Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imba Inogona Kubudirira Munyika Yanhasi

Imba Inogona Kubudirira Munyika Yanhasi

Imba Inogona Kubudirira Munyika Yanhasi

“Pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”Vakorose 3:14.

1, 2. (a) Ichokwadi chipi chinokurudzira kana totaura nezveungano yechiKristu? (b) Imba inobudirira chii?

PATINOTARIRA ungano yechiKristu, hazvifadzi here kuona vanhu vakaroorana vakawanda chaizvo vave vakavimbika kune vavakaroorana navo kwemakore 10, 20, 30, kana kuti kutopfuura? Vakanamatira pane vavakaroorana navo kunyange zvotsvuka sei.—Genesi 2:24.

2 Vakawanda vangabvuma kuti vave vaine zvinetso mumba mavo. Mumwe akanyora kuti: “Hazvirevi kuti dzimba dzinofadza hadzina zvinetso. Pane nguva dzinofadza nedzisingafadzi . . . Chero zvodini . . . vanhu ava vave vachigara vose vakaroorana pasinei [nenyonganyonga] youpenyu hwemazuva ano.” Vanhu vakaroorana vanobudirira vakadzidza kubata nokuvhiringidzika kusingadzivisiki uye njodzi dzinomuka nemhaka yezvinetso zvoupenyu, kunyanya kana vaine vana. Vanhu ava vakadzidza kubva mune zvakaitika kuti rudo rwechokwadi “harumboperi.”—1 VaKorinde 13:8.

3. Nhamba dzinoratidzei pamusoro pedzimba nokurambana, zvichiita kuti pave nemibvunzo ipi?

3 Kusiyana neizvi, mamiriyoni edzimba akaparara. Mumwe mushumo unoti: “Nhasi, hafu yedzimba dzose muUnited States dzinotarisirwa kuguma nokurambana. Uye hafu [yokurambana] ikoko kunoitika mukati memakore 7,8 okutanga kuroorana . . . Pakati pevanhu 75 muzana vanoroorazve, 60 muzana vanorambana zvekare.” Kunyange nyika dzaimbova nokurambana kushoma dzachinja. Somuenzaniso, muJapan mwero wokurambana wakada kupetwa nekaviri mumakore achangopfuura. Ndezvipi zvimwe zvinetso zvakakonzera izvi, izvo dzimwe nguva zvinooneka kunyange muungano yechiKristu? Chii chinodiwa kuti imba ibudirire pasinei nokuedza kwaSatani kukanganisa urongwa ihwohwo?

Misungo Yokudzivisa

4. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingakanganisa imba?

4 Shoko raMwari rinotibatsira kunzwisisa zvinhu zvingakanganisa imba. Somuenzaniso, chimbofunga mashoko omuapostora Pauro ane chokuita nemamiriro ezvinhu aizovapo mumazuva ano okupedzisira, anoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo; usiyane naivava.”—2 Timoti 3:1-5.

5. Nei ‘munhu anozvida’ achiisa pangozi mhuri yake, uye Bhaibheri rinopa zano ripi panyaya iyi?

5 Patinoongorora mashoko aPauro, tinoona kuti zvinhu zvakawanda zvaakataura zvingakonzera kuparara kwoukama hwevakaroorana. Somuenzaniso, vaya “vanozvida” vane udyire uye havana hanya nevamwe. Varume kana kuti madzimai vanongozvida ivo pachavo vakatsunga kuwana zvavanoda ivo. Ndivanachandagwinyira, vasingachinji. Mafungiro akadaro anoita kuti mhuri ifare here? Kwete. Muapostora Pauro nokuchenjera akapa zano vaKristu, kusanganisira vakaroorana, rokuti: “[Hamufaniri kuita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri, musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvenyu zvomunhu oga, asi muchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.”—VaFiripi 2:3, 4.

6. Kuda mari kungakanganisa sei ukama hwevakaroorana?

6 Kuda mari kungaita kuti murume nomudzimai vasawirirana. Pauro akanyevera kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.” (1 Timoti 6:9, 10) Zvinosuruvarisa kuti nyevero yaPauro ndeyechokwadi mudzimba dzakawanda nhasi. Vachitsvaka kupfuma, vakawanda vakaroorana vanofuratira zvinodiwa nevavakaroorana navo, kusanganisira chinhu chinokosha chokugara vachitsigirana mupfungwa uye vachishamwaridzana murudo.

