Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hatichazviraramiri

Hatichazviraramiri

Hatichazviraramiri

“[Kristu] akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye akavafira akamutswa. ”—2 VakKorinde 5:15.

1, 2. Murayiro upi womuMagwaro wakaita kuti vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakurire udyire?

HWAIVA usiku hwokupedzisira Jesu ari pasi pano. Mumaawa mashomanana, aizopa upenyu hwake nokuda kwevose vaizoratidza kutenda maari. Usiku ihwohwo, Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka zvinhu zvinokosha zvakawanda. Chimwe chacho wakanga uri murayiro waiva nechokuita nohumwe unhu hwaizoshanda sechiratidzo chinoratidza vadzidzi vake. “Ndiri kukupai murayiro mutsva,” akadaro, “kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.

2 VaKristu vechokwadi vanofanira kuratidzana rudo rwokuzvibayira uye kuisa zvinodiwa nevavanonamata navo pamberi pezvavanoda ivo. Havafaniri kuzeza kunyange ‘kupa mweya wavo nokuda kweshamwari dzavo.’ (Johani 15:13) VaKristu vepakutanga vakaita sei maererano nomurayiro mutsva wacho? Mubhuku rake rakakurumbira rinonzi Apology, munyori womuzana remakore rechipiri Tertullian akanyora mashoko aitaurwa nevamwe maererano nevaKristu okuti: ‘Onai kudanana kwavanoita; kuti vakagadzirira sei kunyange kufirana.’

3, 4. (a) Nei tichifanira kudzivisa udyire? (b) Chii chatichakurukura munyaya ino?

3 Isuwo tinofanira kuramba ti“chitakurirana zvinorema, nokudaro [ti]chizadzika mutemo waKristu.” (VaGaratiya 6:2) Zvisinei, udyire ndicho chimwe chinhu chikuru chinotitadzisa kuteerera murayiro waKristu uye ‘kuda Jehovha Mwari wedu nemwoyo wedu wose, mweya wedu wose, pfungwa dzedu dzose uye kuda muvakadzani sezvatinozviita.’ (Mateu 22:37-39) Zvatisina kukwana, tinowanzofunga nezvedu chete. Uyezve tine zvinotinetsa muupenyu hwemazuva ose, kukwikwidzana kunoitwa kuchikoro kana kubasa, kutamburira kuti tiwane chouviri, uye udyire hwatinoberekwa nahwo hunotowedzera. Pfungwa iyi youdyire haisi kuderera. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Pamazuva okupedzisira . . . vanhu vachava vanozvida.”—2 Timoti 3:1, 2.

4 Ava kuda kupedza ushumiri hwake pasi pano, Jesu akapa vadzidzi vake matanho matatu avaifanira kutora aizovabatsira kukurira udyire. Matanho api avaifanira kutora, uye tingabatsirwa sei nemirayiridzo yake?

Mushonga Unoshanda!

5. Paakanga achiparidza kuchamhembe kweGarireya, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti chii, uye nei izvozvo zvakavavhundutsa?

5 Jesu akanga ari kuparidza pedyo neKesariya Firipi nechokuchamhembe kweGarireya. Nharaunda yakanyarara iyi yakaisvonaka yaiita seyakanga yakanakira kuzorora pane kuziviswa nezvokuzviramba. Zvisinei, ari ikoko, Jesu akatanga kuratidza vadzidzi vake kuti “anofanira kuenda kuJerusarema otambura zvinhu zvakawanda zvinobva kuvarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourawa, omutswa pazuva rechitatu.” (Mateu 16:21) Zvaakataura izvi zvinofanira kuva zvakavhundutsa vadzidzi vaJesu, nokuti kusvikira panguva iyoyo vakanga vachitarisira kuti Mutungamiriri wavo aizogadza Umambo hwake pasi pano!—Ruka 19:11; Mabasa 1:6.

