Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Makatengwa Nomutengo”

“Makatengwa Nomutengo”

“Makatengwa Nomutengo”

“Makatengwa nomutengo. Nepazvinobvira napo, ipai mbiri kuna Mwari.”—1 Vakorinde 6:20.

1, 2. (a) Maererano noMutemo waMosesi, varanda vechiIsraeri vaifanira kubatwa sei? (b) Muranda aida tenzi wake aikwanisa kusarudza kuitei?

“URANDA hwakanga hwakatekeshera uye hwaigamuchirwa zvikuru makare kare,” rinodaro Holman Illustrated Bible Dictionary. Rinotizve: “Upfumi hweIjipiti, Girisi, uye Roma hwaibva pabasa raiitwa nevaranda. Muzana remakore rokutanga rechiKristu, munhu mumwe chete pavatatu voga voga muItaly uye munhu mumwe pavashanu voga voga mune dzimwewo nyika aiva muranda.”

2 Kunyange zvazvo uranda hwaivapo muIsraeri yekare, Mutemo waMosesi waiva nechokwadi chokuti varanda vechiHebheru vaidzivirirwa. Somuenzaniso, Mutemo waida kuti muIsraeri ashande somuranda kwemakore asingadariki matanhatu. Mugore rechinomwe, aifanira “kubuda hake asina chaanobhadhara.” Asi mirayiro yaiva nechokuita nemabatirwe aifanira kuitwa varanda yakanga yakanaka kwazvo uye yairatidza ngoni zvokuti Mutemo waMosesi wakaita urongwa hunotevera: “Kana iye muranda akati: Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu; zvino tenzi wake unofanira kumuisa kuna Mwari, ndokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake unofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino unofanira kumubatira nokusingaperi.”—Eksodho 21:2-6; Revhitiko 25:42, 43; Dheuteronomio 15:12-18.

3. (a) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakagamuchira uranda hworudzii? (b) Chii chinotikurudzira kushumira Mwari?

3 Urongwa hwouranda hwokuzvidira hwairatidza rudzi rwouranda uhwo vaKristu vechokwadi vari pasi pahwo. Somuenzaniso, vanyori veBhaibheri vanoti Pauro, Jakobho, Petro, uye Judha vakataura kuti ivo vaiva varanda vaMwari nevaKristu. (Tito 1:1; Jakobho 1:1; 2 Petro 1:1; Judha 1) Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muTesaronika kuti vakanga va‘tendeukira kuna Mwari vachibva kuzvidhori zvavo kuti vashandire Mwari mupenyu uye wechokwadi.’ (1 VaTesaronika 1:9) Chii chakakurudzira vaKristu ivavo kuva varanda vaMwari nokuzvidira? Zvechokwadi, chii chaikurudzira muranda wechiIsraeri uyo airamba rusununguko rwake? Kwaisava kuda tenzi wake here? Uranda hwechiKristu hunobva pakuda Mwari. Patinosvika pakuziva uye kuda Mwari mupenyu wechokwadi, tinokurudzirwa kumushumira “nomwoyo [wedu] wose uye nomweya [wedu] wose.” (Dheuteronomio 10:12, 13) Zvisinei, kuva muranda waMwari nowaKristu kunosanganisirei? Izvi zvinochinja sei upenyu hwedu hwemazuva ose?

“Itai Zvinhu Zvose Kuti Mwari Apiwe Mbiri”

4. Tinova sei varanda vaMwari nevaKristu?

4 Muranda anorondedzerwa so“munhu ane muridzi kana kuti varidzi zviri pamutemo uye anosungirwa kunyatsoteerera.” Tinova vanhu vaJehovha zviri pamutemo patinotsaurira upenyu hwedu kwaari ndokubhabhatidzwa. “Hamusi venyu pachenyu, nokuti makatengwa nomutengo,” anotsanangura kudaro muapostora Pauro. (1 VaKorinde 6:19, 20) Chokwadi, mutengo iwoyo chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, sezvo achitigamuchira sevashumiri vake kuburikidza nacho, tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana shamwari dzavo dzine tariro yokurarama pasi pano. (VaEfeso 1:7; 2:13; Zvakazarurwa 5:9) Saka, kubvira patakabhabhatidzwa, “tiri vaJehovha.” (VaRoma 14:8) Zvatakatengwa neropa rinokosha raJesu Kristu, tinovawo varanda vake uye tinosungirwa kuteerera zvaanorayira.—1 Petro 1:18, 19.

