Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchinja Kwakaita Jesu Nyika Yose

Kuchinja Kwakaita Jesu Nyika Yose

Kuchinja Kwakaita Jesu Nyika Yose

“ZVOSE zvinoshumwa neevhangeri zvakataurwa naJesu, ari oga uye ari pane vanhu, angadai akazvitaura mumaawa maviri,” akanyora kudaro mushanduri weBhaibheri Edgar Goodspeed. “Asi zvishoma izvozvo zvaakadzidzisa zvaibaya mwoyo, zvaikurudzira uye zvainyatsodzika mumwoyo zvokuti hapana chakaipa nokutaura kuti hapanazve mumwe munhu akachinja nyika zvakadaro.”

Jesu Kristu paakapedza ushumiri hwake pasi pano mugore ra33 C.E., vateveri vake vaisvika varume nevakadzi vanenge 120. (Mabasa 1:15) Nhasi, vanhu vanodarika mabhiriyoni maviri vanozviti vaKristu. Vamwezve vanosvika mazana emamiriyoni vanoona Jesu somuprofita. Zvechokwadi, zvaakadzidzisa zvakachinja vanhu zvinoshamisa.

Kuchinja kwakaita Jesu vanhu vomunyika yose kwakabvumwawo kunyange nevatungamiriri vezvitendero zvisiri zvechiKristu. Somuenzaniso, mudzidzisi wechiJudha Hyman Enelow akanyora kuti: “Jesu azova munhu akakurumbira kupfuura vamwe vanhu vose, anodzidzwa nezvake kupfuura vamwe vanhu vose, uye ane simba rokuchinja vanhu kupfuura vamwe vose munhoroondo yose yokunamata kwevanhu.” Enelow akatiwo: “Ndiani angadonongodza zvose zvakaitirwa vanhu naJesu? Rudo rwaakaratidza, nyaradzo yaakapa, zvakanaka zvaakatanga, tariro nomufaro zvaakaita kuti vanhu vave nazvo—hapana mumwe anomboenzana naye munhoroondo yevanhu. Pavanhu vakakurumbira uye vakanaka vakamborarama, hapana akambochinja vanhu munyika yose sezvakaita Jesu. Azova munhu anonyanya kufarirwa munhoroondo yevanhu.” Uye mutungamiriri wechiHindu Mohandas K. Gandhi akati: “Hapana mumwe munhu wandinoziva akaitira vanhu zvinhu zvakawanda sezvakaitwa naJesu. Chaizvoizvo, hapana chakaipa nechiKristu.” Zvisinei akawedzera kuti: “Chinetso chiri pamuri imi vaKristu. Hamurarami maererano nezvamunodzidzisa.”

ChiKristudhomu chine nhoroondo refu inoratidza kukundikana kwacho kurarama maererano nezvakadzidziswa naJesu. Cecil John Cadoux, munyori wenyaya dzakaitika dzechiKristu akati, “kuwedzera kwaiita kuparara kwetsika zvishoma nezvishoma uye zvakatsiga muChechi yose “kwakazivikanwa nevatungamiriri vechiKristu kubvira muna . . . 140 A.D.” Akati: “Kuderera uku kwetsika dzekare ndiko kwakaita kuti zvive nyore kuti vanhu vatevedzere nzira dzenyika.”

Kuderera kwacho kwakanyanya kuwedzera muzana remakore rechina, apo Mutongi weRoma Constantine akagamuchira chiKristu. Cadoux akanyora kuti: “Vanyori vezvakaitika vakaona, uye pane dzimwe nguva vamwe vakatoshora kubvumirana pane zvisina kufanira kukuru kwakaitwa neChechi pamusana pokubatana kwayakaita naConstantinus.” Mumazana emakore akazotevera, vanhu vanozviti vaKristu vakaita zvinhu zvakaipa kwazvo zvinozvidza zita raKristu.

Saka mibvunzo inovapo ndeyokuti: Jesu akadzidzisei chaizvoizvo? Zvaakadzidzisa zvinofanira kuita kuti tiitei?

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Hapana mumwe munhu wandinoziva akaitira vanhu zvinhu zvakawanda sezvakaitwa naJesu.”—Mohandas K. Gandhi

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Hapanazve mumwe munhu akachinja nyika zvakadaro.”—Edgar Goodspeed

[Kwazvakatorwa]

Culver Pictures