6. Nei Jesu akatsiura Petro zvakasimba?

6 Pakarepo Petro “akaenda naye [Jesu] parutivi akatanga kumutsiura, achiti: ‘Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.’” Jesu akapindura sei? “Achitendeuka, akati kuna Petro: ‘Enda shure kwangu, Satani! Uri chinogumbura kwandiri, nokuti unofunga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.’” Zvinonyatsoratidza kuti vaiva nemafungiro akasiyana chaizvo! Jesu akabvuma nokuzvidira upenyu hwokuzvibayira hwaakanga apiwa naMwari—hwaizoguma nokufira kwake padanda rokutambudzikira mumwedzi mishomanana yaitevera. Petro akakurudzira upenyu hwomutambarakede. “Zviitirei mutsa Ishe,” akadaro. Hapana mubvunzo kuti Petro aiva nevavariro dzakanaka. Kunyange zvakadaro, Jesu akamutsiura nokuti panguva iyoyo Petro akanga abvuma kushandiswa naSatani. Petro ai“funga, kwete zvinofunga Mwari, asi zvevanhu.”—Mateu 16:22, 23.

7. Sezvakanyorwa pana Mateu 16:24, Jesu akati vateveri vake vanofanira kuitei?

7 Mashoko akafanana neakataurwa naPetro kuna Jesu anganzwika mazuva ano. Nyika inowanzokurudzira munhu ‘kuita zvakamunakira’ kana ‘kuita zviri nyore.’ Ukuwo, Jesu akarumbidza mafungiro akatosiyana naiwayo zvachose. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) “Aya haasi mashoko okukurudzira vasati vava vadzidzi kuti vave vadzidzi,” rinodaro The New Interpreter’s Bible, “asi chikumbiro chokuti vaya vatova vadzidzi vaKristu vafungisise nezvezvinorehwa nokuva mudzidzi.” Matanho matatu akataurwa naJesu, akanyorwa murugwaro irworwo, anofanira kutevedzerwawo nevatendi. Ngationgororei danho rimwe chete panguva.

8. Tsanangura zvinoreva kuzviramba.

8 Chokutanga, tinofanira kuzviramba. Shoko rechiGiriki rinoreva “kuzviramba” rinoratidza kuramba nokuzvidira zvido zvoudyire kana kuti pfungwa yokungoda zvakatinakira chete. Kuzviramba haisingori nyaya yokurega zvimwe zvinhu zvinofadza pano neapo; uyewo hazvirevi kuti tinozviomesera kana kuzviparadza. ‘Hatichazviraramiri’ pakuti nokuzvidira tinopa Jehovha upenyu hwedu nezvose zvahuri. (1 VaKorinde 6:19, 20) Pane kuva noudyire, muupenyu hwedu tinosimbisa kuteerera zvinodiwa naMwari. Kuzviramba kunoreva chido chokuita zvinodiwa naMwari, kunyange zvazvo zvingapesana nezvatingave tichida zvisina kukwana. Tinoratidza kuti takazvipira zvakakwana kuna Mwari patinozvitsaurira kwaari tobva tabhabhatidzwa. Zvadaro tinobva taedza kurarama upenyu hwedu hwose maererano nokuzvitsaurira kwedu.

9. (a) Jesu paaiva pasi pano, danda rokutambudzikira raimiririrei? (b) Tinotora danda redu rokutambudzikira munzira ipi?

9 Danho rechipiri nderokuti tinofanira kutora danda redu rokutambudzikira. Muzana remakore rokutanga, danda rokutambudzikira raimiririra kutambura, kunyadziswa, uye rufu. Kazhinji, matsotsi chete ndiwo aiurayirwa padanda rokutambudzikira kana kuti zvitunha zvawo zvairembedzwa padanda. Nemashoko aya, Jesu akaratidza kuti muKristu anofanira kunge akagadzirira kutambudzwa, kuzvidzwa, kunyange rufu, sezvo asiri rutivi rwenyika. (Johani 15:18-20) Mitemo yedu yechiKristu inotisiyanisa nevamwe vanhu, saka nyika ‘ingataura zvakaipa nezvedu.’ (1 Petro 4:4) Izvi zvingaitika kuchikoro, kubasa kwedu, kunyange mumhuri. (Ruka 9:23) Pasinei neizvozvo, tinofanira kutsungirira kuzvidzwa kwatinoitwa nenyika nokuti hatichazviraramiri. Jesu akati: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga.” (Mateu 5:11, 12) Zvechokwadi, kudiwa naMwari ndiko kunonyanya kukosha.

