Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka ‘Parera Rinokosha Kwazvo’ Nhasi

Kutsvaka ‘Parera Rinokosha Kwazvo’ Nhasi

Kutsvaka ‘Parera Rinokosha Kwazvo’ Nhasi

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—MATEU 24:14.

1, 2. (a) VaJudha vomuzuva raJesu vaifungei nezvoUmambo hwaMwari? (b) Jesu akaitei kuti avabatsire kunyatsonzwisisa Umambo zvakakodzera, uye zvakaguma nei?

UMAMBO hwaMwari yakanga iri nyaya yaifarirwa zvikuru nevaJudha Jesu paakauya pasi pano. (Mateu 3:1, 2; 4:23-25; Johani 1:49) Zvisinei, pakutanga vakawanda vakanga vasinganyatsonzwisisi kukura kwahwakaita uye simba rahwo, uyewo vakanga vasinganzwisisi kuti hwaizova hurumende yokudenga. (Johani 3:1-5) Kunyange vamwe vakava vateveri vaJesu havana kunyatsonzwisisa zvakazara kuti Umambo hwaMwari chii uye kuti vangaitei kuti vawane ropafadzo yokutonga pamwe naKristu.—Mateu 20:20-22; Ruka 19:11; Mabasa 1:6.

2 Nguva zvayakafamba, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvidzidzo zvakawanda achishivirira, kusanganisira mufananidzo weparera rinokosha kwazvo wakurukurwa munyaya yatangira ino, achivaratidza kukosha kwokushanda nesimba kuti vatsvake Umambo hwokudenga. (Mateu 6:33; 13:45, 46; Ruka 13:23, 24) Izvi zvinofanira kunge zvakavabaya mwoyo nokuti nenguva isipi vakanga vava vazivisi vasinganeti uye vakashinga vemashoko akanaka oUmambo kusvika kunzvimbo dziri kure zvikuru dzepasi, sezvinoratidzwa mubhuku raMabasa.—Mabasa 1:8; VaKorose 1:23.

3. Achitaura nezvenguva yedu, Jesu akatii nezvoUmambo?

3 Zvakadini nanhasi? Zvikomborero zveparadhiso yepasi Umambo pahunenge huchitonga zviri kuparidzirwa kumamiriyoni evanhu. Muuprofita hwake hwakakosha hwezvo“kuguma kwegadziriro yezvinhu,” Jesu akataura zvakajeka kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:3, 14; Mako 13:10) Akatsanangurawo kuti basa guru iri raizofanira kuitwa pasinei zvapo nezvipingamupinyi zvinotyisa uye zvinetso, kunyange kutambudzwa. Asi, akapa vimbiso iyi: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:9-13) Izvi zvose zvinoda kuzvipira kwakafanana nekwakaratidzwa nomushambadzi womumufananidzo waJesu. Nhasi kune vanhu vanoratidza kutenda nokushingaira kwakadaro mukutsvaka Umambo here?

Mufaro Wokuziva Chokwadi

4. Chokwadi choUmambo chinoita sei pavanhu nhasi?

4 Mushambadzi womumufananidzo waJesu akafara kwazvo paakawana raakafunga kuti raiva ‘parera raikosha kwazvo.’ Mufaro iwoyo wakamukurudzira kuti aite zvose zvaaikwanisa kuti awane parera racho. (VaHebheru 12:1) Nhasiwo, chokwadi pamusoro paMwari noUmambo hwake chinokwezva uye chinokurudzira vanhu. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aHama A. H. Macmillan, avo vakanyora mubhuku rinonzi Faith on the March nezvokutsvaka kwavakaita Mwari uye zvinangwa Zvake kuvanhu. Vakati: “Zvandakawana zvichiri kuwanika nevanhu vakawanda gore roga roga. Uye ivo vanhu vakangofanana newe neni, nokuti vanobva mumarudzi ose, madzinza, mararamiro akasiyana-siyana uye ndevemazera ose. Chokwadi hachisaruri vanhu. Chinokwezva vanhu vemarudzi ose.”

