Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takashandisa Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu Kuti Tipupurire Kure

Takashandisa Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu Kuti Tipupurire Kure

Nyaya Youpenyu

Takashandisa Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu Kuti Tipupurire Kure

YAKATAURWA NARICARDO MALICSI

Pandakapererwa nebasa rangu nemhaka yokuti ndaisava nokwandakarerekera somuKristu, ini nemhuri yangu takakumbira Jehovha kuti atibatsire kuronga remangwana redu. Mumunyengetero wedu, takataura chido chedu chokuwedzera ushumiri hwedu. Nguva pfupi pashure pacho, takatanga kutama-tama zvakaita kuti tisvike kunyika sere dzokumwe mumakondinendi maviri. Pamusana peizvi, takakwanisa kuita ushumiri hwedu kunzvimbo dziri kure.

NDAKABEREKERWA muPhilippines muna 1933 mumhuri yaipinda Chechi yePhilippine Independent. Vomumhuri yedu tose tiri 14 taipinda chechi iyoyo. Pandaiva nemakore anenge 12, ndakakumbira Mwari mumunyengetero kuti andiratidze chechi yechokwadi. Mumwe wevadzidzisi vangu akandinyoresa mukirasi yechitendero, uye ndakava muKaturike chaiye. Handina kumborega kuenda kunoreurura misi yoMugovera kana kuti kurovha Misa misi yeSvondo. Zvisinei, ndakatanga kusava nechokwadi uye kusagutsikana. Ndainetseka nemibvunzo yokuti chii chinoitika vanhu pavanofa, pamusoro pemoto wehero uye Utatu. Mhinduro dzaipiwa nevatungamiriri vechitendero dzakanga dzisina zvadzaireva uye dzisingagutsi.

Kuwana Mhinduro Dzinogutsa

Pandaidzidza ndiri pakoreji, ndakapinda muchikwata chakaita kuti ndiite zvokurwa, kubheja, kusvuta fodya, nemamwe mabasa asina kunaka. Mamwe manheru, ndakasangana naamai vomumwe wandaidzidza naye. Vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakavabvunza mibvunzo iya yandakanga ndambobvunza vafundisi vangu. Vakapindura mibvunzo yangu yose vachishandisa Bhaibheri, uye ndakabvuma kuti zvavakataura zvaiva zvechokwadi.

Ndakatenga Bhaibheri ndokutanga kuridzidza neZvapupu. Pasina nguva, ndakanga ndava kupinda misangano yose yeZvapupu zvaJehovha. Ndichitevera zano reBhaibheri rokuchenjera rinoti “songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera,” ndakarega kushamwaridzana neshamwari dzangu dzaiita zvounzenza. (1 VaKorinde 15:33) Izvi zvakandibatsira kufambira mberi pakudzidza kwandaiita Bhaibheri uye pakupedzisira kuzvitsaurira kuna Jehovha. Ndabhabhatidzwa muna 1951, ndakashumira somushumiri wenguva yakazara (piyona) kwenguva yakati. Zvadaro muna December 1953, ndakaroora Aurea Mendoza Cruz, akazova shamwari yangu kwoupenyu hwose uye mushandi pamwe neni akatendeka muushumiri.

Mhinduro Yeminyengetero Yedu

Tainyatsoda kushanda semapiyona. Zvisinei, chido chedu chokushumira Jehovha zvizere hachina kuzadzika pakarepo. Kunyange zvakadaro, hatina kurega kukumbira Jehovha kuti azarure mikana mubasa rake. Asi upenyu hwedu hwakanga hwakaoma. Zvisinei, tairamba tichifunga zvinangwa zvedu zvokunamata, uye ndava nemakore 25, ndakagadzwa kuva muranda weungano, mutariri anotungamirira muungano yeZvapupu zvaJehovha.

Sezvandakafambira mberi muzivo yeBhaibheri ndokunzwisisa zviri nani zvinodiwa naJehovha, ndakaziva kuti basa rangu raikanganisa zvandaiudzwa nehana yangu somuKristu akanga asina kwaakarerekera. (Isaya 2:2-4) Ndakasarudza kurisiya. Izvi zvakava muedzo wokutenda kwedu. Ndaizotarisira sei zvaidiwa nemhuri yangu? Takataurazve naJehovha Mwari mumunyengetero. (Pisarema 65:2) Takamuudza zvaitinetsa uye zvataitya, asi takamuudzawo chido chedu chokushumira kwainyanya kudiwa vaparidzi voUmambo. (VaFiripi 4:6, 7) Takanga tisingazivi kuti mikana yakasiyana-siyana yaizotizarukira!

