Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Kana Ukamanikidzwa Kuti Uite Basa’

‘Kana Ukamanikidzwa Kuti Uite Basa’

‘Kana Ukamanikidzwa Kuti Uite Basa’

“IWE! Rega zvauri kuita iye zvino, uuye kuno uzonditakurira zvinhu izvi.” Unofunga kuti muJudha akanga akabatikana muzana remakore rokutanga angadai akaita sei kudai musoja wechiRoma akanga ataura izvozvo kwaari? MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Kana mumwe munhu ane simba akakumanikidzira kuti uite basa kweinenge kiromita imwe nehafu, enda naye kweanenge makiromita matatu.” (Mateu 5:41) Vateereri vaJesu vaifanira kunzwisisa sei zano iroro? Uye rinofanira kurevei kwatiri nhasi?

Kuti tiwane mhinduro, tinofanira kuziva nezvebasa rokumanikidzwa raiitwa kare. Tsika iyoyo yaiitwa zvikuru nevagari vomuIsraeri muzuva raJesu.

Basa Rokumanikidzwa

Uchapupu hwebasa rokumanikidza (kana kuti, basa risingabhadharwi) kuNear East hwakatanga kare muzana remakore rechi18 B.C.E. Mashoko aitaura nezvokutarisira okuguta rekare reSiriya, Alalakh, anotaura nezvemapoka evanhu vaishanda vasingabhadharwi vaitorwa nehurumende kuti vashandire vamwe vanhu. MuUgarit, pamhenderekedzo yeSiriya, varimi vairenda minda yevamwe vaiita mabasa akafanana kunze kwokuti varambidzwa namambo.

Chokwadi, vanhu vaikundwa kana kuti vaidzvinyirirwa vaigara vachimanikidzirwa kuita basa. Vakuru vebasa vokuIjipiti vakamanikidza vaIsraeri kuti vavashandire sevaranda kuforoma zvidhina. Gare gare, vaIsraeri vakaitisa vagari veKenani vomuNyika Yakapikirwa basa rouranda, uye Dhavhidhi naSoromoni vakaramba vachizviitawo.—Eksodho 1:13, 14; 2 Samueri 12:31; 1 Madzimambo 9:20, 21.

VaIsraeri pavakakumbira mambo, Samueri akatsanangura zvaizorayirwa namambo. Aizotora vaaitonga kuti vashande sevatyairi vengoro nevatasvi vemabhiza, varime uye vakohwe, vagadzire zvombo, nokuita rimwewo basa. (1 Samueri 8:4-17) Zvisinei, paivakwa temberi yaJehovha, vanhu vokune dzimwe nyika pavaishanda basa rokumanikidzwa sevaranda, “Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarayiri vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.”—1 Madzimambo 9:22.

NezvevaIsraeri vaiita basa rokuvaka, 1 Madzimambo 5:13, 14 inoti: “Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvine makumi matatu. Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiri vana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri.” Imwe nyanzvi inoti, “Hapagoni kuva nomubvunzo kuti madzimambo evaIsraeri nevaJudha aishandisa vanhu asingavabhadhari senzira yokushandirwa pasina mubhadharo pamabasa avo okuvaka uyewo pakushanda muminda yemadzimambo.”

Mutoro wacho wairema paitonga Soromoni. Wairwadza kwazvo zvokuti Rehobhoamu paakatyisidzira kuti aizowedzera mitoro yakadaro, vaIsraeri vose vakamukira mukuru mukuru akanga agadzwa pane vaya vakatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzira uye vakamutema nematombo. (1 Madzimambo 12:12-18) Zvisinei, tsika yacho haina kuregwa. Asa, muzukuru waRehobhoamu, akashevedza vanhu veJudha kuti vavake maguta eGebha neMizpa, uye “hakuna wakadarikwa.”—1 Madzimambo 15:22.

