Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakanakira Kuita Kuti Pave Norugare

Zvakanakira Kuita Kuti Pave Norugare

Zvakanakira Kuita Kuti Pave Norugare

ED AKANGA ava kufa, uye Bill aimuvenga. Makore makumi maviri akanga apfuura, Ed akanga aita chisarudzo chakaita kuti Bill arasikirwe nebasa rake, uye chakagura ushamwari hweava vaimbova tsika nditsikewo. Panguva ino Ed aiedza kukumbira ruregerero kuti afe murugare. Zvisinei, Bill akaramba kumuteerera.

Kwapera makore anenge 30 Bill ava kuda kufa, akatsanangura kuti nei asina kumuregerera. “Ed aisafanira kuita zvaakaita kushamwari yake yepamwoyo. Ndaisada kuyanana naye kwapera makore makumi maviri. . . . Pamwe ndaiva ndisina kururama, asi ndiwo manzwiro andaiita.” *

Kusawirirana hakuwanzovi nemigumisiro yakanyanya kushata zvakadaro, asi kunowanzoita kuti vanhu vasare vakuvadzwa uye vachirwadziwa. Chimbofunga nezvomumwe anonzwa sezvaiita Ed. Munhu iyeye angararama nehana ine mhaka uye pfungwa yokurasikirwa zvikuru paanoona kuti chisarudzo chake chakakuvadza mumwe munhu. Asi, anonzwa kurwadziwa paanofunga kuti shamwari yake yaakatadzira yakarasa sei ushamwari hwavo kunge marara.

Zvisinei, mumwe munhu ane mafungiro akafanana neaBill anozviona somunhu akanganisirwa, asina mhosva uye angatsamwa zvikuru uyewo anganzwa pfundepfunde. Sokuona kwake, yaimbova shamwari yake iyi yaiziva zviri nani uye ingadaro yakakonzera kukuvara kwacho nemaune. Kazhinji, vanhu vaviri pavanenge vasingawirirani, mumwe nomumwe wavo anogutsikana kuti ari kuita zvakanaka uye kuti mumwe wake ndiye ane mhosva. Saka zvinobva zvaita kuti vaviri vaimbova shamwari vaite sevari kurwisana.

Vanorwa nezvombo zvisina ruzha—mumwe anofuratira kana mumwe achiuya, uye vanopanana makotsi kana vakasangana vari muboka. Vari kure nakure, vanotarisana zvokubira kana kuita zvokudzvokorana. Pavanotaura, vanongoita mashoko okukanda kana kupanana magaramwoyo chaiwo.

Asi kunyange zvazvo vachiita sevapesana zvachose, pangangova nezvimwe zvavanobvumirana. Vangabvumirana kuti vane zvinetso zvakakomba uye kuti kusiyana neshamwari yepamwoyo kunorwadza. Zvimwe mumwe nomumwe wavo anonzwa marwadzo eronda riri kunyenga, uye vose vanoziva kuti chimwe chinhu chinofanira kuitwa kuti ripore. Asi ndiani achatora danho rokutanga kugadzirisa ukama hwakanganiswa vova norugare? Hapana anoda.

Zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura, vaapostora vaJesu Kristu dzimwe nguva vaimboitirana nharo nehasha. (Mako 10:35-41; Ruka 9:46; 22:24) Pashure pokumwe kuitirana nharo kukuru, Jesu akabvunza kuti: “Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?” Nemhaka yokunyara, hapana kana mumwe wavo akapindura. (Mako 9:33, 34) Dzidziso dzaJesu dzakavabatsira kuti vayanane. Zano rake, uye revamwe vadzidzi vake, rinoramba richibatsira vanhu kupedza kusawirirana uye kugadzirisa ushamwari hunenge hwakanganiswa. Ngationei kuti sei.

Edza Kuita Kuti Pave Norugare

“Handidi kutaura naye. Handitombodi kumuona zvekare.” Kana wakataura mashoko akadaro pamusoro pomumwe munhu, unofanira kuita chimwe chinhu, sezvinoratidzwa nendima dzeBhaibheri dzinotevera.