5. Migumisiro ipi yakaisvonaka yatinoona mumushumo wegore rebasa ra2004?

5 Kuratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi, gore negore mazana ezviuru zvavanhu vakatendeseka ari kukurudzirwa nemashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuti atsaurire upenyu hwao kuna Jehovha uye kuti aite kuda kwake. Ndizvo zvakaitikawo mugore rebasa ra2004, rakatanga muna September 2003 kusvikira muna August 2004. Mumwedzi 12 iyoyo, vanhu 262-416 vakaratidza pachena kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Izvi zvakaitika munyika 235, umo Zvapupu zvaJehovha zviri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 6 085 387 vhiki yoga yoga kuti zvibatsire vanhu vane mararamiro akasiyana-siyana uye vanobva mumarudzi akawanda, madzinza, nendimi kuti vatore chokwadi chinopa upenyu chinobva muShoko raMwari.—Zvakazarurwa 7:9.

6. Chii chakaita kuti vanhu varambe vachiwedzera zvikuru mumakore adarika?

6 Chii chakaita kuti zvose izvi zvibvire? Hapana mubvunzo kuti Jehovha anokwevera vane mwoyo yakarurama ava kwaari. (Johani 6:65; Mabasa 13:48) Zvisinei, hatifaniriwo kurerutsa vaya vakashanda nesimba kutsvaka Umambo. Pavakanga vava nemakore 79, Hama Macmillan vakanyora kuti: “Kubvira pandakatanga kuziva zvinopikirwa vanhu vanorwara uye vari kufa, tariro yangu yezvakaziviswa nemashoko iwayo eBhaibheri haina kumbopera. Panguva iyoyo ndakatsunga kuwana zvakawanda zvinodzidziswa neBhaibheri kuitira kuti ndigone kubatsira vamwe vakafanana neni vari kutsvaka kuziva nezvaMwari Wemasimba Ose, Jehovha, nezvinangwa zvake zvakanaka kuvanhu.”

7. Muenzaniso upi unoratidza kufara nechido zvinoratidzwa nevaya vari kuwana chokwadi cheBhaibheri?

7 Chido ichocho chiri kuonekwawo pavashumiri vaJehovha vemazuva ano. Somuenzaniso, funga nezvaDaniela anogara muVienna, kuAustria. Akati: “Kubvira ndichiri muduku, Mwari ave ari shamwari yangu yepamwoyo. Ndakagara ndichingoda kuziva zita rake nokuti kwandiri kungoti ‘Mwari’ rakanga risiri zita chairo. Asi ndaifanira kumirira kusvikira ndava nemakore 17, pakazouya Zvapupu zvaJehovha pamba pedu. Zvakatsanangura zvose zvandaida kuziva nezvaMwari. Pakupedzisira, ndakanga ndawana chokwadi, uye zvaifadza kwazvo! Ndakafara zvokuti ndakatanga kuparidza kumunhu wose.” Kutaura kwake nechido kwakaita kuti asekwe nevaaidzidza navo. “Zvisinei, kwandiri zvakanga zvakaita sokuona uprofita hweBhaibheri huchizadzika,” Daniela akaenderera mberi achidaro, “nokuti ndakanga ndadzidza kuti Jesu akati vateveri vake vaizovengwa uye kutambudzwa nokuda kwezita rake. Ndakafara uye ndakashamiswa kwazvo.” Nenguva isipi, Daniela akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, akabhabhatidzwa, achibva atanga kuvavarira kuita basa roumishinari. Aroorwa, Daniela nomurume wake Helmut, vakatanga kuparidza kuvanhu vokuAfrica, China, Philippines, uye vokuIndia vaigara muVienna. Daniela naHelmut vava kushanda semamishinari kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAfrica.

Havakandi Mapfumo Pasi

8. Ndeipi nzira inopa mubayiro iyo vakawanda vakaratidza nayo kuda kwavanoita Mwari uye kuvimbika kwavo kuUmambo hwake?

8 Zvechokwadi, basa roumishinari ndiyo imwe nzira iyo vanhu vaJehovha vemazuva ano vanoratidza nayo kuda kwavanoita Mwari uye kuvimbika kwavakaita kuUmambo hwake. Kufanana nomushambadzi womumufananidzo waJesu, vanopinda mubasa iri vanoda kuenda kunzvimbo dziri kure kwazvo nokuda kwoUmambo. Chokwadi, mamishinari aya haasi kuenda kunotsvaka mashoko akanaka oUmambo; ari kuendesa mashoko acho kuvanhu vanogara kunzvimbo dziri kure zvikuru dzepasi, achivadzidzisa nokuvabatsira kuva vadzidzi vaJesu Kristu. (Mateu 28:19, 20) Munyika dzakawanda, vanofanira kutsungirira zvinetso zvakakura kwazvo. Asi vanowana mubayiro wakakura kwazvo nokuda kwokutsungirira kwavo.

