Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristu

Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristu

Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristu

“Zvanzi naJehovha: Ndimi zvapupu zvangu.”—ISAYA 43:10.

1. Jehovha anokwevera kwaari vanhu vorudzii?

PAUNENGE uri paImba yoUmambo, nyatsocherechedza vaya vakakupoteredza. Ndivanaani vaunoona panzvimbo iyi yokunamatira? Ungaona vechiduku vepachokwadi vachinyatsoteerera uchenjeri hweMagwaro. (Pisarema 148:12, 13) Zvimwe, ungacherechedzawo misoro yemhuri inoedza kufadza Mwari uku ichirarama munyika inoderedza upenyu hwemhuri. Zvichida uchacherechedza vadiwa vakwegura, vanoramba vachirarama maererano nokuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha pasinei nemarwadzo okukwegura. (Zvirevo 16:31) Vose vanoda Jehovha zvikuru. Uye akaona zvakakodzera kuti avakwevere muukama naye. Mwanakomana waMwari akati, “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.”—Johani 6:37, 44, 65.

2, 3. Nei zvingave zvakaoma kuti tirambe tiine pfungwa yakasimba yokuzivikanwa sevaKristu?

2 Hatifari here kuva vamwe vevanhu vanotenderwa naJehovha uye vaanokomborera? Asi zvakaoma kuti tirambe tiine pfungwa yakasimba yokuzivikanwa kwedu sevaKristu mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Izvi ndezvechokwadi kunyanya kune vechiduku vari kurerwa mumhuri dzechiKristu. Mumwe wechiduku akadaro akabvuma kuti, “Kunyange zvazvo ndakanga ndichipinda misangano yechiKristu, ndakanga ndisina zvinangwa zvakajeka mune zvokunamata uye, kutaura chokwadi, ndakanga ndisina chido chaicho chokushumira Jehovha.”

3 Kunyange vamwe vachida kushumira Jehovha nomwoyo wose, vangatsauswa nokuda kufanana nevezera ravo kwakasimba, zvinofurira zvenyika, uye pfungwa dzokutadza. Patinodzvinyirirwa zvakasimba, zvingatiita kuti tirasikirwe zvishoma nezvishoma nokuzivikanwa kwedu sevaKristu. Somuenzaniso, vakawanda munyika nhasi vanoona zvinodiwa neBhaibheri zvetsika sezvechinyakare kana kuti sezvisingashandi munyika yedu yanhasi. (1 Petro 4:4) Vamwe vanofunga kuti hazvikoshi kunamata Mwari munzira yaanorayira. (Johani 4:24) Mutsamba yake kuvaEfeso, Pauro anotaura nezvenyika seine “mudzimu,” kana kuti mafungiro akapararira. (VaEfeso 2:2) Mudzimu iwoyo unomanikidza vanhu kuti vaenderane nemafungiro enzanga isingazivi Jehovha.

4. Jesu akasimbisa sei kudiwa kwokuti tirambe tichinyatsozivikanwa sevaKristu?

4 Zvisinei, sevashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, tinoziva kuti zvingasuruvarisa kuti ani naani wedu—muduku kana mukuru—arasikirwe nokuzivikanwa kwake somuKristu. Pfungwa yakanaka yokuzivikanwa sevaKristu ingavakirwa bedzi pane zvinodiwa naJehovha uye pane zvaanotitarisira. Pamusoro pazvo, takasikwa mumufananidzo wake. (Genesi 1:26; Mika 6:8) Bhaibheri rinofananidza kuzivikanwa kwedu sevaKristu nenguo dzokunze, dzinopfekwa kuti vanhu vose vaone. Nezvenguva yedu, Jesu akanyevera kuti: “Tarira! Ndiri kuuya sembavha. Anofara ndiye anoramba akamuka uye anochengeta nguo dzake dzokunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu vatarire nyadzi dzake.” * (Zvakazarurwa 16:15) Hatidi kupfekenura unhu hwedu hwechiKristu uye kuzvibata kunodiwa tobvumira nyika yaSatani kuti itiumbe. Kana izvozvo zvaizoitika, taizorasikirwa ‘nenguo dzokunze’ idzi. Taizozvidemba uye taizonyara nemamiriro ezvinhu akadaro.