Muutongi hwevaRoma

Mharidzo yepaGomo inoratidza kuti vaJudha vomuzana remakore rokutanga vaiva vachinyatsoziva kuti vaigona ‘kumanikidzwa kuita basa.’ Mashoko aya anoshandura shoko rechiGiriki rokuti ag·ga·reuʹo, pakutanga raiva nechokuita nebasa renhume dzokuPersia. Dzaiva nesimba rokumanikidza varume, mabhiza, zvikepe, kana kuti chimwe chinhu chipi nechipi chaidiwa kuti paitwe basa rokukurumidzisa bhizimisi revoruzhinji.

Muzuva raJesu, munyika yeIsraeri maigara vaRoma vakanga vagamuchira tsika yakafanana. Mumaruwa okuMabvazuva, kuwedzera pamitero yenguva dzose, vanhu vaigona kumanikidzirwa kuita basa nguva dzose kana kuti mumamiriro ezvinhu asina kujairika. Zvechokwadi mabasa akadaro aisafarirwa. Uyezve, kutora mhuka nechisimba zvisiri pamutemo, vatyairi, kana kuti ngoro dzaishandiswa sechokufambisa cheHurumende kwaiwanzoitwa kwose kwose. Maererano nomunyori wenhau dzakaitika, Michael Rostovtzeff, vatariri “vakaedza kudzora uye kuronga [tsika yacho], asi vasingabudiriri, nokuti chero bedzi tsika yacho yairamba iripo, zvechokwadi yaizova nemigumisiro yakaipa. Mirayiro yakawanda yaibudiswa nevatariri, avo vaiedza nomwoyo wose kumisa kushandiswa kwesimba noudzvinyiriri hwakanga hwabvira kare huchiitwa . . . Asi tsika yacho yakaramba ichidzvinyirira.”

Imwe nyanzvi yechiGiriki inoti, “Munhu wose aigona kumanikidzirwa kutakura mukwende womusoja kwedaro rakati, uye munhu wose aigona kumanikidzwa kuita chero basa ripi raisarudzwa nevaRoma kuti aite.” Izvozvo zvakaitika kuna Simoni wokuKurini, uyo ‘akamanikidzirwa’ nemasoja echiRoma kuti atakure danda raJesu rokutambudzikira.—Mateu 27:32.

Mabhuku avanarabhi anotaurawo nezvetsika iyi isingafarirwi. Somuenzaniso, mumwe rabhi akamanikidzwa kuti atakure mukute kuti aende nawo kumuzinda wamambo. Vashandi vaigona kutorwa kuvashandirwi vopiwa mamwe mabasa, asi vashandirwi vari ivo vaizofanira kuvabhadhara. Mhuka dzinoshandiswa kutakura zvinhu kana kuti nzombe dzaigona kutorwa nechisimba. Kana dzaitombodzoswa, zvimwe dzaidzoka dzisisina kukodzera kuitazve basa. Unogona kuona kuti kutora nechisimba kwakanga kwakafanana nokubvuta. Saka, chirevo chechiJudha chinoti: “Angareia yakaita sorufu.” Mumwe munyori wenhau dzakaitika kare anoti: “Musha waigona kuparadzwa nemhaka yokutorwa nechisimba kwemombe dzokurimisa nokuda kweangareia panzvimbo pokuti pashandiswe mhuka dzaibvumirwa nomutemo dzakanga dzakajaira kudhonza zvinhu.”

Unogona kungofungidzira kuti mabasa akadaro akanga asingafarirwi zvakadini, zvikurukuru sezvo aiwanzopiwa nokuzvikudza uye nokusaruramisira. Kufunga nezvoruvengo rwavaiva narwo nokuda kweVamwe Vemarudzi vaivatonga, vaJudha vaitsamwa zvikuru pamusana pokunyadzisa kwazvaiita kumanikidzwa kuita basa rakadaro rinorwadza. Hapana mutemo uchiripo unotiudza chaizvoizvo kuti mugari womunyika aigona kumanikidzwa kusvika papi kutakura mutoro. Kunenge kuti vakawanda vakanga vasingadi kuenda imwe nhano kupfuura zvairayirwa nomutemo.

