Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Achapa Nyika Zvokudya?

Ndiani Achapa Nyika Zvokudya?

Ndiani Achapa Nyika Zvokudya?

MAERERANO nokufungidzira kunoitwa neWorld Food Programme, bazi roMubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose rokurwisa nzara, vanhu mamiriyoni 800—vakawanda vavo vari vana—vava pedyo nokuziya nenzara. Munguva ichangopfuura, bazi iroro rakataura kuti zvinhu zvingadai zvakashandiswa nenyika zhinji dzakabudirira, zvingadai zvakashandiswa pamamiriro ezvinhu aya zvakashandiswa pane zvimwe zvinetso zvakadai sougandanga. Kupararira kwezvirwere zvinotapuriranwa kwakawedzera chinetso chacho. Bhuku rebazi racho rinonzi Global School Feeding Report rakati nezvenyika dzomuAfrica dzine chirwere cheAIDS chakanyanya: “Chizvarwa chose chevabereki chiri kukurumidza kufa. Vana vavanosiya kazhinji kacho vanofanira kuzviriritira, vazhinji vanenge vasingagoni kurima uye vanenge vasina ruzivo rwoupenyu runopfuudzwa kubva kuchizvarwa chimwe kuenda kune chimwe.”

World Food Programme iri kusimudzira chirongwa chakanangana nokupa zvokudya kanenge kamwe chete pazuva muzvikoro. Chinangwa chacho hachisi chokungoderedza nzara asiwo kukurudzira zvimwe zvirongwa zvakanangana nokuti vaduku vazvidzivirire pautachiona hweHIV uye pachirwere cheAIDS pachishandiswa dzidzo yenguva dzose.

Munzvimbo makatotangwa chirongwa ichi, vana vakagamuchira zvokudya, kudzidziswa kuita utsanana, uye kubatsirwa mune zvimwe. Zvakacherechedzwawo kuti munzvimbo munochinja vanhu maitiro avo, nhamba yevane HIV/AIDS inoderera.

Zvinosuruvarisa kuti zvinoedza kuitwa nevanhu zvinongobatsira zvishoma uye kwete zvechigarire. Asi Bhaibheri rinopa vimbiso inozorodza nezvenzira yokupedza nayo nzara zvachose. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi,” rinodaro Pisarema 72:16. MuUmambo hwaMwari, vanhu vachange vava kukwanisa kuti kuna Jehovha Mwari: “Munoshanyira pasi, munopadiridza . . . Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.”—Pisarema 65:9.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

WFP/Y. Yuge