Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoita Zvakarurama Nguva Dzose

Jehovha Anoita Zvakarurama Nguva Dzose

Jehovha Anoita Zvakarurama Nguva Dzose

“Jehovha wakarurama panzira dzake dzose.”—PISAREMA 145:17.

1. Unonzwa sei kana mumwe munhu akataura zvisizvo nezvako, uye tinodzidzei muchiitiko chakadaro?

MUMWE munhu akambofunga zvisizvo nezvako here, zvimwe kusava nechokwadi nezvaunoita kana kuti zvaunovavarira kuita, asi asina mashoko akazara nezvenyaya yacho? Kana zvakadaro, zvimwe wakatsamwa—uye zvinonzwisisika kuti wakanzwa nenzira iyoyo. Kubva pane izvi, tingadzidza chidzidzo chinokosha chokuti: Kuchenjera kusamhanyira kutaura zvatinofunga isu tisina mashoko akazara ezvakaitika.

2, 3. Vamwe vanoita sei pavanoverenga nhoroondo dzomuBhaibheri dzisina mashoko akakwana zvokupindura mibvunzo yose, asi Bhaibheri rinotiudzei nezvaJehovha?

2 Tinofanira kuramba tichiyeuka chidzidzo ichi kana pava panyaya yokutaura zvatinofunga nezvaJehovha Mwari. Nei zvakadaro? Nokuti pane dzimwe nhoroondo dziri muBhaibheri dzokuti paunotanga kudziverenga dzinoita sedzinotemesa musoro. Nhoroondo idzi—zvimwe dzinotaura nezvezvakaitwa nevamwe vevashumiri vake kana zvokutongwa kwakaitwa vamwe vanhu naMwari kare—dzingasava nemashoko akakwana anopindura mibvunzo yedu yose. Zvinosuwisa kuti vamwe vanotsoropodza nhoroondo dzakadaro, kunyange kusatova nechokwadi kana Mwari akarurama uye achiruramisira. Asi, Bhaibheri rinotiudza kuti “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose.” (Pisarema 145:17) Shoko rake rinotivimbisawo kuti “haangaiti zvakaipa.” (Jobho 34:12; Pisarema 37:28) Saka, fungidzira kuti anonzwa sei vamwe vanhu pavanotaura zvisizvo nezvake!

3 Ngatikurukurei zvikonzero zvishanu nei tichifanira kubvuma kutonga kwaJehovha. Zvadaro, tiine zvikonzero izvozvo mupfungwa, tichaongorora nhoroondo mbiri dzomuBhaibheri idzo vamwe vangawana kuva dzakaoma kunzwisisa.

Nei Tichifanira Kubvuma Kutonga kwaJehovha?

4. Nei tichifanira kuzvininipisa patinenge tichifunga nezvezvinhu zvakaitwa naMwari? Enzanisira.

4 Chokutanga, nokuti Jehovha anoziva zvose zvinobatanidzwa asi isu hatizivi, tinofanira kuzvininipisa patinofunga nezvezvinhu zvakaitwa naMwari. Kuenzanisira: Fungidzira kuti mumwe mutongi ane mukurumbira wakanaka kwazvo wokutonga nyaya zvakanaka apa mutongo pane imwe nyaya yomudare. Waizofungei nezvomumwe munhu anotsoropodza mutongo wacho asi asina mashoko akakwana enyaya yacho kana kuti asingatombonzwisisi mitemo inobatanidzwa? Hwaizova upenzi kuti mumwe munhu atsoropodze nyaya iye asina mashoko akakwana nezvayo. (Zvirevo 18:13) Hwaizova upenzi hwakatokura sei kuti vanhuwo zvavo vatsoropodze “Mutongi wenyika yose”!—Genesi 18:25.

5. Chii chatisingafaniri kukanganwa patinoverenga nhoroondo dzomuBhaibheri dzinotaura nezvokutongwa kwakamboitwa vamwe vanhu naMwari?

