Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvishamiso Zvawakaona!

Zvishamiso Zvawakaona!

Zvishamiso Zvawakaona!

SHOKO rokuti “chishamiso” rinogona kurevawo “chinhu chinoitwa, chiitiko, kana chimwe chinhu chakasiyana chaizvo nezvemazuva ose.” Tose takamboona rudzi urwu rwechishamiso, chisingakonzerwi naMwari.

Nemhaka yokuti vanhu vava kuziva kwazvo mitemo yezvinhu zvinooneka zvakasikwa, vava kukwanisa kuita zvinhu zvaimbonzi hazvigoneki. Somuenzaniso, mumakore zana akapfuura, vanhu vakawanda vangadaro vaifunga kuti zvava kugaroitwa nemakombiyuta, nematerevhizheni, nemichina yomuchadenga, nemimwe michina yemazuva ano hazvigoneki.

Achiona kuti anongova noruzivo rushoma rwezvishamiso zvesayenzi yezvakasikwa naMwari, mamwe masayendisiti anobvuma kuti haagoni kunyatsotaura kuti chimwe chinhu hachifi chakaitika. Anowanzoda kutaura kuti chingasaitika. Saka anosiya mukana wokuti zvimwe “zvishamiso” zviitike munguva yemberi.

Kunyange kana tiri kutaura zvinonyatsorehwa neshoko rokuti “chishamiso,” tichireva zvinhu “zvinonzi zvinokonzerwa nesimba risingaoneki,” tinogona kutaura kuti mumwe nomumwe wedu akaona zvishamiso. Somuenzaniso, tinoona zuva, mwedzi, uye nyeredzi—zvose zvakaitwa “nesimba risingaoneki,” Musiki pachake. Kunze kweizvozvo, ndiani anganyatsodonongodza mashandiro anoita muviri womunhu? mashandiro anoita uropi hwomunhu? kana kuti kukura kwekasvava? Bhuku rinonzi The Body Machine rinoti: “Nhengo dzomunhu, dzinodzorwa uye dzinotungamirirwa nouropi, mudziyo wakaoma kunzwisisa, injini inofamba yoga, kombiyuta inozvishandira yoga—chisikwa chinoshamisa uye chisinganzwisisiki muzvinhu zvakawanda.” Mwari akasika “nhengo dzomunhu” chokwadi akaita chishamiso chinoramba chichitiomesa mate mukanwa. Kunewo mamwe marudzi ezvishamiso zvawakaona, kunyange zvazvo ungave usina kuziva kuti zvishamiso.

Bhuku Ringava Chishamiso Here?

Hapana rimwe bhuku rati raparadzirwa kupfuura Bhaibheri. Unoriona sechishamiso here? Tinogona here kuti “simba risingaoneki” ndiro rakakonzera kuti Bhaibheri rivepo? Chokwadi, Bhaibheri ibhuku rakanyorwa nevanhu, asi vaitaura kuti vakanyora mashoko aMwari, kwete avo. (2 Samueri 23:1, 2; 2 Petro 1:20, 21) Chimbofunga nezvazvo. Paiva nevanhu 40, vakararama mumakore 1 600. Vakabva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vamwe vaiva vafudzi, varwi, varedzi, vashandi vehurumende, vanachiremba, vapristi uye madzimambo. Asi, vakakwanisa kubudisa shoko rakafanana retariro yakavimbika uyewo yakarurama.

Nemhaka yokunyatsodzidza, Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira Bhaibheri, “kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari,” sezvakanyorwa nomuapostora Pauro. (1 VaTesaronika 2:13) Kwemakore, mabhuku azvo ave achitsanangura kuti kunonzi kuzvipokanidza kweBhaibheri kunopindirana sei nemashoko aro ose. Kupindirana kwezviri mariri uku uchapupu hwokuti rakanyorwa naMwari. *

Hapana rimwe bhuku rakaedza kuparadzwa zvakasimba kupfuura Bhaibheri. Asi, richiripo nanhasi uye zvikamu zvaro zvinowanika mumitauro inopfuura 2 000. Kuchengetedzwa kwaro sebhuku uye kuchengetedzwa kwemashoko aro zvinoratidza kupindira kwaMwari. Bhaibheri chishamiso zvechokwadi!

Chishamiso ‘Chipenyu uye Chine Simba’

Zvishamiso zvekare—kuporesa kunoshamisa uye kumutsa vakafa—hazvichaitiki. Asi tine chikonzero chokuvimba kuti munyika itsva yaMwari iri kuuya, zvishamiso zvakadaro zvichaitika zvakare pasi pose. Zvichazorodza zvechigarire uye zvichatopfuura zvatinogona kunzwisisa iye zvino.

Nhasi, Bhaibheri iro riri chishamiso kwatiri rinogona kuita zvakaenzana nezvishamiso nokuita kuti vanhu vanatsiridze unhu hwavo. (Ona muenzaniso uri mubhokisi rakanzi “Simba reShoko raMwari,” papeji 8.) VaHebheru 4:12 inoti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” Asi, Bhaibheri rave richishanda chaizvo kuchinja upenyu hwevanhu vanopfuura mamiriyoni matanhatu pasi pose, richizadza upenyu hwavo nezvinangwa uye richivapa tariro yakanaka yenguva yemberi.

