Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Kristu Ari Kukuchinja Zvakadini?

Jesu Kristu Ari Kukuchinja Zvakadini?

Jesu Kristu Ari Kukuchinja Zvakadini?

TICHIFUNGA nezvezvatakurukura munyaya yatangira ino, pangava nomubvunzo here kana zvakadzidziswa naJesu zvakachinja vanhu munyika yose? Zvisinei, mubvunzo unokosha ndewokuti, “Dzidziso dzaJesu dziri kundichinja zvakadini?”

Zvakadzidziswa naJesu zvaibata-bata nyaya dzakasiyana-siyana. Zvidzidzo zvinokosha zvaakadzidzisa zvingachinja mararamiro ako ose. Ngatikurukurei zvaakadzidzisa pamusoro pokuisa zvinokosha pakutanga muupenyu, kukudziridza ushamwari naMwari, kuva noukama hwakanaka nevamwe, kugadzirisa zvinetso, uye kusaita chisimba.

Isa Zvinhu Zvinokosha Pakutanga Muupenyu

Nyika yokumhanya-mhanya yemazuva ano inotipedzera nguva nesimba zvokuti tinoshaya nguva yokuita zvinhu zvokunamata. Funga zvakaitika kumumwe murume ane makore okuma20 watichadana kuti Jerry. Kunyange zvazvo Jerry achinakidzwa nokukurukura nyaya dzezvokunamata uye achikoshesa zvaanodzidza muhurukuro dzacho, anochema-chema achiti: “Handina nguva yokugara ndichikurukura nezvadzo. Ndinoshanda mazuva matanhatu pavhiki. Svondo ndiro chete zuva randisingaendi kubasa. Pandinopedza kuita zvandinofanira kunge ndichiita, ndinenge ndaneta zvikuru.” Kana zvinhu zvakakuomera saizvozvowo, unogona kubatsirwa nezvakadzidziswa naJesu muMharidzo yepaGomo.

Jesu akataura nevanhu vakanga vaungana kuzomunzwa achiti: “Musafunganya pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. Mweya haurevi zvinopfuura zvokudya uye muviri kupfuura zvipfeko here? Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidzira mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here? . . . Nokudaro musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinorondwa nemarudzi nemwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:25-33) Tinodzidzei mune izvi?

Jesu akanga asiri kuti tinofanira kuregeredza kutarisira zvatinoda zvokurarama nazvo uye zviya zvemhuri dzedu. “Kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake,” rinodaro Bhaibheri, “aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” (1 Timoti 5:8) Zvisinei, Jesu akavimbisa kuti kana tikaisa zvinhu zvokutanga pakutanga uye tichikoshesa zvinhu zvokunamata, Mwari achava nechokwadi chokuti zvimwe zvatinoda tinozviwana. Chidzidzo chiri pano ndechokuisa zvinokosha pakutanga. Kutevera zano iri kunoita kuti tifare, nokuti “vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo.”—Mateu 5:3.

Kudziridza Ushamwari naMwari

Vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu vanoona kudiwa kwokukudziridza ukama hwakanaka naMwari. Tinova sei noukama hwakanaka nomumwe munhu? Hatiedzi kuziva munhu iyeye zviri nani here? Tinofanira kutora nguva tichidzidza maonero ake, zvaanofunga, mano ake, zvaanoita, zvaanofarira, uye zvaasingafariri. Zvakafanana nokuvaka ushamwari naMwari. Tinofanira kumuziva zvakarurama. Paainyengetera kuna Mwari nezvevadzidzi vake, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Chokwadi, kukudziridza ushamwari naMwari kunoda kuti timuzive. Zivo iyoyo tinoiwana chete muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. (2 Timoti 3:16) Tinofanira kuronga nguva yokudzidza Magwaro.

Zvisinei, zivo pachayo haina kukwana. Mumunyengetero iwoyo waaitaura nezvevadzidzi vake, Jesu akati: “Vakachengeta shoko renyu.” (Johani 17:6) Hatifaniri kungopinza zivo yaMwari chete asiwo kuita maererano nezivo iyoyo. Pane zvimwe zvatingaita kuti tive shamwari yaMwari here? Tinganyatsotarisira kuti ushamwari hwedu nomunhu upi noupi hukure kana tichiita nemaune zvinopesana nezvaanofunga uye zvaanorayira here? Saka, maonero anoita Mwari uye zvaanorayira zvinofanira kutungamirira nhano dzedu dzose muupenyu. Ona kuti zvimwe zviviri zvaanorayira zvinoshanda sei muukama hwedu nevamwe vanhu.

Iva Noukama Hwakanaka Nevamwe

Pane imwe nguva, Jesu akarondedzera nyaya pfupi kuitira kuti adzidzise chidzidzo chinokosha muukama hwevanhu. Akataura nezvamambo akanga achida kugadzirisa zvikwereti nevashandi vake. Zvisinei, mumwe wevashandi vacho akanga aine chikwereti chakakura kwazvo uye asina nzira yokuchibhadhara nayo. Mambo wacho akarayira kuti murume wacho, mudzimai wake uye vana vake vatengeswe kuti chikwereti chibhadharwe. Murume aiva nechikwereti akawira pasi uye akakumbira achiti: “Ndishivirirei uye ndicharipa zvinhu zvose kwamuri.” Asiririswa, mambo wacho akadzima chikwereti chake. Asi muranda wacho akabvapo, akasangana nomumwe muranda aiva nechikwereti chake chaiva chisina kunyanya kukura, achibva ati aida kubhadharwa. Kunyange zvazvo mumwe muranda uyu akakumbira kunzwirwa ngoni, muranda wokutanga akaita kuti aiswe mujeri kusvikira aripa chikwereti chake chose chaaiva nacho. Mambo paakanzwa nezvazvo, akatsamwa. “Waisafanirawo here, kuve wakanzwira ngoni muranda pamwe newe, sezvo ini ndakakunzwirawo ngoni?” akabvunza kudaro. Akaita kuti muranda asingakanganwiri aiswe mujeri kusvikira abhadhara chikwereti chose chaaiva nacho. Achitaura chidzidzo chiri munyaya yacho, Jesu akati: “Baba vangu vokudenga vachabatawo nemi saizvozvowo kana musingakanganwiri mumwe nomumwe hama yake zvichibva mumwoyo menyu.”—Mateu 18:23-35.

