“Rambai Makarinda”
“Rambai Makarinda”
KARE, vachengeti vemagedhi vaishanda pamasuo emaguta neetemberi uye pane dzimwe nguva, pamasuo edzimba dzevanhu. Pane kungova nechokwadi chokuti magedhi akanga akavharwa usiku, vachengeti vemagedhi vaishandawo sevarindiri. Raiva basa raipiwa vanhu vakavimbika, nokuti kuchengeteka kweguta kwaibva pakudanidzira kwavo vachinyevera vanhu nezvengozi yakanga ichiuya.
Jesu Kristu aiziva basa revachengeti vemagedhi, avo vainziwo varindi vemasuo. Pane imwe nguva, akafananidza vadzidzi vake nevarindi vemasuo uye akavakurudzira kuramba vakarinda paaitaura nezvokuguma kwegadziriro yezvinhu yechiJudha. Akati: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatemwa ichasvika rini. Zvakafanana nomurume akaenda kunze kwenyika akasiya imba yake uye . . . akarayira murindi womusuo kuti arambe akarinda. Naizvozvo rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani.”—Mako 13:33-35.
Saizvozvowo, magazini ino yeNharireyomurindi yave ichizivisa vanhu nezvokukurudzira kwaJesu kwokuti “rambai makarinda” kwemakore anopfuura 125. Sei? Sezvinotaurwa papeji 2 yemagazini ino kuti, “Inoramba ichitarira zviitiko zvenyika sezvo izvozvi zvinozadzika uprofita hweBhaibheri. Inonyaradza marudzi ose nemashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuparadza avo vanodzvinyirira vamwe vavo uye kuti huchaita kuti pasi rive paradhiso.” Munyika yose makopi anopfuura 26 000 000 mumitauro 150 ari kuparadzirwa, saka Nharireyomurindi ndiyo magazini yechitendero inoparadzirwa kupfuura mamwe ose munyika. Kufanana nevachengeti vemagedhi vekare, Zvapupu zvaJehovha, zvichishandisa magazini iyi, zviri kukurudzira vanhu kwose kwose kuti ‘varambe vakamuka’ mune zvokunamata nokuti Tenzi, Jesu Kristu ava pedyo nokudzoka uye kuzotonga gadziriro ino yezvinhu.—Mako 13:26, 37.