5, 6. Nei kutsiga mune zvokunamata kuchikosha?

5 Pfungwa yakasimba yokuzivikanwa sevaKristu ine zvainoita chaizvo pamararamiro aunoita. Nei? Kana munamati waJehovha achizorasikirwa nokuzivikanwa kwake kwakajeka, angaguma atsauka, asina gwara chairo kana kuti zvinangwa. Bhaibheri rinoramba richinyevera pamusoro pokuva nemwoyo miviri kwakadaro. Mudzidzi Jakobho akanyevera kuti, “Asina chokwadi akafanana nemafungu egungwa anofambiswa nemhepo achisairirwa kwose kwose nemhepo. Chaizvoizvo, munhu iyeye ngaarege kufunga kuti achagamuchira chimwe chinhu kuna Jehovha; iye munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.”—Jakobho 1:6-8; VaEfeso 4:14; VaHebheru 13:9.

6 Tingaramba sei tichizivikanwa sevaKristu? Chii chingatibatsira kunatsiridza kuziva kwatinoita ropafadzo yedu huru yokuva vanamati voWokumusorosoro? Tapota ona nzira dzinotevera.

Simbisa Kwazvo Kuzivikanwa Kwako somuKristu

7. Nei zvichibatsira kuteterera Jehovha kuti ationgorore?

7 Ramba uchisimbisa ukama hwako naJehovha. Chinhu chinokosha kudarika zvose icho muKristu anacho ndihwo ukama hwake naMwari. (Pisarema 25:14; Zvirevo 3:32) Kana tikatanga kuva nemibvunzo inovhiringidza pamusoro pokuzivikanwa kwedu sevaKristu, inguva yokunyatsoongorora zvakaita ukama uhwu uye kudzama kwahwakaita. Munyori wepisarema akateterera zvakakodzera kuti: “Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.” (Pisarema 26:2) Nei kuzviongorora kwakadaro kuchikosha? Nokuti isu pachedu hatigoni kuva vaongorori vakavimbika vevavariro dzedu dzakadzama uye mafungiro omukatikati. Jehovha bedzi ndiye anogona kunzwisisa zvatiri mukati—vavariro dzedu, pfungwa dzedu, uye manzwiro edu.—Jeremia 17:9, 10.

8. (a) Kuedzwa naJehovha kungatibatsira sei? (b) Wave uchibatsirwa sei kufambira mberi somuKristu?

8 Nokukumbira Jehovha kuti ationgorore, tiri kumukumbira kuti atiedze. Angabvumira mamiriro ezvinhu kuti atange anoratidza vavariro dzedu dzechokwadi uye zvakaita mwoyo wedu. (VaHebheru 4:12, 13; Jakobho 1:22-25) Tinofanira kugamuchira miedzo iyoyo nokuti inotipa mukana wokuratidza kuti kuvimbika kwedu kuna Jehovha kwakadzama zvakadini. Miedzo yakadaro ingaratidza kana tiri ‘vakakwana uye vakanaka mumativi ose, pasina chatinoshayiwa.’ (Jakobho 1:2-4) Uye patinenge tichiedzwa, tinogona kuwedzera zivo yedu mune zvokunamata.—VaEfeso 4:22-24.

9. Tingasarudza here kuti tione kuti zvinodzidziswa neBhaibheri ndezvechokwadi? Tsanangura.

9 Dzidza kuti unyatsoona chokwadi cheBhaibheri. Pfungwa yedu yokuzivikanwa sevashumiri vaJehovha ingaderera kana isina kuvakirwa zvakasimba pazivo yeMagwaro. (VaFiripi 1:9, 10) MuKristu wose—muduku kana mukuru—anofanira kuratidza kugutsikana kwake kuti zvaanotenda chaizvoizvo ichokwadi chinowanikwa muBhaibheri. Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” (1 VaTesaronika 5:21) VaKristu vechiduku vanobva mumhuri dzinotya Mwari vanofanira kuziva kuti havagoni kungovimba nokutenda kwevabereki vavo chete. Baba vaSoromoni Dhavhidhi, vakamurayira kuti “ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama.” (1 Makoronike 28:9) Zvaizova zvisina kukwana kuti Soromoni muduku aone kuti baba vake vakakudziridza sei kutenda muna Jehovha. Aifanira kuziva Jehovha iye pachake, uye ndozvaakaita. Akateterera Mwari achiti: “Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava.”—2 Makoronike 1:10.