Zvatiri vanhu vasina kukwana, tinokanganisa kakawanda. Hatimbofi takagona kubhadhara chikwereti chatinacho kuna Mwari pamusana pokumutadzira kwatinoita. Zvatingatoita chete ndezvokukumbira kukanganwirwa naye. Uye Jehovha Mwari akagadzirira kukanganwira zvatinokanganisa zvose, chero bedzi tichikanganwira hama dzedu padzinotitadzira. Ichocho chidzidzo chakasimba kwazvo! Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuti: “Tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu.”—Mateu 6:12.

Gadzirisa Chinokonzera Zvinetso

Kana totaura nezvokunzwisisa zvakaita vanhu, Jesu aiva mazvikokota. Zano rake pakugadzirisa zvinetso rainyatsonanga pachikonzero chaicho chenyaya yacho. Funga nezvemienzaniso miviri inotevera.

“Makanzwa kuti zvakanzi kune avo vemunguva dzekare, ‘Haufaniri kuponda; asi munhu wose anoponda achazvidavirira kudare rinotonga,’” akadaro Jesu. “Zvisinei, ndinoti kwamuri munhu wose anoramba achiitira hasha hama yake achazvidavirira kudare rinotonga.” (Mateu 5:21, 22) Pano Jesu akaratidza kuti chiito chechisimba chete handicho chinokonzera dambudziko roumhondi. Zvinobva pamafungiro anokura mumwoyo wemhondi yacho. Dai vanhu vasingabvumiri kuti kuvenga kana kuti kutsamwa kukure mumwoyo yavo, chisimba chinoita zvokurongwa chaizopera. Kuteurwa kweropa kwakawanda kwazvo kwaizodziviswa dai dzidziso iyi yaishandiswa!

Ona kuti Jesu akaratidza sei chinokonzera rimwe dambudziko rinoita kuti vanhu varwadziwe zvikuru. Akaudza boka revanhu kuti: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Haufaniri kuita upombwe.’ Asi ndinoti kwamuri munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Zvino, kana ziso rako rorudyi iroro richiita kuti ugumbuke, ribvise urirasire kure newe.” (Mateu 5:27-29) Jesu akadzidzisa kuti chiito chounzenza handicho choga chikonzero chedambudziko racho. Dambudziko racho rinokonzerwa nezvinoritangira—chido chokuita unzenza. Kana munhu akaramba kuisa pfungwa dzake pazvinhu zvisina kukodzera uye ‘akazvibvisa’ mupfungwa dzake, achakurira dambudziko rinogona kuitika rounzenza.

“Dzorera Bakatwa Rako Munzvimbo Yaro”

Pausiku hwakatengeswa uye hwakasungwa Jesu, mumwe wevadzidzi vake akabudisa bakatwa rake kuti amudzivirire. Jesu akamurayira kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Mangwanani akatevera acho, Jesu akaudza Pondiyo Pirato kuti: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu haubvi pano.” (Johani 18:36) Zvakadzidziswa naJesu izvi hazvibatsiri here?

Ndeapi aiva mafungiro evaKristu vepakutanga pamusoro pezvakadzidziswa naJesu maererano nokusaita chisimba? Bhuku rinonzi The Early Christian Attitude to War rinoti: “Kurambidza kwadzaiita [dzidziso dzaJesu] kushandiswa kwechisimba kwose uye kukuvadza vamwe, kwainyatsoratidza kuti zvakanga zvakaipa kupindira muhondo. . . VaKristu vepakutanga vakanyatsotevedzera zvakataurwa naJesu, uye vainzwisisa zvakadzidziswa naJesu sezvazviri chaizvo, kuti vaifanira kuva vanyoro uye vasingaiti mvongamupopoto. Chitendero chavo chainyatsozivikanwa norugare; vaishora zvakasimba hondo pamusana pokuteura ropa kwainoita.” Nhoroondo yevanhu yaizosiyana nezvairi zvikuru kudai vanhu vose vanozviti vaKristu vaizotevera dzidziso iyi!

Ungabatsirwa Nezvose Zvakadzidziswa naJesu

Zvakadzidziswa naJesu zvataongorora zvakanaka kwazvo, zviri nyore, uye zvine simba. Vanhu vangabatsirwa nokuziva zvaakadzidzisa uye nokuzviita. *

Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako zvichafara kukubatsira kuona kuti ungabatsirwa sei nedzidziso dzinoratidza uchenjeri hukuru kwazvo dzati dzambotaurwa nomunhu chero upi zvake. Tinokukurudzira noushamwari kuti uzvione kana kuti kunyorera pakero iri papeji 2 yemagazini ino.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Kuti unyatsodzidza zvose zvakadzidziswa naJesu, ona bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 5]

“Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvakadzidziswa naJesu zvinogona kuchinja upenyu hwako