Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakristu—Dadai Nezvamuri!

Vakristu—Dadai Nezvamuri!

Vakristu—Dadai Nezvamuri!

“Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”—1 VAKORINDE. 1:31.

1. Vanhu vakawanda vane mafungiro api anooneka mune zvechitendero?

“KUSAKENDENGA.” Munguva pfupi yapfuura, imwe nyanzvi yezvechitendero yakashandisa shoko iroro kurondedzera mafungiro evanhu vakawanda nezvokutenda kwavo. Yakatsanangura kuti: “Chimwe chinhu chikuru chava muzvitendero zvemazuva ano hachinei nokunamata zvachose—mafungiro acho anganyatsorondedzerwa so‘kusakendenga.’” Ichiwedzera mamwe mashoko, yakarondedzera kusakendenga so“kusada kuva nehanya zvakanyanya nechitendero chako.” Yakataura kuti vanhu vakawanda “vanotenda muna Mwari . . . ; havatomborina hanya naye.”

2. (a) Nei zvisingashamisi kuti vanhu havakendengi mune zvokunamata? (b) Kusakendenga kunokonzera ngozi ipi kuvaKristu vechokwadi?

2 Mafungiro aya okusakendenga haashamisi vadzidzi veBhaibheri. (Ruka 18:8) Uye kana totaura nezvechitendero chose zvacho, kusafarira kwakadaro kunofanira kutarisirwa. Chitendero chenhema chakatsausa vanhu uye kwenguva refu chakavaodza mwoyo. (Zvakazarurwa 17:15, 16) Zvisinei, kuvaKristu vechokwadi, pfungwa yakapararira yokuva nemwoyo miviri uye yokusashingaira ine ngozi. Tingava nemigumisiro inosuruvarisa kana tikava vasingakendengi pamusoro pokutenda kwedu uye tikarega kushingairira kushumira Mwari uye chokwadi cheBhaibheri. Jesu akanyevera nezvokudziya kwakadaro paakayambira vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaigara muRaodhikiya kuti: “Hautonhori kana kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana zvimwe kupisa. . . . Unodziya.”—Zvakazarurwa 3:15-18.

Kunzwisisa Zvatiri

3. Zvii zvinoita kuti vaKristu vadade nokuzivikanwa kwavo?

3 Kuti varwise kusakendenga mune zvokunamata, vaKristu vanofanira kunzwisisa kuti ivo ndivanaani, uye nenzira inonzwisisika vanofanira kudada nokuzivikanwa kwavo kuri pachena. Zvatiri vashumiri vaJehovha uye vadzidzi vaKristu, tinogona kuona rondedzero dzokuti tiri vanaani muBhaibheri. Tiri “zvapupu” zvaJehovha, “vashandi pamwe naMwari,” sezvatinoshingaira kuudza vamwe “mashoko akanaka.” (Isaya 43:10; 1 VaKorinde 3:9; Mateu 24:14) Tiri vanhu ‘vanodanana.’ (Johani 13:34) VaKristu vechokwadi vanhu “vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” (VaHebheru 5:14) Tiri “zvivheneko munyika.” (VaFiripi 2:15) Tinoedza ‘kuita kuti mufambiro wedu uve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi.’—1 Petro 2:12; 2 Petro 3:11, 14.

4. Munamati waJehovha angaziva sei zvaasiri?

4 Vanamati vaJehovha vechokwadi vanozivawo zvavasiri. “Havasi rutivi rwenyika,” sezvo Mutungamiriri wavo, Jesu Kristu, akanga asiri rutivi rwenyika. (Johani 17:16) Vanoramba vakaparadzana ne“marudzi,” ayo ‘ari murima mupfungwa, uye akaparadzaniswa noupenyu hwaMwari.’ (VaEfeso 4:17, 18) Saka, vateveri vaJesu ‘vanoramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye vanorarama nokunaka kwepfungwa nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pegadziriro ino yezvinhu iripo.’—Tito 2:12.