Kutanga Rwendo Rwedu

Muna April 1965, ndakawana basa rokudzimura moto uye ndakava supavhaiza wokununura paVientiane International Airport, kuLaos, uye takatamira ikoko. Muguta reVientiane, maiva neZvapupu 24, uye takanakidzwa nebasa rokuparidza nemamishinari nedzimwe hama shomanana dzomunharaunda yacho. Gare gare, ndakachinjirwa kuUdon Thani Airport, kuThailand. MuUdon Thani makanga musina zvimwe Zvapupu. Semhuri, taiita toga misangano yose yevhiki nevhiki. Taiparidza pamba nemba, kudzokerazve, uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

Takayeuka zano raJesu kuvadzidzi vake rokuti vaifanira ‘kuramba vachibereka zvibereko zvakawanda.’ (Johani 15:8) Saka takasarudza kutevera muenzaniso wavo uye takaramba tichizivisa mashoko akanaka. Nenguva isipi, takava nemigumisiro yakanaka. Mumwe musikana wokuThailand akagamuchira chokwadi ndokuva hanzvadzi yedu yechiKristu. Vamwe vanhu vaviri vokuNorth America vakagamuchira chokwadi uye nokufamba kwenguva vakava vakuru vechiKristu. Takaramba tichiparidza mashoko akanaka kwemakore anodarika gumi kuchamhembe kweThailand. Tinofara chaizvo kuziva kuti iye zvino muUdon Thani mava neungano! Dzimwe mbeu dzechokwadi dzatakadyara dzichiri kuva nezvibereko.

Kunyange zvakadaro, zvinosuruvarisa kuti taifanira kutamazve, uye takanyengeterera kuti “Tenzi wokukohwa” azotibatsira kuti tirambe tichiita basa rokuparidza. (Mateu 9:38) Takachinjirwa kuTehran, guta guru reIran. Iyi yaiva nguva yokutonga kwemhuri yokwaShah.

Kuparidza Mundima Dzakaoma

Patakasvika muTehran, takabva tangoona hama dzedu dzatinonamata nadzo. Taipinda neboka duku reZvapupu raiumbwa nemarudzi 13 akasiyana-siyana. Taifanira kugadziridza zvimwe zvinhu kuti tigone kuparidza mashoko akanaka muIran. Kunyange zvazvo tisina kumboshorwa chaizvoizvo, taifanira kungwarira.

Dzimwe nguva taifanira kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri pakati pousiku kana kuti gare gare—kusvika mangwanani-ngwanani, nemhaka yepurogiramu yebasa yevanhu vaifarira. Asi, taifara kwazvo kuona zvibereko zvokushanda nesimba ikoko! Mhuri dzakati kuti dzevanhu vokuPhilippines nokuKorea dzakagamuchira chokwadi chechiKristu dzichibva dzazvitsaurira kuna Jehovha.

Zvadaro ndakazoshanda kuDhaka, Bangladesh. Takasvikako muna December 1977. Iyi yakanga iri imwe nyika yaiva yakaoma kuita basa redu rokuparidza. Zvisinei, taigara tichiyeuka kuti tinofanira kuramba tichishingaira. Tichitungamirirwa nomudzimu waJehovha, takakwanisa kuwana mhuri dzakawanda dzevaizviti vaKristu. Vamwe vavo vaiva nenyota yemvura yechokwadi inozorodza inowanikwa muMagwaro Matsvene. (Isaya 55:1) Saka, takatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda.

Takaramba tichiyeuka kuti Mwari anoda kuti “vanhu vose vaponeswe.” (1 Timoti 2:4) Zvinofadza kuti hapana munhu akaedza kutikonzera zvinetso. Kuti pasava nokufungirwa zvakaipa kupi nokupi, takava nechokwadi chokushandisa nzira yokutanga nayo kutaura ine ushamwari zvikuru. Somuapostora Pauro, takaedza ku“va zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose.” (1 VaKorinde 9:22) Pataibvunzwa chikonzero chokushanya kwedu, taitsanangura nomutsa, uye takaona kuti vakawanda vaiva noushamwari chaizvo.

MuDhaka takawana Chapupu cheimomo ndokuchikurudzira kuti chipinde nesu misangano yedu yechiKristu uye gare gare mubasa rokuparidza. Zvadaro, mudzimai wangu akadzidza Bhaibheri neimwe mhuri ndokuikoka kumisangano yedu. Nomutsa worudo waJehovha, mhuri yacho yose yakawana chokwadi. Gare gare, vanasikana vavo vaviri vakabatsira kushandurira mabhuku eBhaibheri muchiBengali, uye hama dzavo dzakawanda dzakasvikawo pakuziva Jehovha. Vamwe vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakagamuchira chokwadi. Vakawanda vavo zvino vari kushumira sevakuru kana kuti mapiyona.