Asi iyi ndiyo tsika yairehwa naJesu paakati: “Kana mumwe munhu ane simba akakumanikidzira kuti uite basa kweinenge kiromita imwe nehafu, enda naye kweanenge makiromita matatu.” (Mateu 5:41) Pavakanzwa izvozvo, vamwe vanofanira kunge vakafunga kuti akanga asiri kunzwisisa. Aimborevei chaizvo?

Zvinofanira Kuitwa nevaKristu

Kungotaura zvinonzwisisika, Jesu akanga achiudza vateereri vake kuti munhu ane simba akavamanikidza kuti vaite basa rakati repamutemo, vanofanira kuriita nokuzvidira uye pasina kutsamwa. Saka, vaifanira kudzorera “zvinhu zvaKesari kuna Kesari” asi vorega kurerutsa mutoro wokudzorera “zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mako 12:17. *

Uyezve, muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari. Naizvozvo uyo anodzivisa simba anorwisana nezvakarongwa naMwari . . . Kana uri kuita zvakaipa, itya: nokuti haribati bakatwa pasina.”—VaRoma 13:1-4.

Saka Jesu naPauro vaibvuma kodzero yamambo kana kuti yehurumende yokuranga vaya vaityora zvavairayirwa. Kuranga kworudzii? Mumwe muzivi wechiGiriki Epictetus, womuzana remakore rokutanga nerechipiri C.E., anopa imwe mhinduro yacho achiti: “Kana chikumbiro chisingatarisirwi chikaitwa uye musoja akatora mwana wembongoro yako, rega iende. Usaramba, usanyunyuta, zvimwe ungazorohwa zvibhakera uye worasikirwa nembongoro yacho.”

Asi pane imwe nguva, kare uye iye zvino, vaKristu vakafunga kuti vaisagona kuita zvinorayirwa nehurumende nehana yakanaka. Dzimwe nguva migumisiro yacho yave yakaoma zvikuru. Vamwe vaKristu vakatongerwa rufu. Vamwe vakapedza makore akawanda vari mujeri nemhaka yokuramba kuita avaiti mabasa ane kwaakarerekera. (Isaya 2:4; Johani 17:16; 18:36) Pane dzimwe nguva, vaKristu vaiona kuti vaigona kuita zvavaikumbirwa kuti vaite. Somuenzaniso, vamwe vaKristu vanofunga kuti hana yavo inogona kuvabvumira kuita basa rehurumende risiri rechiuto rinosanganisira basawo zvaro rinobatsira nzanga. Izvozvo zvingareva kubatsira vakwegura kana kuti vakaremara, kushanda sevadzimuri vemoto, kuchenesa mahombekombe, kushanda mumapaki, mumasango, kana kuti mumaraibhurari, nemamwewo mabasa.

Chokwadi, mamiriro ezvinhu anosiyana nyika nenyika. Saka, kuti asarudze kuti oita zvinorayirwa here kana kuti orega, muKristu mumwe nomumwe anofanira kutevera hana yake yakarovedzwa neBhaibheri.

Kuenda Kiromita Yechipiri

Chokwadi chakadzidziswa naJesu, chokubvuma kuita zvikumbiro zvepamutemo, chinoshanda kwete pane zvinodiwa nehurumende bedzi asiwo muukama hwedu hwezuva nezuva. Somuenzaniso, kungava kuti munhu ane simba pauri anokukumbira kuti uite chimwe chinhu chawaisazoda kuita asi chisingapesani nomutemo waMwari. Ungaita sei? Ungafunga kuti uri kurayirwa zvinhu zvisina musoro panguva yako nesimba, saka ungagumbuka. Zvingaguma noruvengo. Ukuwo, kana ukaita wakatsamwa, ungarasikirwa norugare rwako rwomukati. Chii chaungaita? Ita sezvakarumbidzwa naJesu—enda kiromita yechipiri. Usangoita zvaunokumbirwa bedzi asi zvinopfuura zvawakumbirwa. Zviite uchida. Nemafungiro akadaro, hauzombofungi kuti uri kushandiswa, asi unoramba uchigona kuzviitira zvaunoda.

