Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuenda Kumusha Unonzi The Bottom uri paSaba

Kuenda Kumusha Unonzi The Bottom uri paSaba

Kuenda Kumusha Unonzi The Bottom uri paSaba

CHITSUWA cheSaba chinotungamirirwa nevaDutch chaimbova muzinda wevanopamba zvikepe vaifamba nomugungwa reCaribbean vachitsvaka zvinhu zvokupamba. Nhasi, chitsuwa chiduku ichi, chiri makiromita 240 nechokumabvazuva kwePuerto Rico, musha wevanhu vanosvika 1 600, vashanu vacho vari Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, vashumiri vakashinga ava vari kutsvaka chimwe chinhu chinokosha kwazvo kupfuura zvinhu zvokupamba. Vari kutsvaka nomwoyo wose vanhu ‘vanoda upenyu husingaperi.’—Mabasa 13:48.

Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akatanga kusvika pachitsuwa ichi musi wa22 June 1952, apo igwa remamita 18 reSibia, raityairwa neZvapupu zvaJehovha, rakamiswa pamahombekombe eSaba. (Mateu 24:14) Mamishinari anonzi Gust Maki naStanley Carter akafamba nenzira yainzi The Ladder, nzira yetsoka ine masitepisi anopfuura 500 ematombo kuenda kumusha unonzi The Bottom, muzinda mukuru weSaba *. Kwemazana emakore, kanzira kakatetepa aka ndiko kaingova mukana wokuenda nawo kunogara vanhu vepachitsuwa ichi.

Mushumo wepamutemo wokutanga wakapiwa webasa rechiKristu rokuparidzira paSaba wakabudiswa muBhuku reGore reZvapupu zvaJehovha ra1966 reChirungu. Maererano nomushumo wacho, paingova neChapupu chinoshingaira chimwe chete pachitsuwa chacho. Gare gare imwe mhuri yaibva kuCanada yakapedza makore akawanda ichiparidza mashoko akanaka ipapo. Munguva ichangopfuura, Russel naKathy, vakwegura vaviri vakaroorana vokuUnited States vakaenda kuSaba uye vakatanga kuita basa rokuparidzira ikoko. Inzwa nyaya yavo.

Kushanya kuSaba

Ini nomudzimai wangu tasvika nendege sevaenzi vaRonald, uyo akanga achingova Chapupu oga pachitsuwa chino muma1990 ose. Watiri kushanyira akatimirira panhandare yendege. Ari kufadzwa nekabhokisi kezvirimwa katauya nako sechipo, sezvo pachitsuwa chino pasingarimwi zvinotengeswa. Zvatakwira karori, zvishoma nezvishoma tiri kupoterera tichikwidza Mount Scenery tichinanga panhongonya yegomo iri rakamboputika.

Tamira pamusha weHell’s Gate, Ronald achitarisa bhodhi rinoiswa zviziviso kuti aone kana kukokera hurukuro yavose yomusi weSvondo kuchiripo. Tiri kufara kuona kuti kuchiripo. Adzoka murori, uye tiri kupfuurira kukwira tichienda kumusha mukuru wechitsuwa chino unonzi Windwardside. Sezvinorehwa nezita rawo, musha uyu wakanaka samare uri nechokwakadziva kugungwa, wakakwirira nemamita 200 kupfuura mwero wegungwa. Sezvatapinda munzira inoenda pamba paRon, tiri kuona chikwangwani chakanaka chiri paimba iri nechemberi chichiizivisa seImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.

Pakudya zvokudya zvemasikati ndabvunza mubvunzo watiita kuti tishanye, “Wakasvika sei pakuva muzivisi woUmambo paSaba?

“Kuvakwa kwebazi reZvapupu zvaJehovha muPuerto Rico pakwakapera muna 1993,” anodaro Ron, “ini nomudzimai wangu takafarira kuramba tiri mundima yokune imwe nyika. Takanga tamboshanyira Saba nemamwe mapiyona maviri akaroorana uye takanga taziva kuti paiva nevanhu 1 400 vaigara pano asi pasina Zvapupu. Saka takataura neDare reBazi rePuerto Rico nezvokutamira kwedu kuno.

“Zvinhu zvakafamba zvakanaka chaizvo, uye takazopiwa mvumo yokutama. Zvinosuruvarisa kuti makore maviri akazotevera, mudzimai wangu akarwara zvakaipisisa uye takadzokera kuCalifornia. Paakafa, ndakadzoka kuSaba. Munoonaka, handidi kutanga chimwe chinhu ndorega kuchipedzisa.”

Kuparidzira Pamba Nemba muSaba

Kamuri rokutandarira remba yaRon yava nemakore zana rinoshandawo seImba yoUmambo. * Sezvatiri kudya zvokudya zvemangwanani uye kugadzirira kuenda muushumiri, mvura yekahore yanyorovesa patinobikira pasina denga. Tapedza kudya, mangwanani ano kunze kune makore apo neapo, tiri kuenda kunopupurira pasuo nesuo mumusha unonzi The Bottom. Paimba imwe neimwe, Ron anokwazisa muridzi wemba nezita rake. Mharidzo yedu iri kutaura nezvezvichangobuda munhau dzomunzvimbo muno. Vanhu vakawanda vanoziva Ron noushumiri hwake, uye vakawanda vanogamuchira nyore nyore mabhuku eBhaibheri.

Kuchengeta zvinyorwa zvevanofarira mashoko oUmambo kunogona kuva chinetso kana usinganyatsozivi vanhu vacho. Nei? Nokuti “mutemo unorayira kuti dzimba dzose dzive noruvara rwakafanana,” anodaro Ron. Chokwadi ndizvo zvazviri, ndatarisa tarisa uye ndaona kuti dzimba dzose paSaba ichena dzine matenga matsvuku.

Tapedza kukurukura nezveBhaibheri, tinokoka muridzi wemba kuti auye kuzonzwa hurukuro yeBhaibheri yavose ichapiwa musi weSvondo paImba yoUmambo. Kana Ron ari pachitsuwa ichi anopa hurukuro yavose vhiki yoga yoga. Panguva ino, zvidzidzo zveBhaibheri 17 zviri kuitiswa paSaba. Vanhu 20 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna 2004. Kunyange zvazvo nhamba yacho ingaita seduku, inomiririra chikamu chimwe muzana chevagari vose vepaSaba!

Kutaura zvazviri, Zvapupu zvaJehovha zvakashanda nesimba kuti zviudze vanhu vakawanda sezvinobvira mashoko aMwari oruponeso. Kangava kachitsuwa kakaita seSaba kana kuti kondinendi yose, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita nokutendeseka basa razvo ‘rokuita vanhu vemarudzi ose vadzidzi.’—Mateu 28:19.

Zvinosuruvarisa kuti mazuva edu maviri okushanya akwana. Zvatiri kukwira ndege yedu, tiri kuvheyesa maoko tichioneka watakashanyira. Ticharamba tichiyeuka kushanya kwatakaita kuSaba uye nguva yatakapedza tichienda kumusha weThe Bottom!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvinoratidza sokuti vaipamba zvikepe vakauti The Bottom nokuti vaifunga kuti musha wacho waiva pasi muzigomba regomo rakaputika.

^ ndima 12 Musi wa28 September 2003, vazvipiri vaibva kuFlorida, U.S.A., vakaenda kuSaba uye vakandogadziridza chivako chaiva pedyo uye chava kushandiswa seImba yoUmambo.

[Mepu dziri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

PUERTO RICO

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]

Background: www.sabatourism.com