5. Chii chinorehwa nemashoko anokurudzira ‘okuzvirumbidza muna Jehovha’?

5 Maonero edu akajeka okuzivikanwa kwedu uye ukama hwedu naChangamire Mutongi wezvose zvakasikwa zvinoita kuti ti“zvirumbidze muna Jehovha.” (1 VaKorinde 1:31) Kuzvirumbidza kworudzii? SevaKristu vechokwadi, tinodada kuti Jehovha ndiMwari wedu. Tinotevera zano rinoti: “Unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika.” (Jeremia 9:24) Ti“nozvirumbidza” pamusana peropafadzo yokuziva Mwari uye kuti anotishandisa kubatsira vamwe.

Pane Dambudziko Racho

6. Nei vamwe vachiona zvakaoma kuramba vaine mafungiro akajeka okuzivikanwa kwavo sevaKristu?

6 Chokwadi, kuramba tiine mafungiro okuzivikanwa kwedu sevaKristu hakusi nyore nguva dzose. Mumwe murume wechiduku akarerwa somuKristu akayeuka kuti kwekanguva, iye akanga amboneta mune zvokunamata: “Dzimwe nguva, ndainzwa sokuti ndakanga ndisingazivi kuti nei ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndaiva ndadzidziswa chokwadi kubvira paucheche. Dzimwe nguva ndaifunga kuti ichi chaingova chimwe chitendero chikuru, chinogamuchirwa.” Vamwe vangave vakarega kuzivikanwa kwavo kuchichinjwa nezvinovaraidza zvenyika, zvinobudisa nhau, uye mararamiro emazuva ano asingaenderani nezvinodiwa naMwari. (VaEfeso 2:2, 3) Apo neapo, vamwe vaKristu vanganzwa vasina chokwadi uye vachida kuongororazve tsika uye zvinangwa zvavo.

7. (a) Kuzviongorora kworudzii kunokodzera vashumiri vaMwari? (b) Ngozi inovandira papi?

7 Zvakaipa here kunyatsozviongorora nguva nenguva? Kwete. Ungayeuka kuti muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti varambe vachizviongorora, achiti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchiedza zvamuri.” (2 VaKorinde 13:5) Pano muapostora wacho akanga achikurudzira vaKristu kuti vaedze kunyatsozviongorora pavainge vakaneta chero papi zvapo mune zvokunamata, nechinangwa chokutora matanho anokosha okukugadzirisa. Paanoedza kana ari mukutenda, muKristu anofanira kuona kana mashoko ake nezviito zvichienderana nezvaanotaura kuti anotenda. Zvisinei, kana kukasaitwa zvakanaka, kuzviongorora uko kunokurudzira kuti titsvake “kuzivikanwa” kwedu kana kutsvaka mhinduro dzisinei chokuita noukama hwedu naJehovha kana neungano yechiKristu, kucharatidza kuti hakuna musoro uye kungaita kuti tife mune zvokunamata. * Hatimbodi kuti ‘kutenda kwedu kuparare sechikepe chaparara’!—1 Timoti 1:19.

Tinosanganawo Nematambudziko

8, 9. (a) Mosesi akaratidza sei manzwiro okusava nechokwadi nezvake? (b) Jehovha akapindura sei manzwiro aMosesi okusakwanisa? (c) Unoona sei vimbiso dzaJehovha?