5. Sevaranda vaJehovha, chinhu chipi chikuru chatinofanira kuita, uye tinogona sei kuchiita?

5 Varanda vanofanira kuteerera tenzi wavo. Uranda hwedu ndehwokuzvipira uye hunobva pakuda kwatinoita Tenzi wedu. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” inodaro 1 Johani 5:3, “kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” Saka, kwatiri kuteerera kwedu uchapupu hwokumuda kwatinoita uye hwokuzviisa kwedu pasi. Zvinoonekwa pazvose zvatinoita. “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu,” akadaro Pauro “itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.” (1 VaKorinde 10:31) Muupenyu hwemazuva ose, kunyange munzira duku, tinoda kuratidza kuti ‘tinoshandira Jehovha.’—VaRoma 12:11.

6. Kuva varanda vaMwari kunochinja sei zvisarudzo zvatinoita muupenyu? Taura muenzaniso unoratidza izvi.

6 Somuenzaniso, patinenge tichiita zvisarudzo, tinoda kungwarira kufungawo zvinodiwa naTenzi wedu wokudenga, Jehovha. (Maraki 1:6) Zvisarudzo zvakaoma zvingaedza kuteerera kwatinoita Mwari. Saka tichateerera zano rake here pane kutevera zvinodiwa nomwoyo wedu “unonyengera” uye “wakaora”? (Jeremia 17:9) Melisa, mumwe muKristu asina kuroorwa, akanga ava nenguva shomanana chete abhabhatidzwa rimwe jaya parakatanga kuratidza kumuda. Rairatidza kuva munhu akanaka kwazvo, uye rakanga rava kutodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, mumwe mukuru akataura naMelisa nezvokuti kwaiva kuchenjera kutevera murayiro waJehovha wokuroorwa “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39; 2 VaKorinde 6:14) “Zvaisava nyore kuti nditevere zano iri,” anodaro Melisa. “Asi ndakasarudza kuti sezvo ndakanga ndazvitsaurira kuna Mwari kuti ndiite zvaanoda, ndaizoteerera mirayiridzo yake yakajeka.” Achifunga zvakazoitika, anoti: “Ndinofara kwazvo kuti ndakatevera zano racho. Nenguva isipi jaya racho rakarega kudzidza. Kudai ndakaramba ndichidanana naro, iye zvino ndingadai ndakaroorwa nomurume asingatendi.”

7, 8. (a) Nei tisingafaniri kunyanya kufunga nezvokufadza vanhu? (b) Enzanisira kuti kutya munhu kunogona sei kukurirwa.

7 Sevaranda vaMwari, hatifaniri kuva varanda vevanhu. (1 VaKorinde 7:23) Chokwadi, hapana mumwe wedu asingadi kukurumbira, asi tinofanira kuyeuka kuti vaKristu vane mitemo yakasiyana neiya iri munyika. Pauro akabvunza kuti: “Ndiri kutsvaka kufadza vanhu here?” Akagumisa achiti: “Kudai ndanga ndichiri kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.” (VaGaratiya 1:10) Hatingakundwi nyore nyore nokuda kufanana nevamwe uye kuda kufadza vanhu. Saka tinofanira kuitei patinomanikidzwa kuita zviri kuitwa nevamwe?