5 Chikonzero chechipiri nei tichifanira kubvuma kutonga kwaMwari ndechokuti kusiyana nevanhu, Mwari anoona zviri mumwoyo. (1 Samueri 16:7) Shoko rake rinoti: “Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” (Jeremia 17:10) Saka, patinoverenga nhoroondo dzeBhaibheri dzinotaura nezvokutongwa kwakamboitwa vamwe vanhu naMwari, ngatirege kukanganwa kuti maziso ake anoona zvose aionawo dzimwe pfungwa dzisingaoneki, vavariro uye zvinangwa zvisina kunyorwa muShoko rake.—1 Makoronike 28:9.

6, 7. (a) Jehovha akaratidza sei kuti haaputsi mitemo yake yakarurama inoratidza kururamisira kunyange zvingaita kuti arasikirwe? (b) Tinofanira kuyeukei kana tikaverenga chimwe chinhu muBhaibheri chinoita kuti tisava nechokwadi kana Mwari akaita nenzira yakarurama kana kuti inoratidza ruramisiro?

6 Ona chikonzero chechitatu chokubvuma kutonga kwaJehovha: Anoramba akaomerera kumitemo yake yakarurama kunyange kana zvichireva kurasikirwa kwake. Funga nezvomumwe muenzaniso. Mukupa Mwanakomana wake sorudzikinuro rwokununura vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu, Jehovha akaita maererano nemitemo yake yakarurama uye ine ruramisiro. (VaRoma 5:18, 19) Nepo, kuona Mwanakomana wake anodiwa achitambura uye kufa padanda rokutambudzikira kunofanira kunge kwakaita kuti Jehovha arwadziwe kwazvo. Izvi zvinotiudzei nezvaMwari? Nezvo“rudzikinuro rwakaripwa naKristu Jesu,” Bhaibheri rinoti “Izvi zvakaitirwa kuti aratidze kururama kwake [Mwari].” (VaRoma 3:24-26) Imwe shanduro yaVaRoma 3:25 inoti: “Izvi zvakaratidza kuti Mwari anoita zvakarurama uye zvakanaka nguva dzose.” (New Century Version) Zvechokwadi, zvakaitwa naJehovha kuitira kuti ape rudzikinuro zvinoratidza kuti anoda zvikuru “kuita zvakarurama uye zvakanaka.”

7 Saka, kana tikaverenga chimwe chinhu muBhaibheri chinoita kuti vamwe vasava nechokwadi chokuti Mwari akaita nenzira yakarurama kana kuti ine ruramisiro, tinofanira kuyeuka izvi: Nokuti akavimbika kumitemo yake yokururama neruramisiro, Jehovha haana kudzivisa Mwanakomana wake kufa zvinorwadza. Aizotyora mitemo iyoyo mudzimwe nyaya here? Chokwadi ndechokuti, Jehovha haamboputsi mitemo yake yakarurama uye inoratidza kururamisira kwake. Saka tine chikonzero chakanaka chokugutsikana kuti anoita zvakarurama uye zvakanaka nguva dzose.—Jobho 37:23.

8. Nei zvaisazova nomusoro kuti vanhu vafungidzire kuti Jehovha haaruramisiri uye haana kururama?

8 Funga nezvechikonzero chechina nei tichifanira kubvuma kutonga kwaJehovha: Jehovha akasika munhu nomufananidzo Wake. (Genesi 1:27) Saka vanhu vakasikwa vaine unhu hwakafanana nohwaMwari, kusanganisira pfungwa yeruramisiro uye yezvakarurama. Kungava kusanzwisisa kana tikafunga kuti Jehovha haaruramisiri uye haana kururama. Kana tikanetseka nezveimwe nhoroondo yomuBhaibheri, tinofanira kuyeuka kuti pamusana pechivi chedu chatinoberekwa nacho, pfungwa yedu yeruramisiro uye yezvakarurama haina kukwana. Jehovha Mwari, uyo akatisika nomufananidzo wake, akakwana pakururamisira kwake uye pakururama. (Dheuteronomio 32:4) Zvaisazova nomusoro kunyange kufungidzira kuti vanhu vangapfuura Mwari pakururamisira uye pakuita zvakarurama!—VaRoma 3:4, 5; 9:14.

