Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri reBerleburg

Bhaibheri reBerleburg

Bhaibheri reBerleburg

CHIPIET chaiva sangano rechitendero rakatangwa muChechi yeLutheran yokuGermany muzana remakore rechi17 nerechi18. Vamwe vevateveri vesangano iri vainyombwa kana kuti vaitotambudzwa nokuda kwezvavaitenda. Vadzidzi vechiPiet vakawanda vakatizira muBerleburg, makiromita 150 nechokumaodzanyemba kweFrankfurt parwizi runonzi Main muGermany. Vakapiwa pokupotera nomumwe murume wemo aikudzwa, Count Casimir von Wittgenstein Berleburg, aikoshesa kwazvo chitendero. Kuvapo kwevaparidzi uye vadzidzi ava muBerleburg kwakaita kuti pave neshanduro itsva yeBhaibheri, inozivikanwa nhasi seBhaibheri reBerleburg. Shanduro yacho yakavapo sei?

Mumwe wevaitsvaka pokupotera ainzi Johann Haug, akanga amanikidzwa kusiya musha wake muStrasbourg nemhaka yorusaruro rwevafundisi vomunzvimbo yacho. Haug aiva nyanzvi yakadzidza chaizvo uye aiva nechipo chokutaura mitauro yakawanda. Akaudza vamwe vake vaiva nyanzvi muBerleburg nezvechido chake chikuru “chokubudisa shanduro yakakwana yeBhaibheri rose, kugadzirisa shanduro yaLuther yakanga iripo, kutaura zvainyatsorehwa nezviri muShoko raMwari uye zvinowirirana nepfungwa dzaida kubudiswa.” (Die Geschichte der Berlenburger Bibel [Nhoroondo yeBhaibheri reBerleburg]). Chinangwa chake chaiva chokubudisa Bhaibheri rine mashoko anorondedzera uye tsanangudzo, uyewo raifanira kunzwisiswa nevanhuwo zvavo. Haug akakumbira kubatsirwa nevamwe vadzidzi vomunyika dzomuEurope, uye akaita basa racho kwemakore 20. Bhaibheri reBerleburg rakatanga kubudiswa muna 1726. Nemhaka yemashoko aro akawanda anorondedzera, rakaitwa mumavhoriyamu masere.

Chokwadi, Bhaibheri reBerleburg rine dzimwe pfungwa dzinonakidza. Somuenzaniso, Eksodho 6:2, 3 inoti: “Uyezve Mwari akataura naMosesi akati kwaari: Ndini ISHE! Uye ndakaoneka kuna Abrahamu/kuna Isaka uye kuna Jakobho/saMwari asingaperi: asi zita rangu rokuti JEHOVHA vakanga vasingarizivi.” Mashoko anorondedzera anoti: “Zita rokuti JEHOVHA . . . , zita rakaiswa paro roga/kana kuti/zita rakaziviswa.” Zita raMwari pachake, Jehovha, rinowanikawo mutsanangudzo dziri pana Eksodho 3:15 uye Eksodho 34:6.

Saka Bhaibheri reBerleburg rakava rimwe remaBhaibheri akawanda echiGermany akashandisa zita rokuti Jehovha mumashoko awo chaiwo, mumashoko omuzasi, kana kuti mutsanangudzo. Imwe yeshanduro dzemazuva uno inonyatsoremekedza zita raMwari iShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.