8 VaKristu vanonzwa vasina chokwadi nezvavari pano neapo vanofanira kufunga kuti vakundikana here? Kwete! Chokwadi, vanogona kunyaradzwa nokuziva kuti manzwiro akadaro haasi matsva. Zvapupu zvaMwari zvakatendeka munguva dzekare zvakambonzwawo saizvozvo. Somuenzaniso, funga nezvaMosesi, uyo aiva nokutenda kunoshamisa, aiva akavimbika, uye akazvipira. Paakanzi aite basa raiita serakaoma, Mosesi achizengurira akabvunza kuti: “Ini ndini aniko?” (Eksodho 3:11) Zviri pachena kuti mhinduro yaaifunga yaiva yokuti, ‘Ini handikoshi!’ kana kuti ‘Ini handikwanisi!’ Mamiriro ezvinhu anoverengeka oupenyu hwaMosesi angave akakonzera kuti afunge kuti haakwanisi: Aiva worudzi rwevaranda. Akanga arambwa nevaIsraeri. Akanga asingagoni kutaura achitsetsenura. (Eksodho 1:13, 14; 2:11-14; 4:10) Aiva mufudzi, basa raisemwa nevaIjipiti. (Genesi 46:34) Ndosaka ainzwa asingakodzeri kuva mununuri wevanhu vaMwari vaiva muuranda!

9 Jehovha akakurudzira Mosesi nokumupa zvipikirwa zviviri zvakasimba, achiti: “Ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu mu[Ijipiti], muchanamata Mwari pagomo rino.” (Eksodho 3:12) Mwari akanga achiudza mushumiri wake aizengurira kuti Iye aizoramba ainaye. Uyezve, Jehovha akanga achiratidza kuti aisazokundikana kununura vanhu vake. Mumazana ose emakore, Mwari ave achivimbisa kutsigira kwakadaro. Somuenzaniso, achishandisa Mosesi, akataurira rudzi rwaIsraeri sezvarwakanga rwava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, kuti: “Simbai, mutsunge mwoyo, . . . Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.” (Dheuteronomio 31:6) Jehovha akavimbisawo Joshua kuti: “Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe . . . handingakuregi kana kukusiya.” (Joshua 1:5) Uye anovimbisa vaKristu kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Kutsigirwa zvakasimba kudaro kunofanira kuita kuti tidade kuti tiri vaKristu!

10, 11. Asafi muRevhi akabatsirwa sei kuti arambe aine mafungiro akarurama nezvokukosha kwebasa rake kuna Jehovha?

10 Anenge makore 500 Mosesi abva, mumwe muRevhi akatendeka ainzi Asafi akanyatsonyora nezvemanzwiro ake okusava nechokwadi nezvokukosha kwokutevera nzira yakarurama. Kunyange zvazvo aitamburira kushumira Mwari pasinei nemiedzo, Asafi akaona vamwe vaiseka Mwari vachiwedzera kuva nesimba uye vachibudirira. Asafi akanzwa sei? Akabvuma kuti, “Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka. Nokuti ndakanga ndichigodora vane manyawi, pakuona kwangu kufara kwavakaipa.” Akatanga kusava nechokwadi nokukosha kwokuva munamati waJehovha. Asafi akafunga kuti, “Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina, nokushambidza maoko angu ndisina mhosva; nokuti ndakatambudzwa zuva rose.”—Pisarema 73:2, 3, 13, 14.

11 Asafi akabata sei nemanzwiro aya anovhiringidza? Akaaramba here? Kwete. Akaataura mumunyengetero kuna Mwari, sezvatinoona muPisarema rechi73. Asafi akachinja paakashanyira nzvimbo tsvene yetemberi. Ari ikoko, akasvika pakuziva kuti kuzvipira kuna Mwari kuchiri nzira yakanakisisa. Anatsiridza maonero ake zvinhu zvine chokuita nokunamata, akanzwisisa kuti Jehovha aivenga uipi uye kuti munguva yakakodzera vakaipa vacharangwa. (Pisarema 73:17-19) Aine mafungiro aya akagadziriswa, Asafi akasimbisa pfungwa yake yokuzivikanwa somushumiri waJehovha anokudzwa. Akati kuna Mwari: “Ndinoramba ndinemi; makabata ruoko rwangu rworudyi. Muchandiperekedza nezano renyu, ndokuzondigamuchira pakubwinya.” (Pisarema 73:23, 24) Asafi akasvikazve pakudada naMwari wake.—Pisarema 34:2.