10. Kuramba tichitevera Jesu kunosanganisirei?

10 Chechitatu, Jesu Kristu akati tinofanira kuramba tichimutevera. Maererano neAn Expository Dictionary of New Testament Words, raW. E. Vine, kutevera zvinoreva kufamba nomumwe munhu—“ari kuenda kwauri kuenda.” Johani Wokutanga 2:6 inoti: “Uyo anoti anoramba ari pamwe naye [Mwari] anosungirwawo iye kuramba achifamba sokufamba kwakaita iyeye [Kristu].” Jesu akafamba sei? Kuda kwaiita Jesu baba vake vokudenga uye kwaaiita vadzidzi vake kwakaita kuti asava noudyire. “Kristu haana kuzvifadza,” akanyora kudaro Pauro. (VaRoma 15:3) Kunyange paakanga akaneta kana kuti aine nzara, Jesu akaisa zvaidiwa nevamwe pamberi pezvaaida iye. (Mako 6:31-34) Jesu akashandawo nesimba mubasa rokuparidza Umambo nokudzidzisa. Hatifaniri kumutevedzera here sezvatinozadzisa nokushingaira murayiro wo‘kuita vanhu vemarudzi ose vadzidzi, tichivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu’? (Mateu 28:19, 20) Pazvose izvi, Kristu akatisiyira muenzaniso, uye tinofanira ku“nyatsotevera tsoka dzake.”—1 Petro 2:21.

11. Nei zvichikosha kuti tizvirambe, titore danda redu rokutambudzikira, uye tirambe tichitevera Jesu Kristu?

11 Zvakakosha kuti tizvirambe, titore danda redu rokutambudzikira, toramba tichitevera Akatiratidza muenzaniso. Kuita kudaro kuchaita kuti tisava noudyire—chipingamupinyi pakuratidza rudo rwokuzvibayira. Uyezve, Jesu akati: “Munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nemweya wake nokuda kwangu achauwana. Nokuti zvichava nebetsero yei kumunhu kana akawana nyika yose asi achirasikirwa nemweya wake? kana kuti munhu achapei mukutsinhana nemweya wake?”—Mateu 16:25, 26.

Hatingashumiri Vanatenzi Vaviri

12, 13. (a) Chii chakanga chichinetsa jaya mupfumi rakakumbira kubatsirwa naJesu? (b) Jesu akapa jaya racho zano rei, uye nei?

12 Kwapera mwedzi yakati wandei Jesu asimbisa kudiwa kwokuti vadzidzi vake vazvirambe, rimwe jaya mupfumi rakauya kwaari rikati: “Mudzidzisi, ndezvakanaka zvipi zvandinofanira kuita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akariudza kuti ‘rirambe richichengeta mirayiro’ uye akabva ataura mimwe yacho. Jaya racho rakati: “Ndakachengeta yose iyi.” Zviri pachena kuti jaya racho rakanga richitaura chokwadi uye rakanga raita zvose zvaraikwanisa kuteerera zvairayirwa noMutemo. Saka rakabvunza kuti: “Chii chandichiri kuperevedza?” Achipindura, Jesu akaudza jaya racho kuti riite chinhu chakasiyana nezvimwe, achiti: “Kana uchida kuva akakwana [“akarurama,” Bhaibheri Dzvene], enda utengese zvinhu zvako upe varombo uye uchava nepfuma mudenga, uuye uve muteveri wangu.”—Mateu 19:16-21.

