Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Ine Simba Rinochengetedza

Tariro Ine Simba Rinochengetedza

Tariro Ine Simba Rinochengetedza

TARIRO yechokwadi, sokutaurwa kwainoitwa muBhaibheri, inodarika kungova nechidowo zvacho, chingasava nepachakavakirwa kana tarisiro yokuzadzika. Iri naniwo pane kungofungidzira, nokuti icho chiri kutarisirwa handicho chinenge chichidiwa nguva dzose.

Bhaibheri rinoratidza kuti vanhuwo zvavo venyika havana tariro chaiyo yakasimba; vanhu vari kufa, uye zvavasingazivi nezvourongwa hunobva kune mumwe munhu akakwirira, havana tariro yezviri mberi. Soromoni akaratidza kusabatsira kwemamiriro ezvinhu evanhu pasina kupindira kwaMwari ‘sokusava nematuro chose!’—Muparidzi 12:8.

Mashoko anonyanya kutaurwa nevaya vasina tariro muna Mwari uye muchipikirwa chake chokumutsa vakafa, akafanana nemashoko evagari veJerusarema vakanga vasingateereri avo vakazvipinza mumafaro enyama, panzvimbo pokupfidza uye kurwadziwa guta ravo parakanga rakatarisana nokuparadzwa senzira yokutongwa naMwari. Vakati: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.” (Isaya 22:13) Muapostora Pauro anonyevera nezvokutapukirwa nemafungiro evanhu vakadaro vasina tariro.—1 VaKorinde 15:32, 33.

Pauro akanga asingarambi kuti vanhu venyika vane zvinhu zvine musoro zvavanotarisira, zvimwe zvinotorumbidzwa. Asi akaratidza kuti, pasina Mwari, tariro yomunhu haikoshi; chaizvoizvo, pakupedzisira haibatsiri.

Anopa Tariro

Jehovha Mwari ndiye Anopa tariro yechokwadi uye Ndiye anogona kuzadzika zvipikirwa zvake zvose uye tariro yevaya vanovimba naye. Akapa vanhu “nyaradzo isingaperi netariro yakanaka,” achishandisa mutsa wake usina kufanirwa. (2 VaTesaronika 2:16) MuMagwaro echiHebheru mune mashoko akawanda etariro, uye okuvimba naJehovha. Nomutsa wake worudo kuvanhu vake, kunyange pavakanga vari kuenda kuutapwa nemhaka yokusamuteerera, akati kwavari: “Ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, . . . ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.”—Jeremia 29:11.

Chipikirwa chaJehovha chakaita kuti vaIsraeri vakanga vakatendeka vaiva nhapwa muBhabhironi varambe vaine kutenda netariro; chakasimbisa zvikuru varume vakadai saEzekieri naDhanieri, nokuti Jehovha akanga ati: “Mugumo wako une tariro, . . . vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.” (Jeremia 31:17) Tariro iyoyo yakazadzika vakasara vechiJudha vakatendeka pavakadzoka muna 537 B.C.E. kuzovakazve Jerusarema netemberi yaro.—Ezra 1:1-6.

Hahusi udyire kuti mushumiri waMwari atarisire kuti achawana mubayiro. Kuti aone Mwari zvakanaka uye kuti amunzwisise zvakakodzera, munhu anofanira kuziva kuti mutsa worudo uye rupo unhu hwaMwari hwakaisvonaka uye haafaniri kungotenda kuti Mwari ariko asiwo kuti ndiye “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

Tariro Inokosha Kuti Tive Nokutenda

Tariro inokoshawo kuti tive nokutenda; ndiyo hwaro hwokutenda. (VaHebheru 11:1) Uyewo, kutenda kunoita kuti tariro iwedzere kujeka uye kusimba. Muapostora Pauro anotaura nezvomuenzaniso wakanaka waAbrahamu kuti asimbise vaKristu.

Mukuona kwevanhu, Abrahamu naSara pavakanga vasisina tariro yokuva nevana, zvinonzi: “Kunyange akanga asisina tariro, asi aiva nokutenda kwakavakirwa patariro, kuti ave baba vamarudzi akawanda maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: ‘Ndizvo zvichaita mbeu yako.’” Abrahamu aiziva kuti nezvokubereka vana, muviri wake nowaSara wakanga ‘wafa.’ Asi haana kupera simba mukutenda. Nei? “Nemhaka yechipikirwa chaMwari haana kuzununguka mukusava nokutenda, asi akava ane simba nokutenda kwake.”—VaRoma 4:18-20.