Wadii kuita kuti Bhaibheri riite chishamiso muupenyu hwako?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kana uchida kutsvakurudza kuti uone kuti kunonzi kuzvipokanidza uku kunoitwa sei kuti kupindirane, mienzaniso yakawanda inokurukurwa mubhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu, chitsauko 7, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

AKANGA ATOFA KANA KUTI AKANGA ACHIRI MUPENYU HERE?

Maererano naJohani 19:33, 34, Jesu akanga atofa apo “mumwe wevarwi akadhuvhura rutivi rwake nepfumo, uye ropa nemvura zvikabva zvabuda.” Zvisinei, Mateu 27:49, 50 inoratidza kuti Jesu akanga achiri mupenyu pakaitika izvi. Nei zvakasiyana?

Mutemo waMosesi wairambidza kusiya munhu ane mhosva akasungirirwa usiku hwose padanda rokuurayira. (Dheuteronomio 21:22, 23) Saka, muzuva raJesu, kana munhu aiva nemhosva akarovererwa airamba ari mupenyu kusvika manheru, yaiva tsika kudimbura makumbo ake kuitira kuti akurumidze kufa. Aisazogona kutwasuka kuti akwanise kufema zvakanaka. Kudimburwa makumbo kwakaitwa vanhu vakaipa vaiva vakarovererwa padivi paJesu nemasoja asi asingadimburi makumbo aJesu kunoratidza kuti akafunga kuti akanga afa. Musoja wacho angadaro akamubaya parutivi kuti ave nechokwadi chokuti afa uye kuti pasazova nokutaura kupi nokupi kwokunyepa kwaigona kuzoziviswa sokumuka.

Mashoko ari pana Mateu 27:49, 50 anotaura zvakatosiyana nezvezvakaitika. Anoti: “Mumwe murume akatora pfumo akabaya rutivi rwake, ropa nemvura zvikabuda. Jesu akadanidzirazve nenzwi guru, akabudisa mudzimu wake.” Zvisinei, mutsetse wakatsveyamiswa hauwanikwi mumanyoro ose eBhaibheri ekare. Zviremera zvakawanda zvinobvuma kuti wakazowedzerwa pava paya kubva muEvhangeri yaJohani asi wakaiswa zvisizvo. Ndokusaka shanduro dzakawanda dzichiisa mutsetse wacho mumabhuraketi kana muzvikomberedzo, kuisa mashoko omuzasi anotsanangura, kana kutosiya zvachose mutsetse wacho.

Gwaro rakabatanidzwa raWestcott naHort, rakanyanya kushandiswa sepanobva mashoko eShanduro yeNyika Itsva, rinoisa mutsetse wacho mumabhuraketi maviri. Rinotaura kuti mutsetse wacho “unofanira kunge wakawedzerwa nevanyori.”

Saka uchapupu hunoshamisa ndehwokuti mashoko ari pana Johani 19:33, 34 ndeechokwadi uye kuti Jesu akanga atofa masoja eRoma paakamudhuvhura nepfumo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

SIMBA RESHOKO RAMWARI

Zvaakanga achiri kuyaruka uye achibva mumhuri yaiva nevabereki vakarambana, Detlef akatanga kushandisa zvinodhaka, kunwa doro uye kufarira nziyo dzeheavy metal. * Akabva ava mumwe wechikwata chinozivikanwa nokugerwa miparavara, uye kuwanzoita zvechisimba kwake kwakamupinza munyatwa nemapurisa.

Muna 1992, vanhu 60 vechikwata ichi vakaita mhirizhonga nevanhu 35 vanoita zvechipangi pane imwe resitorendi inotengesa doro iri nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweGermany. Thomas, mumwe wevanoita zvechipangi, akarohwa akakuvara zvakaipisisa zvokuti akazofa. Vanamakonya vacho vakawanda, kusanganisira Detlef, vakaendeswa kujeri, chiitiko chacho chakataurwa nezvacho zvakanyanya munhau.

Detlef achangobudiswa mujeri, akapiwa turakiti neZvapupu zvaJehovha. Turakiti racho raiva nomusoro unoti “Neiko Upenyu Hwakazara Kwazvo Nezvinetso?” Detlef akabva angoona chokwadi chezvaraitaura ndokubva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Izvi zvakachinja chaizvo upenyu hwake. Ave ari Chapupu chaJehovha chinoshingaira kubvira muna 1996.

Siegfried, aimboita zvechipangi, aiva shamwari yapedyo yaThomas, jaya rakaurayiwa, akazovawo Chapupu uye ava mukuru muungano. Siegfried paakashanyira ungano yaipinda Detlef achinopa hurukuro yeBhaibheri (zvakangoitikawo kuti amai vaThomas vanopinda misangano ikoko apo neapo), Detlef akamukoka kuzodya zvokudya zvemasikati. Makore anenge gumi ainge apfuura zvingadai zvakavaomera kudzora ruvengo rwavo. Nhasi, rudo rwavo sehama ruri pachena.

Detlef naSiegfried vanotarisira kugamuchira Thomas zvakare kuupenyu mupasi richange riri paradhiso. Detlef anoti: “Kungofunga nezvazvo kunondichemedza. Ndine urombo nezvandakaita.” Saka vose vanoda kubatsira Thomas, sokubatsira kwavari kuita vamwe nhasi, kuti asvike pakuziva Jehovha uye kuti afare mutariro inopiwa neBhaibheri.

Chokwadi, iroro ndiro simba rine Shoko raMwari!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 25 Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Muviri womunhu wakasikwa zvinoshamisa

[Kwazvakatorwa]

Anatomy Improved and Illustrated, London, 1723, Bernardino Genga