7. Mune zvimwe zviitiko, mufambiro upi wakakonzera kusavimbika mumba?

7 Pauro akataurawo kuti vamwe mumazuva ano okupedzisira vaizova “vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana.” Mhiko yomuchato ivimbiso yakakomba inofanira kutungamirira kuchisungo chechigarire, kwete kunyengedzerana. (Maraki 2:14-16) Zvisinei, vamwe vakatanga kuratidzana rudo nevamwe vanhu vavasina kuroorana navo. Mumwe mudzimai ane makore okuma30 uyo akasiyiwa nomurume wake, akatsanangura kuti kunyange asati amusiya, murume wacho ainyanya kujairana nevamwe vakadzi uye ainyanya kuvaratidza chidakadaka. Akakundikana kuziva mufambiro wakanga usina kukodzera kumurume akaroora. Mudzimai uyu akarwadziwa chaizvo paakaona izvi zvichiitika uye nokuchenjera akaedza kumunyevera nezvenzira ine ngozi yaakanga achifamba mairi. Kunyange zvakadaro murume wacho akaita upombwe. Zvisinei nokuti akanga anyeverwa nomutsa, murume uyu haana kuda kuteerera. Akangozvirega achipinda mumusungo wacho.—Zvirevo 6:27-29.

8. Chii chingakonzera upombwe?

8 Bhaibheri rinonyatsonyevera nezvoupombwe! “Unoita upombwe nomukadzi, unoshayiwa njere; unoda kuparadza upenyu hwake ndiye unoita izvozvo.” (Zvirevo 6:32) Kazhinji, upombwe hahungoerekani hwaitika pasina kumbofunga. Sezvakataurwa nomunyori weBhaibheri, Jakobho, chivi chakadai soupombwe chinowanzoitwa bedzi pashure pokunge pfungwa yacho yambofungwa nezvayo uye yagamuchirwa. (Jakobho 1:14, 15) Murume kana kuti mudzimai anenge atadza anorega zvishoma nezvishoma kuvimbika kune mumwe wake uyo waakapikira kuti aizovimbika kwaari kwoupenyu hwose. Jesu akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Haufaniri kuita upombwe.’ Asi ndinoti kwamuri munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:27, 28.

9. Izano ripi rokuchenjera riri pana Zvirevo 5:18-20?

9 Naizvozvo, nzira yokuchenjera uye yakavimbika ndiyo inokurudzirwa mubhuku raZvirevo, inoti: “Tsime rako ngariropafadzwe; ufarire mukadzi woujaya hwako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; ugare uchigutiswa norudo rwake. Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, uchambundikireiko chipfuva chomweni?”—Zvirevo 5:18-20.

Usamhanyira Kuva Nemba

10. Nei kuri kuchenjera kuzvipa nguva yokuziva waunotarisira kuroorana naye?

10 Zvinetso zvingamuka kana vaviri vacho vakamhanyira kupinda mumba. Vangava vachiri vaduku zvakanyanya uye vasati vava noruzivo. Kana kuti zvimwe havazvipi nguva yokuzivana—zvavanoda nezvavasingadi, zvinangwa zvavo muupenyu, uye mamiriro ezvinhu emhuri dzavo. Kuchenjera kuva anoshivirira, uchizvipa nguva yokuziva waunotarisira kuroorana naye. Funga nezvaJakobho, mwanakomana waIsaka. Aifanira kushandira vaizova tezvara vake kwemakore manomwe asati abvumirwa kuroora Rakeri. Akanga akazvipira kuita izvozvo nokuti manzwiro ake akanga akavakirwa parudo chairwo, kwete pachitarisiko chomuviri chete.—Genesi 29:20-30.

11. (a) Imba inobatanidzei pamwe chete? (b) Nei kutaura nokuchenjera kuchikosha mumba?

11 Imba inopfuura kungodananawo zvako. Inobatanidza vanhu vaviri vanobva mumhuri dzakasiyana uye vane unhu hwakasiyana, manzwiro akasiyana, uye kazhinji vakadzidza zvakasiyana. Dzimwe nguva kubatanidzwa kwetsika mbiri, kunyange mitauro miviri. Kunyange zvazvo zviri pamusoro apa zvingava zvisina kudaro, inobatanidza manzwi maviri anokwanisa kutaura pfungwa dzakasiyana panhau dzemarudzi ose. Manzwi maviri iwayo ndechimwe chinhu chaicho chomubatanidzwa wemba. Angaramba achingotsoropodza uye achingonyunyuta, kana kuti angakurudzira noushamwari uye angavaka. Chokwadi, tinogona kukuvadza kana kuporesa watakaroorana naye nemashoko edu. Kutaura kusingadzorwi kunganyatsokanganisa imba.—Zvirevo 12:18; 15:1, 2; 16:24; 21:9; 31:26.