10. Nei pasina chakaipa kubvunza mibvunzo yokutendeseka tiine vavariro yakanaka?

10 Kutenda kwakasimba kunovakirwa pazivo. “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa,” akadaro Pauro. (VaRoma 10:17) Airevei? Aireva kuti tikadya paShoko raMwari, tinovaka kutenda nechivimbo chedu muna Jehovha, zvipikirwa zvake, nesangano rake. Kubvunza mibvunzo yokutendeseka nezveBhaibheri kungaita kuti tiwane mhinduro dzinokurudzira. Uyezve, pana VaRoma 12:2, tinowana zano raPauro rinoti: ‘Zviwanirei chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.’ Tingakuwana sei? Nokuwana “zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (Tito 1:1) Mudzimu waJehovha ungatibatsira kunzwisisa kunyange nyaya dzakaoma. (1 VaKorinde 2:11, 12) Tinofanira kunyengeterera kubatsirwa naMwari patinenge tiine zvinetso zvokunzwisisa chimwe chinhu. (Pisarema 119:10, 11, 27) Jehovha anoda kuti tinzwisise Shoko rake, tiritende, uye tiriteerere. Anoteerera mibvunzo yokutendeseka inobvunzwa nevavariro yakanaka.

Tsunga Kufadza Mwari

11. (a) Chishuvo chipi chiri muropa chingatibata? (b) Tingava sei noushingi hwokukurira kuda kufanana nevezera redu?

11 Tsvaka kufadza Mwari, kwete munhu. Zviri muropa kungoratidza zvishomanana kuzivikanwa kwedu nokuva verimwe boka. Munhu wose anoda shamwari, uye kugamuchirwa kunoita kuti tinzwe zvakanaka. Panguva yokuyaruka—uyewo pava paya muupenyu—kuda kufanana nevezera rako kungasimba, kuchiita kuti unzwe uchida chaizvo kutevedzera vamwe kana kuti kuvafadza. Asi shamwari nevezera redu nguva dzose havana hanya nezvakatinakira. Dzimwe nguva vanongoda mumwe munhu pakuita zvakaipa. (Zvirevo 1:11-19) MuKristu paanobvumira kuda kufanana nevezera rake kusina kunaka, kazhinji anoedza kuvanza kuzivikanwa kwake. (Pisarema 26:4) “Musazvienzanisa nomufambiro wenyika yakakupoteredzai,” akanyevera kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 12:2, The Jerusalem Bible) Jehovha anopa simba romukati ratinoda kuti tikurire manzwiro chero api zvawo okuda kufanana nevezera redu.—VaHebheru 13:6.

12. Ichokwadi chipi uye muenzaniso upi ungatisimbisa kuti tirambe takasimba kana chivimbo chedu muna Mwari chichibatanidzwa?

12 Kana kufurira kunobva kunze kukatyisidzira kukuvadza pfungwa yedu yokuzivikanwa sevaKristu, zvakanaka kuti tiyeuke kuti kuvimbika kwedu kuna Mwari kunokosha zvikuru kudarika pfungwa dzevoruzhinji kana kuti mafungiro avo. Mashoko aEksodho 23:2 anoshanda sechokwadi chinochengetedza, anoti: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.” Ruzhinji rwevamwe vaIsraeri parwakanga rusina chokwadi kuti Jehovha aizokwanisa kuzadzika zvipikirwa Zvake, Karebhi akaramba zvakasimba kutevera voruzhinji. Aiva nechokwadi chokuti zvipikirwa zvaMwari zvaiva zvakavimbika, uye akakomborerwa zvikuru nemhaka yezvaakasarudza. (Numeri 13:30; Joshua 14:6-11) Unodawo here kuramba manzwiro okuda kufanana nevamwe akakurumbira kuitira kuti urambe uine ukama hwako naMwari?