Jesu akadzidzisa kuti: “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako.” (Mateu 5:23, 24) Uyezve akati: “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhaka yake iwe naiye muri moga.” (Mateu 18:15) Ungave wakagumbura mumwe munhu kana kuti mumwe munhu akakugumbura, mashoko aJesu anosimbisa kukosha kwokuti iwe nomunhu wacho mutaurirane nhau yacho nokukurumidza. Unofanira kuita izvi “nounyoro.” (VaGaratiya 6:1) Chinangwa chokukurukurirana kwacho hachisi chokudzivirira maonerwo aunoitwa nevamwe nokuedza kuzvipembedza kana kuti kumanikidza muvengi wako kuti akumbire ruregerero, asi ndechokuita kuti pave norugare. Zano iri reBhaibheri rinoshanda here?

Ernest ndisupavhaiza mune imwe hofisi huru. * Kwemakore akawanda, basa rake rave richida kuti akurukure nhau dzinonetsa nevanhu vemarudzi ose uye kuti arambe achishanda navo zvakanaka. Akaona kuti kusawirirana kunogona sei kutanga nyore nyore. Anoti: “Dzimwe nguva ndaimbotadza kuwirirana nevamwe. Asi izvi pazvinoitika, ndinogara pasi nomunhu wacho tokurukura chinetso chacho. Ndinoenda kwavari zvakananga. Totaura takatarisana, nechinangwa chokuita kuti pave norugare. Izvi zvinoshanda zvikuru.”

Alicia ane shamwari dzinobva kwakasiyana-siyana, uye anoti: “Dzimwe nguva ndinotaura chimwe chinhu, ndobva ndazofunga kuti zvichida ndagumbura mumwe munhu. Ndinoenda ndokumbira ruregerero kumunhu iyeye. Kungava kuti ndinokumbira ruregerero kakawanda kudarika zvandinofanira kuita nokuti kunyange kana munhu wacho asina kugumbuka, ndinonzwa zviri nani kana ndikadaro. Ipapo ndinoziva kuti panenge pasina kusanzwisisana.”

Kukurira Zvipingamupinyi

Zvisinei, nzira yokuita nayo rugare pakusawirirana inowanzokanganiswa nezvipingamupinyi. Wati wambotaura kuti: “Nei ini ndichifanira kutanga kuita kuti pave norugare? Ndiye akakonzera chinetso chacho.” Kana kuti wati wamboenda kune mumwe munhu kuti mugadzirise chinetso asi wonzwa munhu wacho achiti: “Handina zvokutaura newe”? Vamwe vanhu vanodaro pamusana pokurwadziwa mupfungwa kwavanenge vachiita. Zvirevo 18:19 inoti: “Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.” Saka fungawo manzwiro omumwe munhu. Kana akaramba kutaura newe, mira kwekanguva woedzazve. Zvadaro “guta rakasimba” ringazaruka uye “zvipfigiso” zvingabviswa pamusuo kuti muyanane.

Chimwe chipingamupinyi chorugare chingava nechokuita nokuzviremekedza kwomunhu. Kune vamwe vanhu, kukumbira ruregerero kana kuti kunyange kutaura kune munhu wavanovenga zvinodukupisa. Zvakanaka kuva nehanya nokuzviremekedza, asi kuramba kuita rugare kunonatsiridza kuzviremekedza kwomunhu here kana kuti kunokuderedza? Kuva nehanya nokuzviremekedza kungavhariridza kudada here?

Munyori weBhaibheri Jakobho anoratidza kuti kukakavadzana kunoenderana nokudada. Pashure pokufumura “hondo” no“kurwa” zvinoitwa pakati pevamwe vaKristu, anoenderera mberi achiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (Jakobho 4:1-3, 6) Kuzvikudza, kana kuti kudada, zvinokanganisa sei rugare?

Kudada kunonyengera vanhu, kuchivaita kuti vafunge kuti vari nani pane vamwe. Vanhu vanozvikudza vanofunga kuti vane simba rokutonga tsika dzevamwe vavo. Munzira ipi? Kana kusawirirana kukamuka, vanowanzoona vavanovengana navo sevanhu vasingachachinji. Kudada kunoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti vaya vakasiyana navo havakodzeri kuteererwa, saka havafaniri kukumbira ruregerero rwechokwadi. Nokudaro, vaya vanokurudzirwa nokudada vanowanzobvumira kuti kusawirirana kuenderere mberi pane kukupedza zvakanaka.

