoyo pedu nguva dzose, kuti titsvake mafungiro, zvishuvo, uye zvatinofarira zvingada kugadziriswa.—2 Petro 1:19.

Somuenzaniso, munguva yapfuura iyi, kushingairira kwako mabasa echiKristu kwakaderera here? Kana zvakadaro, nei? Chimwe chikonzero chingava chokuti uri kunyanya kuzvivimba. Ungaziva sei kana zvirizvo? Verenga Hagai 1:2-11, uye nyatsofungisisa matauriro aiita Jehovha nevaJudha vakanga vadzorerwa kumusha kwavo. Zvadaro zvibvunze kuti: ‘Ndinonyanya kungofunga nezvokuva nemari yakawanda kana kuti zvinhu zvomutambarakede here? Ndinonyatsovimba naJehovha kuti achatarisira mhuri yangu kana ndikaisa zvinhu zvokunamata pakutanga here? Kana kuti ndinofunga kuti ndinofanira kutanga ndazvitarisira pachangu here?’ Kana paine panoda kugadziriswa pamafungiro ako kana manzwiro aunoita, usazeza kugadzirisa. Zano romuMagwaro, rakadai seriri pana Mateu 6:25-33, Ruka 12:13-21 uye 1 Timoti 6:6-12, rinoita kuti tione zvinhu zvokunyama zviri pakati nepakati, izvo zvinoita kuti tirambe tichikomborerwa naJehovha.—Maraki 3:10.

Kuzviongorora nokutendeseka kwakadai kunogona kuita kuti tifungisise. Kubvuma zvinetso chaizvoizvo patinenge tazviudzwa kungatiomera. Asi, paunoita danho rokutanga kubatsira mwana wako, mudzidzi weBhaibheri, kana kuti iwewe pachako—pasinei nokuti nyaya yacho ingaita kuti mumwe agumbuke—ungava uri kutora danho rokutanga rokuponesa upenyu hwake kana kuti hwako pachako.—VaGaratiya 6:1.

Zvisinei, zvakadini kana zvaunoedza kuita zvichiita sokuti hazvisi kubereka zvibereko zvakanaka? Usakurumidza kukanda mapfumo pasi. Kugadzirisa mwoyo usina kukwana kunogona kuva kwakaoma, kunoda nguva yakawanda, uye dzimwe nguva kunoodza mwoyo. Asi kunogona kuunzawo mubayiro.

Wechiduku Eric, ataurwa patangira nyaya ino, akazopengenuka uye akatangazve ku“famba muchokwadi.” (2 Johani 4) “Ndakazodzokera kuna Jehovha pandakaziva zvandakanga ndarasikirwa nazvo,” anodaro. Achibatsirwa nevabereki vake, iye zvino Eric ava kushumira Jehovha akatendeka. Kunyange zvazvo akambotsamwa vabereki vake pavairamba vachiedza kumubatsira kuti aongorore mwoyo wake, iye zvino anoonga kwazvo zvavakaita. “Vabereki vangu vakanaka kwazvo,” anodaro. “Havana kumborega kundida.”

Kuita kuti chiedza cheShoko raMwari chijekese mwoyo yevaya vatinodzidzisa kuratidzwa kwomutsa une rudo. (Pisarema 141:5) Ramba uchiongorora mwoyo yevana vako uye yevaunodzidzisa Bhaibheri kuti uone kana vari kuva nounhu utsva hwechiKristu. Ita kuti chokwadi chirambe chichishanda muvamwe uye mauri noku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:15.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Mashoko aJesu akaratidza chinetso chaPetro

[Mufananidzo uri papeji 31]

Shandisa Bhaibheri kubudisa zviri mumwoyo