Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kutendeka Mumiedzo”

“Kutendeka Mumiedzo”

“Kutendeka Mumiedzo”

PAKUTANGA kwaApril 1951, hurumende ine simba yeSoviet yakaerekana yava kurwisa boka risina mhaka revaKristu nechokumadokero kweSoviet Union—Zvapupu zvaJehovha. Zviuru zvemhuri—kusanganisira vana vaduku, vakadzi vaiva nepamuviri, uye vakwegura—vakatutirwa mumagutsu parwendo rwakaoma rwemazuva 20 kuenda kuSiberia. Vakanga vatongerwa kugara muutapwa zvachose mumamiriro ezvinhu akaoma uye vasina zvinhu zvokushandisa zvemazuva ano.

Muna April 2001, gore rechi50 rechiitiko ichi chinokosha rakarangarirwa muMoscow nokubudiswa kwevhidhiyo yaitaura nezvemakore 50 okutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha mune yaimbova Soviet Union. Muvhidhiyo yacho, vanyori venhau dzakaitika uye zvapupu zvakaona vakarondedzera kupona kwakaita Zvapupu uye kutowedzera kwazvakaita pasinei nokudzvinyirirwa zvakasimba.

Vhidhiyo iyi inonzi, Faithful Under Trials—Jehovah’s Witnesses in the Soviet Union, zvino yaonekwa nemamiriyoni evanhu muRussia nokune dzimwewo nzvimbo, yave ichirumbidzwa chaizvo nevoruzhinji uye nevanyori venhau dzakaitika. Zvinotevera ndizvo zvakataurwa nedzimwe nyanzvi mbiri dzokuRussia dziri kugara munzvimbo yakabviswa mhuri zhinji dzeZvapupu:

“Ndakanakidzwa chaizvo nevhidhiyo iyi. Ndakagara ndichida chaizvo vamiririri vechitendero chenyu, asi pashure pokuona vhidhiyo iyi, kukufarirai kwangu kwatonyanya kusimba. Vhidhiyo yacho yakaitwa nomazvo! Ndinonyanyofarira mabudisiro amunoita munhu mumwe nomumwe. Kunyange zvazvo ndiri muOrthodox uye ndisingadi kuchinja chitendero changu, ndinofarira Zvapupu. Ndinoda kuti dhipatimendi redu richengete vhidhiyo iyi. Ini nevandinoshanda navo takasarudza kuiratidza kuvadzidzi vedu uye kuibatanidza muzvidzidzo.”—Purofesa Sergei Nikolayevich Rubtsov, mutungamiriri wedhipatimendi renhau dzakaitika paState Pedagogical University, Irkutsk, Russia.

“Ndinofarira kubudiswa kwevhidhiyo iyi. Kana munhu achiita vhidhiyo yezvokudzvinyirirwa, zvagara zvakaoma kubudisa nyaya yacho zvine musoro. Asi makagona kuzviita. Ndapota inzwai makasununguka kunditumira mamwe mavhidhiyo enyu.”—Purofesa Sergei Ilyich Kuznetsov, mutungamiriri wedhipatimendi renhau dzakaitika paIrkutsk State University, Russia.

Zvapupu zvaJehovha zvinogara muSiberia zvakafarirawo vhidhiyo yacho chaizvo. Zvinotevera ndizvo zvazvakataura:

“Panguva yaiitika zvinhu zviri kuratidzwa muvhidhiyo iyi, vakawanda muRussia vakaudzwa zvisizvo nezvemabasa eZvapupu zvaJehovha. Asi pashure pokuona vhidhiyo yacho, vanogona kuona kuti sangano redu harisi kapokawo zvako kechitendero, sezvavaimbofunga. Vamwe vachangobva kuva Zvapupu vakati: ‘Taisagona kufungidzira kuti takanga tichigara uye tichishanda nehama dzechiKristu dzakanga dzatsungirira zvakadaro!’ Pashure pokuona vhidhiyo yacho, chimwe Chapupu chakataura chishuvo chacho chokuva piyona wenguva yakazara.”—Anna Vovchuk, uyo akaendeswa kuutapwa kuSiberia.