8 Funga nezvomuenzaniso waElena, mumwe muKristu wechiduku wokuSpain. Vamwe vaaidzidza navo vakawanda vaipa ropa ravo. Vaiziva kuti Elena, uyo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, aisazopa ropa kana kubvuma kuwedzerwa ropa. Pakamuka mukana wokutsanangura maonero ake kukirasi yacho yose, Elena akazvipira kutaura nezvazvo. “Kutaura chokwadi, ndaitya chaizvo kutsanangura maonero angu,” Elena anotsanangura kudaro. “Asi ndakanyatsogadzirira, uye zvandakazoita zvaishamisa. Ndakatanga kuremekedzwa nevakawanda vandaidzidza navo, uye mudzidzisi wacho akandiudza kuti aiyemura basa randakanga ndichiita. Kupfuura zvose, ndakanzwa ndagutsikana kuti ndakanga ndadzivirira zita raJehovha uye kuti ndakanga ndakwanisa kutsanangura zvakajeka zvikonzero zvaitsigira maonero angu omuMagwaro.” (Genesi 9:3, 4; Mabasa 15:28, 29) Chokwadi, zvatiri varanda vaMwari uye vaKristu, takasiyana nevamwe vanhu. Zvisinei, tinogonawo kutanga kuremekedzwa nevanhu kana takagadzirira kudzivirira zvatinotenda noruremekedzo.—1 Petro 3:15.

9. Tinodzidzei pane zvakaitwa nengirozi yakaonekwa nomuapostora Johani?

9 Kuyeuka kuti tiri varanda vaMwari kungabatsirawo kuti tirambe tichizvininipisa. Pane imwe nguva, muapostora Johani akafadzwa chaizvo nechimwe chiratidzo chakanaka kwazvo cheJerusarema rokudenga zvokuti akawira pasi kuti anamate patsoka dzengirozi yakanga yashanda somutauriri waMwari. “Ngwarira!” ngirozi yacho yakamuudza kudaro. “Usadaro! Ndinongova muranda pamwe newe newehama dzako dziri vaprofita newevari kuchengeta mashoko omupumburu uyu. Namata Mwari.” (Zvakazarurwa 22:8, 9) Ngirozi yacho yakaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo nokuda kwevaranda vose vaMwari! Vamwe vaKristu vangava nenzvimbo dzemitoro chaiyo muungano. Kunyange zvakadaro Jesu akati: “Munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.” (Mateu 20:26, 27) Zvatiri vateveri vaJesu, tose zvedu tiri varanda.

“Zvataita Ndizvo Zvataifanira Kuita”

10. Ipa mienzaniso yomuMagwaro kuratidza kuti zvaisava nyore nguva dzose kuti vashumiri vakatendeka vaMwari vaite zvaanoda.

10 Jehovha paakakumbira muprofita Mosesi kuti aende uye abudise vana vaIsraeri muutapwa hweIjipiti, akanga asingadi kuteerera. (Eksodho 3:10, 11; 4:1, 10) Paakapiwa basa rokuzivisa shoko rokutongwa kwevanhu veNinevhe, Jona “wakasimuka achida kutizira Tarshishi abve pamberi paJehovha.” (Jona 1:2, 3) Bharuki, munyori womuprofita Jeremiya, akachema-chema achiti akanga aneta. (Jeremia 45:2, 3) Tinoita sei zvishuvo zvedu kana kuti zvatinoda pazvinopesana nokuita zvinodiwa naMwari? Mufananidzo wakapiwa naJesu unopa mhinduro yacho.

11, 12. (a) Rondedzera muchidimbu mufananidzo waJesu wakanyorwa pana Ruka 17:7-10. (b) Tinodzidzei kubva mumufananidzo waJesu?

11 Jesu akataura nezvomuranda akanga aswera achitarisira makwai atenzi wake kumunda. Muranda wacho paakasvika kumba, aneta nebasa rakaoma raakashanda kwemaawa 12, tenzi wake haana kuti agare pasi adye kudya kwemanheru kwakanaka. Asi tenzi wacho akati: “Ndigadzirire chimwe chinhu kuti ndive nokudya kwangu kwemanheru, upfeke epuroni undishumire kusvikira ndapedza kudya nokunwa, uye pashure iwewo unogona kudya nokunwa.” Muranda wacho aizoita zvake zvaaida kana apedza kushandira tenzi wake. Jesu akapedzisa mufananidzo wacho achiti: “Nokudaro nemiwo, kana maita zvinhu zvose zvamakagoverwa, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”—Ruka 17:7-10.

12 Jesu haana kupa mufananidzo uyu kuti aratidze kuti Jehovha haaongi zvatinoita mubasa rake. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Pane kudaro, pfungwa yomufananidzo waJesu ndeyokuti muranda haagoni kuzvifadza kana kuti kubatikana nokuita zvakanakira iye. Patakatsaurira upenyu hwedu kuna Mwari, tikasarudza kuva varanda vake, takabvuma kuisa zvaanoda pamberi pezvatinoda isu. Tinofanira kuisa zvinodiwa naMwari pamberi pezvatinoda pachedu.

