Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hondo Dzemashoko—Nei Dzichikuvadza?

Hondo Dzemashoko—Nei Dzichikuvadza?

Hondo Dzemashoko—Nei Dzichikuvadza?

“Hondo dzinobvepi nokurwa kunobvepi kuri pakati penyu?”—JAKOBHO 4:1.

MUNYORI weBhaibheri Jakobho haana kubvunza mubvunzo uyu kumasoja euto reRoma, panguva iyoyo akanga achirwa hondo dzokukunda; uyewo akanga asingaongorori zvaikonzera kurwisana kwepachivande kwevanyanyisi vechiJudha, kana kuti Varume vaiuraya nemapanga, vomuzana remakore rokutanga C.E. Jakobho akanga achifunga nezvokukakavadzana kwevanhu vashomanana sevaviri. Nei? Nokuti kungofanana nehondo chaidzo, hondo dzemashoko dzinoparadza. Ona nhoroondo idzi dzomuBhaibheri.

Vanakomana vatateguru Jakobho vaivenga chaizvo munun’una wavo Josefa zvokuti vakamutengesa senhapwa. (Genesi 37:4-28) Gare gare, Mambo Sauro weIsraeri akaedza kuuraya Dhavhidhi. Nei? Nokuti aiitira Dhavhidhi shanje. (1 Samueri 18:7-11; 23:14, 15) Muzana remakore rokutanga, vakadzi vechiKristu vaviri, Yuodhiya naSindike, vakakanganisa rugare rweungano yose nokusawirirana kwavo.—VaFiripi 4:2.

Munguva ichangobva kupfuura, vanhu vakagadzirisa kusawirirana kwavo nokurwisana, vachishandisa mapakatwa kana kuti zvivhorovhoro. Kazhinji mumwe wevairwisana aiurayiwa kana kuremadzwa zvachose. Nhasi, vanorwisana vanowanzoshandisa zvombo zvemashoko outsinye, magaramwoyo chaiwo. Kunyange zvazvo pasina ropa rinoteurwa, kurwiswa nemashoko kunokuvadza manzwiro uye mukurumbira. Vasina mhaka vanowanzotambura “muhondo” idzi.

Chimbofunga zvakaitika mumakore akapfuura, mupristi weAnglican paakapomera mumwe wake kuti aishandisa mari dzechechi zvisizvo. Kusawirirana kwavo kwakazivikanwa nevoruzhinji, uye ungano yavaishumira yakaita mapoka mapoka. Vamwe vairamba kupinda minamato kana mupristi wavakanga vasingadi ainge achitungamirira. Kusawirirana kwavo kwakanga kwakasimba zvokuti vaisataudzana pavainge vachinamata muchechi. Mupristi aipomera mumwe mhosva paakazopomerwawo kuti aiita zvounzenza, kukakavadzana kwacho kwakabva kwakora muto.

Bhishopu mukuru weCanterbury akakumbira vapristi vaviri ava kuti vayanane, achiti kurwisana kwavo kwaiva “gomarara” uye “chinhu chinoshoresa zita raShe Wedu.” Muna 1997 mumwe wevapristi vacho akabvuma kurega upristi. Mumwe wacho akarambira pachinzvimbo chake kutozosvikira ava kufanira kubva, nokuti akanga asvika pazera rokubva paupristi. Zvisinei, akarambirapo kusvikira panguva yokupedzisira chaiyo, ava nemakore 70, musi waAugust 7, 2001. The Church of England Newspaper rakataura kuti zuva raakarega upristi raiva zuva remabiko o“Musande” Victricius. “Musande” Victricius aiva ani? Aiva bhishopi womuzana remakore rechina anonzi akazvamburwa nokuti akaramba kurwa muchiuto. Richitaura nezvokusiyana kwemafungiro, pepa racho rakati: “Kuramba kurwa muhondo yevapristi handihwo unhu hwo[mupristi akanga ava kurega upristi].”

Vapristi ivavo vangadai vakarega kuzvikuvadza uye kukuvadza vamwe dai vakashandisa zano riri pana VaRoma 12:17, 18 rinoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. Goverai zvinhu zvakanaka kwazvo pamberi pevanhu vose. Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”

Ko iwe? Kana mumwe munhu akakugumbura, pfundepfunde inoita kuti utange hondo yemashoko here? Kana kuti unodzivisa mashoko ehasha woita kuti mukana wokuva norugare urambe uripo here? Kana ukagumbura mumwe munhu, unomunzvenga here wotarisira kuti nokufamba kwenguva munhu wacho achakanganwa chinetso chacho? Kana kuti unokurumidza kukumbira ruregerero here? Ungave wakumbira ruregerero kana kuti waregerera mumwe munhu, kuedza kuva norugare kuchaita kuti ufare zvikuru. Zano reBhaibheri rinogona kutibatsira kugadzirisa kusawirirana kwagara kwenguva refu, sezvinoratidzwa nenyaya inotevera.