Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufambiro Wakanaka ‘Unoshongedza Dzidziso yaMwari’

Mufambiro Wakanaka ‘Unoshongedza Dzidziso yaMwari’

Mufambiro Wakanaka ‘Unoshongedza Dzidziso yaMwari’

MARIA muduku wokuKransnoyarsk, Russia, anoimba zvinonwisa mvura zvokuti mudzidzisi wake akamuisa mukwaya yechikoro. Zvadaro, Maria akatsanangurira mumwe wevadzidzisi vake noruremekedzo kuti aisagona kuimba dzimwe dzenziyo dzacho. Nei? Nokuti kuimba nziyo dzechitendero kunopesana nezvaanotenda zviri muBhaibheri. Ashamiswa, mudzidzisi wacho akati, ‘Chii chakaipa nokurumbidza Mwari norwiyo?’

Kuti aratidze kuti nei airamba kuimba rwiyo runotaura nezvaMwari ari Utatu, Maria akavhura Bhaibheri rake ndokutsanangura kuti Mwari naJesu Kristu havasi Mwari mumwe chete uye kuti mudzimu mutsvene isimba raMwari rinoita basa. (Mateu 26:39; Johani 14:28; Mabasa 4:31) Maria anoti: “Ukama hwangu nomudzidzisi hahuna kuvhiringidzwa. Tine vadzidzisi vakanaka chaizvo pachikoro chedu. Vanoda kuti tibudise pachena zvatiri.”

Mugore rose rechikoro, zvakaitwa naMaria zvakamuita kuti aremekedzwe nevadzidzisi pamwe chete nevaaidzidza navo. Maria anoti: “Chokwadi cheBhaibheri chinondibatsira muupenyu hwangu. Pakupera kwegore rechikoro, ndakapiwa mubayiro wokuva akatendeseka uye akarongeka, ukuwo chikoro chakanyorera vabereki vangu tsamba yokuvatenda nokurera mwanasikana wavo zvakanaka.”

Maria akabhabhatidzwa musi waAugust 18, 2001. Anoti: “Ndinofara kuti ndinogona kushumira Mwari anoshamisa zvakadaro, Jehovha!” Zvapupu zvaJehovha zvechiduku pasi pose zvinozadzika mashoko ari pana Tito 2:10, patinoverenga kuti: ‘Shongedzai dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.’

[Mufananidzo uri papeji 32]

Tsamba yokuonga uye chitupa chokuita zvakanaka

[Mufananidzo uri papeji 32]

Maria nevabereki vake pashure pokubhabhatidzwa kwake