Kufanana nezvinhu zvinoshandiswa kumisa motokari parodhibhuroku, kudada kunowanzomisa matanho anoita kuti pave norugare. Saka kana ukaona uchiramba kuedza kuva norugare nomumwe munhu, ungave uine chinetso chokudada. Ungakurira sei kudada? Nokukudziridza zvinopesana nako—kuzvininipisa.

Ita Zvinopesana

Bhaibheri rinokoshesa zvikuru kuzvininipisa. “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.” (Zvirevo 22:4) Pana Pisarema 138:6, tinoverenga maonero anoita Mwari vanhu vanozvininipisa nevanodada, kuti: “Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa; asi une manyawi Jehovha unomuziva ari kure.”

Vanhu vakawanda vanoenzanisa kuzvininipisa nokudukupiswa. Vatongi venyika vanoita sevanofunga nenzira iyi. Kunyange zvazvo marudzi ose achizviisa pasi pezvavanoda, vatungamiriri vezvematongerwe enyika havana ushingi hwokubvuma zvikanganiso zvavo nokuzvininipisa. Kunzwa mutongi achiti, “Ndine urombo” inhau inganzwika kwose kwose. Munguva pfupi yapfuura, mumwe aimbova mukuru mukuru wehurumende paakakumbira ruregerero pamusana pokukundikana kwake munjodzi yakaipisisa, mashoko ake akava musoro wenhau.

Ona kuti rimwe duramazwi rinorondedzera sei kuzvininipisa: “Unhu hwokuzvidukupisa kana kuti kuzvirereka . . . hunopesana nokudada kana kuti kuzvikudza.” Saka kuzvininipisa kunorondedzera kuzviona kunoita munhu, kwete mafungiro anoita vamwe nezvake. Kubvuma zvikanganiso zvake nokuzvininipisa wokumbira kuregererwa hakudukupisi munhu; asi kunonatsiridza mukurumbira wake. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo womunhu unozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.”—Zvirevo 18:12.

Pamusoro pevezvematongerwe enyika vasingakumbiri ruregerero rwezvavanokanganisa, mumwe murume akati: “Zvinosuruvarisa kuti vanoita sevanofunga kuti kubvuma kwakadaro kunoratidza kusava nesimba. Vanhu vasina simba uye vasina kuchengeteka havawanzoti, ‘Ndine urombo.’ Vanhu vane mutsa uye vakashinga ndivo vasingaderedzwi nokutaura kuti, ‘Ndakanganisa.’” Izvozvo ndezvechokwadiwo nezvevaya vasina simba mune zvematongerwe enyika. Kana ukaedza kutsiva kudada nokuzvininipisa, tarisiro yako yokuva norugare kana paine kusawirirana inovandudzika zvikuru. Ona kuti imwe mhuri yakaona sei chokwadi ichi.

Kusanzwisisana kwakaita kuti Julie nehanzvadzi yake William vasawirirana. William akatsamwira kwazvo Julie nomurume wake, Joseph, zvokurega kutaura navo. Akatodzorera zvipo zvose zvaakanga apiwa naJulie naJoseph makore akanga apfuura. Mwedzi zvayakapfuura, kurwadziwa kwakatsiva ushamwari hwaimbova nehanzvadzi nehanzvadzi ava.

Zvisinei, Joseph akasarudza kushandisa Mateu 5:23, 24. Akaedza kutaura natsano vake nounyoro achivatumira tsamba dzaaikumbira ruregerero nokuvagumbura kwaakanga aita. Joseph akakurudzira mudzimai wake kuti akanganwire hanzvadzi yake. Nokufamba kwenguva, William akaona kuti Julie naJoseph vaida nomwoyo wose kuita rugare, uye akadzora mafungiro ake. William nomudzimai wake vakaonana naJulie naJoseph; vose vakakumbirana ruregerero, vakambundirana, ndokutangazve kushamwaridzana.

Kana uchishuva kugadzirisa kusawirirana nomumwe munhu, shandisa nokushivirira dzidziso dzeBhaibheri uye edza kuita rugare nomunhu iyeye. Jehovha achakubatsira. Zvakataurwa naMwari kuna Israeri wekare zvichava zvechokwadi kwauri, kuti: “Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi.”—Isaya 48:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kubva mubhuku rinonzi The Murrow Boys—Pioneers on the Front Lines of Broadcast Journalism, rakanyorwa naStanley Cloud naLynne Olson.

^ ndima 12 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kukumbira ruregerero kunowanzoita kuti pavezve norugare