Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana

Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana

Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana

“Vakadzi ngavazviise pasi pevarume vavo sokunaShe. Varume, rambai muchida vakadzi venyu.”VaeEfeso 5:22, 25.

1. Ndeapi maonero akarurama okuroorana?

JESU akataura kuti kuroorana kubatanidzwa pamwe chete kwomurume nomukadzi kwakaitwa naMwari kuti vave “nyama imwe.” (Mateu 19:5, 6) Kunosanganisira vanhu vaviri vane unhu hwakasiyana vanodzidza kufarira zvinhu zvakafanana uye kushandira pamwe kuti vave nezvinangwa zvakafanana. Kuroorana kuzvipira kwoupenyu hwose, kwete chibvumirano chekanguva chinogona kusiyiwa nyore nyore. Munyika dzakawanda, kurambana hakuna kuoma, asi mukuona kwomuKristu, ukama hwokuroorana hutsvene. Hunogumiswa bedzi kana paine chikonzero chakakomba.—Mateu 19:9.

2. (a) Vakaroorana vanobatsirwa nechii? (b) Nei zvichikosha kuedza kuita kuti imba ibudirire?

2 Mumwe chipangamazano wokuroorana akati: “Imba yakanaka inofanira kuramba ichichinja-chinja sezvo pachimuka nhau itsva, paine zvinetso zvinomuka zvinoda kugadziriswa, uye pachishandiswa zvinhu zvinowanikwa padanho rimwe nerimwe roupenyu.” KuvaKristu vakaroorana, zvinhu izvozvo zvinosanganisira zano rokuchenjera rinobva muBhaibheri, kutsigirwa nevamwe vaKristu, uye ukama hwepedyo naJehovha tichishandisa munyengetero. Imba inobudirira inoramba iripo pasinei nezvinetso, uye nokupindana kwemazuva, inoita kuti murume nomudzimai vafare uye vagutsikane. Zvinotokosha zvikuru, inoita kuti Jehovha Mwari akudzwe, Muvambi wokuroorana.—Genesi 2:18, 21-24; 1 VaKorinde 10:31; VaEfeso 3:15; 1 VaTesaronika 5:17.

Tevedzera Jesu Neungano Yake

3. (a) Pfupikisa zano raPauro kune vakaroorana. (b) Jesu akasiya muenzaniso upi wakanaka?

3 Zviuru zviviri zvemakore zvapfuura, muapostora Pauro akapa zano rokuchenjera kuvaKristu vakaroorana paakanyora kuti: “Sezvo ungano ichizviisa pasi paKristu, vakadzi ngavadarowo kuvarume vavo muzvinhu zvose. Varume, rambai muchida vakadzi venyu, sezvo Kristu akadawo ungano akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:24, 25) Kuenzanisa kwakazonaka kunotaurwa pano! Madzimai echiKristu anoramba achizviisa pasi pevarume vavo nokuzvininipisa anotevedzera ungano pakuziva uye kucherechedza kuti musoro ndiani. Varume vanotenda vanoramba vachida madzimai avo, mungava munguva dzakanaka kana kuti dzinoedza, vanoratidza kuti vanonyatsotevera muenzaniso waKristu wokuda ungano uye kuitarisira.

4. Varume vangatevera sei muenzaniso waJesu?

4 Varume vechiKristu ndivo misoro yemhuri, asi ivowo vane musoro, Jesu. (1 VaKorinde 11:3) Naizvozvo, sezvo Jesu aitarisira ungano yake, varume vanotarisirawo norudo mhuri dzavo mune zvokunamata uye zvokunyama, kunyange kana izvozvo zvichida kuzvipira. Vanoisa kugara zvakanaka kwemhuri dzavo pamberi pezvavanoda uye zvavanosarudza. Jesu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Chidzidzo ichocho chinoshanda chaizvo mumba. Pauro akaratidza izvi paakati: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. . . . Hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoidyisa uye anoitarisira.” (VaEfeso 5:28, 29) Murume anofanira kudyisa uye kutarisira mudzimai wake sokushingaira kuzvidyisa uye kuzvitarisira kwaanoita.

