Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Kuwana Parera Rimwe Rinokosha Kwazvo’

‘Kuwana Parera Rimwe Rinokosha Kwazvo’

‘Kuwana Parera Rimwe Rinokosha Kwazvo’

“Umambo hwokumatenga ivavariro iyo vanhu vanovavarira, uye avo vanovavarira vari kuhuwana.”—MATEU 11:12.

1, 2. (a) Chinhu chipi chinodiwa chisingawanzoitika chakataurwa naJesu mune mumwe wemifananidzo yake yaitaura nezvoUmambo? (b) Jesu akati chii mumufananidzo weparera rinokosha kwazvo?

PANE chimwe chinhu chaunokoshesa zvikuru zvokuti waizosiya zvose zvaunazvo kungoitira chete kuti chive chako here? Kunyange zvazvo vanhu vachitaura kuti vakazvipira pavanenge vachivavarira kuita chimwe chinhu—kuva nemari, mukurumbira, simba kana kuti chinzvimbo—kashoma kuti kana munhu awana chimwe chinhu chaanoda zvikuru asiye zvinhu zvose zvaanazvo nokuda kwacho. Jesu Kristu akataura nezvechinhu chinodiwa chisingawanzoitika asi chinoyemurika ichi mune mumwe wemifananidzo yake inotokonya pfungwa yaitaura nezvoUmambo hwaMwari.

2 Mufananidzo wacho wakataurwa naJesu aine vadzidzi vake chete, uya unowanzonzi mufananidzo weparera rinokosha kwazvo. Izvi ndizvo zvakataurwa naJesu: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomushambadzi aitsvaka maparera akanaka kwazvo. Paakawana parera rimwe raikosha kwazvo, akaenda akatengesa nokukurumidza zvinhu zvose zvaakanga anazvo akaritenga.” (Mateu 13:36, 45, 46) Jesu aida kuti vateereri vake vadzidzei pamufananidzo uyu? Uye mashoko aJesu angatibatsira sei?

Kukosha Kukuru Kwemaparera

3. Nei maparera akanaka kwazvo aikosha zvikuru makare kare?

3 Kubvira makare kare, maparera ave achikosheswa sezvinhu zvokushongedza nazvo. Rimwe bhuku rinoti, imwe nyanzvi yokuRoma yainzi Pliny Mukuru yakati maparera aiva “pamusorosoro pazvinhu zvose zvainzi zvinokosha kwazvo.” Kusiyana nendarama, sirivha, kana mamwe matombo anokosha akawanda, maparera anogadzirwa nezvinhu zvipenyu. Zvinonyatsozivikanwa kuti mamwe marudzi emaoyster anogona kuchinja zvimwe zvinhu—somuenzaniso, zvimedu zviduku zvematombo—nokuzviputira nemakoko akaomarara anonzi nacre muChirungu, zvova maparera anopenya. Makare kare, maparera akaisvonaka ainyanya kuwanikwa muGungwa Dzvuku, Persian Gulf, uye muIndian Ocean—nzvimbo dziri kure zvikuru nenyika yeIsraeri. Saka hazvishamisi kuti Jesu akataura nezvo“nomushambadzi aitsvaka maparera akanaka kwazvo.” Kuti uwane maparera chaiwo anokosha kwazvo, zvinoda kutosunga dzisimbe.

4. Chidzidzo chipi chinokosha chiri mumufananidzo waJesu womushambadzi?

4 Kunyange zvazvo maparera akaisvonaka akabvira kare kare kuva nemitengo yakakwirira, zviri pachena kuti mutengo wao hausiriwo chidzidzo chinokosha chiri mumufananidzo waJesu. Mumufananidzo uyu, Jesu haana kungofananidza Umambo hwaMwari neparera rinokosha kwazvo, asi akanyanya kutaura nezvo“mushambadzi aitsvaka maparera akanaka kwazvo” uye zvaakazoita paakawana rimwe chete. Kusiyana nomutengesi womuchitoro, mushambadzi aitsvaka maparera, kana kuti aiatenga achiatengesa, aiva inganzi nyanzvi mubasa racho, munhu ainyatsoongorora kana kuti aiva nepfungwa dzinodiwa kuti anyatsoziva maumbirwo awo nezvimwe zvinhu zviduku zvisiri nyore kuona zvinoita kuti maparera asiyane nezvimwe zvinhu zvinokosha. Paaiona parera chairo ainyatsoriziva uye aisanyengedzwa neparera risingakoshi kana kuti rokunyepera raitengeswa.