13 Jesu akaona kuti kana jaya racho raizoshumira Jehovha nomwoyo wose, raifanira kubvisa chipingamupinyi chikuru chaiva muupenyu hwaro—upfumi hwaraiva nahwo. Mudzidzi wechokwadi waKristu haangashumiri vanatenzi vaviri. Aisakwanisa “kushandira Mwari uye Pfuma.” (Mateu 6:24) Aida ‘ziso rakanaka’ rinonyanya kutarisa zvinhu zvokunamata. (Mateu 6:22) Kutengesa zvose zvaunazvo uye kuzvipa varombo chiito chokuzvipira. Paraizosiya zvose zvaraiva nazvo, Jesu aizopa jaya racho ropafadzo huru kwazvo yokuunganidza pfuma mudenga—pfuma yaizoita kuti riwane upenyu husingaperi uye yaizoita kuti rive netariro yokupedzisira rava kutonga naKristu kudenga. Jaya racho rakanga risina kugadzirira kuzviramba. “Rakaenda rashungurudzwa, nokuti raiva nezvinhu zvakawanda.” (Mateu 19:22) Zvisinei, vamwe vateveri vaJesu vakaita zvakasiyana naizvozvo.

14. Vabati vehove vana vakaita sei Jesu paakavadana kuti vamutevere?

14 Makore maviri akanga adarika, Jesu akanga adana nenzira yakafanana vabati vehove vana, vainzi Petro, Andireya, Jakobho, uye Johani. Vaviri vacho vakanga vari kutobata hove, uye vamwe vaviri vacho vakanga vachigadzirisa utava hwavo. Jesu akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.” Pakupedzisira vose vari vana vakasiya bhizimisi ravo rokubata hove uye vakatevera Jesu kwoupenyu hwavo hwose.—Mateu 4:18-22.

15. Chimwe Chapupu chaJehovha chemazuva ano chakarega zvimwe zvinhu sei kuti chitevere Jesu?

15 VaKristu vakawanda nhasi vakatevedzera muenzaniso wevabati vehove vana pane kutevedzera muenzaniso wejaya mupfumi. Vakasiya upfumi uye mukurumbira womunyika ino kuti vashumire Jehovha. “Pandaiva nemakore 22, ndaifanira kuita chisarudzo chakakura,” anodaro Deborah. Anotsanangura kuti: “Ndakanga ndadzidza Bhaibheri kwemwedzi inenge mitanhatu, uye ndaida kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha, asi mhuri yangu yaindishora zvikuru. Vakanga vaine mari yaisvika mamiriyoni asingaverengeki, uye vaifunga kuti kuva kwangu Chapupu kwaizovanyadzisa. Vakandipa maawa 24 kuti ndisarudze zvandaida—upenyu hwomutambarakede kana kuti chokwadi. Kana ndaizofambidzana neZvapupu, mhuri yangu yaisazondipa nhaka yandakanga ndavimbiswa. Jehovha akandibatsira kusarudza zvakarurama uye akandipa simba rokuti ndiite zvandakanga ndasarudza. Ndapedza makore 42 apfuura ndiri mubasa renguva yakazara, uye handizvidembi chero zvodini. Nokuramba mararamiro oudyire, okutsvaka mafaro, handina kurarama upenyu husina chinangwa uye hwokusafara hwandinoona mune vamwe vomumhuri mangu. Pamwe nomurume wangu, ndabatsira vanhu vanopfuura zana kudzidza chokwadi. Vana vomudzimu ava vanokosha zvikuru kwandiri kudarika upfumi chero hupi zvahwo.” Mamiriyoni ezvimwe Zvapupu zvaJehovha anonzwawo saizvozvo. Zvakadini newe?