5. Madzimai angatevedzera sei ungano yechiKristu?

5 Madzimai anonamata Mwari anoona ungano yechiKristu somuenzaniso. Jesu paaiva pasi pano, vateveri vake vakasiya zvavaimboita ndokumutevera vachifara. Afa, vakaramba vachizviisa pasi pake, uye kwemakore anoda kusvika 2 000 adarika, ungano yechokwadi yechiKristu yave ichizviisa pasi paJesu uye ichitevera kutungamirira kwake muzvinhu zvose. Saizvozvowo, madzimai echiKristu havazvidzi varume vavo kana kuti kuedza kurerutsa urongwa hweMagwaro hwomusoro mumba. Pane kudaro, vanotsigira uye vanozviisa pasi pevarume vavo, vanoshandira pamwe navo, nokudaro vobva vavakurudzira. Murume nomudzimai pavanoita nenzira yorudo yakadaro, imba yavo ichabudirira uye vose vachafara muukama hwacho.

Rambai Muchigara Navo

6. Petro akapa zano ripi kuvarume, uye nei richikosha?

6 Muapostora Petro aivawo nezano kune vakaroorana, uye mashoko ake kuvarume aiva nesimba zvikuru. Akati: “Rambai muchigara [nevakadzi venyu] saizvozvowo nokuziva, muchivakudza sezvamunoita mudziyo usina simba, iye mukadzi, zvamuriwo vagari venhaka navo yenyasha dzisina kufanirwa dzoupenyu, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Kukomba kwezano raPetro kunooneka mumashoko okupedzisira endima iyoyo. Kana murume akatadza kukudza mudzimai wake, ukama hwake naJehovha hunokanganiswa. Minyengetero yake ichadziviswa.

7. Murume anofanira kukudza mudzimai wake sei?

7 Saka varume vangakudza madzimai avo sei? Kukudza mudzimai wako kunoreva kumubata norudo, noruremekedzo uye norukudzo. Kubata mudzimai nomutsa zvakadaro kwaizodai kwaiita sokusina kujairika kune vakawanda. Imwe nyanzvi yechiGiriki inonyora kuti: “Mumutemo weRoma mukadzi akanga asina kodzero. Mumutemo airamba achingova mwana. . . . Aizviisa zvizere pasi pomurume wake, uye zvose zvaaita zvaidzorwa zvakakwana nomurume wake.” Izvi zvakanga zvakasiyana zvachose nedzidziso dzechiKristu! Murume wechiKristu aikudza mudzimai wake. Kubata kwake naye kwaidzorwa nenheyo dzemitemo yechiKristu, kwete nemanzwiro aingopfuurawo zvawo. Uyezve aiva nehanya naye maererano “nokuziva,” achiziva kuti aiva mudziyo usina simba.

“Mudziyo Usina Simba” Munzira Ipi?

8, 9. Vakadzi vakaenzana nevarume munzira dzipi?

8 Paakati mukadzi “mudziyo usina simba,” Petro akanga asingarevi kuti vakadzi vanodarikwa nevarume pakufunga kana kuti mune zvokunamata. Ichokwadi kuti varume vechiKristu vakawanda vane ropafadzo muungano idzo vakadzi vasingatarisiri kuva nadzo, uye mumhuri vakadzi vanozviisa pasi pevarume vavo. (1 VaKorinde 14:35; 1 Timoti 2:12) Kunyange zvakadaro, vose varume nevakadzi vanotarisirwa kuva nokutenda kwakafanana, kutsungirira, uye kuva netsika dzakanaka chaizvo. Uye sezvakataurwa naPetro, vose murume nomudzimai “vagari venhaka . . . yenyasha dzisina kufanirwa dzoupenyu.” Kana totaura nezvokuponeswa, vane nzvimbo yakaenzana pamberi paJehovha Mwari. (VaGaratiya 3:28) Petro akanga achinyorera vaKristu vakazodzwa vomuzana remakore rokutanga. Saka, mashoko ake akayeuchidza varume vechiKristu kuti se“vagari venhaka pamwe naKristu,” ivo nemadzimai avo vakanga vaine tariro yakafanana yokudenga. (VaRoma 8:17) Rimwe zuva, vose vaizoshumira sevapristi nemadzimambo muUmambo hwaMwari hwokudenga!—Zvakazarurwa 5:10.