5, 6. (a) Chii chimwe chinokosha chakaitwa nomushambadzi anotaurwa mumufananidzo waJesu? (b) Mufananidzo wepfuma yakavanzwa unoratidzei nezvomushambadzi anotsvaka maparera?

5 Pane chimwezve chinotaurwa nezvomushambadzi uyu chakanaka kufunga nezvacho. Mushambadzi anoda kuita mari angatanga atsvaka kuti maparera acho ari kutengeswa nemarii kuitira kuti azive kuti achabhadhara mari yakawanda zvakadini kuti azowanawo purofiti. Angafungawo nezvokuti parera racho riri kudiwa zvakadini nevanotenga kuitira kuti akwanise kuritengesa nokukurumidza. Nemamwe mashoko, anenge achinyanya kuda kukurumidza kuwana purofiti, kwete kuti parera racho rive rake. Asi handizvo zvairongwa nomushambadzi womumufananidzo waJesu. Akanga asina basa nokuita mari kana kuti purofiti. Kutaura zvazviri, aida kutengesa “zvose zvaakanga anazvo”—pamwe zvinhu zvake zvose nepfuma yake yose—kuitira kuti awane zvaakanga achitsvaka.

6 Mukuona kwevashambadzi vakawanda, zvakaitwa nomurume anotaurwa mumufananidzo waJesu zvimwe kwaisava kuchenjera. Muzvinabhizimisi akachenjera aisazofunga nezvokuita bhizimisi risingabhadhari zvakadaro. Asi mushambadzi womumufananidzo waJesu aiona zvinhu zvinokosha nenzira yakasiyana nevamwe. Mubayiro wake waisava wemari yakawanda, asi mufaro nokugutsikana kuti awana chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Pfungwa iyi inonyatsojekeswa mune mumwe mufananidzo wakafanana nouyu wakataurwa naJesu. Akati: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo munhu akawana akavanza; uye nokuda kwomufaro waanawo anoenda otengesa zvinhu zvaanazvo otenga munda iwoyo.” (Mateu 13:44) Chokwadi, mufaro unobva pakuwana uye pakuva nepfuma yacho wakanga wakakwana kuita kuti murume wacho atengese zvose zvaaiva nazvo. Kune vanhu vakadaro here mazuva ano? Kune pfuma yakakosha zvakadaro zvokuti munhu angasiya zvose zvaanazvo kuti aiwane here?

Vaya Vakanzwisisa Kukosha kwoUmambo

7. Jesu akaratidza sei kuti ainyatsonzwisisa kuti Umambo hwaikosha zvikuru?

7 Paaitaura mufananidzo wake, Jesu akanga ari kutaura nezvo“Umambo hwokumatenga.” Akanga ari munhu ainyatsonzwisisa kukosha kukuru kwoUmambo hwacho. Nhoroondo dzeEvhangeri dzinoratidza izvozvo zvakasimba. Abhabhatidzwa muna 29 C.E., Jesu “akatanga kuparidza achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” Kwemakore matatu nehafu, akadzidzisa vanhu vazhinji nezvoUmambo. Akafamba nyika yacho yose, “akaenda muguta neguta uye musha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.”—Mateu 4:17; Ruka 8:1.

8. Jesu akaitei kuti aratidze zvichaitwa noUmambo?

8 Nokuita zvishamiso zvakawanda munyika yacho yose—zvaisanganisira kuporesa vairwara, kupa zvokudya vaiva nenzara, kunyaradza madutu, kunyange kumutsa vakafa—Jesu akaratidzawo zvichaitwa noUmambo hwaMwari. (Mateu 14:14-21; Mako 4:37-39; Ruka 7:11-17) Pakupedzisira, akaratidza kuti akanga akavimbika kuna Mwari uye kuUmambo hwacho nokupa upenyu hwake, achifira padanda rokutambudzikira nokuda kwezvaaitenda. Kungofanana nomushambadzi uya akatengesa zvose zvaaiva nazvo achida kuwana ‘parera rinokosha kwazvo,’ Jesu akararamira nokufira Umambo.—Johani 18:37.