13. Nei kuri kuchenjera kuita kuti tizivikanwe kuti tiri vaKristu?

13 Zivikanwa kuti uri muKristu. Mashoko okuti kuzvidzivirira chombo chakanaka ndeechokwadi sezvatinodzivirira kuzivikanwa kwedu sevaKristu. Pavaishorwa nemhaka yokuedza kwavo kuita kuda kwaJehovha munguva yaEzra, vaIsraeri vakatendeka vakati: “Isu tiri varanda vaMwari wokudenga napasi.” (Ezra 5:11) Kana tikavhiringidzwa nezviito uye kutsoropodza kwevanhu vanotivenga, tinogona kutya kwazvo. Kana tichida kugara tichifadza munhu wose, zvichatitadzisa kubudirira. Saka usatyisidzirwa. Nguva dzose zvakanaka kuita kuti vamwe vanyatsoziva kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nenzira yokuremekedza asi wakasimba, unogona kutsanangurira vamwe tsika dzako, zvaunotenda uye paumire somuKristu. Ita kuti vamwe vazive kuti wakatsunga kuchengetedza zvinodiwa naJehovha zvakanaka kwazvo panyaya dzetsika. Vajekesere kuti kuvimbika kwako somuKristu hakuchinjiki. Varatidze kuti unodada netsika dzako. (Pisarema 64:10) Kuva akasiyana nevamwe somuKristu akatsiga kungakusimbisa, kungakudzivirira, uye kungatoita kuti vamwe vade kuziva nezvaJehovha nevanhu vake.

14. Tinofanira kuora mwoyo here kana tikasekwa kana kuti kushorwa? Tsanangura.

14 Chokwadi, vamwe vangakuseka kana kukushora. (Judha 18) Kana vamwe vasingabvumi paunoedza kuvatsanangurira tsika dzako, usaora mwoyo. (Ezekieri 3:7, 8) Hazvinei hazvo nokuti wakatsunga zvakadini, haumbofi wakakwanisa kunyengetedza vanhu vasingadi kunyengetedzwa. Yeuka Farao. Dambudziko kana kuti chishamiso—kunyange kufirwa nedangwe rake—hazvina kugona kunyengetedza Farao kuti abvume kuti Mosesi akanga achitaura akamiririra Jehovha. Naizvozvo, usarega kutya munhu kuchikutadzisa kuita chero chipi zvacho. Kuvimba uye kutenda muna Mwari kungatibatsira kukurira kutya.—Zvirevo 3:5, 6; 29: 25.

Dzidza Pane Zvakaitika Kare, Gadzirira Remangwana

15, 16. (a) Nhaka yedu yezvokunamata chii? (b) Tingabatsirwa sei nokufungisisa nhaka yedu yezvokunamata tichishandisa Shoko raMwari?

15 Koshesa nhaka yako yezvokunamata. Vachishandisa Shoko raMwari, vaKristu vachabatsirwa nokufungisisa nhaka yavo huru yezvokunamata. Nhaka iyi inosanganisira chokwadi cheShoko raJehovha, tariro youpenyu husingaperi, uye rukudzo rwokumiririra Mwari sevazivisi vemashoko akanaka. Unogona kuona nzvimbo yako here pakati peZvapupu zvake, muboka rakaropafadzwa revanhu vakatumwa basa rinoponesa rokuparidza Umambo? Yeuka kuti ndiJehovha bedzi anotaura kuti: “Ndimi Zvapupu zvangu.”—Isaya 43:10.

16 Unogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyokuti: ‘Nhaka iyi yezvokunamata inokosha sei kwandiri? Ndinoikoshesa zvakakwana here kuti kuita zvinodiwa naMwari kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwangu? Kuikoshesa kwandinoita kwakasimba zvakakwana zvokunditsigira kurwisa muedzo upi noupi ungaita kuti ndirasikirwe nayo here?’ Nhaka yedu yezvokunamata ingaita kuti tinzwe tiine pfungwa yakasimba yokuchengeteka mune zvokunamata kunongowanikwa bedzi musangano raJehovha. (Pisarema 91:1, 2) Kudzokorora zviitiko zvinoshamisa munhau dzakaitika dzesangano raJehovha remazuva ano kungaita kuti tione kuti hapana munhu kana chinhu chinogona kubvisa vanhu vaJehovha pasi pano.—Isaya 54:17; Jeremia 1:19.