9 Madzimai echiKristu akazodzwa akanga asina kutomboderera pane varume vavo vechiKristu vakazodzwa. Izvozvo ndezvechokwadiwo nezvevaya vane tariro yepasi. Vose varume nevakadzi ve“boka guru revanhu” vanogeza nguo dzavo refu vachidziita chena muropa reGwayana. Vose varume nevakadzi vanorumbidza Jehovha pasi pose “masikati nousiku.” (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, 15) Vose varume nevakadzi vanotarisira kuva “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari,” pavachafara mu“upenyu chaihwo.” (VaRoma 8:21; 1 Timoti 6:19) Vangava vakazodzwa kana kuti vemamwe makwai, vaKristu vose vanoshumira Jehovha pamwe chete se“boka rimwe” pasi po“mufudzi mumwe.” (Johani 10:16) Ichocho chikonzero chakasimba zvikuru chokuti murume nomudzimai vechiKristu vakudzane zvakakodzera!

10. Vakadzi ‘midziyo isina simba’ mupfungwa ipi?

10 Saka, vakadzi ‘midziyo isina simba’ munzira ipi? Zvimwe Petro akanga achitaura kuti, kazhinji, vakadzi vaduku uye vane simba shoma pane varume. Uyezve, nemhaka yokusakwana kwedu, ropafadzo inoshamisa yokubereka vana inokanganisa utano. Vakadzi vari pazera rokubereka vangagara vachingorwara-rwara. Chokwadi, vanoda kunyatsotarisirwa uye kuratidzwa hanya pavanenge vachirwara kudaro kana kuti pavanenge vaine pamuviri uye pavanobereka. Murume anokudza mudzimai wake, achiziva kutsigirwa kwaanoda, achabatsira zvikuru kuti imba ibudirire.

Mumhuri Ine Zvitendero Zvakasiyana

11. Mupfungwa ipi umo imba ingabudirira kunyange kana murume nomudzimai vaine zvitendero zvakasiyana?

11 Zvisinei, zvakadini kana vakaroorana vaine maonero akasiyana mune zvechitendero pamusana pokuti mumwe wacho akagamuchira chokwadi chechiKristu imwe nguva pashure pokunge varoorana asi mumwe wacho asina? Imba yakadaro ingabudirira here? Zvakaitika kune vakawanda zvinoratidza kuti ingabudirira. Murume nomudzimai vane maonero akasiyana mune zvechitendero vanogona kuva neimba inobudirira mupfungwa yokuti inogona kugara uye kuita kuti vose vafare. Kunze kwaizvozvo, imba yacho ichiri kukosha mukuona kwaJehovha; vachiri “nyama imwe.” Naizvozvo, vaKristu vakaroorana vanorayirwa kuti vagare nevavakaroorana navo vasingatendi kana asingatendi wacho achibvuma kugara. Kana paine vana, vanobatsirwa nokutendeka kwomubereki wavo wechiKristu.—1 VaKorinde 7:12-14.

12, 13. Achitevera zano raPetro, madzimai echiKristu angabatsira sei varume vasingatendi?

12 Petro anopa zano romutsa kuvakadzi vechiKristu vane mhuri dzine zvitendero zvakasiyana. Mashoko ake angashandiswawo nevarume vechiKristu vari mumamiriro ezvinhu akafanana. Petro anonyora kuti: “Imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu chaivo, kuitira kuti, kana pane vasingateereri shoko, vawanwe pasina shoko nomufambiro wevakadzi vavo, nemhaka yokuva zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:1, 2.