Saka muapostora wacho anoshandisa muenzaniso waAbrahamu wokutenda netariro kuvaKristu, achigumisa nokuti: “Ngatifarei zvikuru, takavakira patariro yembiri yaMwari . . . uye tariro haitungamiriri kukuora mwoyo; nokuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nomudzimu mutsvene, watakapiwa.”—VaRoma 5:2, 5.

Tariro yomuKristu

Chokwadi, tariro yomuKristu uye yevanhu vose iri muna Jesu Kristu. Kuwana upenyu husingaperi kudenga kana kuti pasi pano kwakanga kusina kuzarukira vanhu vose kusvikira Kristu Jesu “avheneka paupenyu nokusaora nemashoko akanaka.”—2 Timoti 1:10.

Tariro youpenyu husingaperi uye kusaora kune vaya “vanogoverana pamwe kudanwa kwokudenga” yakanyatsosimbiswa uye ndechimwe chinhu chinogona kunyatsovimbwa nacho. (VaHebheru 3:1) Inotsigirwa nezvinhu zviviri izvo pazviri Mwari asingagoni kureva nhema, zvinoti, chipikirwa chake nemhiko yake, uye tariro iri muna Kristu, uyo zvino asingachafi kumatenga. Naizvozvo tariro iyi inotaurwa nezvayo se“chinhu chinobata mweya, yechokwadi uye yakasimba, uye inopinda nepaketeni [mupristi mukuru paanopinda muNzvimbo Tsvene tsvene pazuva Rokuyananisa], makapinda mutungamiriri nokuda kwedu, Jesu, uyo akava mupristi mukuru maererano nomutoo waMerekizedheki nokusingaperi.”—VaHebheru 6:17-20.

Zvakanakira Kuramba Uine Tariro

Kudiwa kwokuti vaKristu vabatisise “tariro imwe” kunoramba kuchisimbiswa muBhaibheri. (VaEfeso 4:4) Zvinoda kuti varambe vachishingaira vova norusununguko rwokutaura uye vo“zvirumbidza” pamusoro petariro yacho.—VaHebheru 3:6; 6:11.

Tariro inokudziridzwa nokutsungirira mumatambudziko; izvi zvinobereka kutenderwa pamberi paMwari, uyo anopa tariro. (VaRoma 5:2-5) Tariro inoiswa pamwe chete nokutenda norudo sezvo iri humwe hwounhu hutatu hunozivisa ungano yechiKristu kubvira pakaguma zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvaiva muungano yomuzana remakore rokutanga.—1 VaKorinde 13:13.

Tariro inokosha kuvaKristu. Inobatanidza mufaro, rugare uye simba romudzimu mutsvene. (VaRoma 15:13) Inosimudzira rusununguko rwokutaura pakukumbira Mwari mutsa wake usina kufanirwa uye ngoni dzake. (2 VaKorinde 3:12) Inoita kuti muKristu atsungirire achifara, pasinei nokuti zvinhu zvingave zvakadini. (VaRoma 12:12) Sezvo ngowani yaidzivirira musoro womusoja, saka tariro yoruponeso inodzivirira masimba okufunga, ichiita kuti muKristu arambe akavimbika.—1 VaTesaronika 5:8.

Tariro inobatsira kuti muKristu arambe achirarama nenzira yakachena, nokuti anoziva kuti Mwari naKristu, avo vanopa tariro vakachena, haagoni kutarisira kufanana naMwari uye kuwana mubayiro kana achiita zvinhu zvisina kuchena kana kuti zvisina kururama. (1 Johani 3:2, 3) Tariro iri pedyo zvikuru nounhu hukuru kudarika hwose, rudo, nokuti munhu anonyatsoda Mwari achavawo netariro muzvipikirwa zvaMwari zvose. Uyezve, achatarisira zvakanakisisa kuhama dzake mukutenda, achidzida uye achivimba nokutendeseka kwadzo muna Kristu.—1 VaKorinde 13:4, 7; 1 VaTesaronika 2:19.