17. Chiizve chinodiwa pane kungovimba nenhaka yedu yezvokunamata?

17 Chokwadi, hatigoni kungovimba nenhaka yedu yezvokunamata. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuva noukama hwepedyo naMwari. Pashure pokunge Pauro ashanda nesimba kuti avake kutenda kwevaKristu muFiripi, akavanyorera kuti: “Naizvozvo, vanodiwa vangu, rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera, nenzira yamave muchigaroteerera nayo, kwete pandinenge ndiripo bedzi, asi zvikuru kwazvo pandinenge ndisipo.” (VaFiripi 2:12) Hatigoni kuvimba nomumwe munhu kuti tiponeswe.

18. Mabasa echiKristu anganatsiridza sei pfungwa yedu yokuzivikanwa sevaKristu?

18 Ita mabasa echiKristu zvizere. Zvave zvichinzi “basa rave riine zvarinoita pakuzivikanwa kwomunhu.” Nhasi vaKristu vave vachitumwa kuti vaite basa rinokosha rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa. Pauro akazivisa kuti: “Sezvo ndiri, chaizvoizvo, muapostora kumamwe marudzi, ndinopa mbiri kuushumiri hwangu.” (VaRoma 11:13) Basa redu rokuparidza rinotisiyanisa nenyika, kuriita kunonatsiridza kuzivikanwa kwedu sevaKristu. Kunyatsoita mamwe mabasa echiKristu zvizere, akadai semisangano yechiKristu, zvirongwa zvokuvaka nzvimbo dzokunamatira, mabasa okubatsira vaya vanoshayiwa, nemamwewo, kungadzamisa pfungwa yedu yokuzivikanwa sevaKristu.—VaGaratiya 6:9, 10; VaHebheru 10:23, 24.

Kuzivikanwa Kwakajeka, Zvikomborero Zvinooneka

19, 20. (a) Zvii zvauri kubatsirwa nazvo nokuva muKristu? (b) Chii chinotipa hwaro hwokuzivikanwa kwedu kwechokwadi?

19 Zvipe nguva yokufungisisa zvikomborero zvakawanda zvatinazvo pamusana pokuti tiri vaKristu vechokwadi. Tine ropafadzo yokuzivikanwa naJehovha somunhu mumwe nomumwe. Muprofita Maraki akati: “Vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Mwari anogona kutiona seshamwari dzake. (Jakobho 2:23) Upenyu hwedu hunovandudzwa nepfungwa yakajeka yechinangwa, kuziva zvakadzama zvahunoreva, uye kuva nezvinangwa zvakanaka, zvinobudirira. Uye takapiwa tariro yeramangwana risingaperi.—Pisarema 37:9.

20 Yeuka kuti kunyatsozivikanwa kwako uye kukosha kwako zvinobva pakuti Mwari anokuona sei, kwete pane zvingafungwa nevamwe vanhu nezvako. Vamwe vangatiyera maererano nezvinodiwa nevanhu zvisina kukwana. Asi rudo rwaMwari uye kutifarira kwaanoita zvinotipa hwaro chaihwo hwokukosha kwedu—nokuti tiri vake. (Mateu 10:29-31) Uyewo, kuda kwatinoita Mwari kungatipa pfungwa huru zvikuru yokuzivikanwa uye gwara rakajeka kwazvo muupenyu hwedu. “Kana munhu achida Mwari, iyeyu anozivikanwa naye.”—1 VaKorinde 8:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mashoko aya anganyatsoreva mabasa omukuru mukuru wetemberi yaiva muJerusarema. Pakurinda usiku, aifamba nomutemberi yacho kuti aone kana vaRevhi vairindira vakanga vakamuka kana kuti vakarara panzvimbo dzavo. Murindiri wose aiwanikwa akarara airohwa netsvimbo, uye nguo dzake dzokunze dzaigona kupiswa sechirango chinonyadzisa.

Unoyeuka Here?

• Nei zvichikosha kuti vaKristu varambe vachizivikanwa mune zvokunamata?

• Tinganyatsosimbisa sei kuzivikanwa kwedu sevaKristu?

• Patinotarisana nomubvunzo wokuti ndiani watichafadza, zvinhu zvipi zvingatibatsira kuti tisarudze zvakanaka?

• Pfungwa yakasimba yokuzivikanwa ingaumba sei remangwana redu sevaKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kuita mabasa echiKristu zvizere kungavandudza kuzivikanwa kwedu sevaKristu