Chiitiko Chaunofanira Kuyeuka
Chiitiko Chaunofanira Kuyeuka
CHIITIKO chipi ichocho? Rufu rwomumwe murume akafa makore anoda kusvika 2 000 adarika. Akati: “Ndinopa mweya wangu, kuti ndiugamuchirezve. Hapana munhu akautora kwandiri, asi ndinoupa nokuzvidira.” (Johani 10:17, 18) Murume iyeye aiva Jesu Kristu.
Jesu akarayira vateveri vake kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwake rwechibayiro. Chiitiko chacho chinonzi “kudya kwaShe kwemanheru” kana kuti “chirayiro chaShe.” (1 VaKorinde 11:20; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Chirangaridzo chakatangwa naJesu kuti arangarire rufu rwake chichachengetwa neZvapupu zvaJehovha neshamwari dzazvo musi weChina, March 24, 2005, zuva ranyura.
Hurukuro yeBhaibheri ichatsanangura zvinomiririrwa nechingwa chisina kuviriswa uye waini tsvuku zvinoshandiswa pachiitiko chacho. (Mateu 26:26-28) Hurukuro yacho ichapindurawo mibvunzo yakaita seiyi: VaKristu vanofanira kuchengeta chiitiko chacho kangani? Ndiani ane kodzero yokudya zviratidzo zvechingwa newaini? Ndiani anobatsirwa norufu rwaJesu? Kuchengeta uku kunokosha kuchabatsira vanhu vose kunzwisisa chinangwa choupenyu hwaJesu norufu rwake.
Uchagamuchirwa noushamwari paChirangaridzo chorufu rwaJesu. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako nzvimbo chaiyo ichaitirwa musangano wacho nenguva yauchaitwa.