9. Chinhu chipi chinodiwa chisingawanzoitika chakaoneka muvadzidzi vaJesu vokutanga?

9 Jesu haana bedzi kungoita kuti upenyu hwake pachake huve paUmambo asiwo akaunganidza boka duku revateveri. Avawo vaiva vanhu vainyatsonzwisisa kuti Umambo hunokosha zvikuru. Mumwe wacho aiva Andireya, aimbova mudzidzi waJohani Mubhabhatidzi. Pavakanzwa zvakataurwa naJohani zvokuti Jesu akanga ari “gwayana raMwari,” Andireya nomumwe mudzidzi waJohani, angangodaro aiva mumwe wevanakomana vaZebhedhi ainziwo Johani, vakabva vanzwa vachida kumutevera uye vakava vatendi. Asi hazvina kugumira ipapo. Nenguva isipi, Andireya akaenda kumukoma wake Simoni achibva amuudza kuti: “Tawana Mesiya.” Nguva pfupi zvadaro, Simoni (akazonziwo Kefasi, kana kuti Petro) naFiripi neshamwari yake Natanieri vakasvikawo pakuona Jesu saMesiya. Kutaura zvazviri, Natanieri akaudza Jesu kuti: “Ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Mambo waIsraeri.”—Johani 1:35-49.

Kukurudzirwa Kuita Chimwe Chinhu

10. Vadzidzi vakaitei Jesu paakasvika pavakanga vari akavadana, nguva pfupi pashure pokunge ambosangana navo kokutanga?

10 Kufara kwakaita Andireya, Petro, Johani, nevamwe pavakawana Mesiya kungaenzaniswa nokufara kwakaita mushambadzi paakawana parera rinokosha kwazvo. Vaizoitei zvino? Nhoroondo dzeEvhangeri hadzitiudzi zvakawanda pamusoro pezvavakazoita vachangobva kusangana naJesu kokutanga. Zviri pachena kuti vakawanda vavo vakatodzokera kumabasa avo emazuva ose. Zvisinei kwapera mwedzi iri pakati pemitanhatu negore, Jesu akasanganazve naAndireya, Petro, Johani, naJakobho mukoma waJohani vari kuita bhizimisi ravo rokubata hove paGungwa reGarireya. * Paakavaona, Jesu akati: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.” Vakaita sei? Nhoroondo yaMateu ichitaura nezvaPetro naAndireya inoti: “Pakarepo vachisiya utava, vakamutevera.” Kana vari Jakobho naJohani, tinoverenga kuti: “Pakarepo vachisiya igwa nababa vavo, vakamutevera.” Nhoroondo yaRuka inowedzera kuti “vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.”—Mateu 4:18-22; Ruka 5:1-11.

11. Chii chingadaro chakaita kuti vadzidzi vakurumidze kuteerera kudanwa kwavakaitwa naJesu?

11 Zvakaitwa nevadzidzi zvokubva vangotevera Jesu zvakangoerekana zvaitika here? Kana! Kunyange zvazvo vakadzokera kubhizimisi rokubata hove raiitwa nemhuri dzavo pashure pokunge vasangana naJesu kokutanga, hapana mubvunzo kuti zvavakanga vaona nezvavakanzwa pakuonana ikoko zvakasiya chimwe chinhu mumwoyo nomupfungwa dzavo. Kupera kwakaita rinenge gore kungava kwakavapa nguva yakawanda yokufungisisa zvinhu izvozvo. Zvino nguva yokuti vasarudze zvavaida yakanga yasvika. Vaizoita somushambadzi akafara kwazvo paakawana parera rinokosha kwazvo, zvokuti, sokurondedzera kwakaita Jesu, ‘akaenda nokukurumidza’ achibva aita zvaaifanira kuita kuti atenge parera iroro here? Hungu. Zvavakanga vaona nokunzwa zvakabaya mwoyo yavo. Vakaziva kuti yakanga yava nguva yokuti vaite chimwe chinhu. Saka, sezvatinoudzwa nenhoroondo dzacho, havana kuzeza kusiya zvose vachibva vava vateveri vaJesu.

