Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRute

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRute

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRute

INYAYA chaiyo yakaitika inonyevenutsa mwoyo yokuvimbika pakati pevakadzi vaviri. Inhoroondo yokuremekedza Jehovha Mwari uye yokuvimba nourongwa hwake. Inyaya inosimbisa kunyatsofarira kunoita Jehovha mutsara wedzinza raMesiya. Inhoroondo inobaya mwoyo yomufaro uye kusuruvara kweimwe mhuri. Bhuku reBhaibheri raRute rine zvose izvi nezvimwewo.

Bhuku raRute rinotaura zvakaitika panguva yemakore anenge 11 ‘pamazuva ayo vatongi vairuramisira’ muIsraeri. (Rute 1:1) Zviitiko zvakanyorwa zvinofanira kunge zvakaitika kare munguva yeVatongi, sezvo muridzi womunda Bhoazi, mumwe wevanhu vomunyaya chaiyo iyi yakaitika, aiva mwanakomana waRakabhi womuzuva raJoshua. (Joshua 2:1, 2; Rute 2:1; Mateu 1:5) Nhoroondo yacho ingangove yakanyorwa nomuprofita Samueri muna 1090 B.C.E. Iri ndiro bhuku bedzi muBhaibheri rine zita romukadzi akanga asiri muIsraeri. Shoko ririmo “ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

“PAMUNOENDA, NENI NDICHAENDAPOWO”

(Rute 1:1–2:23)

Panosvika Naome naRute kuBheterehema, vanhu vose vanotanga kutaura nezvavo. Vachitaura kumukuru wacho, vakadzi vomutaundi racho vanoramba vachibvunza kuti: “Uyu ndiye Naome here?” Naome anopindura kuti: “Regai kundiidza Naome, asi mundiidze Mara, nokuti Wamasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu.”—Rute 1:19-21.

Nzara yakaitika muIsraeri painoita kuti mhuri yake itame kubva kuBheterehema ichienda kunyika yeMoabhi, Naome a“zere” mukuti ane murume nevanakomana vaviri. Zvisinei, nguva yakati pashure pokunge vagara muMoabhi, murume wake, Erimereki, anofa. Gare gare, vanakomana vaviri vanoroora vakadzi vechiMoabhi Orpa naRute. Makore anenge gumi apfuura, uye vanakomana vaviri ava vanofa vasina vana, vachisiya vakadzi vatatu ava vava chirikadzi. Naome, vamwene vavo, paanosarudza kudzokera kuJudha, chirikadzi dzevanakomana vake dzinoenda naye. Vari munzira, Naome anokurudzira varoora vake kuti vadzokere kuMoabhi voroorwa nevarume vekwavo. Orpa anobvuma. Zvisinei, Rute anoomerera pana Naome, achiti: “Pamunoenda, neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.”—Rute 1:16.

Chirikadzi mbiri idzi, Naome naRute, dzinosvika Bheterehema panguva yokutanga kukohwa bhari. Achishandisa urongwa hwakaitwa muMutemo waMwari, Rute anotanga kuunganidza mumunda wehama yaErimereki—muJudha akwegura anonzi Bhoazi. Rute anofarirwa naBhoazi uye anoramba achiunganidza mumunda maBhoazi “kusvikira . . . kuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo” kwapera.—Rute 2:23.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:8—Nei Naome akaudza varoora vake kuti vadzokere “mumwe nomumwe kumba kwamai vake” pane kumba kwababa vake? Hazvitaurwi kana baba vaOrpa vakanga vachiri vapenyu panguva iyoyo. Zvisinei, baba vaRute vakanga vachiri vapenyu. (Rute 2:11) Kunyange zvakadaro, Naome akataura nezvokumba kwaamai, zvimwe achifunga kuti kutaura nezvavanaamai vavo kwaizoita kuti vafunge kunyaradza kworudo rwaamai. Izvi zvaizonyanya kunyaradza vanasikana ava vainetseka zvikuru nokuparadzana navamwene vavo vavaida. Mashoko acho angaratidzawo pfungwa yokuti kusafanana naNaome, vanaamai vaRute naOrpa vaiva nemisha yavo.

1:13, 21—Jehovha akaita kuti Naome aomerwe noupenyu uye ave nedambudziko here? Aiwa, Naome haana kupomera Mwari chakaipa chipi nechipi. Zvisinei, nemhaka yezvose zvakanga zvaitika kwaari, akafunga kuti Jehovha akanga achimurwisa. Akanzwa shungu uye akaora mwoyo. Uyezve, mumazuva iwayo chibereko chedumbu chainzi chikomborero chinobva kuna Mwari uye kusabereka kwainzi kutukwa. Kusava nevazukuru uye vanakomana vaviri vafa, Naome angave akanzwa zviine musoro kufunga kuti Jehovha akanga amudukupisa.

2:12—Rute akapiwa “mubayiro wakakwana” wechii naJehovha? Rute akava nomwanakomana uye akapiwa ropafadzo yokuvawo mumutsara wedzinza rinokosha zvikuru munhau yevanhu—raJesu Kristu.—Rute 4:13-17; Mateu 1:5, 16.