9, 10. Nei Jehovha asingamanikidzwi kutsanangura kana kuti kutaura kuti nei achiita zvaanotiitira?

9 Chikonzero chechishanu chokubvuma kutonga kwaJehovha ndechokuti ndiye “Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Zvaakadaro, haamanikidzwi kutsanangura kana kuti kutaura kuti nei achiita zvaanotiitira. Ndiye Muumbi Mukuru, uye takaita sevhu raumbwa kuva midziyo yaanoita zvaanoda nayo. (VaRoma 9:19-21) Tisu vanaani—zvinhu zvaakaumba—kuti tisava nechokwadi nezvaanosarudza kana kuti zvaanoita? Tateguru Jobho paakatadza kunzwisisa kubata kunoita Mwari nevanhu, Jehovha akamururamisa, achibvunza kuti: “Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?” Paakaziva kuti akanga ataura asina kumbofunga, Jobho akazopfidza. (Jobho 40:8; 42:6) Tisambofa takaita chikanganiso chokupa Mwari mhosva!

10 Zviri pachena kuti tine zvikonzero zvakanaka zvokutenda kuti Jehovha anoita zvakarurama nguva dzose. Nepfungwa idzi dzinotibatsira kuziva nzira dzaJehovha, ngationgororei nhoroondo mbiri dzomuBhaibheri dzingatemesa vamwe musoro. Yokutanga inosanganisira zvakaitwa nomumwe munamati waMwari, uye imwe yacho ine chokuita nokutonga kwakaitwa naMwari pachake.

Nei Roti Akaedza Kupa Vanasikana Vake Kumhomho Yakatsamwa?

11, 12. (a) Rondedzera zvakaitika Mwari paakatuma ngirozi mbiri dzaiva nemiviri yevanhu kuSodhoma. (b) Nhoroondo iyi yakamutsa mibvunzo ipi mupfungwa dzevamwe vanhu?

11 Muna Genesi chitsauko 19, tinowana nhoroondo yezvakaitika Mwari paakatuma ngirozi mbiri dzaiva nemiviri yevanhu kuSodhoma. Roti akasimbirira pakuti vaenzi vacho vagare mumba make. Zvisinei, usiku ihwohwo, mhomho yevarume vomuguta racho yakakomba imba yacho ndokubva yati yaida kuti vaenzi vacho vabudiswe mumba kuitira kuti iite unzenza navo. Roti akaedza kutaurirana nemhomho yacho, asi hazvina zvazvakabatsira. Achiedza kudzivirira vaenzi vake, Roti akati: “Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu. Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume; regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.” Mhomho yacho haina kuteerera uye yakatosiya paduku kuti ipwanye dhoo reimba yaRoti. Pakupedzisira, ngirozi dzacho dzakapofumadza mhomho iyoyo yaipengereka.—Genesi 19:1-11.

12 Zvinonzwisisika kuti nhoroondo iyi inomutsa mibvunzo yakawanda mupfungwa dzevamwe vanhu. Vanonetseka kuti: ‘Sei Roti aizoedza kudzivirira vaenzi vake nokuda kupa vakunda vake kuvanhu vaiita zvounzenza? Haana kuita nenzira isina kukodzera, kana kutoti yougwara here?’ Tichifunga nezvenhoroondo iyi, nei Mwari aizofuridzira Petro kudana Roti kuti“murume akarurama”? Roti akaita izvozvo atenderwa naMwari here? (2 Petro 2:7, 8) Ngatikurukurei nyaya iyi kuitira kuti tisafunga zvisizvo.