13 Kana mudzimai achigona kutsanangurira murume wake kutenda kwake nounyanzvi, izvozvo zvakanaka. Zvisinei, zvakadini kana murume wacho asingadi kuteerera? Ichocho chisarudzo chake. Kunyange zvakadaro, tariro iripo, sezvo mufambiro wechiKristu uchipupurirawo zvakasimba. Varume vakawanda vakanga vasingafariri pakutanga kana kuti vaitoshora kutenda kwemadzimai avo vakazo“da upenyu husingaperi” pashure pokuona mufambiro wakanaka wemadzimai avo. (Mabasa 13:48) Kunyange kana murume asingabvumi chokwadi chechiKristu, angafadzwa kwazvo nomufambiro womudzimai wake, zvoita kuti imba ibudirire. Mumwe murume ane mudzimai ari mumwe weZvapupu zvaJehovha akabvuma kuti aisagona kusvika pakuva netsika dzakanaka chaizvo dzeZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, aizviti “murume anofara womudzimai akanaka” uye akarumbidza nomwoyo wose mudzimai wake nezvimwe Zvapupu mutsamba yaakanyorera kupepanhau.

14. Varume vangabatsira sei madzimai asingatendi?

14 Varume vechiKristu vakashandisa chokwadi chemashoko aPetro vakawanawo madzimai avo nomufambiro wavo. Madzimai asingatendi akaona varume vawo vachiva nepfungwa yomutoro, vasingadi kupambadza mari vachisvuta fodya, kunwa doro, nokubhejera uye vasingachashandisi mutauro wakashata. Vamwe vemadzimai iwayo vakazivana nedzimwe nhengo dzeungano yechiKristu. Vakashamiswa noukama hwechiKristu hune rudo, uye zvavakacherechedza pakati pehama zvakavaswededza pana Jehovha.—Johani 13:34, 35.

“Munhu Akavanzika Wemwoyo”

15, 16. Mufambiro worudzii ungaita kuti mudzimai wechiKristu awane murume asingatendi?

15 Murume angawanwa nomufambiro worudzii? Chaizvoizvo, mufambiro wagara uchikudziridzwa nevakadzi vechiKristu. Petro anoti: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokuruka bvudzi kwokunze uye kwokupfeka zvishongo zvendarama kana kwokupfeka nguo dzokunze, asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha zvikuru mumaziso aMwari. Nokuti, kare vakadzi vatsvene vakanga vane tariro muna Mwari vaisizvishongedza saizvozvowo, vachizviisa pasi pevarume vavo chaivo, saSara aisiteerera Abrahamu, achimuti ‘ishe.’ Uye mava vana vake, chero bedzi muchiramba muchiita zvakanaka pasina chisakiso chokuvhunduka chamunotya.”—1 Petro 3:3-6.

16 Petro anopa mukadzi wechiKristu zano rokuti asavimba nechitarisiko chokunze. Pane kudaro, ngaarege murume wake achiona mugumisiro wedzidziso dzeBhaibheri pamunhu wake womukati. Murume wake ngaaone kushanda kwounhu hutsva. Zvimwe achahusiyanisa nounhu hwekare hwaimbova nomudzimai wake. (VaEfeso 4:22-24) Zvechokwadi achaona “mudzimu [wake] wakanyarara uye munyoro” uchizorodza uye uchikwezva. Mudzimu iwoyo haungofadzi bedzi kumurume asi “unokosha zvikuru mumaziso aMwari.”—VaKorose 3:12.

