Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?

Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?

Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?

MUMWE murume akakurumidza kucherechedza mashoko akanga akanamirwa pamotokari yaipfuura aiti, “Zvishamiso Zvinoitika—Ingobvunza Ngirozi.” Kunyange zvazvo aiva wechitendero, akanga asinganyatsozivi zvaaireva. Mashoko acho aireva here kuti mutyairi wacho aidavira zvishamiso? Kana kuti kwaingova kutsvinya kunoratidza kusadavira muzvose, zvishamiso nengirozi?

Zvichida ungada kuziva zvakataurwa nomumwe munyori wokuGermany anonzi Manfred Barthel akati: “Chishamiso ishoko rinokamuranisa vaverengi kuti vave mapoka maviri anopokana. Vaya vanodavira zvishamiso vanobvuma kuti zvinoitika pamwe kakatowanda. * Somuenzaniso, zvinotaurwa kuti muGreece mumakore achangobva kupfuura, vanodavira zvishamiso vakataura kuti zvinoitika kanenge kamwe chete pamwedzi. Izvi zvakaita kuti bhishopi weChechi yeGreek Orthodox ayambire kuti: “Mutendi anoguma ava kuona Mwari, Mariya, uye vasande sevanhuwo zvavo. Vatendi havafaniri kuwedzeredza zvinhu.”

Kudavira zvishamiso hakuna kunyanya kupararira mune dzimwe nyika. Maererano nokuongorora kwakaitwa neAllensbach kwakabudiswa muGermany muna 2002, 71 muzana yevagari vemo yaidavira kuti zvishamiso ingano, kwete zvinhu zvechokwadi. Zvisinei, pakati pevari pasi pechikamu chimwe muzvitatu vanodavira zvishamiso pane vakadzi vatatu vanoti vakagamuchira mashoko aibva kuMhandara Mariya. Pashure pemwedzi mishomanana vafungidzira kuti vakanga vaona Mariya—achiperekedzwa nengirozi nenjiva—pepanhau rokuGermany rinonzi Westfalenpost rakati: “Kusvikira zvino, vanhu vanenge 50 000 vanoenda kunzvimbo tsvene kunonamata, vanotsvaka kunorapwa, pamwe chete nevamwe vanoda kunyatsoziva vakaratidza kufarira chaizvo zvakaonekwa nevakadzi ava.” Vamwezve 10 000 vaitarisirwa kudirana mumusha wacho kuti vaone kana Mariya aizodzokazve. Kumwe kuonekwa kwakafanana kweMhandara Mariya kunonzi kwakaitika muLourdes, kuFrance, muna 1858, uye muFátima, kuPortugal, muna 1917.

Zvakadini Nezvitendero Zvisiri zvevaKristu?

Kudavira zvishamiso kunowanika muzvitendero zvinenge zvose. The Encyclopedia of Religion rinotsanangura kuti vakatanga chiBuddha, chiKristu, uye chiIslam vakanga vachiona zvishamiso nenzira dzakasiyana chaizvo, asi rinoti: “Nhau dzairamba dzichiitika dzezvitendero izvi dzinonyatsoratidza kuti zvishamiso uye nyaya dzezvishamiso dzave dziri zvinhu zvinokosha pazvitendero zvinodavirwa nevanhu. Bhuku iri rinotaura kuti “Buddha pachake aimboita zvishamiso.” Nokufamba kwenguva, “chiBuddha pachakasvitswa kuChina, mamishinari acho aiwanzoda kuratidza masimba awo okuita zvishamiso.”