Mumwe munyori anoti, “Muupenyu hwavo hwose, vanhu vakawanda vanongoita zvinhu zviya zvavanomanikidzwa kuti vaite. Kwavari upenyu hwakaoma, uye vanongogara vakaneta. Vamwe vanoita zvinopfuura zvavanofanira kuita uye vanobatsira vamwe nokuzvidira.” Chaizvoizvo, mumamiriro ezvinhu akawanda, munhu anosarudza kuenda kiromita imwe chete achimanikidzwa—kana kuti maviri. Muchiitiko chokutanga, munhu angafarira kuita kodzero dzake. Mune chechipiri, angawana ruzivo rwakakura zvikuru. Uri munhu worudzii? Zvimwe uchafara zvikuru uye uchabudirira kana uchigona kuona mabasa ako, kwete semabasawo zvawo kana kuti zvinhu zvaunofanira kuita, asi sezvinhu zvaunoda kuita.

Uye zvakadini kana uri munhu ane simba? Zviri pachena kuti harusi rudo uyewo hachisi chiKristu kushandisa simba rako kumanikidza vamwe kuti vaite zvaunovarayira ivo vasingadi. Jesu akati, “Vatongi vemamwe marudzi vanoaremedza uye vanhu vakuru vanoshandisa simba paari.” Asi iyoyo haisi nzira yechiKristu. (Mateu 20:25, 26) Kunyange zvazvo kutaura kwechisimba kungabudirira, pangava noukama hwakanaka chaizvo pakati pevaya vanobatanidzwa kana zvikumbiro zvomutsa uye zvakakodzera zvikateererwa vanhu vachifara! Kutaura zvazviri, kuda kuenda makiromita maviri pane kungoenda rimwe zvechokwadi kungaita zvakawanda muupenyu hwako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Kana uchida mashoko akawanda anoratidza kuti zvinorevei kuti vaKristu ‘vadzorere zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari,’ ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1996, mapeji 15-20.

[Bhokisi riri papeji 25]

KUSHANDISA ZVISINA KUFANIRA TSIKA YOKUMANIKIDZA KUITA BASA YAIITWA KARE

Kumanikidza ikoko kwaiwanzoshandiswa senzira yokumanikidzira kuita basa kunooneka mumirau yokudzora tsika isina kufanira yakadaro. Mugore ra118 B.C.E., Ptolemy Euergetes II weIjipiti akarayira kuti vakuru vakuru vake “vasazomanikidza vagari vose vomunyika yacho kuti vashandire vamwe vanhu, kana kuti kukumbira (aggareuein) mombe dzevagari vemo kuti dzivaitire mabasa avanoda.” Akawedzera kuti: “Hapana munhu achakumbira . . . zvikepe zvokushandisa nokuda kwezvinangwa zvake chero zvodini.” Mugwaro rakanyorwa muna 49 C.E., muTemberi yeGreat Oasis, kuEgypt, mutariri wechiRoma, Vergilius Capito akabvuma kuti masoja akanga aita zvikumbiro zvisiri pamutemo, uye akataura kuti “hapana munhu achatora kana kukumbira . . . chimwe chinhu, kunze kwokuti ndamunyorera mvumo yacho.”

[Mufananidzo uri papeji 24]

Simoni wokuKurini akamanikidzwa kuti aite basa

[Mufananidzo uri papeji 26]

Zvapupu zvakawanda zvakapedza nguva zviri mujeri pamusana pokusava kwazvo nekwazvakarerekera