Sezvo Dhaka riri guta rine vanhu vakawanda, takakumbira vamwe vomumhuri yedu kuti vatibatsire mubasa rokuparidza. Vanoverengeka vakabvuma ndokubatana nesu muBangladesh. Tinofara uye tinoonga Jehovha zvikuru nokuda kwomukana watakava nawo wokuparidza mashoko akanaka munyika iyoyo! Kubvira pamavambo maduku zvikuru omunhu mumwe bedzi, iye zvino mava neungano mbiri muBangladesh.

Muna July 1982, taifanira kutama muBangladesh. Takasiya hama dzacho misodzi yakati yangarara mumaziso edu. Pasina nguva pashure pacho, ndakawana basa paEntebbe International Airport, kuUganda, kwataizogara kwemakore mana nemwedzi minomwe. Taizokwanisa kuitei kuti tikudze zita guru raJehovha munyika iyi?

Kushumira Jehovha kuEast Africa

Patakasvika paEntebbe International Airport, mumwe mutyairi akatitakura ini nomudzimai wangu achitiendesa kwatainogara. Patakanga tava kubva pachiteshi chendege, ndakatanga kuparidzira mutyairi wacho nezvoUmambo hwaMwari. Akandibvunza kuti: “Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Pandakapindura kuti ndaiva mumwe wazvo, mutyairi wacho akati: “Imwe hama yenyu inoshanda pachivako chinodzora mafambiro endege.” Pakarepo, ndakabva ndamukumbira kuti andiendese ikoko. Takaona hama yacho, iyo yakafara chaizvo kutiona, uye urongwa hwakaitwa nokuda kwemisangano uye basa romumunda.

MuUganda maingova nevaparidzi voUmambo 228 panguva iyoyo. Tiine dzimwe hama mbiri dzokuEntebbe, takapedza gore redu rokutanga tichidyara mbeu dzechokwadi. Sezvo vanhu ikoko vachifarira kuverenga, takakwanisa kugovera mabhuku akawanda, kusanganisira mazana emagazini. Takakumbira hama dzokuKampala, guta guru, kuti dzitibatsire kuparidza ndima yeEntebbe pakupera kwevhiki. Pahurukuro yavose yandakatanga kupa, paiva nevanhu vashanu—kusanganisira ini.

Mumakore matatu akazotevera, takava nenguva inofadza chaizvo muupenyu hwedu, tichiona vaya vataidzidzisa vachidavidza uye vachifambira mberi nokukurumidza. (3 Johani 4) Pane rimwe gungano redunhu, vatanhatu vevanhu vataidzidza navo Bhaibheri vakabhabhatidzwa. Vakawanda vavo vakati vakanga vakurudzirwa kuita basa renguva yakazara nokuti vakationa tichishumira semapiyona, kunyange zvazvo taiswera kubasa.

Takaziva kuti kubasa kwedu kwaigona kuvawo ndima inobereka zvibereko. Pane imwe nguva, ndakatanga kutaura nomumwe aiita basa rokudzimura moto pachiteshi chendege ndokumuudza tariro inobva muBhaibheri youpenyu muparadhiso yepasi. Ndakamuratidza muBhaibheri rake kuti vanhu vanoteerera vachagara murugare uye vakabatana, vasingatamburizve nenhamo, kushayiwa pokugara, hondo, kurwara, kana kufa. (Pisarema 46:9; Isaya 33:24; 65:21, 22; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kuverenga izvi muBhaibheri rake kwakaita kuti afarire. Takabva tangotanga kudzidza Bhaibheri. Aipinda misangano yose. Nokukurumidza akazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa. Gare gare, akabatana nesu muushumiri hwenguva yakazara.

Mhirizhonga yevagari vomunyika imomo yakatanga kaviri pataiva muUganda, asi haina kumisa mabasa edu ezvokunamata. Vaitarisirwa nevaya vaishandira masangano enyika dzakawanda vakachinjirwa kuNairobi, Kenya, kwemwedzi mitanhatu. Isu takanga tasara muUganda takaramba tichipinda misangano yechiKristu uye tichiita basa rokuparidza, kunyange zvazvo taifanira kungwarira uye kusvinurira.