Vaiva Nepfungwa Yakasimba Yokuzivikanwa

12, 13. Ipa mienzaniso yevanhu vomuBhaibheri vakadada noukama hwavo naMwari.

12 Imwe nzira yokusimbisa nayo pfungwa yedu yokuzivikanwa sevaKristu ndeyokuongorora totevedzera kutenda kwevanamati vaMwari vakavimbika, avo vainyatsofarira ukama hwavo naMwari pasinei nenjodzi. Chimbofunga nezvaJosefa, mwanakomana waJakobho. Achiri muduku, akatengeswa zvisina kunaka somuranda achibva aendeswa kuIjipiti, mazana emakiromita kubva kuna baba vake vaitya Mwari uye kure zvikuru nemhuri yake yaiva noushamwari uye yaitsigira. Ari kuIjipiti, Josefa akanga asina munhu waaigona kuenda kwaari kuti apiwe zano raMwari, uye aifanira kutarisana nemamiriro ezvinhu akaoma ayo akaedza tsika dzake uye kuvimba kwaaiita naMwari. Zvisinei, akaedza nomwoyo wose kuramba aine pfungwa yakasimba yokuzivikanwa somushumiri waMwari, uye akaramba akatendeka kune zvaaiziva kuti zvakarurama. Aidada kuti aiva munamati waJehovha kunyange mumamiriro ezvinhu outsinye, uye haana kunyara kutaura manzwiro ake.—Genesi 39:7-10.

13 Makore 800 akazotevera, kamwe kasikana kechiIsraeri kakanga katapwa ako kakava muranda woMutungamiriri weuto reSiriya Naamani, hakana kukanganwa kuzivikanwa kwako somunamati waJehovha. Mukana wacho pawakamuka, kakapupurira Jehovha noushingi pakakazivisa kuti Erisha aiva muprofita waMwari wechokwadi. (2 Madzimambo 5:1-19) Makore akazotevera pashure pacho, Mambo Josiya muduku, pasinei nouori hwaivapo, akachinja zvitendero zvakanga zvagara kwenguva refu, akagadziridza temberi yaMwari, uye akaita kuti rudzi rwacho rudzokere kuna Jehovha. Aidada nokutenda uye kunamata kwake. (2 Makoronike, zvitsauko 34, 35) Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru vari muBhabhironi havana kumbokanganwa kuzivikanwa kwavo sevashumiri vaJehovha, uye kunyange pavaidzvinyirirwa uyewo vari mumuedzo, vakaramba vakavimbika. Zviri pachena kuti vaidada kuti vaiva vashumiri vaJehovha.—Dhanieri 1:8-20.

Dada Nezvauri

14, 15. Chii chinobatanidzwa pakuzvirumbidza mukuzivikanwa kwedu sevaKristu?

14 Vashumiri vaMwari ava vakabudirira nokuti vakakudziridza pfungwa yakanaka yokudada nokumira kwavo pamberi paMwari. Ko isu nhasi? Chii chinobatanidzwa pakuzvirumbidza mukuzivikanwa kwedu sevaKristu?

15 Kunosanganisira zvikurukuru kuonga zvakadzama kuva munhu ane zita raJehovha, kuva nechikomborero chake uye kutenderwa naye. Mwari haana kana mubvunzo zvawo kuti vake ndevapi. Muapostora Pauro, uyo akararama panguva yakanga yakavhiringidzika chitendero zvikuru akanyora kuti: “Jehovha anoziva avo vari vake.” (2 Timoti 2:19; Numeri 16:5) Jehovha anodada nevaya “vari vake.” Anozivisa kuti: “Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso [rangu].” (Zekaria 2:8) Zviri pachena kuti Jehovha anotida. Uyewo, ukama hwedu naye hunofanira kuvakirwa pakumuda zvikuru. Pauro akati: “Kana munhu achida Mwari, iyeyu anozivikanwa naye.”—1 VaKorinde 8:3.

