Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wokutanga

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wokutanga

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wokutanga

GORE racho ndi1117 B.C.E. Kwapera makore anenge 300 kubva pakapedza Joshua kukunda Nyika Yakapikirwa. Varume vakuru vaIsraeri vanouya kumuprofita waJehovha nechimwe chikumbiro chinoshamisa. Muprofita wacho anonyengetera nezvenyaya yacho, uye Jehovha anovatendera kuita zvavanoda. Izvi zvinoreva kuguma kwenguva yeVatongi uye kutanga kwenguva yemadzimambo evanhu. Bhuku reBhaibheri raSamueri Wokutanga rinorondedzera zviitiko zvinofadza zvine chokuita nokuchinja ikoko munhoroondo yorudzi rwaIsraeri.

Bhuku raSamueri Wokutanga rakanyorwa naSamueri, Natani, naGadhi, uye rinotaura zvakaitika kwemakore 102—kubvira muna 1180 B.C.E. kusvikira muna 1078 B.C.E. (1 Makoronike 29:29) Inhoroondo yevatungamiriri vana vaIsraeri. Vaviri vacho vatongi, vamwe vaviri madzimambo; vaviri vanoteerera Jehovha, vaviri havamuteereri. Tinoverengawo nezvevakadzi vaviri vaiva nomuenzaniso wakanaka uye murwi akanga akashinga asi ari munhu munyoro. Mienzaniso yakadaro inopa zvidzidzo zvinokosha maererano nemafungiro uye zviito zvokutevedzera nezvokusatevedzera. Saka zviri muna Samueri Wokutanga zvinogona kuva nesimba rokuchinja zvatinofunga nezvatinoita.—VaHebheru 4:12.

SAMUERI ANOTSIVA ERI PAKUVA MUTONGI

(1 Samueri 1:1–7:17)

Inguva yoMutambo Wokuunganidza, uye Hana, uyo anogara muRama haasi kubatika nokufara. * Jehovha apindura minyengetero yake, uye Hana abereka mwanakomana. Kuti azadzikise mhiko yake, Hana anopa mwanakomana wake Samueri kuti aite basa “mumba maJehovha.” Ikoko mukomana wacho “akabatira Jehovha pamberi pomupristi Eri.” (1 Samueri 1:24; 2:11) Samueri achiri muduku zvikuru, Jehovha anotaura naye, achizivisa kutonga kwaaizoita imba yaEri. Samueri zvaanokura, vanhu vose vomuIsraeri vanosvika pakumuziva somuprofita waJehovha.

Nokufamba kwenguva, vaFiristiya vanouya kuzorwisa vaIsraeri. Vanopamba Areka uye vanouraya vanakomana vaviri vaEri. Paanonzwa kuti vanakomana vake vafa, mukweguru Eri anofa, “atonga vaIsraeri makore makumi mana.” (1 Samueri 4:18) Kupamba Areka kwakaitwa nevaFiristiya kunoita kuti zvinhu zvisavafambira zvakanaka, saka vanoidzorera kuvaIsraeri. Iye zvino Samueri ndiye ava mutongi waIsraeri, uye munyika yacho mune runyararo.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:10—Nei Hana akanyengetera kuti Jehovha ape “mambo wake simba” iko kwakanga kusina munhu aiva mambo muIsraeri? Nyaya yokuti vaIsraeri vaizova namambo yakanga yafanotaurwa muMutemo waMosesi. (Dheuteronomio 17:14-18) Muuprofita hwake hwaakataura ava kuda kufa, Jakobho akati: “Tsvimbo youshe [chiratidzo chesimba roumambo] haingabvi kuna Judha.” (Genesi 49:10) Uyezve, maererano naSara—mbuya wevaIsraeri—Jehovha akati: “Madzimambo evanhu achabva maari.” (Genesi 17:16) Saka, Hana akanga achinyengetera nezvamambo womunguva yemberi.

3:3—Samueri akarara munzvimbo tsvene-tsvene chaizvoizvo here? Aiwa, haana. Samueri aiva muRevhi wedzinza revaKohati rakanga risiri revapristi. (1 Makoronike 6:33-38) Saka, akanga asingabvumirwi “kupinda kundoona imba tsvene.” (Numeri 4:17-20) Chivanze chetebhenekeri ndiyo nzvimbo chete yaikwanisa kupindwa naSamueri mutemberi. Anofanira kunge akarara imomo. Zviri pachena kuti Eri airarawo muchivanze ichocho. Zvakajeka kuti mashoko okuti “pakanga pane areka yaMwari” anotaura nezvenzvimbo yaigara tebhenekeri.

7:7-9, 17—Nei Samueri akapa chipiriso chinopiswa paMizpa uye akagadzira atari paRama, sezvo zvibayiro zvaifanira kupiwa nguva dzose panzvimbo yaisarudzwa naJehovha chete? (Dheuteronomio 12:4-7, 13, 14; Joshua 22:19) Pashure pokunge Areka tsvene yabviswa patebhenekeri yaiva paShiro, pakanga pasisina chinhu chaimiririra Jehovha. Saka somumiririri waMwari, Samueri akapa chibayiro chinopiswa paMizpa uye akagadzirawo atari paRama. Zviri pachena kuti zviito zvose izvi zvakatenderwa naJehovha.

Zvatinodzidza:

1:11, 12, 21-23; 2:19. Pfungwa yaHana yokukoshesa kunyengetera, kuzvininipisa kwake, kuonga kwaaiita mutsa waJehovha, uye rudo rwaamai rusingaperi, muenzaniso wakanaka kuvakadzi vose vanotya Mwari.

1:8. Erikana akagadza muenzaniso wakazonaka pakusimbisa vamwe nemashoko! (Jobho 16:5) Akatanga abvunza Hana akanga akasuwa mubvunzo usiri wokupomera mhosva wokuti: “Mwoyo wako une shungu nei?” Izvi zvakamukurudzira kuti ataure manzwiro aaiita. Zvadaro Erikana akamuvimbisa kuti anomuda, nokutaura kuti: “Ko ini handikupfuuriri vanakomana gumi here?”

2:26; 3:5-8, 15, 19. Nokuramba tichiita zvose zvatinogona pabasa ratakapiwa naMwari, nokushandisa zvakanaka zvinhu zvokunamata zvatinodzidziswa, uye nokuva vanyoro uye vanoremekedza, ‘tinodiwa’ naMwari nevanhu.

4:3, 4, 10. Kunyange chinhu chitsvene seareka yesungano hachina kushanda sezango rokuzvidzivirira naro. Tinofanira ‘kuzvichenjerera pazvidhori.’—1 Johani 5:21.

MAMBO WOKUTANGA WAISRAERI—AKABUDIRIRA HERE KANA KUTI AKAKUNDIKANA?

(1 Samueri 8:1–15:35)

Samueri anoramba akatendeka kuna Jehovha kwoupenyu hwake hwose, asi vanakomana vake havafambi munzira dzaMwari. Varume vakuru vaIsraeri pavanokumbira kuti vapiwe mambo, Jehovha anovabvumira. Samueri anotevera murayiridzo waJehovha uye anozodza Sauro, murume akanaka worudzi rwaBhenjamini, kuti ave mambo. Sauro anosimbaradza chinzvimbo chake chokuva mambo nokukunda vaAmoni.

Mwanakomana waSauro akashinga Jonatani anokunda boka revarwi revaFiristiya. VaFiristiya vanouya kuzorwa nevaIsraeri vaine uto guru. Sauro anotya uye iye pachake anopa chibayiro chinopiswa nenzira yokusateerera. Aine mutakuri wezvombo zvake chete, Jonatani akashinga anorwisa zvakare rimwe boka revarwi revaFiristiya. Zvisinei, mhiko yaSauro yaakaita asina kufunga, inoita kuti kukunda kwacho kusaenderera mberi. Sauro ‘anorwa’ nevavengi vake vose. (1 Samueri 14:47) Zvisinei, akunda vaAmareki, anotadza kuteerera Jehovha nokuchengeta zvinhu zvakanga ‘zvakatsaurwa kuti zviparadzwe.’ (Revhitiko 27:28, 29) Pakupedzisira, Jehovha anoramba Sauro samambo.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

9:9—Chii chakakosha pamashoko okuti “unonzi Muprofita zvino wainzi Muoni kare”? Mashoko aya angaratidza kuti sezvo vaprofita vakanyanya kukurumbira mumazuva aSamueri uye panguva yemadzimambo muIsraeri, shoko rokuti “muoni” rakatsiviwa nerokuti “muprofita.” Samueri anonzi ndiye muprofita wokutanga.—Mabasa 3:24.

14:24-32, 44, 45—Jonatani haana kuzofarirwa naMwari here pamusana pokudya uchi kwaakaita achiputsa mhiko yaSauro? Hazviiti sokuti chiito ichi chakaita kuti Jonatani asafarirwa naMwari. Chokutanga, Jonatani akanga asingazivi nezvemhiko yababa vake. Uyezve, mhiko yacho, iyo yakakurudzirwa nokushingaira kwokunyepera kana kuti nemaonero asiri iwo esimba rake roumambo yakaita kuti vanhu vasangane nezvinetso. Mhiko yakadaro yaizotenderwa sei naMwari? Kunyange zvazvo Jonatani akanga achida kugamuchira migumisiro yokuputsa mhiko yacho, haana kuurayiwa.

15:6—Nei vaKeni vakaratidzwa mutsa chaiwo naSauro? VaKeni vaiva vanakomana vatezvara vaMosesi. Vakabatsira vaIsraeri pavakasimuka vachibva paGomo reSinai. (Numeri 10:29-32) Munyika yeKanani, vaKeni vakambogara nevanakomana vaJudha kwenguva yakati. (Vatongi 1:16) Kunyange zvazvo vakazogara pakati pevaAmareki nemamwewo marudzi akasiyana-siyana, vaKeni vakaramba vaine ukama hwakanaka nevaIsraeri. Saka pakanga paine chikonzero chakanaka chokuti Sauro arege kuuraya vaKeni.

Zvatinodzidza:

9:21; 10:22, 27. Kuva nomwero uye kuzvininipisa kwaiva naSauro paakatanga kuva mambo kwakaita kuti arege kuita zvinhu nenzira youpenzi paaishorwa nevamwe vanhu “vakaisvoipa” vakanga vasingabvumi kuti ava mambo. Zvechokwadi kuva nemafungiro akadaro kunodzivirira pazviito zvoupenzi!

12:20, 21. Usambofa wakabvumira “zvinhu zvisina maturo,” zvakadai sokuvimba nevanhu, kuvimba nesimba remauto emarudzi, kana kunamata zvidhori kuti zvikutsause pakushumira Jehovha.

12:24. Chinhu chinokosha chinobatsira kuti tirambe tichitya nokuremekedza Jehovha uye kumushumira nomwoyo wedu wose ‘kurangarira zvinhu zvikuru zvaakaitira’ vanhu vake kare uyewo mazuva ano.

13:10-14; 15:22-25, 30. Ngwarira kuzvikudza—kungaratidzwa nokusateerera kana kuti kudada.—Zvirevo 11:2.

MUKOMANA ANOFUDZA MAKWAI ANOSARUDZWA KUVA MAMBO

(1 Samueri 16:1–31:13)

Samueri anozodza Dhavhidhi wedzinza raJudha kuti ave mambo womunguva yemberi. Izvozvo zvichangoitika, Dhavhidhi anouraya hofori yechiFiristiya Goriyati nechipfuramabwe chimwe chete. Ushamwari hwakasimba hunotanga pakati paDhavhidhi naJonatani. Sauro anoita kuti Dhavhidhi ave mutungamiriri wevarwi vake. Vachirumbidza kukunda kakawanda kwakaitwa naDhavhidhi, vakadzi vaIsraeri vanoimba vachiti: “Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.” (1 Samueri 18:7) Azadzwa neshanje, Sauro anoedza kuuraya Dhavhidhi. Apotswa katatu naSauro, Dhavhidhi anotiza achibva angotanga kudzungaira nenyika.

Mumakore aakanga achidzungaira, Dhavhidhi anorega kuuraya Sauro kaviri. Anosanganawo netsvarakadenga inonzi Abhigairi uye anopedzisira airoora. VaFiristiya zvavanouya kuzorwa nevaIsraeri, Sauro anobvunza kuna Jehovha. Asi Jehovha amusiya. Samueri afa. Apererwa, Sauro anobvunza svikiro, obva angoudzwa kuti achaurayiwa paanenge achirwisana nevaFiristiya. Pakurwisana kwacho, Sauro anokuvadzwa kwazvo, uye vanakomana vake vanourayiwa. Nhoroondo yacho inoguma Sauro achifa akundikana. Dhavhidhi achakavanda.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

16:14—Mudzimu wakaipa wakanetsa Sauro chaiva chii? Mudzimu wakaipa wakaita kuti Sauro asava norugare rwepfungwa yakanga iri pfungwa yakaipa yaiva mundangariro dzake nomumwoyo make—chido chaiva maari chokuda kuita zvakaipa. Jehovha paakabvisa mudzimu mutsvene wake, Sauro akanga asingachadzivirirwi nawo uye akabva atanga kudzorwa nomudzimu wake wakaipa. Mwari zvaakabvumira kuti mudzimu iwoyo utsive mudzimu Wake mutsvene, mudzimu wakaipa uyu unonzi “mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha.”

17:55-58—Maererano nezviri pana 1 Samueri 16:17-23, nei Sauro akabvunza kuti Dhavhidhi aiva mwanakomana waani? Sauro akanga asiri kungobvunza zvake zita rababa vaDhavhidhi. Zvimwe aida kuziva kuti baba vekakomana kakanga kaita zvinoshamisa kudaro zvokuuraya hofori vakanga vari murume akaita sei.

Zvatinodzidza:

16:6, 7. Pane kufadzwa nezvinooneka kunze zvevamwe kana kungokurumidza kuvatonga, tinofanira kuedza kuvaona semaonerwo avanoitwa naJehovha.

17:47-50. Tinogona kushinga patinoshorwa kana kutambudzwa nevavengi vakaita saGoriyati nokuti “kurwa ndokwaJehovha.”

18:1, 3; 20:41, 42. Shamwari dzechokwadi dzingaonekwa pakati pevaya vanoda Jehovha.

21:12, 13. Jehovha anotarisira kuti tishandise masimba edu okufunga uye mano edu kubata nemamiriro ezvinhu akaoma muupenyu. Akatipa Shoko rake rakafuridzirwa, rinotipa uchenjeri, zivo uye mano okufunga. (Zvirevo 1:4) Tinewo rubatsiro runopiwa nevakuru vechiKristu vakagadzwa.

24:6; 26:11. Dhavhidhi anoratidza muenzaniso wakanaka sei wokuratidza kuremekedza zvechokwadi vakazodzwa vaJehovha!

25:23-33. Kungwara kwaAbhigairi kunoratidza muenzaniso wakanaka.

28:8-19. Painenge ichiedza kutsausa kana kuti kukuvadza vanhu, midzimu yakaipa inganyepedzera kuva vamwe vanhu vakafa. Hatifaniri kuita zvemidzimu zvipi nezvipi.—Dheuteronomio 18:10-12.

30:23, 24. Chisarudzo ichi, chinobva pana Numeri 31:27, chinoratidza kuti Jehovha anokoshesa vaya vanoita mabasa okutsigira muungano. Saka chipi kana chipi chatinoita, ngatichiite “nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.”—VaKorose 3:23.

Chii Chi“nokunda Zvibayiro”?

Ndechipi chokwadi chinokosha chinosimbiswa nezvakaitika kuna Eri, Samueri, Sauro uye Dhavhidhi? Ndeichi: “Kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata zvifananidzo neterafimi.”—1 Samueri 15:22, 23.

Iropafadzo yakadini yatinayo yokuitawo basa rokuparidza Umambo munyika yose uye kuita vadzidzi! Sezvatinopa Jehovha ‘nzombe duku dzemiromo yedu,’ tinofanira kuita zvatinogona kuteerera nhungamiro yaanopa achishandisa Shoko rake rakanyorwa uye chikamu chesangano rake chepasi pano.—Hosea 14:2; VaHebheru 13:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kuti uzive kwaiva nenzvimbo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa mubhuku raSamueri wokutanga, ona mapeji 18-19 ebhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mambo wokutanga waIsraeri akachinja kubva pakuva mutongi anozvininipisa kusvika ava mambo anodada uye anozvikudza

[Mufananidzo uri papeji 24]

Tingava nechivimbo chei patinopikiswa nevavengi vakaita saGoriyati?