Muna April 1988, ndakapedza basa rangu tichibva tatama zvekare. Takabva paUngano yeEntebbe tagutsikana chaizvo pamusana pokubudirira mune zvokunamata ikoko. Muna July 1997, takavazve nomukana wokushanyira Entebbe. Panguva ino, vamwe vevatakanga tadzidza navo Bhaibheri vakanga vava kushanda sevakuru. Takazofara kuona vanhu 106 paMusangano Wavose!

Kutamira Kundima Isina Kumboshandwa

Taizogona kuwana mumwe mukana mutsva webasa here? Hungu, ndakabva ndazoshanda paMogadishu International Airport, muSomalia. Takanga takatsunga kushandisa zvakanaka mukana uyu mutsva kuti tishumire mundima isina kumboshandwa.

Taifanira kungoparidzira vashandi vevamiririri vehurumende vokune dzimwe nyika, vashandi vaibva kuPhilippines, nevamwe vanhu vokune dzimwe nyika. Taiwanzosangana navo mumusika. Taivashanyirawo kudzimba dzavo seshamwari. Nokuva vakangwara, vane unyanzvi, vakachenjera uye vanovimba zvakakwana naJehovha, takakwanisa kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri, uye izvi zvakabereka zvibereko pane vaya vaibva munyika dzakasiyana-siyana. Pashure pemakore maviri, takabva muMogadishu—nguva pfupi hondo isati yatanga imomo.

International Civil Aviation Organization yakazondiendesa kuYangon, Myanmar. Zvakare, mikana yakaisvonaka yakamuka yokuti tibatsire vaya vaiva nemwoyo yakatendeseka kudzidza pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Tabva muMyanmar, takanzi tiende kuDar es Salaam, kuTanzania. Kuparidza mashoko akanaka pamba nemba muDar es Salaam kwaiva nyore zvikuru nokuti maiva nevanhu vaitaura Chirungu.

Munyika dzose dzatakashanda, takava nezvinetso zvishomanana pakuita ushumiri hwedu, kunyange zvazvo kakawanda, basa reZvapupu zvaJehovha rairambidzwa. Nemhaka yezvakanga zvakaita basa rangu, kazhinji raiwanzobatana nehurumende kana kuti masangano okune dzimwe nyika dzakawanda, vanhu vakanga vasina mubvunzo nezvataiita.

Basa rangu rokunyika rakaita kuti ini nomudzimai wangu tigare tichingotama-tama kwemakore makumi matatu. Zvisinei, taiona basa rangu senzira bedzi yokuita chinangwa chedu chataida. Chinangwa chedu chokutanga nguva dzose chaiva chokusimudzira zvinodiwa noUmambo hwaMwari. Tinoonga Jehovha nokutibatsira kushandisa zvakanaka kuchinja kwemamiriro ezvinhu zvedu uye kuti tive neropafadzo inoshamisa yokuparadzira mashoko akanaka kunzvimbo dziri kure.

Kudzoka Pazvakatangira

Ndava nemakore 58, ndakasarudza kukurumidza kuenda pamudyandigere ndichibva ndadzokera kuPhilippines. Patakadzoka, takanyengetera kuna Jehovha kuti atungamirire nhano dzedu. Takatanga kushumira muungano iri muTrece Martires City, mupurovhinzi yeCavite. Patakatanga kusvika, maingova nevazivisi voUmambo hwaMwari 19. Mabasa okuparidza zuva nezuva airongwa, uye zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvakatangwa. Ungano yakatanga kukura. Pane imwe nguva, mudzimai wangu akava nezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 19, uye ini ndaiva ne14.

Pasina nguva, Imba yoUmambo yakava duku chaizvo. Takanyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho. Imwe hama yechiKristu nomudzimai wayo vakasarudza kupa nzvimbo, uye hofisi yebazi yakatendera chikwereti chokuvaka Imba yoUmambo itsva. Chivako chacho chitsva chakava nomugumisiro wakakura pabasa rokuparidza, uye vanhu vaipinda vakawedzera vhiki nevhiki. Panguva ino, tinofamba inodarika awa imwe kuenda bedzi kuti tinobatsira imwe ungano ine vaparidzi 17.

Ini nomudzimai wangu tinoonga ropafadzo yatakava nayo yokushumira munyika dzakasiyana-siyana kudaro. Tichifunga nezvoupenyu hwedu hwokutama-tama, tinogutsikana zvikuru kuziva kuti hwakashandiswa munzira yakanakisisa—kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha!

[Mepu iri papeji 24, 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

TANZANIA

UGANDA

SOMALIA

IRAN

BANGLADESH

MYANMAR

LAOS

THAILAND

PHILIPPINES

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndiine mudzimai wangu, Aurea