9, 10. Zviitiko zvipi zvinofadza zvinosangana nemamishinari munzvimbo dziri kure dzakadai seCentral African Republic?

9 Somuenzaniso, funga nezvokuCentral African Republic, uko vanhu 16 184 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu gore rakapera, nhamba inopeta nhamba yevaparidzi voUmambo vari munyika iyoyo kanenge kanomwe. Sezvo nzvimbo dzakawanda dzenyika yacho dzisina magetsi, vanhu vacho vanowanzoita mabasa avo ezuva nezuva vakagara panze pasi pomumvuri womuti. Saka ndizvo zvinoitawo mamishinari paanoita basa rawo—kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri ari panze pasi pomumvuri womuti. Kunze kwokungova pakajeka uye panotonhorera, panze panewo zvimwe zvapakanikira. Vanhu vacho vanongofarira Bhaibheri, uye kukurukura nyaya dzokunamata kwakajairika. Kakawanda, vanenge vachipfuura vanocherechedza zvinenge zvichiitika votogarawo kuti vadzidze.

10 Saka, mumwe mumishinari paakanga achiitisa chidzidzo cheBhaibheri ari panze, mumwe murume muduku aigara nechokune rimwe divi romugwagwa wacho akasvika pavaiva ndokubva ati, sezvo akanga asati amboshanyirwa, mumishinari wacho aifanira kumushanyira kumba kwake odzidzawo Bhaibheri naye. Chokwadi, mumishinari wacho akafara kuita izvozvo, uye murume muduku wacho ari kufambira mberi chaizvo. Munyika iyoyo, mapurisa anowanzomisa Zvapupu mumugwagwa, kwete kuti vazvisunge kana kuzvibhadharisa faindi, asi kuti vakumbire magazini eNharireyomurindi neMukai! anenge achangobva kubuda kana kuti vazvitende nokuda kwenyaya yavanenge vakanyanya kunakidzwa nayo.

11. Pasinei nemiedzo, vagara mubasa roumishinari kwenguva refu vanonzwa sei nezvebasa ravo?

11 Vakawanda vevaya vakapinda mubasa roumishinari makore 40 kana kuti 50 apfuura vachiri kushanda mumunda vakatendeka. Muenzaniso wokutenda nokutsungirira wakanaka kwazvo kwatiri tose! Kwemakore 42 apfuura, vamwe vakaroorana vakashanda pamwe chete semamishinari munyika nhatu. Murume wacho anoti: “Pave paine zvinetso. Somuenzaniso, takatambura nemarariya kwemakore 35. Asi, hatina kumbodemba kusarudza kwatakaita kuva mamishinari.” Mudzimai wake anowedzera kuti: “Pave paine zvakawanda zvokuonga nguva dzose. Basa romumunda chinhu chinofadza chaizvo, uye zviri nyore kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Paunoona vadzidzi vachiuya kumisangano uye vachisvika pakuzivana, nguva dzose zvinoita semhuri iri kuungana pamwe chete.”

Vanoona “Zvinhu Zvose Sokurasikirwa”

12. Munhu anoratidza sei kuti anonyatsonzwisisa kukosha kwoUmambo?

12 Mushambadzi paakawana parera rinokosha kwazvo, “akaenda akatengesa nokukurumidza zvinhu zvose zvaakanga anazvo akaritenga.” (Mateu 13:46) Chido ichi chokusiya zvinhu zvinganzi zvinokosha chinoratidza chaizvo zvakaita vaya vanonzwisisa kukosha kwoUmambo. Somumwe aizova pamwe naJesu mumbiri yoUmambo, muapostora Pauro akati: “Zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa nemhaka yokukosha kukuru kwokuziva pamusoro paKristu Jesu Ishe wangu. Nemhaka yake ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona semarara akawanda, kuti ndiwane Kristu.”—VaFiripi 3:8.