16, 17. Nei vaKristu, vaduku nevakuru, vachidada nenhaka yavo yezvokunamata?

16 Vechiduku vave vachirerwa seZvapupu zvaJehovha vanofanira kuongorora kana kuzivikanwa kwavo sevaKristu kuri kusimba nemhaka youkama hwavo naMwari. Havagoni kungovimba nokutenda kwevabereki vavo. Nezvomushumiri waMwari mumwe nomumwe, Pauro akanyora kuti: “Anomira kana kuti anowa kuna tenzi wake.” Saka, Pauro anoenderera mberi achiti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:4, 12) Zviri pachena kuti kana mhuri ikaramba ichibvumira mwoyo miviri haigoni kuramba iine ukama hwepedyo, hwenguva refu naJehovha.

17 Munhau yose yevanhu, pave paine mutsara wezvapupu zvaJehovha. Unotangira kumurume akatendeka Abheri—anenge makore 6 000 akapfuura—kusvika ku“boka guru revanhu” reZvapupu zvemazuva ano uyezve kumapoka makuru evanamati vaJehovha avo vachava neramangwana risingaperi. (Zvakazarurwa 7:9; VaHebheru 11:4) Isu tiri vaya vachangoburwa vomutsara uyu murefu wevanamati vakatendeka. Chokwadi tine nhaka yezvokunamata yakazonaka!

18. Tsika dzedu uye zvinodiwa zvinotisiyanisa sei nenyika?

18 Kuzivikanwa kwedu sevaKristu kunosanganisirawo tsika, unhu, zvinodiwa, uye kuzvibata kunotizivisa sevaKristu. Ndiyo “Nzira,” mararamiro bedzi anobudirira uye okufadza Mwari. (Mabasa 9:2; VaEfeso 4:22-24) VaKristu ‘vanova nechokwadi nezvinhu zvose’ uye ‘vanobatisisa zvinhu zvakanaka kwazvo’! (1 VaTesaronika 5:21) Tinonyatsonzwisisa kusiyana kukuru kuri pakati pechiKristu nenyika yakazviparadzanisa naMwari. Jehovha anonyatsosiyanisa kunamata kwechokwadi nokwenhema. Achishandisa muprofita wake Maraki, akazivisa kuti: “Muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—Maraki 3:18.

19. VaKristu vechokwadi havazombofi vakava vanhu vakadini?

19 Sezvo kuzvirumbidza muna Jehovha kuchikosha kwazvo munyika ino yakavhiringidzika, chii chingatibatsira kuti tirambe tichidada zvakanaka naMwari wedu uye tiine pfungwa yakasimba yokuzivikanwa sevaKristu? Mazano anobatsira anowanikwa munyaya inotevera. Paunenge uchiaongorora, unogona kuva nechokwadi cheizvi: VaKristu vechokwadi havazombofi vakava vanhu “vasingakendengi.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Pano pari kungotaurwa nezvokuzivikanwa kwedu mune zvokunamata. Kuvashomanana vane zvinetso zvepfungwa, zvingada kutsvaka nyanzvi dzezvokurapa.

Unoyeuka Here?

• VaKristu ‘vangazvirumbidza muna Jehovha’ sei?

• Wadzidzei pamuenzaniso waMosesi naAsafi?

• Vanhu vapi vomuBhaibheri vakadada nebasa ravo kuna Mwari?

• Chii chinobatanidzwa pakuzvirumbidza mukuzivikanwa kwedu sevaKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kwenguva yakati, Mosesi akanga achinzwa asina chokwadi

[Mifananidzo iri papeji 15]

Vashumiri vaJehovha vakawanda vekare vaidada nokuzivikanwa kwavo kuri pachena