12, 13. (a) Vakawanda vakanzwa Jesu achitaura vakaitei? (b) Jesu akati chii nezvevadzidzi vake vakatendeka, uye mashoko ake anoratidzei?

12 Vakatendeka ava vakanga vakasiyana kwazvo nevamwe vanozotaurwa nezvavo munhoroondo dzeEvhangeri! Vakawanda vacho ndivo vakarapwa kana kupiwa zvokudya naJesu asi vakangoramba zvavo vachiita mabasa avo emazuva ose. (Ruka 17:17, 18; Johani 6:26) Vamwe vakatoramba Jesu paakavadana kuti vave vateveri vake. (Ruka 9:59-62) Kusiyana naivavo, achitaura nezvevadzidzi vake vakatendeka, Jesu akazoti: “Kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino umambo hwokumatenga ivavariro iyo vanhu vanovavarira, uye avo vanovavarira vari kuhuwana.”—Mateu 11:12.

13 “Vavarira”—shoko iri rinorevei? Maererano neshoko rechiito rechiGiriki panobva shoko iri, Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinoti: “Shoko racho rechiito rinoratidza kuedza zvakasimba.” Uye nezvendima iyi, nyanzvi yeBhaibheri inonzi Heinrich Meyer inoti: ‘Kurwisa zvakasimba, uye kutamburira zvakasimba kuwana umambo hwaMesiya huri kuuya kunorondedzerwa nenzira iyi . . . Kuda Umambo kwacho kwakasimba chaizvo.’ Kufanana nomushambadzi uya, vanhu vashomanana ava vakakurumidza kuona zvainyatsokosha zvechokwadi, uye nokuzvidira vakasiya zvose zvavaiva nazvo nokuda kwoUmambo.—Mateu 19:27, 28; VaFiripi 3:8.

Vamwe Vakauyawo Kuzotsvaka Navo

14. Jesu akagadzirira sei vaapostora nokuda kwebasa rokuparidza Umambo, uye zvakaguma nei?

14 Jesu zvaaienderera mberi noushumiri hwake, akadzidzisa uye akabatsira vamwe kuti vatsvakewo Umambo hwacho. Kutanga, akasarudza varume 12 pakati pevadzidzi vake achibva avaita vaapostora, kana kuti vaya vakatumwa naye. Jesu akavapa mashoko akazara okuti vaizofanira kuita sei ushumiri hwavo pamwe nokuvanyevera nezvemiedzo nezvinetso zvaiva mberi kwavo. (Mateu 10:1-42; Ruka 6:12-16) Kweanenge makore maviri akazotevera, vakafamba naJesu paaiparidzira munyika yacho yose, vachiva noukama hwepedyo naye. Vakanzwa zvaaitaura, vakazvionera voga mabasa ake esimba, uye vakaona muenzaniso wake pachake. (Mateu 13:16, 17) Hapana mubvunzo kuti zvose izvi zvakanyatsobaya mwoyo yavo, zvokuti kufanana nomushambadzi uya, vakanga vachishingaira uye vachitsvaka Umambo nomwoyo wose.

15. Jesu akati vateveri vake vaiva nechikonzero chipi chaicho chokufara?

15 Kuwedzera kuvaapostora 12, Jesu “akasarudza vamwe vane makumi manomwe akafanovatuma vaviri vaviri mumaguta ose nenzvimbo kwaaizouya iye.” Akavaudzawo nezvemiedzo nezvinetso zvaiva mberi kwavo uye akavarayira kuudza vanhu kuti : “Umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi.” (Ruka 10:1-12) Vadzidzi 70 vacho pavakadzokera, vakanga vachifara kwazvo uye vakaudza Jesu kuti: “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu nokushandisa zita renyu.” Asi zvimwe vakashamiswa nokuti Jesu akavazivisa kuti mufaro wakatokura waiva mberi kwavo nokuti vakanga varatidza kushingairira Umambo. Akavaudza kuti: “Musafara pamusoro peizvi, kuti midzimu inozviisa pasi penyu, asi farai nokuti mazita enyu anyorwa kumatenga.”—Ruka 10:17, 20.