12, 13. Kuona zvinhu sezvazviri kupi kunokurudzirwa panyaya yokuroorana?

12 Naizvozvo, kuchenjera kuzvipa nguva yokunyatsoziva waunotarisira kuroorana naye. Imwe hanzvadzi yechiKristu yava nenguva yakaroorwa yakamboti: “Paunoongorora waunotarisira kuroorana naye, zvichida funga nezvezvinhu gumi zvinokosha zvaungada kuona mumunhu wacho. Kana ukangoona zvinomwe bedzi, zvibvunze kuti, ‘Ndinozvipira kufuratira zvimwe zvitatu zvisipo here? Zuva nezuva ndinogona kushivirira kusakwana ikoko here?’ Kana usina chokwadi, chimbomira ufunge zvekare.” Chokwadi, unofanira kuona zvinhu sezvazviri. Kana uchida wokuroorana naye, ziva kuti haumbofi wakawana akakwana. Asi munhu wauchazoroorana naye naiyewo anenge asina kuwana wokuroorana naye akakwana!—Ruka 6:41.

13 Imba inoda kuzvipira. Pauro akasimbisa izvi paakati: “Ndinoda kuti musafunganye. Munhu asina kuroora anofunganya nezvezvinhu zvaShe, kuti angawana sei tendero yaShe. Asi munhu akaroora anofunganya nezvezvinhu zvenyika, kuti angawana sei tendero yomukadzi wake, uye akakamukana. Uyezve, mukadzi asina kuroorwa, nemhandara, anofunganya nezvezvinhu zvaShe kuti ave mutsvene mumuviri wake nomumudzimu wake. Zvisinei, mukadzi akaroorwa anofunganya nezvezvinhu zvenyika, kuti angawana sei tendero yomurume wake.”—1 VaKorinde 7:32-34.

Chinoita Kuti Dzimwe Dzimba Dzikundikane

14, 15. Zvii zvinogona kuderedza chisungo chokuroorana?

14 Nguva pfupi yapfuura, mumwe mukadzi wechiKristu akashushikana zvikuru paakarambwa nomurume wake waakanga agara naye kwemakore 12, uyo akatanga kudanana nomumwe mukadzi. Mukadzi uyu akacherechedza zviratidzo zvinonyevera here vasati varambana? Anotsanangura kuti: “Akasvika pakuti akanga asingachanyengeteri. Aitaura zvikonzero zvenhando zvokurovha misangano yechiKristu uye zvokusaita basa rokuparidza. Aitaura kuti ainge akanyanya kubatikana kana kuti akanyanya kuneta kuti awane nguva yokuva neni. Aisataura neni. Akanga asingachatauri zvinhu zvokunamata neni. Zvaisiririsa kwazvo. Akanga asisiri murume uya wandakanga ndaroorana naye.”

15 Vamwe vanoshuma kuti vakacherechedza zviratidzo zvakafanana, zvinosanganisira kurega kudzidza Bhaibheri vari voga, kunyengetera, kana kuti kupinda misangano yechiKristu. Nemamwe mashoko, vanhu vakawanda vakazoguma vasiya vavakaroorana navo vakarega ukama hwavo naJehovha huchiva zinyekenyeke. Saka, vakatadza kuona zvakanaka zvinhu zvokunamata. Jehovha akanga asisiri Mwari mupenyu kwavari. Nyika itsva yakapikirwa yakarurama yakarega kuva chaiyoiyo. Mune zvimwe zviitiko, kuderera mune zvokunamata uku kwakaitika kunyange murume kana mudzimai asina kutendeka asati atanga kudanana nomumwe munhu waasina kuroorana naye.—VaHebheru 10:38, 39; 11:6; 2 Petro 3:13, 14.

16. Chii chinosimbisa imba?

16 Kusiyana neizvi, vamwe vakaroorana vanofara chaizvo vanotaura kuti imba yavo inobudirira pamusana pezvisungo zvavo zvokunamata zvakasimba. Vanonyengetera pamwe chete uye vanodzidza pamwe chete. Murume wacho anoti: “Tinoverenga Bhaibheri pamwe chete. Tinobuda tose muushumiri. Tinonakidzwa nokuita zvinhu pamwe chete.” Chidzidzo chacho chakajeka: Kuramba muine ukama hwakanaka naJehovha kuchabatsira zvikuru kuti imba isimbe.

Onai Zvinhu Sezvazviri uye Kurukuriranai

17. (a) Zvinhu zviviri zvipi zvinobatsira kuti imba ibudirire? (b) Pauro anorondedzera sei rudo rwechiKristu?