13, 14. (a) Mumamiriro api ezvinhu matingafanira kuita zvinopesana nezvatinoda? (b) Nei tichifanira kuita kuti kuda kwaMwari kukurire?

13 Kugara tichidzidza Shoko raMwari uye mabhuku o“muranda akatendeka, akangwara” kungada kuti tishande zvakasimba. (Mateu 24:45) Izvi zvinganyanya kudaro kana kuverenga kwagara kuchitinetsa kana kuti bhuku racho riine “zvinhu zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10) Saka, tinofanira kuronga nguva yokudzidza tiri toga, handizvo here? Tingatofanira kuzviranga kuti tigare pasi uye kupedza nguva tichidzidza zvimwe zvinhu. Asi, tikasadaro, tingava sei nechido chokudya ‘zvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru’?—VaHebheru 5:14.

14 Zvakadini nenguva yatinosvika pamba taneta nebasa muswere wose wezuva? Tingatofanira kuzvimanikidza kupinda misangano yechiKristu. Kana kuti tingadaro tisingafariri kuparidza kuvanhu vatisingazivi. Pauro pachake akaona kuti panogona kuva nenguva yatinozivisa mashoko akanaka ‘zvichipesana nechido chedu.’ (1 VaKorinde 9:17) Zvisinei, tinoita zvinhu izvi nokuti Jehovha—Tenzi wedu wokudenga watinoda—anotiudza kuti tinofanira kudaro. Uye nguva dzose hatigutsikani uye hatizorodzwi here pashure pokunge taedza zvose zvatinokwanisa kuti tidzidze, kuti tipinde misangano, uye kuti tiparidze?—Pisarema 1:1, 2; 122:1; 145:10-13.

Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”

15. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuzviisa pasi paMwari?

15 Jesu Kristu akaratidza kuzviisa kwake pasi paBaba vake vokudenga nenzira yepamusorosoro. “Ndakaburuka ndichibva kudenga kuzoita, kwete kuda kwangu, asi kuda kwaiye wakandituma.” (Johani 6:38) Paakanga achitambura ari mubindu reGetsemani, akanyengetera kuti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi ngaindipfuure. Asi, kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.”—Mateu 26:39.

16, 17. (a) Tinofanira kuona sei zvinhu zvatakasiya shure? (b) Ratidza kuti Pauro aitaura chokwadi sei paakati aiona zvaaikwanisa kuita munyika “semarara akawanda.”

16 Jesu Kristu anoda kuti tirambe takatendeka kuchisarudzo chatakaita chokuva varanda vaMwari. Akati: “Hapana munhu anoti abata gejo otarira zvinhu zviri shure akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.” (Ruka 9:62) Zvechokwadi, hazvina kururama kuramba tichifunga zvatakasiya shure kana tiri varanda vaMwari. Pane kudaro, tinofanira kukoshesa zvatakawana patakasarudza kuva varanda vaMwari. Pauro akanyorera vaFiripi kuti: “Zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa nemhaka yokukosha kukuru kwokuziva pamusoro paKristu Jesu Ishe wangu. Nemhaka yake ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona semarara akawanda, kuti ndiwane Kristu.”—VaFiripi 3:8.

17 Funga nezvezvinhu zvose izvo Pauro akaona semarara akawanda uye zvaakasiya achisarudza zvinhu zvomudzimu zvaaiwana nokuva muranda waMwari. Haana kungosiya zvinhu zvomutambarakede zvenyika asiwo mukana wokuva mutungamiriri wechiJudha weremangwana. Dai Pauro akaramba ari muchitendero chechiJudha, angadai akasimudzirwa kuchinzvimbo chakafanana nechaSimeoni, mwanakomana womudzidzisi waPauro, Gamarieri. (Mabasa 22:3; VaGaratiya 1:14) Simeoni akava mutungamiriri wevaFarisi uye akaita basa rinokosha chaizvo—pasinei nokusava nechokwadi—vaJudha pavakapandukira vaRoma muna 66-70 C.E. Akafa pakurwisana ikoko, zvimwe achiurayiwa nevaJudha vainyanyisa kana kuti neuto reRoma.