13. Mumwe murume wokuCzech Republic akaratidza sei kuda kwaanoita Umambo?

13 Saizvozvowo, nhasi vakawanda vanoda kuchinja zvikuru muupenyu hwavo kuitira kuti vawane zvikomborero zvoUmambo. Somuenzaniso, muna October 2003, mumwe mukuru wepachikoro ane makore 60 muCzech Republic akawana bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Ariverenga, akabva atsvaka Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yake kuti adzidze Bhaibheri. Akafambira mberi zvakanaka mune zvokunamata uye nenguva isipi akatanga kupinda misangano yose. Zvisinei, zvakadini nezvourongwa hwake hwokukwikwidza kuva meya uye kuzokwikwidza musarudzo dzokuva nhengo yedare remakurukota? Akasarudza kupinda mumujaho wakasiyana naiwoyo—mujaho woupenyu, somuzivisi woUmambo. Akati, “Ndakagovera mabhuku eBhaibheri akawanda kuvana vepachikoro pangu.” Akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura pakokorodzano muna July 2004.

14. (a) Mashoko akanaka oUmambo ari kukurudzira mamiriyoni evanhu kuitei? (b) Mibvunzo ipi inotokonya pfungwa iyo mumwe nomumwe wedu angazvibvunza?

14 Vamwe vanosvika mamiriyoni pasi pose vakaratidza kufarira mashoko akanaka oUmambo nenzira yakafanana. Vakabuda munyika yakaipa, vakabvisa unhu hwavo hwekare, vakasiya dzaichimbova shamwari dzavo, uye vakasiya zvavakanga vachivavarira munyika. (Johani 15:19; VaEfeso 4:22-24; Jakobho 4:4; 1 Johani 2:15-17) Nei vachiita zvose izvi? Nokuti vanokoshesa zvikomborero zvoUmambo hwaMwari kupfuura chinhu chipi nechipi chingapiwa nenyika ino iripo. Unonzwa nenzira yakafanana nezvemashoko akanaka oUmambo here? Unonzwa uchikurudzirwa nazvo kuti ugadzirise zvinodiwa kuitira kuti mararamiro ako, zvaunokoshesa, uye zvaunovavarira zvienderane nezvinodiwa naJehovha here? Kuita izvozvo kuchaita kuti uve nezvikomborero zvakapfuma, iye zvino uye munguva yemberi.

Kukohwa Kwava Kusvika Kumugumo

15. Chii chakaprofitwa kuti vanhu vaMwari vaizoita mumazuva okupedzisira?

15 Munyori wepisarema akanyora kuti: “Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako.” Vaya vakazvipira vanosanganisira ‘majaya’ uye ‘vakadzi vazhinji-zhinji vanoparidza shoko.’ (Pisarema 68:11; 110:3) Mumazuva ano okupedzisira kushingaira uye kuzvipira kwevanhu vaJehovha—varume nevakadzi, vakuru nevaduku—kuri kuguma nei?

16. Ipa muenzaniso wezviri kuitwa nevashumiri vaMwari kuti vabatsire vamwe kudzidza nezvoUmambo.

16 Mumwe piyona, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara muIndia, ainetseka kuti matsi dzinodarika mamiriyoni maviri dziri munyika yacho dzingabatsirwa sei kudzidza nezvoUmambo. (Isaya 35:5) Akafunga zvokupinda chikoro chinodzidzisa mutauro wemasaini. Ikoko akakwanisa kuudza matsi dzakawanda nezvetariro yoUmambo, uye mapoka ezvidzidzo zveBhaibheri akaumbwa. Muvhiki shomanana, vanhu vanopfuura 12 vakatanga kupinda misangano paImba yoUmambo. Gare gare, pamabiko omumwe muchato, piyona wacho akasangana nerimwe jaya raiva matsi raibva kuCalcutta rakanga riine mibvunzo yakawanda uye rairatidza kuti raida kuziva zvakawanda nezvaJehovha. Zvisinei, paiva nechinetso. Jaya racho rakanga richizodzokera kuCalcutta, makiromita 1 600 kubva ipapo, kuti ritange kuenda kukoreji, uye ikoko kwakanga kusina Zvapupu zvaiziva mutauro wemasaini. Akaedza zvakasimba kunyengetedza baba vake kuti vamubvumire kuenda kuchikoro kuBangalore kuitira kuti apfuurire kudzidza Bhaibheri. Akafambira mberi zvakaisvonaka mune zvokunamata, uye kwapera rinenge gore, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Iyewo akadzidza Bhaibheri nematsi dzakawanda, kusanganisira imwe shamwari yake yaakanga akura nayo. Iye zvino hofisi yebazi yomuIndia iri kuronga kuti mapiyona adzidze mutauro wemasaini kuitira kuti abatsire mumunda iwoyo.