“Vhidhiyo yacho payakabudisa matikitivha achigogodza pamusuo wemba yechimwe Chapupu, ndakadedera. Zvakandifungisa kugogodzwa kwakamboitwa pamusuo pedu, uye ndinoyeuka amai vangu vachiti: ‘Zvichida pane kwabvira moto.’ Asi vhidhiyo yacho inondiyeuchidzawo kuti Zvapupu zvakawanda zvakatambura kupfuura zvandakaita. Mashoko ose aya anotipa simba rakawanda uye chido chokuenderera mberi tichishumira Jehovha.”—Stepan Vovchuk, uyo akaendeswa kuutapwa kuSiberia.

“Ndiri mwanakomana weZvapupu zvakaendeswa kuutapwa. Naizvozvo, ndakafunga kuti ndakanga ndatonzwa zvakawanda nezvezvakaitika panguva iyoyo. Asi pandakaona vhidhiyo iyi, ndakaona kuti hapana chandaiziva. Pandaiteerera vanhu vaibvunzurudzwa, misodzi yakati yangarara mumaziso angu. Iye zvino zvakaitika zvacho hazvisisiri nyayawo zvadzo asi zvinhu chaizvo zvoupenyu. Vhidhiyo yacho yakasimbisa ukama hwangu naMwari uye yakandibatsira kuti ndigadzirire kutsungirira zvinetso zvose zvichauya munguva yemberi.”—Vladimir Kovash, Irkutsk.

“Kwandiri, vhidhiyo iyi yaiva nesimba kupfuura nyaya yakanyorwa. Pandakaona uye kunzwa kubvunzurudzwa kwaiitwa hama, ndakanzwa sokuti ndakanga ndatamburawo nadzo. Muenzaniso wehama yaidhirowera vanasikana vayo vaduku mapositikadhi payaiva mujeri, unondikurudzira kuti ndiedze kudzidzisa vana vangu chokwadi cheBhaibheri zvinosvika pamwoyo. Ndinokutendai! Vhidhiyo iyi yakaita kuti Zvapupu zvaJehovha muRussia zvinzwe kuti izvo inhengo dzesangano raJehovha repasi pose kupfuura nakare kose.”—Tatyana Kalina, Irkutsk.

“Chirevo chinoti, ‘Kuona kamwe kunopfuura kunzwa kanodarika zana’ chinonyatsoshanda pavhidhiyo iyi. Yakanyatsojeka, inotaura zvinoitika chaizvo, zvine chokuita nesu! Pashure pokuiona, ndaida nguva yakawanda yokufunga. Vhidhiyo yacho yakandibvumira kufungisisa nezvoupenyu hweZvapupu zviya zvakaendeswa kuutapwa. Iye zvino pandinoenzanisa mamiriro angu ezvinhu neavo, ndinobatsirwa kuti ndive nemaonero akasiyana ezvinetso zvedu zvemazuva ano.”—Lidia Beda, Irkutsk.

Iye zvino vhidhiyo inonzi Faithful Under Trials yabudiswa mumitauro 25 uye iri kufarirwa chaizvo pasi pose. * Vhidhiyo yacho yose yakatepfenyurwa nezviteshi zveterevhizheni muSt. Petersburg, Omsk, nemamwe maguta omuRussia, uyewo mumaguta omuUkraine anoti Vynnytsya, Kerch, Melitopol uye munharaunda yeLviv. Yakawanawo mibayiro kubva kumapazi anoongorora mavhidhiyo munyika dzakawanda.

Kusimba kweshoko riri muvhidhiyo iyi kunooneka mumienzaniso yezviuru zvevanhuwo zvavo vakaratidza ushingi hunopfuura hwenguva dzose uye vakasimba mune zvokunamata mumakore akawanda okutambudzwa. Zvapupu zvaJehovha muSoviet Union zvakaratidza chaizvoizvo kutendeka mumiedzo. Kana uchida kuona vhidhiyo iyi, Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukutsvakira. Tapota ona mumwe wavo munharaunda yako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Vhidhiyo yacho inowanika muBulgarian, Cantonese, Czech, Danish, Dutch, English, Finnish, French, German, Greek, Hungarian, Indonasian, Italian, Japanese, Korean, Lithuanian, Mandarin, Norwegian, Polish, Romanian, Russian, Slovak, Slovenian, Spanish, neSwedish.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Stalin: U.S. Army photo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Stalin: U.S. Army photo