16. Tingaratidza sei kuti hatichazviraramiri?

16 Chido chokurega kuchazviraramira chakaita kuti zviuru zvakawanda zveZvapupu zvaJehovha zvive mapiyona, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara. Vamwewo, vane mamiriro ezvinhu asingavabvumiri kuita ushumiri hwenguva yakazara, vanokudziridza chido chokupayona uye vanotsigira basa rokuparidza Umambo nepavanogona napo. Vabereki vanoratidzawo maonero akafanana pavanopa nguva yavo yakawanda uye pavanorega zvimwe zvinhu zvavanoda kuitira kuti vadzidzise vana vavo mune zvokunamata. Neimwe nzira, tose zvedu tinogona kuratidza kuti tinoisa zvinodiwa noUmambo pakutanga muupenyu hwedu.—Mateu 6:33.

Tinogombedzerwa Norudo Rwaani?

17. Chii chinotikurudzira kurarama upenyu hwokuzvibayira?

17 Kuratidza rudo rwokuzvibayira hakusi nyore. Asi funga nezvokuti chii chaizvo chinotigombedzera. Pauro akanyora kuti: “Nokuti rudo urwo Kristu anarwo runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe akafira vose . . . Zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye akavafira akamutswa.” (2 VaKorinde 5:14, 15) Rudo rwaKristu ndirwo runotigombedzera kuti tirege kuchazviraramira. Izvozvo zvinotikurudzira zvakasimba! Sezvo Kristu akatifira, hatinzwi tichikurudzirwa kuraramira iye here? Zvechokwadi, kuonga kwatinoita rudo rwakadzama rwakaratidzwa naMwari naKristu kwakatigombedzera kutsaurira upenyu hwedu kuna Mwari uye kuva vadzidzi vaKristu.—Johani 3:16; 1 Johani 4:10, 11.

18. Nei upenyu hwokuzvibayira huchikosha?

18 Kurega kuchazviraramira kune zvakunobatsira here? Jaya mupfumi parakaramba kudanwa kwarakanga raitwa naJesu uye raenda, Petro akati kuna Jesu: “Tarirai! Takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chii chaizvoizvo chichavapo nokuda kwedu?” (Mateu 19:27) Petro nevamwe vaapostora vakanga vazviramba zvechokwadi. Vaizowana mubayiro wei? Jesu akatanga kutaura nezveropafadzo yavaizova nayo yokutonga naye kudenga. (Mateu 19:28) Pachiitiko ichocho, Jesu akataura nezvezvikomborero zvaikwanisa kuwanikwa nomumwe nomumwe wevateveri vake. Akati: “Hapana munhu akasiya imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka asingazowani zvine zana zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, nokutambudzwa, uye mugadziriro yezvinhu inouya upenyu husingaperi.” (Mako 10:29, 30) Tinowana zvakawanda kupfuura zvatakasiya. Vanababa, vanaamai, vakoma, hanzvadzi, uye vana vatinonamata navo havakoshi kudarika chinhu chipi nechipi chatakasiya nokuda kwoUmambo here? Ndiani akava noupenyu hunogutsa—Petro kana kuti Jaya mupfumi?

19. (a) Mufaro wechokwadi unobva pachii? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Nemashoko ake nezviito, Jesu akaratidza kuti mufaro unobva pakupa uye pakushumira, kwete paudyire. (Mateu 20:28; Mabasa 20:35) Patinorega kuchazviraramira toramba tichitevera Kristu, tinogutsikana zvikuru muupenyu huno uye tinova netariro youpenyu husingaperi munguva yemberi. Chokwadi, patinozviramba, Jehovha anova Muridzi wedu. Tinobva tava varanda vaMwari. Nei kuva muranda nenzira iyi kuchigutsa? Kunei nezvisarudzo zvatinoita muupenyu? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kudzivisa pfungwa youdyire?

• Zvinorevei kuzviramba, kutora danda redu rokutambudzikira, uye kuramba tichitevera Jesu?

• Chii chinotikurudzira kurega kuchazviraramira?

• Nei zvakakodzera kurarama upenyu hwokuzvibayira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

“Zvinzwirei ngoni, Ishe”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Chii chakaita kuti jaya mupfumi risatevera Jesu?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Rudo runogombedzera Zvapupu zvaJehovha kuva vazivisi voUmambo vanoshingaira