Zvatinodzidza:

1:8; 2:20. Pasinei nematambudziko aakasangana nawo, Naome akaramba achivimba nomutsa worudo waJehovha. Tinofanira kuitawo izvozvo, kunyanya patinenge tiri mumiedzo yakakomba.

1:9. Musha haufaniri kungova nzvimbo yokuti nhengo dzemhuri dzidyire uye dzirare. Unofanira kuva nzvimbo ine rugare yokuzororera uye inonyaradza.

1:14-16. Orpa ‘akadzokera kuvanhu vake navanamwari vake.’ Rute haana. Akasiya upenyu hwomutambarakede uye hwakachengeteka hwenyika yaakaberekerwa ndokuramba akavimbika kuna Jehovha. Kukudziridza rudo rwokuvimbika nokuda kwaMwari uye kuratidza pfungwa yokuzvipira zvichabatsira kuti tisava nezvishuvo zvoudyire ‘todzokera shure kunoparadzwa.’—VaHebheru 10:39.

2:2. Rute aida kushandisa urongwa hwokuunganidza hwakaitirwa kubatsira vanhu vokune dzimwe nyika uye vanhu vaitambudzika. Aiva munhu anozvininipisa. MuKristu anoshayiwa haafaniri kurega kuratidza zvaari kuti agamuchire rubatsiro rworudo rwevaanonamata navo kana kuti kubatsira chero kupi zvako kungaitwa nehurumende kwaangakodzera kuwana.

2:7. Kunyange zvazvo aiva nekodzero yokuunganidza, Rute akakumbira mvumo asati aita kudaro. (Revhitiko 19:9, 10) Ichi chaiva chiratidzo chokuti aiva munyoro. Kuchenjera kuti ‘titsvake unyoro,’ nokuti “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Zefania 2:3; Pisarema 37:11.

2:11. Rute aisangova hama yaNoame. Aiva shamwari yechokwadi. (Zvirevo 17:17) Ushamwari hwavo hwakanga hwakasimba nokuti hwakanga hwakavakirwa paunhu hwakadai sorudo, kuvimbika, kunzwira tsitsi, mutsa, uye kuzvipira. Zvinotokosha zvikuru, hwakanga hwakavakirwa pakunamata kwavo—chido chavo chokushumira Jehovha uye chokuva pakati pevanamati vake. Isuwo tine mikana yakanaka kwazvo yokukudziridza ushamwari hwechokwadi nevanamati vechokwadi.

2:15-17. Kunyange Bhoazi paakaita kuti basa raRute riite shoma, “akaunganidza pamunda kusvikira madekwana.” Rute aishanda nesimba. MuKristu anofanira kuva nembiri yokushanda nesimba.

2:19-22. Naome naRute vaikurukurirana zvakanaka munguva dzemanheru, Naome achifarira mabasa aRute, vose vachitaura pfungwa nemanzwiro avo vakasununguka. Zvinofanira kusiyana here mumhuri yechiKristu?

2:22, 23. Kusiyana naDhina mwanasikana waJakobho, Rute akatsvaka shamwari dzainamata Jehovha. Muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri!—Genesi 34:1, 2; 1 VaKorinde 15:33.

NAOME ‘ANOZARA’

(Rute 3:1–4:22)

Naome anyanya kuchembera zvokuva nevana. Saka anorayiridza Rute kuti amuitire vana nokuroorwa kwokudzikinura, kana kuti kugarwa nhaka. Achitevera zvaanorayirwa naNaome, Rute anokumbira Bhoazi kuti ave mudzikinuri. Bhoazi akagadzirira kuita kudaro. Zvisinei, pane hama yomumba inofanira kupiwa mukana wokutanga.

Bhoazi anogadzirisa nyaya yacho pakarepo. Mangwana acho chaiwo, anounganidza varume vakuru gumi veBheterehema pamberi pehama yacho uye anoibvunza kana ichida kudzikinura. Murume wacho anoramba kuita kudaro. Saka, Bhoazi anova mudzikinuri ndokuroora Rute. Vanobereka mwanakomana, Obhedhi, sekuru vaMambo Dhavhidhi. Zvino vakadzi veBheterehema vanoti kuna Naome: “Jehovha ngaakudzwe . . . Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.” (Rute 4:14, 15) Mukadzi akanga adzoka a“sina chinhu” kuBheterehema ‘azara’ zvekare!—Rute 1:21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:11—Chii chakaita kuti Rute ave nomukurumbira wokuva “mukadzi wakanaka kwazvo”? Kwakanga kusiri “kuruka bvudzi kwokunze” kana kuti “kupfeka zvishongo zvendarama kana kwokupfeka nguo dzokunze” zvakaita kuti vamwe vayemure Rute. Asi, aiva “munhu akavanzika wemwoyo”—kuvimbika kwake uye rudo rwake, kuzvininipisa kwake uye unyoro hwake, kubishaira kwake uye kuzvipira kwake. Mukadzi wose anotya Mwari anoda kuva nomukurumbira wakaita sowaRute anofanira kuedza kukudziridza unhu uhwu.—1 Petro 3:3, 4; Zvirevo 31:28-31.

