Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu—Hunokosha Here Kana Kuti Hahukoshi?

Upenyu—Hunokosha Here Kana Kuti Hahukoshi?

Upenyu—Hunokosha Here Kana Kuti Hahukoshi?

“Sezvo munhu akasikwa nomufananidzo waMwari, kuuraya munhu kuparadza chinhu chinokosha zvikuru uye chitsvene zvikuru munyika.”—The Plain Man’s Guide to Ethics, rakanyorwa naWilliam Barclay.

‘CHINHU chinokosha zvikuru munyika.’ Ndiwo maonero aunoita upenyu here? Tichitarisa kuzvibata kunoita vanhu, zviri pachena kuti vakawanda havabvumirani nomunyori iyeye. Mamiriyoni evanhu akaurayiwa noutsinye nevanhu vane chisimba, vaiva nevavariro dzoudyire, vasina basa nokugara zvakanaka kwomumwe munhu.—Muparidzi 8:9.

Havakoshi uye Vakangokodzera Kufa

Hondo Yenyika I ndiwo muenzaniso chaiwo. Nguva nenguva pakurwisana uku kunotyisa, “vanhu vakaurayiwa zvisina chinangwa,” anodaro munyori wenhau dzakaitika A.J.P. Taylor. Vachitsvaka mukurumbira nembiri, vatungamiriri vehondo vakashandisa masoja sokunge kuti akanga asingabatsiri uye seasingakoshi zvachose. Pakurwisana kwakaitika muVerdun kuFrance, vanhu vanopfuura zviuru mazana mashanu vakaurayiwa. “Hapana mubayiro [wainyatsokosha] wavaiwana kana kurasikirwa nawo, akanyora kudaro Taylor, “kwaingova kungouraya vanhu uye kuwana mbiri chete.”—The First World War.

Kusaremekedza kukosha kwoupenyu kwakadaro kuchakazara. Imwe nyanzvi inonzi Kevin Bales inoti munguva ichangopfuura, “kuwandisa kwevanhu kwaita kuti misika yemabasa izare nevarombo vasina nezano rose.” Vanonetseka kwoupenyu hwose kungoti vararame chete munyika yezvokutengeserana inodzvinyirira

umo “upenyu husingakoshi.” Vaya vanovadzvinyirira, anodaro Bales, vanovabata sevaranda—“zvinhu zvokungoshandisa kuita mari zvozoraswa.”—Disposable People.

“Kudzingana Nemhepo”

Kune zvimwe zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti mamiriyoni evanhu anzwe kuti haakoshi zvachose uye ashaye tariro—zvokuti hapana ane hanya kana vakararama kana kuti vakafa. Kunze kwehondo nokusaruramisira, kune zvakaipa zvinokonzerwa nokusanaya kwemvura, nzara, hosha, kufirwa, nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinotambudza vanhu vose, zvoita kuti vanhu vanetseke kana zvichikosha kurarama.—Muparidzi 1:8, 14.

Zvechokwadi, havasi vanhu vose vanorarama upenyu hwourombo nenhamo. Asi kunyange vaya vasingadzvinyirirwi zvakanyanya kudaro vanowanzotaura mashoko akataurwa naMambo Soromoni womuIsraeri yekare, uyo akabvunza kuti: “Munhu unowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomwoyo wake, kwaanobata nakwo pasi pezuva?” Vafunga nezvazvo, vakawanda vanosvika pakuona kuti zvakawanda zvavakaita “hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.”—Muparidzi 2:22, 26.

“Ndizvo chete zvatinoraramira here?” vakawanda vanobvunza kudaro pavanofunga nezvoupenyu hwavo. Chokwadi, vangani vanopedza upenyu hwavo ‘vanyatsogutsikana nenduramo yavo,’ sezvakaita tateguru Abrahamu? (Genesi 25:8) Vakawanda vanoona zvose zvisina maturo. Asi, upenyu hahufaniri hahwo kusava nematuro. Mwari anoona munhu wose mupenyu seanokosha uye anoda kuti mumwe nomumwe wedu ararame upenyu hwakazara zvechokwadi, hunogutsa. Izvozvo zvichaitwa sei? Ona zvinotaurwa nenyaya inotevera papfungwa iyi.