17. Rondedzera zvaunoona zvichikurudzira maererano nomushumo wegore rebasa ra2004 uri pamapeji 19 kusvikira ku22.

17 Pamapeji 19 kusvikira ku22 emagazini ino, muchawana mushumo wepasi pose webasa romumunda reZvapupu zvaJehovha wegore rebasa ra2004. Wana kanguva kokumbouongorora, uye zvionere woga uchapupu hwokuti vanhu vaJehovha pasi pose vane chinangwa chokutsvaka ‘parera rinokosha kwazvo’ nhasi.

Rambai “Muchitanga Kutsvaka Umambo”

18. Mashoko api asina kutaurwa naJesu mumufananidzo womushambadzi, uye nei?

18 Kana tikati dzokei zvishoma kumufananidzo waJesu womushambadzi, tinoona kuti Jesu hapana zvaakataura maererano nokuti mushambadzi wacho aizorarama nei atengesa zvose zvaaiva nazvo. Chaizvoizvo, vamwe vangabvunza kuti: ‘Mushambadzi wacho aizowana sei zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara zvaakanga asisina chinhu chokuzvitarisira nacho? Parera rinokosha iroro raizomubatsira chii?’ Iyoyo yaizova mibvunzo ine musoro mumaonero omunhu wenyama. Asi Jesu haana here kukurudzira vadzidzi vake kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”? (Mateu 6:31-33) Pfungwa huru yomufananidzo wacho ndeyokuti tinofanira kuzvipira nomwoyo wose kuna Mwari uye kushingairira Umambo. Pane zvatinodzidza here?

19. Chidzidzo chipi chinokosha chatingadzidza mumufananidzo waJesu weparera rinokosha kwazvo?

19 Pasinei nokuti takabva kudzidza mashoko akanaka anoshamisa kana kuti tave tichitsvaka Umambo uye tichiudza vamwe nezvezvikomborero zvahwo kwemakumi emakore, tinofanira kuramba tichiita kuti Umambo huve chinhu chikuru chatinofarira. Ino inguva yakaoma, asi tine zvikonzero zvakasimba zvokutenda kuti zvatiri kutsvaka zvinhu chaizvoizvo zvisina zvazvinoenzana nazvo—kufanana neparera rakawanikwa nomushambadzi. Zviitiko zvenyika uye uprofita hweBhaibheri hwakazadzika zvinopa uchapupu hunogutsa hwokuti tiri kurarama pa“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 24:3) Kufanana nomushambadzi, ngatiratidze kushingairira nomwoyo wose Umambo hwaMwari uye ngatifarire ropafadzo yokuzivisa mashoko akanaka.—Pisarema 9:1, 2.

Unoyeuka Here?

• Mumakore adarika, chii chakaita kuti vanamati vechokwadi vawedzere?

• Mafungiro api anowanikwa mune vaya vanoshanda semamishinari?

• Kuchinja kupi kwakaitwa nevamwe vanhu pamusana pemashoko akanaka oUmambo?

• Chidzidzo chipi chinokosha chatingadzidza mumufananidzo waJesu weparera rinokosha kwazvo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 19-22]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2004 REZVAPUPU ZVAJEHOVHA ROMUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mufananidzo uri papeji 14]

“Chokwadi . . . chinokwezva vanhu vemarudzi ose.”—A. H. Macmillan

[Mufananidzo uri papeji 15]

Daniela naHelmut vakaparidza mundima inotaurwa mitauro yokumwe muVienna

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Kufanana nomushambadzi, mamishinari ari kukomborerwa zvikuru nhasi

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose”