Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kudya zvingwa zvitsvene kwakaita Dhavhidhi nevarume vake kunoratidza kuti mutemo waMwari unogona kutyorwa pasina kurangwa kana mamiriro ezvinhu aoma here?—1 Samueri 21:1-6.

Maererano naRevhitiko 24:5-9, zvingwa zvitsvene zvaichinjwa musi wesabata woga woga zvaichengeterwa kuti zvidyiwe nevapristi. Chaiita kuti zvingwa izvi zvikodzere kudyiwa nevapristi chete ndechokuti zvaiva zvitsvene uye zvaifanira kudyiwa nevarume vaiita basa raMwari—vapristi. Hapana mubvunzo kuti kupa mumwe munhuwo zvake zvingwa zvacho kana kuti kungozvidyira kunakirwa kwaizova kukanganisa kukuru. Zvisinei, mupristi Ahimereki haana kukanganisa paakapawo Dhavhidhi nevarume vake zvingwa zvitsvene.

Zvinoita sokuti Dhavhidhi aiva nebasa raikosha raakanga anzi aite naMambo Sauro. Dhavhidhi nevarume vake vakanga vava nenzara. Ahimereki akava nechokwadi chokuti vakanga vakachena maererano nezvaidiwa nomutemo. Kunyange zvazvo kudya kwavakaita zvingwa zvitsvene kwakanga kusingabvumirwi nomutemo kana zvichitaurwa nemazvo, zvaiwirirana nemashandisirwo aifanira kuitwa zvingwa zvacho. Izvi zvakabvumira Ahimereki kuti asatevedzera mutemo wacho. Kunyange Jesu Kristu pachake akashandisa chiitiko ichi kuratidza kuti hazvina kukodzera kushandisa mutemo weSabata nenzira yorumano sokududzirwa kwawaiitwa nevaFarisi.—Mateu 12:1-8.

Zvisinei, zviri pamusoro apa hazvirevi kuti mutemo waMwari unogona kutyorwa zvinhu pazvinenge zvaoma. Somuenzaniso, mamiriro ezvinhu aiita seakaoma zvikuru akavapo apo mauto eIsraeri akanga achirwisa vaFiristiya. Mambo Sauro akanga ati: “Ani naani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe.” Bhaibheri rinoti: “Nomusi uyo vakauraya vaFiristiya.” Varwi vakanga vaneta nokurwa uye vakanga vava nenzara, ‘uye vanhu vakatanga kuurayira mhuka pasi uye vakatanga kudzidya neropa radzo.’ (1 Samueri 14:24, 31-33) Vakatadzira Jehovha nokutyora mutemo wake weropa. Zvavakaita zvakanga zvisingaenderani nemashandisirwo aifanira kuitwa ropa akanga asarudzwa naMwari, o“kuyananisira” zvivi. (Revhitiko 17:10-12; Genesi 9:3, 4) Nengoni, Jehovha akagamuchira zvibayiro chaizvo zvakaitirwa vaya vakanga vatadza.—1 Samueri 14:34, 35.

Chokwadi, Jehovha anotarisira kuti titeerere mitemo yake mumamiriro ose ezvinhu. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” anodaro muapostora Johani, “kuti tichengete mirayiro yake.”—1 Johani 5:3.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Zvingwa zvitsvene zvitsva zvaiiswa mukati meTebhenekeri pasabata roga roga