13, 14. (a) Chii chatinofanira kuziva pamusoro penhoroondo yeBhaibheri yezvakaitwa naRoti? (b) Chii chinoratidza kuti Roti akanga asiri gwara?

13 Chokutanga, tinofanira kuona kuti pane kurumbidza kana kuti kushora zvakaitwa naRoti, Bhabheri rinongotaura zvakaitika. Bhaibheri haritiudziwo zvaifungwa naRoti kana kuti zvakamukurudzira kuita zvaakaita. Paachamutswa pa“kumuka kwevakarurama,” zvimwe achataura mashoko akakwana ezvakaitika.—Mabasa 24:15.

14 Roti akanga asiri gwara. Akanga ari parumananzombe. Nokutaura kuti vaenzi vacho vakanga vapinda “mumumvuri wedenga reimba” yake, Roti akaratidza kuti ainzwa kuti aifanira kuvadzivirira. Asi izvi zvaisazova nyore. Munyori wenhau dzakaitika wechiJudha Josephus, anoti vanhu vomuSodhoma “vaiitira vanhu zvisina kururama, uye vaitadzira Mwari . . . Vaivenga vaenzi, uye vaizvikanganisa nezvinhu zvaiitwa muSodhoma.” Asi, Roti haana kutya kutaura nemhomho iyoyo yakanga yakazara noruvengo. Pane kudaro, akabuda uye akataurirana nevarume ivavo vakanga vakatsamwa. Akato‘vhara musuo.’—Genesi 19:6.

15. Nei zvinganzi Roti angadaro akaita zvinhu zvaakaita nokutenda?

15 Vamwe vangabvunza kuti, ‘Kunyange zvakadaro, nei Roti akaedza kupa vanasikana vake kumhomho yacho?’ Pane kufungidzira kuti aiva nevavariro dzakaipa, wadii wafunga nezvezvinhu zvaangadaro akanga achifunga? Chokutanga, Roti angadaro akaita zvaakaita mukutenda. Zvinodaro sei? Hapana mubvunzo kuti Roti aiziva nezvokudzivirirwa kwakanga kwaitwa Sara mudzimai wababamukuru vake Abrahamu naJehovha. Yeuka kuti nokuti Sara akanga ari tsvarakadenga, Abrahamu akanga amukumbira kuti azoti aiva hanzvadzi yake, achityira kuti vanhu vaizomuuraya kuti vatore Sara. * Zvadaro, Sara akaendeswa kumba kwaFarao. Zvisinei, Jehovha akapindira, achiita kuti Farao arege kubata Sara. (Genesi 12:11-20) Zvinogona kuti zvimwe Roti aiva nokutenda kuti vanasikana vake vaizodzivirirwa nenzira yakafanana. Sezvineiwo, Jehovha akapindira achishandisa ngirozi dzake, uye hapana chakaitika kuvasikana vacho.

16, 17. (a) Roti angadaro aida kuedza kuvhundutsa kana kuti kuvhiringidza varume veSodhoma munzira ipi? (b) Pasinei nezvaifungwa naRoti, tinogona kuva nechokwadi chei?

16 Fungawo zvimwe zvaangadaro aifunga. Roti angangodaro aida kuedza kuvhundutsa kana kuti kuvhiringidza varume vacho. Angadaro akafunga kuti vanasikana vake vaisazodiwa nemhomho yacho nokuti yaiva nechido chokuita ungochani hwaiitwa muSodhoma. (Judha 7) Uyezve, vanasikana vacho vakanga vakavimbisa kuroorana nevarume vomuguta racho, saka hama, shamwari, kana kuti vanhu vaiita bhizimisi nevarume vaida kuzova vakuwasha vaRoti vangangodaro vaiva muboka racho. (Genesi 19:14) Roti angadaro akatarisira kuti nokuda kwoukama hwaivapo, vamwe varume vaiva mumhomho yacho vaizotaura vachidzivirira vanasikana vake. Saka vanhu vasingawirirani vaisazova nengozi yakakura. *