Pashure pokutaura nezvezvinofungidzirwa kuva zvishamiso, enisaikoropidhiya racho rinogumisa richiti: “Mumwe angasava akagadzirira kubvuma nyaya dzose idzi dzezvishamiso dzinotaurwa nevanotaura nhoroondo dzoupenyu hwezvitendero, asi hazvirambiki kuti zvakaitwa nevavariro yokunyatsorumbidza Buddha, uyo aigona kupa vateveri vake vanoshingaira simba rokuita zvishamiso.” Bhuku irori rinoti nezvechiIslam: “Ruzhinji rwevanhu vechiIslam haruna kurega kutarisira kuona zvishamiso. Mumagamuchidzanwa (hadīths), Mohammad anozivikanwa seakaita zvishamiso pazere vanhu kakawanda. . . . Kunyange pashure pokunge vafa, vasande vanofungidzirwa kuti, vari mumakuva avo vanoitira vakatendeka zvishamiso, uye vanhu vanokumbira nomwoyo wose kubatsirwa nevasande ava.”

Zvakadini Nezvezvishamiso ZvomuchiKristu?

Vakawanda vevakagamuchira chiKristu havaoni zvinhu nenzira yakafanana. Vamwe vanobvuma kuti zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pezvishamiso zvakaitwa naJesu Kristu kana kuti zvakaitwa nevashumiri vaMwari chiKristu chisati chavapo ndezvechokwadi. Asi, vakawanda vanobvumirana noMushanduri wechiPurotesitendi Martin Luther. Bhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion rinotaura nezvake richiti: “Luther naCalvin vose vakanyora kuti nguva yezvishamiso yakanga yapfuura uye kuti vanhu vaisafanira kutarisira kuti zviitike.” Chechi yeKaturike yakaomerera pakudavira kwayo zvishamiso “isingamboedzi kutsanangura maitikiro azvakaita,” rinodaro bhuku iri. Zvisinei, “vanhu vakachenjera vechiPurotesitendi vakasvika pakudavira kuti chiKristu chinongova tsikawo zvayo uye kuti Mwari kana kuti midzimu hazvina zvikuru zvazvinoita muupenyu hwevanhu.”

Vamwe vanozviti vaKristu, kusanganisira vafundisi, havana chokwadi kana zvishamiso zvinotaurwa muBhaibheri zviri zvechokwadi. Somuenzaniso, chimbofunga nezvenyaya yegwenzi rinopfuta moto inotaurwa muBhaibheri pana Eksodho 3:1-5. Bhuku rinonzi What the Bible Really Says rinotsanangura kuti vafundisi vanoverengeka vokuGermany havaoni zvakaitika apa senyaya chaiyo yechishamiso. Pane kudaro, vanoitsanangura vachiti “chiratidzo chokupishana kwepfungwa dzaMosesi uye kushushikana kwehana yake.” Bhuku racho rinowedzera kuti: “Marimi emoto aigona kuonekwawo semaruva aivhurika nokukurumidza muchiedza chezuva rokuvapo kwaMwari.”

Unogona kuona kutsanangura kwakadai kusingagutsi. Saka, unofanira kudavira chii? Zvine musoro here kudavira kuti zvishamiso zvakamboitika? Uye zvakadini nezvishamiso zvemazuva ano? Sezvo tisingagoni kubvunza ngirozi, ndiani watinofanira kubvunza?

Zvinotaura Bhaibheri

Hapana munhu anogona kuramba kuti Bhaibheri rinotaura kuti kare Mwari aimbobatsira kuita zvinhu zvisingagoni kuitwa nevanhu. Nezvake, tinoverenga kuti: “Mukabudisa vanhu venyu vaIsraeri panyika yeEgipita, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru.” (Jeremia 32:21) Pafunge, rudzi rwaiva nesimba kupfuura ose panguva iyoyo rwakanyadziswa pachishandiswa matambudziko gumi akatumwa naMwari, kusanganisira kufa kwematangwe arwo. Zvechokwadi zvaiva zvishamiso!—Eksodho, chitsauko 7 kusvika ku14.

Mazana emakore pava paya, vanyori veEvhangeri vana vakarondedzera zvishamiso 35 zvakaitwa naJesu. Kutaura zvazviri, mashoko avo anoratidza kuti akatoita zvishamiso zvakawanda kupfuura zvavakataura. Zvishamiso zvakataurwa izvi ndezvechokwadi here kana kuti ingano? *Mateu 9:35; Ruka 9:11.