16, 17. (a) Jesu akaudza vaapostora vake kuti chii pausiku hwokupedzisira ainavo? (b) Mashoko aJesu akafadza sei uye akavimbisei vaapostora?

16 Pakupedzisira, pausiku hwokupedzisira Jesu aine vaapostora, musi waNisani 14, 33 C.E., akatanga kwatava kuziva soKudya kwaShe Kwemanheru uye akavarayira kuti vachengete chiitiko ichocho. Usiku ihwohwo, Jesu akaudza 11 vakanga vasara kuti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu, kuti mudye nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugare pazvigaro zvoumambo kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.”—Ruka 22:19, 20, 28-30.

17 Vaapostora pavakanzwa Jesu achitaura mashoko iwayo vanofanira kunge vakazofara nokugutsikana kwazvo mumwoyo yavo! Vakanga vava kukudzwa zvikuru uye kupiwa ropafadzo huru kupfuura dzose dzingawanikwa nomunhu chero upi zvake. (Mateu 7:13, 14; 1 Petro 2:9) Kufanana nomushambadzi uya, vakanga vasiya zvakawanda kuti vatevere Jesu vachitsvaka Umambo. Iye zvino vakanga vava kuvimbiswa kuti kusiya zvinhu zvakawanda kwavakanga vaita kwakanga kusiri pasina.

18. Kunze kwevaapostora 11 ndivanaani vamwe vaizobatsirwawo noUmambo?

18 Vaapostora vaiva naJesu usiku ihwohwo havasirivo chete vaizobatsirwa noUmambo. Jehovha aida kuti vanhu vanosvika 144 000 vapinzwewo musungano yoUmambo sevatongi pamwe naJesu Kristu muUmambo hwokudenga hune mbiri. Uyezve, mune zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaona “boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, . . . vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, . . . vachiti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’” Ava ndivo vachatongwa noUmambo hwacho vari pasi pano. *Zvakazarurwa 7:9, 10; 14:1, 4.

19, 20. (a) Chii chinokwanisa kuwanikwa nevanhu vemarudzi ose? (b) Mubvunzo upi uchakurukurwa munyaya inotevera?

19 Nguva pfupi Jesu asati akwira kudenga, akarayira vateveri vake vakatendeka kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” (Mateu 28:19, 20) Saka, vanhu vaizobva mumarudzi ose vaizova vadzidzi vaJesu Kristu. Avawo vaizoita kuti mwoyo yavo ive paUmambo—vangava vachiitira kuwana mubayiro wokudenga kana kuti wepasi pano—sezvakaita mushambadzi nezveparera rakanaka kwazvo.

20 Mashoko aJesu akaratidza kuti basa rokuita vadzidzi raizoenderera mberi kusvikira “pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” Saka mazuva ano, kuchine vanhu vakafanana nomushambadzi, vanoda kusiya zvose zvavanazvo kuti vatsvake Umambo hwaMwari here? Mubvunzo uyu uchakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Johani, mwanakomana waZebhedhi, angadaro akatevera Jesu achibva azvionera oga zvimwe zvinhu zvakaitwa naJesu pashure pokunge vasangana kokutanga, izvo zvakaita kuti Johani anyore zvinhu zvacho nenzira yakajeka zvikuru munhoroondo yake yeEvhangeri. (Johani, zvitsauko 2-5) Zvisinei, akadzokera kubhizimisi rokubata hove raiitwa nemhuri yake asati adanwa naJesu.

^ ndima 18 Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 10 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana mumufananidzo waJesu womushambadzi?

• Jesu akaratidza sei kuti ainyatsonzwisisa kukosha kunoita Umambo?

• Chii chakaita kuti Andireya, Petro, Johani, nevamwe vabve vangotevera Jesu paakavadana?

• Chii chinoshamisa chinokwanisa kuwanikwa nevanhu vemarudzi ose?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

‘Vakasiya zvose vakatevera Jesu’

[Mufananidzo uri papeji 12]

Asati akwira kudenga, Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite vadzidzi