17. Sara muenzaniso wakanaka kumadzimai echiKristu sei?

17 Sara anotaurwa nezvake somuenzaniso, uye muenzaniso wakakodzera kumadzimai echiKristu kunyange varume vavo vari vatendi kana kuti vasiri. Hapana mubvunzo kuti Sara aiona Abrahamu somusoro wake. Kunyange mumwoyo make, aimuti “tenzi” wake. (Genesi 18:12) Asi izvozvo hazvina kumuderedza. Zviri pachena kuti aiva mukadzi akasimba mune zvokunamata nokuda kwokutenda kwake muna Jehovha kwakanga kwakasimba. Kutaura zvazviri, ndomumwe ‘wegore guru rezvapupu’ zvine muenzaniso wokutenda unofanira kutikurudzira kuti ‘timhanye nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.’ (VaHebheru 11:11; 12:1) Hazvideredzi kuti mudzimai wechiKristu aite saSara.

18. Ndezvipi zvinofanira kufungwa nezvazvo mumhuri ine zvitendero zvakasiyana?

18 Mumhuri ine zvitendero zvakasiyana, murume anoramba achingova musoro. Kana ari iye mutendi, achava nehanya nezvitendero zvomudzimai wake kunyange asingakanganisi kutenda kwake. Kana mudzimai ari iye mutendi, iyewo haaiti zvinhu zvinokanganisa kutenda kwake. (Mabasa 5:29) Asi, haazozvidzi kuva musoro kwomurume wake. Achakudza nzvimbo yake oramba ari pasi po“mutemo womurume wake.”—VaRoma 7:2.

Mirayiridzo yeBhaibheri Yokuchenjera

19. Zvinetso zvipi zvinokanganisa zvisungo zvemhuri, asi zvinetso izvozvo zvingadziviswa sei?

19 Nhasi, zvinhu zvakawanda zvinogona kudzvinyirira chisungo chemhuri. Vamwe varume vanokundikana kuita zvavanofanira kuita. Vamwe vakadzi vanoramba kubvuma kuti varume vavo ndivo musoro. Mune dzimwe dzimba, mudzimai kana kuti murume anobatwa zvisina kufanira nomumwe wake. KuvaKristu, zvinetso zvemari, kusakwana, uye mudzimu wenyika nounzenza hwayo uye pfungwa yakavhiringika yetsika zvingaedza kuvimbika kwavo. Kunyange zvakadaro, varume nevakadzi vechiKristu vanotevera zvinotaurwa neBhaibheri, chero angava mamiriro avo ezvinhu, vanowana chikomborero chaJehovha. Kunyange kana mumwe pane vakaroorana achishandisa chokwadi cheBhaibheri, zvinhu zvinova nani pane kunge kana vose vasingashandisi. Uyezve, Jehovha anoda uye anotsigira vashumiri vake vanoramba vakatendeka kumhiko dzavo dzomuchato kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. Haakanganwi kuvimbika kwavo.—Pisarema 18:25; VaHebheru 6:10; 1 Petro 3:12.

20. Petro anopa zano ripi vaKristu vose?

20 Apa zano varume nevakadzi vakaroorana, muapostora Petro akagumisa nemashoko anokurudzira. Akati: “Pakupedzisira, imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa, musingatsivi zvakaipa nezvakaipa kana kutuka nokutuka, asi, panzvimbo paizvozvo, muchikomborera, nokuti makadanirwa izvozvo, kuti mugare nhaka yechikomborero.” (1 Petro 3:8, 9) Chokwadi, iri izano rokuchenjera kune vose, kunyanya vakaroorana!

Unoyeuka Here?

• Varume vechiKristu vanotevedzera sei Jesu?

• Madzimai echiKristu anotevedzera sei ungano?

• Varume vangakudza madzimai avo munzira ipi?

• Ndeipi iri nzira yakanakisisa kumudzimai wechiKristu ane murume asingatendi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Murume wechiKristu anoda uye anotarisira mudzimai wake

Mudzimai wechiKristu anoremekedza uye anokudza murume wake

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kusiyana nomutemo weRoma, dzidziso dzechiKristu dzaida kuti murume akudze mudzimai wake

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vose varume nevakadzi ve“boka guru revanhu” vanotarisira upenyu husingaperi muParadhiso

[Mufananidzo uri papeji 20]

Sara aiona Abrahamu satenzi wake