Kana Bhaibheri riri sezvarinotaura—kuti iShoko raMwari rechokwadi—saka une chikonzero chakasimba chokudavira zvishamiso zvarinotaura. Bhaibheri rinotaura zvakanyatsojeka kuti zvishamiso zvakaitika kare—kuporesa kunoshamisa, kumutswa kwevakafa, nezvimwewo—asi rakanyatsojekawo pakutsanangura kuti zvishamiso zvakadaro hazvichaitiki. (Ona bhokisi rakanzi “Chikonzero Nei Zvishamiso Zvisingachaitiki Sekare,” papeji 4.) Saka izvi zvinoreva here kuti kunyange vaya vanobvuma kuti Bhaibheri nderechokwadi havadaviri zvishamiso zvinoitwa nhasi? Rega nyaya inotevera ipindure.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kushandiswa kweshoko rokuti “zvishamiso” munyaya ino kunoenderana nokutsanangurwa kwarinoitwa muduramazwi reBhaibheri kwokuti: “Zvinoitika munyika chaiyo zvinopfuura simba rose rinozivikanwa revanhu kana rezvakasikwa uye zvinobva zvanzi zvakakonzerwa nezvinhu zvine simba zvisingaoneki.”

^ ndima 14 Unogona kuona uchapupu hwokuti Bhaibheri rakakodzera kudavirwa. Hunogona kuwanikwa mubhuku rinonzi Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 4]

CHIKONZERO NEI ZVISHAMISO ZVISINGACHAITIKI SEKARE

MuBhaibheri munotaurwa zvishamiso zvakasiyana-siyana. (Eksodho 7:19-21; 1 Madzimambo 17:1-7; 18:22-38; 2 Madzimambo 5:1-14; Mateu 8:24-27; Ruka 17:11-19; Johani 2:1-11; 9:1-7) Zvakawanda zvezvishamiso izvi zvakabatsira kuratidza kuti Jesu aiva Mesiya, uye zvakaratidza kuti aitsigirwa naMwari. Vateveri vaJesu vepakutanga vakaratidza zvipo zvinoshamisa, zvakadai sokutaura nendimi uye kunzwisisa kutaura kwakafuridzirwa. (Mabasa 2:5-12; 1 VaKorinde 12:28-31) Zvipo zvakadaro zvinoshamisa zvaibatsira ungano yechiKristu payainge ichiri duku. Sei?

Chimwe chikonzero chaiva chokushomeka kwemakopi eMagwaro. Kazhinji, vapfumi ndivo bedzi vaiva nemipumburu kana kuti mabhuku emhando dzose. Munyika dzechihedheni, Bhaibheri rakanga risingazivikanwi uye Munyori waro Jehovha akanga asingazivikanwi. Dzidziso yechiKristu yaifanira kuita zvokutaurwa nomuromo. Zvipo zvinoshamisa zvaibatsira kuratidza kuti Mwari akanga achishandisa ungano yechiKristu.

Asi Pauro akatsanangura kuti zvipo izvi zvaizoguma pazvainge zvisingachadiwi. “Kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana iri zivo, ichagumiswa. Nokuti tine zivo isina kukwana uye tinoprofita zvisina kukwana; asi kana zvakakwana zvasvika, zvisina kukwana zvichagumiswa.”—1 VaKorinde 13:8-10.

Mazuva ano, vanhu vava kugona kuwana Bhaibheri, uyewo makonikodhenzi nemaenisaikoropidhiya. VaKristu vakadzidziswa vanodarika mamiriyoni matanhatu vari kubatsira vamwe kuti vawane zivo yaMwari iri muBhaibheri. Saka, zvishamiso hazvichadiwi kuti zvipupurire Jesu Kristu soMununuri akagadzwa naMwari kana kuti kupa uchapupu hwokuti Jehovha ari kutsigira vashumiri vake.