18. Ipa muenzaniso unoratidza kuti kuita zvinhu zvokunamata kunogutsa.

18 Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatevera muenzaniso waPauro. “Makore mashomanana ndabva pachikoro, ndakawana basa rokuva munyori mukuru werimwe gweta rinozivikanwa zvikuru muLondon,” anodaro Jean. “Ndainakidzwa nebasa rangu uye ndaipiwa mari yakanaka, asi mumwoyo mangu ndaiziva kuti ndaikwanisa kuita zvakawanda kuti ndishumire Jehovha. Pakupedzisira, ndakaendesa tsamba yangu yokurega basa uye ndakatanga kupayona. Ndinotenda kuti ndakatora danho iroro makore anoda kusvika 20 adarika! Basa rangu renguva yakazara rawedzera kunaka kwoupenyu hwangu kudarika zvaigona kuitwa nebasa ripi neripi rokuva munyori. Hapana chinoita kuti ugutsikane kwazvo kupfuura kuona kuti Shoko raJehovha rinogona sei kuchinja upenyu hwomunhu. Kuvawo nechokuita mubasa iroro kunofadza chaizvo. Zvatinopa Jehovha hapana zviripo kana zvichienzaniswa nezvatinowana kwaari.”

19. Tinofanira kutsunga kuitei, uye nei?

19 Mamiriro edu ezvinhu angachinja nokufamba kwenguva. Zvisinei, kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari hakuchinji. Tinongoramba tiri varanda vaJehovha, uye anosiyira kwatiri kusarudza nzira yakanakisisa yatingashandisa nayo nguva yedu, simba, zvipo, uye zvimwe zvatinazvo. Saka, zvisarudzo zvatinoita panyaya iyi zvingaratidza kuda kwatinoita Mwari. Zvinoratidzawo kuti tinoda kurega zvimwe zvinhu zvedu kusvika pamwero wakadini. (Mateu 6:33) Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, hatifaniri kutsunga kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu here? Pauro akanyora kuti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.”—2 VaKorinde 8:12.

“Muri Kuva Nechibereko Chenyu”

20, 21. (a) Zvibereko zvipi zvinoberekwa nevaranda vaMwari? (b) Jehovha anopa mubayiro sei kune vaya vanomupa zvakanakisisa zvavo?

20 Kuva varanda vaMwari hakudzvinyiriri. Pane kudaro, kunonunura pauranda hunodzvinyirira hunoita kuti tirege kufara. “Nokuti makasunungurwa pachivi asi mukava varanda vaMwari,” akanyora kudaro Pauro, “muri kuva nechibereko chenyu munzira youtsvene, uye mugumo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:22) Kuva kwedu varanda vaMwari kunobereka zvibereko muutsvene nokuti tinowana mubayiro wokuva nomufambiro mutsvene, kana kuti vane tsika dzakachena. Uyezve, kunoita kuti tiwane upenyu husingaperi munguva yemberi.

21 Jehovha anoratidza mutsa kuvaranda vake. Patinoita zvatinokwanisa mubasa rake, anotizarurira “mawindi okudenga” uye anotidururira “mukomborero wa[ti]chashayiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Zvichafadza sei kuramba tichishanda sevaranda vaJehovha nokusingaperi kwose!

Unoyeuka Here?

• Nei tichiva varanda vaMwari?

• Tinoratidza sei kuzviisa kwedu pasi pezvinodiwa naMwari?

• Nei tichifanira kuva vakagadzirira kuisa zvinodiwa naMwari pamberi pezvatinoda isu?

• Nei tisingafaniri ‘kutarira zvinhu zviri shure’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Urongwa hwouranda hwokuzvidira muIsraeri hwaifanoratidza uranda hwevaKristu

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tinova varanda vaMwari patinobhabhatidzwa

[Mifananidzo iri papeji 17]

VaKristu vanoisa zvinodiwa naMwari pakutanga

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mosesi akanga asingadi kubvuma basa rake raakanga apiwa