17 Pasinei nokuti Roti aifungei uye aivavarira chii, tinogona kuva nechokwadi chokuti: Sezvo Jehovha achiita zvakarurama nguva dzose, anofanira kunge aiva nechikonzero chakanaka chokuona Roti somurume “akarurama.” Uye patinofunga nezvezvakaitwa nemhomho yevarume veSodhoma vaipengereka, pangava nomubvunzo here kuti Jehovha haana kuita nokururamisira paakatonga vagari vomuguta iroro rakaipa?—Genesi 19:23-25.

Nei Jehovha Akauraya Uza?

18. (a) Chii chakaitika Dhavhidhi paakaedza kuunza Areka kuJerusarema? (b) Mubvunzo upi unomutswa nenhoroondo iyi?

18 Imwe nyaya ingaita seinotemesa vamwe musoro ndeyokuedza kwakaitwa naDhavhidhi kuunza areka yesungano kuJerusarema. Areka yacho yakanga yakaiswa mungoro, uye yakanga ichitungamirirwa naUza nomukoma wake. Bhaibheri rinoti: “Vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.” Kwapera mwedzi yakati, kuedza kwechipiri kwakabudirira, Areka yacho payakatakurwa nenzira yakanga yataurwa naJehovha, yakaita zvokutakurwa pamafudzi nevaRevhi vorudzi rwaKohati. (2 Samueri 6:6, 7; Numeri 4:15; 7:9; 1 Makoronike 15:1-14) Vamwe vangabvunza kuti: ‘Nei Jehovha akapa chirango chakasimba zvakadaro? Uza akanga achingoedza kudzivirira Areka yacho.’ Kuti tisafunga zvisizvo, zvingava zvakanaka tikaongorora mashoko angatibatsira kunzwisisa.

19. Nei zvisingabviri kuti Jehovha atadze kuita nokururamisira?

19 Tinofanira kuyeuka kuti hazvibviri kuti Jehovha aite zvinhu asingaruramisiri. (Jobho 34:10) Kana akadaro kwaizova kushayikwa kworudo, uye kubva mukudzidza kwatinoita Bhaibheri rose tinoziva kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Uyezve, Magwaro anotiudza kuti “kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro [chaMwari] choushe.” (Pisarema 89:14) Saka, Jehovha angazotadza sei kuita nokururamisira? Dai aizodaro, ainge ava kuita zvinopesana nokutonga kwake.

20. Zvikonzero zvipi zvinoita kuti titaure kuti Uza anofanira kunge aiziva mitemo yaiva nechokuita neAreka?

20 Yeuka kuti Uza aifanira kunge achiziva zvakawanda. Areka yacho yaimiririra kuvapo kwaJehovha. Mutemo wainyatsotaura kuti yaisafanira kubatwa nevanhu vakanga vasina mvumo yokudaro, wainyevera zvakajeka kuti vaizoibata vasina mvumo vaizorangwa norufu. (Numeri 4:18-20; 7:89) Saka, kutamiswa kweAreka tsvene iyoyo raiva basa raisafanira kurerutswa. Zviri pachena kuti Uza aiva muRevhi (kunyange zvazvo aisava mupristi), saka anofanira kunge aiziva zvaitaurwa noMutemo. Uyezve, makore akati wandei izvi zvisati zvaitika, Areka yacho yakanga yaendeswa kumba kwababa vake kuti ichengetedzwe. (1 Samueri 6:20–7:1) Yakanga yagara ikoko kwemakore 70, kusvikira Dhavhidhi azosarudza kuibvisa. Saka kubvira achiri muduku, Uza anofanira kunge aiziva mitemo ine chokuita neAreka yacho.