17 Zvimwe zvinhu zviviri zvinobatsira kuva nemba inobudirira ndeizvi: Rudo rwechiKristu uye kukurukurirana. Kana vanhu vaviri vachidanana, vanowanzofuratira zvikanganiso zvomumwe nomumwe. Vaviri vacho vangaroorana vachitarisira zvakanyanyisa, zvichida zvinobva pane zvavakaverenga mumanovhero orudo kana kuti zvavakaona mumafirimu. Zvisinei, pakupedzisira vaviri vacho vachafanira kutarisana nechokwadi. Saka, zvikanganiso zviduku duku kana kuti tsika dzinotigumburei zvingava zvinetso zvikuru. Kana izvozvo zvikaitika, vaKristu vanofanira kuratidza zvibereko zvomudzimu, uye chimwe chacho rudo. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvechokwadi, rudo rune simba chaizvo—kwete rudo rwomurume nomukadzi asi rudo rwechiKristu. Pauro akarondedzera rudo rwakadaro rwechiKristu, achiti: “Rudo rune mwoyo murefu rune mutsa. . . . Haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. . . . Runotsungirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:4-7) Zviri pachena kuti rudo rwechokwadi runoshivirira kusakwana kwevanhu. Chaizvoizvo, harutarisiri kukwana.—Zvirevo 10:12.

18. Kukurukurirana kungasimbisa sei ukama?

18 Kukurukurirana kunokoshawo. Pasinei nokuti vave vakaroorana kwemakore akawanda sei, vakaroorana vanofanira kukurukurirana uye kunyatsoteererana. Mumwe murume anoti: “Tinotaura zvatinofunga takasununguka asi noushamwari.” Ava noruzivo, murume kana mudzimai anodzidza kuteerera kwete bedzi zviri kutaurwa asiwo zvisina kutaurwa. Nemamwe mashoko, sezvo makore anofamba, vaviri vakaroorana vanofara vanodzidza kunzwisisa pfungwa dzisina kutaurwa kana kuti manzwiro asina kuratidzwa. Mamwe madzimai akataura kuti varume vavo havaateereri chaizvoizvo. Vamwe varume vanonyunyuta kuti madzimai avo anoita seanoda kutaura panguva isina kunyanya kukodzera. Kukurukurirana kunosanganisira tsitsi nokunzwisisa. Kukurukurirana kunobudirira kunobatsira vose murume nomudzimai.—Jakobho 1:19.

19. (a) Nei kukumbira ruregerero kungave kwakaoma? (b) Chii chichatikurudzira kukumbira ruregerero?

19 Dzimwe nguva kukurukurirana kunosanganisira kukumbira ruregerero. Izvozvo hazvisi nyore nguva dzose. Zvinoda kuzvininipisa kuti munhu abvume zvikanganiso zvake. Asi, zvingabatsira chaizvo kuvaka imba yakasimba! Kukumbira ruregerero kwechokwadi kungabvisa chikonzero chokurwisana chingangovapo munguva yemberi uye kunozarura nzira yokukanganwira chaiko uye yokupedza nayo chinetso chacho. Pauro akati: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:13, 14.

20. MuKristu anofanira kubata sei waakaroorana naye vari voga uye pane vamwe?

20 Kutsigirana kunokoshawo mumba. Murume nomudzimai vechiKristu vanofanira kuvimbana, kuvimba nomumwe nomumwe. Hapana anofanira kunyadzisa mumwe kana kuti kuderedza chivimbo chake nedzimwe nzira. Tinorumbidza norudo vatakaroorana navo; hativatsoropodzi nehasha. (Zvirevo 31:28b) Zvechokwadi, hativanyadzisi nokutaura majee oupenzi uye okusafunga. (VaKorose 4:6) Kutsigirana kwakadaro kunosimbiswa nokugaroratidzana rudo rukuru. Kubata mumwe wako kana kuti kumutaurira shoko rorudo kungati: “Ndichiri kukuda. Ndinofara kuti uneni.” Izvi ndezvimwe zvinhu zvingaita kuti ukama hunake zvobatsira kuti imba ibudirire munyika yanhasi. Pane zvimwe uye nyaya inotevera ichataura mimwe mirayiridzo yeMagwaro yokuti imba inobudirira ingaitwa sei. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Kuti uwane mamwe mashoko akawanda, ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kukanganisa imba?

• Nei kumhanyira kuva nemba kusiri kuchenjera?

• Kukura mune zvokunamata kunobatsira sei imba?

• Zvinhu zvipi zvinobatsira kutsigisa imba?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kuroorana kunopfuura kungodananawo zvako

[Mifananidzo iri papeji 14]

Ukama hwakasimba naJehovha hunobatsira vakaroorana kuti vabudirire