3:14—Nei Rute naBhoazi vakamuka mambakwedza? Hakusi kuti chimwe chinhu chakaipa chakanga chaitika usiku saka vaida kuchivanza. Zviri pachena kuti zvakaitwa naRute usiku ihwohwo zvaienderana netsika yaiitwa nomukadzi aitsvaka kodzero yenhaka. Akaita maererano nezvaakanga arayiridzwa naNaome. Uyezve, zvakaitwa naBhoazi zvinonyatsoratidza kuti haana kuona chakaipa pane zvakaitwa naRute. (Rute 3:2-13) Zviri pachena kuti Rute naBhoazi vakakurumidza kumuka kuitira kuti pasava nomunhu anotanga kutaura zvenhema.

3:15—Chii chakarehwa nokupa Rute zviyero zvitanhatu zvebhari kwakaitwa naBhoazi? Chiito ichi zvimwe chairatidza kuti sezvo zuva rokuzorora raitevera mazuva matanhatu okushanda, zuva raRute rokuzorora rakanga rava pedyo. Bhoazi aizoona kuti aiva ‘nenzvimbo yokuzorora’ mumba momurume wake. (Rute 1:9; 3:1) Kungavawo kuti zviyero zvitanhatu zvebhari ndizvo bedzi zvaigona kutakurwa naRute pamusoro.

3:16—Maererano noRugwaro rwepakutanga rwechiHebheru, nei Naome akabvunza Rute kuti: “Ndiwe ani, mwanasikana wangu?” Haana kuziva muroora wake here? Pamwe ndizvo zvakatoitika, nokuti pakadzokera Rute kuna Naome, zvimwe kwaiva kuchakasviba. Zvisinei, mubvunzo wacho ungarevawo kuti Naome akanga achibvunza nezvokuzivikanwa kutsva kwaRute maererano nokudzikinurwa kwake.

4:6—Mudzikinuri aigona “kutadzira” nhaka yake munzira ipi nokudzikinura? Kutanga, kana munhu aizova murombo akatengesa munda wake wenhaka, mudzikinuri aizotenga munda wacho pamutengo waitemwa nenhamba yemakore akanga asara kusvikira paJubheri raitevera. (Revhitiko 25:25-27) Kuita izvozvo kwaizoderedza kukosha kwomunda wake. Uyezve, kana Rute aizobereka mwanakomana, mwana iyeye ndiye aizogara nhaka munda waiva watengwa, panzvimbo pehama chero ipi zvayo yepedyo yomudzikinuri panguva iyoyo.

Zvatinodzidza:

3:12; 4:1-6. Bhoazi akanyatsotevera urongwa hwaJehovha. Tinonyatsotevera maitirwo ezvinhu echiKristu here?—1 VaKorinde 14:40.

3:18. Naome aivimba naBhoazi. Hatifaniri kuvimbawo nevatinonamata navo vakatendeka here? Rute aida kugarwa nhaka nomurume waakanga asingatombozivi, murume asingataurwi zita muBhaibheri. (Rute 4:1) Nei? Nokuti aivimba nourongwa hwaMwari. Tine chivimbo chakadarowo here? Somuenzaniso, kana yava nyaya yokutsvaka wokuroorana naye, tinoteerera zano rokuroora “munaShe bedzi” here?—1 VaKorinde 7:39.

4:13-16. Kunyange zvazvo aiva mukadzi wechiMoabhi uye munhu aimbonamata mwari ainzi Kemoshi, Rute akawana mubayiro wakazokura! Izvi zvinoratidza chokwadi chokuti “zviri, kwete pane anoda kana pane anomhanya, asi pana Mwari, ane ngoni.”—VaRoma 9:16.

Mwari ‘Ngaakukudzei Munguva Yakafanira’

Bhuku raRute rinoratidza kuti Jehovha ndiMwari ane mutsa worudo, anorwira vashumiri vake vakavimbika. (2 Makoronike 16:9) Patinofungisisa kuti Rute akakomborerwa sei, tinoona kukosha kwokuti tivimbe naMwari tiine kutenda kusina mubvunzo, tichitenda zvizere “kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

Rute, Naome, naBhoazi vaivimba zvizere nourongwa hwaJehovha, uye zvinhu zvakavafambira zvakanaka. Saizvozvowo, “Mwari anoita kuti mabasa ake ose ashandire pamwe kuti zvinakire vanoda Mwari, vaya vari vakadanwa maererano nokuda kwake.” (VaRoma 8:28) Saka ngatishandisei zano romuapostora Petro rinoti: “Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti akukudzei munguva yakafanira; muchikandira kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.”—1 Petro 5:6, 7.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Unoziva here kuti nei Rute asina kusiya Naome?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Chii chakaita kuti Rute ave nomukurumbira wokuva “mukadzi wakanaka kwazvo”?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Rute akapiwa “mubayiro wakakwana” wechii naJehovha?