21. Kubva pane zvakaitika kuna Uza, nei zvichikosha kuyeuka kuti Jehovha anoona vavariro dzomwoyo?

21 Sezvambotaurwa, Jehovha anoziva zviri mumwoyo. Sezvo shoko rake richiti zvakaitwa naUza kwaiva ku“tadza kwake,” Jehovha anofanira kunge akaona vavariro yakaipa isingataurwi zvakajeka munhoroondo yacho. Zvimwe Uza aiva murume aizvikudza, aida kudarika paanofanira kugumira here? (Zvirevo 11:2) Kutungamirira Areka yacho paruzhinji iyo yakanga yachengetedzwa nemhuri yake ndiko kwakaita kuti azvione seanokosha here? (Zvirevo 8:13) Uza akanga asina kutenda zvokusvika pakufunga kuti ruoko rwaJehovha rupfupi zvokusagona kudzivirira Areka tsvene yaimiririra kuvapo Kwake here? Chero zvazvingava, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha akaita zvakarurama. Zvimwe pane chimwe chinhu chaakaona mumwoyo waUza chakaita kuti amuuraye pakarepo.—Zvirevo 21:2.

Chikonzero Chakanaka Chokuva Nechivimbo

22. Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa sei pakuti Shoko rake dzimwe nguva rinosiya mamwe mashoko?

22 Uchenjeri hwaJehovha husingaenzaniswi nohumwe hunoonekwa muShoko rake iro pane dzimwe nguva rinosiya mamwe mashoko. Nokuita kudaro Jehovha anotipa mukana wokuratidza kuti tinovimba naye. Kubva mune zvatakurukura, hazvisi pachena here kuti tine zvikonzero zvakanaka zvokubvuma kutonga kwaJehovha? Zvechokwadi, patinodzidza Shoko raMwari nomwoyo wose nepfungwa dzakajeka, tinoziva zvakawanda nezvaJehovha kusvika pakugutsikana kuti anoruramisira uye anoita zvakarurama nguva dzose. Saka, kana imwe nhoroondo yomuBhaibheri ichimutsa mibvunzo yatisingagoni kubva tapindura, ngative nechivimbo chakazara chokuti Jehovha akaita zvakarurama.

23. Tinogona kuva nechivimbo chei maererano nezvichaitwa naJehovha munguva yemberi?

23 Tinogona kuva nechivimbo chakafanana maererano nezvichaitwa naJehovha munguva yemberi. Saka, tinogona kuva nechokwadi chokuti paachatonga nyika ino pakutambudzika kukuru kuri kuswedera, haazoparadzi “vakarurama pamwe chete navakaipa.” (Genesi 18:23) Kuda kwaanoita kururama uye kururamisira hakumubvumiri kuita izvozvo. Tinogona kuvawo nechivimbo chakazara chokuti munyika itsva iri kuuya, achagutsa zvose zvatinoda munzira yakanakisisa inobvira.—Pisarema 145:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Kutya kwaAbrahamu kwakanga kwakanaka, nokuti mumwe mupumburu wetsanga wekare unotaura nezvomumwe Farao akatuma varume vaiva nezvombo kuti vatore mukadzi akanaka vachibva vauraya murume wacho.

^ ndima 16 Kuti uwane dzimwe pfungwa, ona Nharireyomurindi yaDecember 1, 1979, peji 31.

Unoyeuka Here?

• Tinofanira kubvuma kutonga kwaJehovha nokuda kwezvikonzero zvipi?

• Chii chingatibatsira kusafunga zvisizvo nei Roti akaedza kupa vanasikana vake kumhomho yakanga yakatsamwa?

• Zvinhu zvipi zvingatibatsira kunzwisisa chikonzero chakaita kuti Jehovha auraye Uza?

• Tinogona kuva nechivimbo chei maererano nezvichaitwa naJehovha munguva yemberi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]